Chikonzero Nei Ndakasiya Huprista nokuda Kwoushumiri Huri Nani
INI ndakagadzwa somuprista weKaturike pana July 31, 1955, pazera ramakore 24. Kwakanga kuri kuguma kwamakore 12 okuumbika akapedzerwa muchikoro chavafundisi vakuru vanodzora vamwe vafundisi, Rachol, Goa, India. Uye chii chakanga chaparira mandiri chishuvo chokuva muprista?
Ndakaberekerwa muBombay, India, pana September 3, 1930. Gore rakatevera racho, baba vangu vakarega basa, uye mhuri yakagara muSalvador do Mundo, Bardez, Goa, pamhenderekedzo yokumaodzanyemba kwakadziva kumadokero yeIndia. Ndini ndakanga ndiri mudukusa wavana vana. Kubvira paucheche ndakarererwa mutsika negamuchidzanwa zvechiKaturike chechiPutukezi, izvo zvave zviriko muGoa chifo cha 1510, apo yakaitwa nyika inotongwa nePortugal.
Vabereki vangu, vakatendeka kuzvitendero zvavo, vakanga vari vaKaturike vanoshingaira avo gore rimwe nerimwe vaichengeta Krisimisa, Lent, Isita, uye mitambo mukukudzwa kweMhandara Maria na“vasande” vanoverengeka. Vaprista vaitora rutivi muuku kuchengeta vaiwanzopiwa nzvimbo yokugara mumusha medu, pane dzimwe nguva kwaanopfuura mazuva gumi panguva. Nokudaro, takava noukama hunopfuurira navo, uye segotwe ini ndakaororwa navo.
Basa Rangu muGoa, Salamanca, uye Rome
Ini ndakatanga ushumiri hwouprista nembavarira huru, uye ndakanga ndisitongorina panikiro kana zvoita sei pamusoro poururami hwedzidziso nemiitiro zveChechi yeKaturike. Mumakore angu manomwe okutanga oushumiri muGoa, ndakaita mabasa enzanga noufudzi paSt. Thomas Chapel muPanaji, dzimbahwe reGoa. Munguva imwe cheteyo, paPolytechnic Institute yehurumende yapanguva iyeyo yePortugal, ndaiva nomugove webasa risiri rorudzidziso waiva namabasa maviri—purofesa uyewo mutungamiriri wenzvimbo yekoreji.
Muna 1962, ndakatumirwa kuUniversity of Salamanca, muSpain, uko ndakawana PhD yangu muUzivi hwoMutemo neCanon Law. Mukati menguva yerovedzo yangu yokubata somutongi, zvimwe zvezvifundo zvandaifunda, zvikurukuru Mutemo weRoma neNhau yeCanon Law, zvakandikuchidzira kuti ndifeyefeye kuti bumbiro remitemo reChechi yeKaturike rakanga ratanga sei uye rawedzera kusvikira kupfundo rokuzivisa papa somutsivi waPetro ane ‘hubhishopi hukuru hwesimba pachechi.’
Ndakafara kuti rongedzero dzakanga dzichiitwa nokuda kwefundo dzangu dzouchiremba hworuzivo rwaMwari muRome, Italy, uko ndaizova nebanza rokudzidza zvakawanda pamusoro pomutumbi unodzora wavaprista wechechi. Ndakatamira kuRome mumadziya a 1965.
Panguva ino dare ravose reVatican II rakanga rasvika mugumo waro. Apo ndakanga ndichironda zvifundo zvangu zvezivo yaMwari, ndakava nekurukurirano dzinofadza navafundisi vanoverengeka uye “Fathers of the Council” avo vaishora vezvokusachinja zvikurusa mudare. Papa anotonga akanga ari Paul VI, uyo ndaionana naye somunhu oga munzvimbo yangu somutevedzeri wapurezidhendi weSangano raVaprista reIndia muRome.
Rwisano Dzapakuvamba Nepanikiro
Munguva yose yeidzi onano uye fundo dzangu nokunzvera nokuda kweiyi misoro youchiremba, ndakava nebanza rokuwana imwezve nzwisiso munhau nokutanga kwechimiro chehwaro hweChechi yeKaturike.a Mukupesana nemirangariro yavezvokusachinja mudare, avo vakanga vakarovedzana norudzi rwaPius XII’s (1939-58) rwoumambo hwakakwana, vezvokuchinja pakupedzisira vakakwanisa kuwana tendero yedare reDogmatic Constitution on the Church (musoro wechiLatin, Lumen Gentium, Chiedza chaMarudzi). Pakati pedzimwe nhau, muganhuro 3 yakabata namaruramiro amabhishopi okutora rutivi somutumbi nechiremera chikuru chapapa pamusoro pechechi. Iyi dzidziso yakanga yakasimbiswa zvikuru mugamuchidzanwa asi yairangarirwa kuva yokutenda kusika uye yokumukira navezvokusachinja.
