Vadzidzisi Vanopa Chisiko Banza
Chimwe chikoro muBerlin, Germany, chakaratidzira pachidziro chihombe mufananidzo wakaratidzira zvisikwa zvakafanana neape zvinotaurwa kuti zvakashanduka-shanduka kuva munhu wazvino uno. Pakusvika kuchikoro rimwe zuva, vadzidziswa vakawana kuti mufananidzo wakanga wakafukidzwa nependi chena. Chii chakaitika?
Mumwe mudzidziswa wezera ramakore 16 anonzi Natalie, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akabvunza mudzidzisi wake woruzivo rwezvinhu zvipenyu chikonzero nei mufananidzo wakanga wadzimwa. Mudzidzisi akatsanangura kuti mumwe mudzidzi akanga amupa kopi yake yaLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Bhuku racho rakamuorora zvikuru zvokuti akariratidzira kuna vamwe vadzidzisi vanoshanda muruzivo rwezvinhu zvipenyu vechikoro. Bhuku racho rakavafadzawo.
Vadzidzisi, naizvozvo, vakaita chisarudzo chokufukidza mufananidzo nependi, sezvo ivo vakati, ‘kudzivisa kudzora ndangariro dzavadzidziswa pachine nguva mberi.’ Naizvozvo panzvimbo pokudzidzisa vadzidziswa rondedzero bedzi yemhindumupindu, vadzidzisi vakarongedzera pamusoro pokudzidzisawo chisiko, vachishandisa mashoko anobva muLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?
Ichi chinyorwa chinofadza chinobudiswa neZvapupu zvaJehovha, izvo zviri sangano ramarudzi ose ravanopfuura vadzidzi veBhaibheri vana mamirioni mana avo vakazvipira kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro pamadonzo aMwari. Kana uchida kuva namamwe mashoko kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.