Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndichafanana Nomukoma Wangu Here?
“UUCHAFANANA chaizvo nomukoma wako! Ngwarira, kana kuti uchaguma waita sezvaakaita chaizvo!”
Kana une hanzvadzikomana kana kuti hanzvadzisikana yakatsauka—uyo zvichida akabviswa mumusha wavabereki vako, akaiswa mujeri, kana kuti akadzingwa muungano yechiKristu—aya mashoko anorwadza angasava matsva kwauri. Vabereki, vadzidzisi, hama dzokunyama chaidzo, uye kunyange vamwe vezera rako vangaadzokorora vaadzokororazve. Dzimwe nguva unganzwa kuti shamwari dzakati dziri kukudzivisa.
Chokwadika, kuva nomukoma anoronda nzira yokutsauka ndichinoitika chinorwadza icho chimene. Musikana anonzi Carol, ane hanzvadzi yake yakadzingwa (kutandwa) muungano yechiKristu, anoyeuka, kuti: “Ndakanga ndiri pedyo zvikuru nehanzvadzi yangu kupfuura munhu upi noupiwo zvake. Apo akarega kuva muKristu, kwakanditapura zvikuru kwazvo.”a Becky, uyo akanga ane makore 15 okukura apo mukoma wake akadzingwa, nenzira yakafanana anoyeuka, kuti: “Ndinogona kuyeuka zuva raakandiudza kuti akanga adzingwa. Ndakarwadziwa zvikuru kwazvo uye ndakanetseka zvikuru. Ndakanzwa ndasiiwa. Aigona sei kuita ikoku kwatiri?”
Kunorwadzawo kurasikirwa nekurukurirano yakasununguka iyo mumwe aifarikanya nomukoma wake. Becky anochema, kuti: “Taiva pedyo zvikuru. Ndakarasikirwa nokukwanisa kutaura naye nokuita zvinhu pamwe chete naye.” Wedzera kukurasikirwa ikoko kuodzwa mwoyo kwokuona kukundikana kwomumwe munhu wawakatarira kwaari somuenzaniso. Imwe pwere inonzi Marvin inotaura pamusoro pomukoma wayo, kuti: “Taitarira kwaari. Asi zvino takanga tisisinaye zvakare.”
Rutivi runorwadza zvikurusa rwako kwose, kunyange zvakadaro, rungava rutyo runoramba ruripo rwokuti ungava nomugumo wokuita nenzira imwe cheteyo.
Kutevera Mutungamiri Here?
Mune kumwe kunzvera, 64,9 muzana yepwere dzakabvuma kuva dzinopesvedzerwa nenzira ine simba nomukoma. Mumwe musikana akati: “Hanzvadzi yangu . . . yaipesvedzera zvikuru upenyu hwangu. Nguva dzose airatidza fariro chaiyo mandiri. Aienda neni kune dzimwe nzvimbo pamwe neshamwari dzake, akandidzidzisa kunyora, kusunga shangu dzangu, uye nguva dzose aivapo kana ndaiva nechinetso chiduku zvikurusa.”—Adolescents and Youth, rakanyorwa naDorothy Rogers.
Naizvozvo apo mukoma anokudzwa anopanduka kamwe kamwe, “vachiri kuyaruka vanowanzoora mwoyo,” mukuwirirana nomunyori Joy P. Gage. Iye anorondedzera nhau yomusikana anonzi Linda uyo akatarira kuhanzvadzi yake. Apo akasiya mudzimai wake kamwe kamwe, muenzaniso unodiwa waLinda “wakanyangarika.” Joy Gage anoti: “Iyi hanzvadzi yaakanga anzwa ane mutoro zvikuru wokutevedzera yakanga isisina kukodzera kutevedzerazve.” Somuuyo, “Linda akashatirwa. Iye akatobatwa noruzazu.” Linda akavamba kuedza kunwa zvinwiwa zvinodhakisa.—When Parents Cry.