Zvisinei, ndakawana mirangariro yose iri miviri kuva isingagamuchiriki, sezvayaishaiwa zvokwadi yeEvhangeri. Iyo imonyaniswo yaMateo 16:18, 19 uye inobvumira dzidziso dzose dzakapfuura nedzomunguva yemberi dzisiri dzapamagwaro nedzidziso dzisingapokanidzwi dzechechi.b Ndakacherekedza kuti mashoko echiGiriki anoshandiswa muurwu rugwaro, peʹtra (shoko rechikadzi), rinoreva kuti “ruware,” uye peʹtros (shoko rechirume), rinoreva kuti “chimedu chedombo,” haana kushandiswa naJesu samashoko ane revo imwe cheteyo. Kupfuurirazve, kudai Petro akanga apiwa hubhishopi soruware, seibwe rapakona, pangadai pasina kuva negakava pakati pavaapostora gare gare pamusoro pokuti ndiani ari mukurusa pakati pavo. (Enzanisa naMarko 9:33-35; Ruka 22:24-26.) Uyewo, Pauro angadai asina kutsunga kutsiura Petro pamhene nokuda kwo“kusafamba zvakarurama mukuwirirana nezvokwadi yamashoko akanaka.” (VaGaratia 2:11-14, NW) Ndakasvika pamhedziso yokuti vateveri vose vakaberekwa nomudzimu vaKristu nenzira yakaenzana vakafanana namabwe, vaina Jesu seibwe ravo rapakona renheyo.—1 VaKorinte 10:4; VaEfeso 2:19-22; Zvakazarurwa 21:2, 9-14.
Mwero wakakwirira wedzidzo nechimiro chomufudzi zvandakawana netsinhano huru zvikuru yemifungo yandakanga ndinayo, ndakava ari kure zvikuru mundangariro nomwoyo nedzidziso dzisingapokanidzwi dzakasiana-siana dzeChechi yeKaturike, zvikurukuru dziya dzine chokuita nokugadzwa kwouprista muchimiro che“Chibairo Chitsvene cheMisa” ne“Sakaramende Yakakomborerwa Zvikurusa yeChidyo chaShe”—inonzi kushanduka kwechingwa newaini zvechidyo kuti zvive muviri neropa zvaShe Jesu.
Mumataurire echiKaturike, “Chibairo Chitsvene cheMisa” iyeukwo inopfuurira nemutsidzirwo isine ropa yechibairo chaJesu pa“chipiyaniso.” Asi Magwaro echiKristu echiGiriki ose zvawo netsamba yaPauro yokuvaHebheru zvikurukuru akanga akajeka zvakandiringanira kugumisa kuti chibairo chaJesu chakanga chiri chibairo chakakwana. Basa rake rakanga rakakwana. Chakanga chisingadi uye chakanga chisina kukombamira kuwedzero dzipi nedzipi, dzokororwo, kana kuti vandudziko. Chibairo chakapiwa “kamwe chete nokuda kwenguva yose.”—VaHebheru 7:27, 28, NW.
Kutsvaka Kwangu Zvokwadi Kunopfuurira
Kuti ndizviedze ndimene, ndakapfuurira kushandira maruwa anoverengeka amabhishopi uye maruwa amabhishopi makuru muWestern Europe, maruwa amabhishopi makuru eNew York, uye ruwa rwamabhishopi eFairbanks, Alaska. Wakanga uri muedzo unorwadza wamakore mapfumbamwe mukutsvaka kwangu zvokwadi. Ndakanga ndichibatikana zvikuru munhau dzokudzora, ruzivo rwemitemo yavafundisi, uye muitiro wokutonga. Ndaidzivisa zvikuru sezvandaigona misa yemiitiro nezvinoitika. Denho hurusa yakanga iri iya yokutaura Misa yezuva nezuva. Yakaparira rwisano yakakomba yokunzwa nemirangariro nemhaka yokuti ndakanga ndisingadaviri chibairo chisina ropa chinodzokororwa chaKristu kana kuti kushanduka kwechingwa newaini zvechidyo kuti zvive muviri neropa zvaShe Jesu kana kuti huprista hwesacral hwapasi hunodikanwa kuti uite nomutoo unoshanda uye nomutoo wapamutemo “mashiripiti” okushanduka kwechingwa newaini zvechidyo kuti zvive muviri neropa zvaShe Jesu.
Mukati meDare Rechipiri reVatican, pakamuka bope pamusoro paaya “mashiripiti.” Vezvokuchinja vaitungamirirwa nomutumbi unodzora wavaprista veKaturike weDutch vakatsigira “kushanduka kwechingwa newaini zvechidyo kuti zvive muviri neropa zvaShe Jesu,” ndiko kuti, chingwa newaini zvinongoreva bedzi kana kuti zvinomirira muviri neropa zvaKristu. Kune rumwe rutivi, vezvokusachinja vokunyanyisa, vaitungamirirwa nomutumbi unodzora wavaprista veKaturike weItaly, vakadzivirira zvakasimba “kushanduka kwechingwa newaini zvechidyo kuti zvive muviri neropa zvaShe Jesu,” ndiko kuti, kuchinja kwechimiro chechingwa newaini kuva chimiro chechokwadi uye chaichoicho chomuviri neropa zvaKristu kupfurikidza na“mashoko okutsvenesa” anotaurwa mukati meMisa. Nokudaro, kutaura kwakanga kuri kwokuti: ‘MuHolland zvinhu zviri zvose zvinochinja kunze kwechingwa newaini, nepo muItaly hapana chinhu chinochinja kunze kwechingwa newaini.’
Ndinoparadzana Nechechi
Nokuda kwokumirirwa kusakafanira kwakadaro kwaKristu neevhangeri yake, ndakaodzwa mwoyo zvikuru kwazvo uye ndakakangaidzika zvikuru zvokuti nharidzano yangu yokukudza Mwari ndokuponesa mweya haina kusarudzwa nedzidziso dzenhema. Nokudaro, muna July 1974, ndakarega pakupedzisira hushumiri hwokushingaira nomukumbiro werivhi yenguva isingazivikanwi. Kwakanga kusina mufungo uye kusingagamuchiriki kwandiri kuti ndikumbire kuhesvurwa pamhiko dzohuprista idzo dzakanga dzisina hwaro hweBhaibheri. Somuuyo, kubvira pana July 1974 kusvikira kuna December 1984, ndakaramba ndiri akaparadzana norudzidziso rupi norupi. Handina kusonganirana norudzidziso rumwe rupi norupi rwechiKristudhomu nemhaka yokuti hapana norumwe rwawo rwakanga rune mhedziso dzangu pamusoro poUtatu, kusafa kwomweya, mufungo wavanhu vose vakarurama vanowana upenyu husingaperi mudenga, uye chirango chehero yomwoto chisingatongoperi. Ndairangarira idzi dzidziso sezvibereko zvechihedheni.
Rugare Nomufarwa Zvomukatikati
Kuparadzana kwangu norudzidziso kwakaguma muna December 1984. Munzvimbo yangu somutarisiri weCredit and Accounts Receivables Department reAnchorage, Alaska, bhizimisi, ndaitofanira kukurukura mainivhoisi anoverengeka nomukwereti, Barbara Lerma. Akanga ari muchimbi-chimbi uye akataura kuti aitofanira kundopinda “fundo yeBhaibheri.” Kutaura kwokuti “fundo yeBhaibheri” kwakakweva ngwariro yangu, uye ndakamubvunza mibvunzo mishomanene yeBhaibheri. Pakarepo uye nomutoo unobudirira akandipa mhinduro dzapaMagwaro dzakanga dzichitiwiriranei nemhedziso dzangu ndimene dzedzidziso. Achiwana kuti ndakanga ndine mibvunzo yakawanda, Barbara akaita kuti ndionane naGerald Ronco, akanga ari pahofisi yebazu reZvapupu zvaJehovha muAlaska.
Kurukurirano dzinovaka dzine chokuita neBhaibheri dzakatevera dzakandiunzira rugare nomufarwa zvomukatikati. Ava ndivo vakanga vari rudzi rwavanhu vandakanga ndichitsvaka—vanhu vaMwari. Ndakanyengetera kuna Mwari nokuda kwenhungamiro uye munguva yakafanira ndakavamba kusonganirana neZvapupu zvaJehovha somuparidzi asina kubhapatidzwa wamashoko akanaka. Ndakashamiswa zvamazvirokwazvo kudzidza kuti dzimbahwe reiri sangano rakanga riri muBrooklyn, New York, makiromita mashomanene bedzi kubva paHoly Family Church muManhattan, apo ini ndakanga ndabatira (muna 1969, 1971, uye 1974) somufudzi anosonganira weParish Church of the United Nations.