Kuita kwokunyanyisa kwakadaro hakusati kuri kwechienzi. Kutaura idi, bhuku rinonzi How to Survive Your Child’s Rebellious Teens, rakanyorwa naMyron Brenton, rinotaura kuti “kumwero mukuru zvikuru kana kuti muduku zvikuru, vamwe vana vari mumhuri vanotapurwa nguva dzose nomufambiro wokupanduka womukoma.” Brenton anotsanangura kuti dzimwe nguva pwere dzasara mumhuri “dzinonzwa dzatyisidzirwa. Nenzira yokutya idzo dzinobvunza, kuti: ‘Ikoku kunogona kuitika kwandiri here? Ndichazomboita upenzi ihwohwu here? Ndine rudzi irworwo rwoupenzi mandiri here?’”
Sarudza Nzira Yakasiana
Kupi nokupi kwaikoku kunoreva, zvisinei, kuti iwe wakatemerwa kutevera muenzaniso wakashata womukoma wako here? Nyangwe. Une simba rokuzvisarudzira umene nzira yauchatora. (Enzanisa naJoshua 24:15.) Pwere dzakawanda dzaitya Mwari munguva dzeBhaibheri dzakaita saizvozvo chaizvo.
Somuenzaniso, rangarira muduku Jakobho. Munyambiri wake, Esau, akanga ari mumwe “asingaongi zvinhu zvinoyera.” (VaHebheru 12:16, NW) Jakobho, zvisinei, akava murume wokutenda asina chaanopomerwa. (Genesi 25:27; VaHebheru 11:21) Eriezari naItamari, vanakomana vaduku vaviri vaAroni, vakaramba vakatendeka mubasa raJehovha apo vakoma vavo, Nadhabhi naAbhihu, vakaurawa naJehovha. Ava vakoma sezviri pachena vakaurawa nokuda kwokupfuura mabasa avo ouprista vari mukupesvedzera kwezvinwiwa zvinodhakisa. Asi Eriezari kana kuti Itamari havana kutevedzera vakoma vavo, uye vose vari vaviri vakafarikanya ropafadzo savaprista vaJehovha Mwari.—Revhitiko 10:1-11.
Iwewo unogona kusarudza nzira youmwari yomufambiro ndokudzivisa kuunza kurwadziwa mwoyo kwauri umene nokuvabereki vako.
‘Vari Kundidzivisa’
Kunyanguvezvo, Carol anonyunyuta, kuti: “Munhu ari wose ari kumirira kuti ndiite chikanganiso. Vamwe vabereki vanotofunga kuti ndichava pesvedzero yakashata pavana vavo.” Zvichida dzimwe nguva unonzwa nenzira iyoyo iwe umene. Asi icho chingaratidzika kuva kunzvera kusina tsitsi chinowanzoguma nokuva itiro hanya ine sundo yakaisvonaka. Kunyanguvezvo, sezvo vanokuona uchipfuurira kuchengeta mufambiro wako wakanaka, funganyo dzavo kazhinji kazhinji dzichadzima.—Enzanisa na 1 Petro 2:12.
Neiko, kunyange zvakadaro, dzimwe shamwari dzakava kure newe kamwe kamwe? Zvimwe ikoku kuri, kwete zvikuru nemhaka yokuti havakuvimbi, asi nemhaka yokuti havangozivi zvavo chokutaura. Vanganzwa vasina kukodzera kukusvika, vachiziva kuti iwe nemhuri yenyu makava nokurwadziwa kukuru zvikuru; zvimwe vanotya kuti vachataura chinhu chisina kururama. Kuregerereiko kuita zvaunogona kugumisa mugariro wacho kupfurikidza nokutanga kurukurirano? Edza kuva akadzikama uye ane mutsa kana vamwe vakabvunza mibvunzo inokwenudza, yakadai sokuti, “Chii chakaitika kumukoma wako?”
Sezvinobvumwa, vamwe vangaratidzika kuva vanokudzivisa. Uye apo vanhu vanokubata sokunge kuti uri munhu akashata, kunoedza kunzwa kuti ungasanopfuurirawo ndokuita zvinhu zvakashata. Nguva dzose yeuka, kunyange zvakadaro, mashoko aVaGaratia 6:9, anoti: “Ngatirege kuneta pakuita zvakanaka, nokuti tinozocheka nenguva yakafanira, kana tisingaori mwoyo.”
Kazhinji kazhinji, nhambo yokutanga yokuzengurira nokukurumidza inopfuura. Becky muduku anoti: “Pashure penguva yakati vanhu vakavamba kundibata sezvavakaita kare.” Iye anowedzera, kuti: “Idi rokuti shamwari dzangu dzose hadzina kundidzivisa rakanga riri betsero huru. Vaidisa kundibetsera.” Mazhinjisa amaKristu biyako achakubetserawo. Vanogona kuita zvakawanda kukubetsera “[ku]gadzirira tsoka dzenyu nzira yakarurama.”—VaHebheru 12:13.
Jekesa Zvinhu Mukurukurirano
Chokwadi, pane dzimwe nguva unganzwa nenzira yakafanana nomurume muduku anonzi Fred ane mukoma wake akadzingwa. “Ndaingoramba ndiri ndoga,” iye anotaura kudaro. “Asi ndakacherekedza kuti hakuna kubetsera ini kana kuti vabereki vangu kuchengeta makunzwa mukati.” Hungu, dzivisa kuzviparadzanisa umene, zvikurukuru navabereki vako. (Zvirevo 18:1) Marvin anopa zano rakanaka apo anotaura, kuti: “Zvijekese mukurukurirano nomumwe munhu. Unofanira kudaro!”
Somuenzaniso, vamwe vari muungano vanoratidzika kuva vari kukubata nenzira isina ushamwari here? Vabereki vako vangakwanisa kubetsera kana ukavazivisa nezvechinetso chacho. Kana kuti zvimwe wakakangaidzika nemhaka yokuti vabereki vako vari kupa ngwariro yavo yose pamukoma wako akatsauka uye vachifuratira zvinodikanwa zvako. Usazvibata zvisina kunaka kuti ukwevere ngwariro yavo. Panzvimbo pezvo, taura navo zvapachokwadi, uye ita kuti vazive nzira yaunonzwa nayo.
Fred aiwanzoshandisa fundo yeBhaibheri yemhuri kuita ikoku. “Kana ndaiva nechinetso, ndaizoshandisa banza iroro kutaura nhau yacho naBaba naAmai.” Kupfurikidza nekurukurirano dzakadaro ungabetserwa kunzwisisa kuti mugariro wacho wakava unoparadza zvakadini kuvabereki vakowo. Panguva imwe chete, vachanzwisisa zviri nani kunzwa kwako uye zvimwe vacharonga kukupa ngwariro yomunhu oga yakawanda.
Chokwadika, hadzisi pwere dzose dzine vabereki vanotya Mwari. Kana kwakadaro kuri mugariro wacho, edza kujekesa zvinhu mukurukurirano nomuKristu akakura mumudzimu. (Zvirevo 17:17) Kunobetserawo kuramba wakabatikana mumibato yomudzimu. “Unotofanira kuratidza kuti haudi zvomenemene kuva akashata,” anodaro Marvin. “Uye apo unoramba uchishingaira uye uchiratidza kuti unoda zvomenemene zvokwadi, hama dzako dzechiKristu sezvingabvira zvikuru dziripo kuti dzikutsigire.”
Muchinoitika chipi nechipi, nguva dzose une tsigiro yaBaba vako vokudenga. (Pisarema 27:10) “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake,” inodaro Pisarema 62:8. Iye anogona kubatira soutiziro chaihwo nokuda kwako. Iye anonzwisisa zvirokwazvo zvauri mukati, kunyange kana vamwe vakasakunzwisisa kana kuti kukutongera zvisina kururama.—1 Samueri 16:7.
Unogona Kuva Akasiana
Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Munhu akangwara unoona zvakaipa ndokuvanda.” (Zvirevo 22:3) Hungu, kana ukatongoedzwa kutevera mukoma wako, funga zvibereko zvake zvakashata. Becky anoti: “Kuona miuyo yokuita kwehanzvadzi yangu kwakandibetsera kudzivisa kupinda muchinetso ini ndimene.”
Fred, Marvin, uye Becky—vanokorwa mashoko munyaya ino—vakava vakasiana navakoma vavo vakatsauka; mumwe nomumwe akaronda basa muushumiri hwechiKristu. Zvakadiniko newe? Nguva dzose ungada mukoma wako. Asi haufaniri kurarama kufanana naye. Unogona kuita zvisarudzo zvako umene. Unogona kuva akasiana.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Haudikanirwi kukumbanira mukoma wako mukupanduka