Kubetsera Mhuri Yangu Kuona Zvokwadi
Pashure pemwedzi mitanhatu yokusonganirana neZvapupu zvaJehovha muAnchorage, ndakatamira kuPennsylvania pana July 31, 1985. Muno ndakava neropafadzo yokugovera mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha kumuzukurusikana wangu Mylene Mendanha, uyo akanga achironda fundo dzokupedza chikoro mubiochemistry paUniversity of Scranton. Apo Mylene akaziva kuti ndakanga ndichitsvaka Zvapupu zvaJehovha, akashamiswa, sezvo iye pakutanga akanga audzwa zvisina kufanira kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri sekete. Pakutanga haana kutaura chinhu chipi nechipi kwandiri nemhaka yokuti aindiremekedza sasekuru vake uye muprista uye akanga ane ruremekedzo rukuru nokuda kwedzidzo yangu nezviwanwa zvoufudzi.
Svondo yakatevera, Mylene akaenda kuChechi yeKaturike nokuda kweMisa, uye ini ndakaenda kuHoro yoUmambo nokuda kwehurukuro yeBhaibheri nefundo yeNharireyomurindi. Madeko iwayo amene takagara pamwe chete, iye aine Jerusalem Bible yeKaturike uye ini ndine New World Translation of the Holy Scriptures. Ndakamuratidza zita rokuti Yahweh muBhaibheri rake newirirano, Jehovha, muNew World Translation. Akafara kuziva kuti Mwari ane zita uye kuti anoda kuti tidane paari nezita rake. Ndakamuudzawo kuti dzidziso yoUtatu, yokushanduka kwechingwa newaini zvechidyo kuti zvive muviri neropa zvaShe Jesu, uye yokusafa kwomweya dzakanga dzisati dziri dzapamagwaro sei ndokumuratidzira magwaro akakodzera. Akangoshamiswa bedzi!
Fariro yaMylene yakakuchidzirwazve apo ndakamuudza pamusoro petariro youpenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. Pamberi paikoko akanga achizvidya mwoyo pamusoro pokuti chii chaizoitika kwaari parufu. Aifunga kuti akanga asiri mutsvene zvakaringanira kuenda zvakananga kudenga, asi haana kufunga kuti akanga akaipa zvikuru zvokuti aifanira kushurukidzirwa kuchirango chehero yomwoto usingaperi. Nokudaro, kwokutendeukira bedzi mundangariro make kwakanga kuri kupurigatori, uko aizotofanira kumirira nomutoo wokushivirira minyengetero yavanhu uye nokuda kweMisa kuti zvimukwidze kudenga. Zvisinei, pashure pokunge ndamuratidza uye ndamutsanangurira magwaro anoverengeka pamusoro petariro youpenyu husingaperi muParadhiso pasi pano, akanga achidisa kudzidza zvakawanda pamusoro paaya mashoko akanaka anoshamisa. Mylene akapinda neni misangano yapaHoro yoUmambo. Takatanga fundo yeBhaibheri yakarongeka neZvapupu zvomunzvimbomo. Nokukurumidza pashure pacho, takaita tsauriro yedu kuna Jehovha Mwari uye takabhapatidzwa pana May 31, 1986.
Mhuri yangu, zvikurukuru mukoma wangu mukurusa, Orlando akatsamwa pakunzwa mashoko okusiya kwangu huprista. Akabvunza hanzvadzi yangu huru Myra Lobo Mendanha, uyo akamuteramisa, achiti: “Ngatiregei hedu kutambudzwa naikoku, sezvo Alinio asati aizorega makore ake ose 43 ebasa rakaoma pasina chikonzero chakanaka zvikuru.” Muna September 1987, Myra nemhuri yake vakandikumbanira muWisconsin, U.S.A. Ndakanga ndisina chinetso mukuvaita vaone chimiro chisati chiri chapamagwaro chezhinji dzedzidziso dzechiKaturike nemiitiro. Vakanga vachidisa zvikuru kudzidza zvokwadi yeBhaibheri. Pakarepo, Mylene neni takatanga fundo yeBhaibheri navo. Pakutamira kwavo kuOrlando, Florida, vakapfuuridzira fundo yavo.
Rugare nomufarwa zvatakafarikanya tose zvakatiita tigoverane mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha nehanzvadzi yangu hurusa, Jessie Lobo, uyo anogara muToronto, Canada. Akanga apupurirwa muna 1983. Zvisinei, achiva nehanzvadzi somuprista, akadavira kuti hapana chinhu chaizomuita kuti achinje kutenda kwake. Makore mana pashure pekurukurirano iyoyo yokutanga neZvapupu zvaJehovha, apo akawana kuti ini ndakanga ndava Chapupu chaJehovha uye kuti Myra nemhuri yake vakanga vava vaparidzi vamashoko akanaka, akaonana nechapupu icho nokukurumidza chakagadzirira fundo yeBhaibheri. Jessie akabhapatidzwa pana April 14, 1990; Myra, mukuwasha wangu Oswald, nomuzukurusikana wangu Glynis vakabhapatidzwa pana February 2, 1991. Vanofara zvikuru kubatira Jehovha, Wokumusorosoro.
Vezvamagamuchidzanwa vokusachinja navezvokufambira mberi vokuchinja vomuChechi yeKaturike zvamazvirokwazvo vanhu vakangwara. Vanodavira kuti vari kuita kuda kwaMwari. Zvisinei, hatifaniri kufuratira idi rokuti “kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheEvhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.” (2 VaKorinte 4:4) Kwakajeka, ipapoka, kuti uchenjeri hwetsika ino yezvinhu hupenzi kuna Mwari. (1 VaKorinte 3:18, 19) Ndinoonga nokufara sei kuti Jehovha anoita “asina ruzivo rwokuzviwanira ave akachenjera” kupfurikidza nezivo yakarurama yeShoko rake.—Pisarema 19:7, NW.
Makore 19 angu ebasa somuprista weKaturike inhau yomunguva yakapfuura. Zvino ndava Chapupu chaJehovha. Chishuvo changu chokufamba munzira dzaJehovha uye kutevera Mwanakomana wake, Jesu Kristu, Mambo wedu noMuponesi. Ndingada kubetsera vamwe kuziva Jehovha kuti ivowo vagokwaniriswa nokuda kwomubairo woupenyu husingaperi paparadhiso yapasi, kumbiri yaMwari wechokwadi, Jehovha.—Yakataurwa naAlinio de Santa Rita Lobo.
[Mashoko Omuzasi]
a Ndakasiya Salamanca ndichingunoveri kuita nzvero pamusoro penhau yangu yeCanon Law, iyo ndakapa muna 1968.
b Urwu rugwaro runotaura murutivi, mukuwirirana neNew American Bible yeKaturike: “Ini ndinozivisa kwauri, uri ‘Dombo,’ uye pane iri dombo ini ndichavaka chechi yangu . . . Chipi kana chipi chaunozivisa kuva chasungwa pasi pano chichasungwa mudenga; chipi kana chipi chaunozivisa kuva chasunungurwa pasi pano chichasunungurwa mudenga.”—Ona bhokisi, peji 17.
[Bhokisi riri papeji 17]
Kiyi dzoUmambo
Kana dziri “kiyi dzoumambo hwamatenga,” revo yadzo inova pamhene pakurangarira tsiuro Jesu iyo akapa vatungamiriri vorudzidziso: “Imi makabvisa kiyi yezivo; imi mumene hamuna kupinda, uye avo vanopinda imi munovarambidza!” (Ruka 11:52, NW) Mateo 23:13 inotsanangura “kupinda” sokunoratidzira mukova unopinda mu“umambo hwamatenga.”
Kiyi dzakavimbiswa naJesu kuna Petro dzaiumba basa redzidzo rechienzi raizozarura mabanza chaiwo nokuda kwavanhu vamwe navamwe kuti vapinde muUmambo hwokudenga. Petro akashandisa iyi ropafadzo panhambo nhatu, kubetsera vaJudha, vaSamaria, uye Vamarudzi.—Mabasa 2:1-41; 8:14-17; 10:1-48; 15:7-9.
Vavariro yevimbiso yakanga, isati iri kutaura kwaPetro kudenga icho chinofanira kana kuti chisingafaniri kuva chinosungwa kana kuti chinosunungurwa, asi kuva anoshandiswa kwaPetro somudziyo wokudenga nokuda kwemigove mitatu chaiyo. Ndozvazviri nemhaka yokuti Jesu anoramba ari Musoro wechokwadi weungano.—Enzanisa na 1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 4:15, 16; 5:23; VaKorose 2:8-10; VaHebheru 8:6-13.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Alinio de Santa Rita Lobo zvino ava Chapupu