Varume Navadzimai Vanotaura Nomutoo Wakasiana Chaizvoizvo Here?
CHIMBOFUNGIDZIRA hako kuti Nyasha apinda muhofisi yaNgoni achikwekweredza tsoka, mapfudzi ake anooneka akarembera pasi pokurema kwokunetseka kwake. Ngoni atarira zvinyoronyoro shamwari yake uye aimirira kuti itaure. “Handitombozivi kana ndikagona kugumisa iyi bvumirano yebhizimisi,” anotura befu Nyasha. “Kune zvinetso zvisingakarirwi zvakawanda zvikuru, uye dzimbahwe riri kundidzvinyirira chaizvoizvo.” “Nyasha, uri kunetseka neiko?” Ngoni abvunza nomutoo wechivimbo. “Unozivaka iwe uri munhu anokwaniriswa zvikurusa nokuda kwebasa, uye ivo vanozvizivawo. Usakurumidza chaizvo. Unofunga kuti ikoku chinetso here? Chokwadika, mwedzi wangopfuura uyu . . .” Ngoni arondedzera udzame hunosetsa hwengwavaira duku yake amene uye nokukurumidza shamwari yake yasiya hofisi ichiseka uye yasunungurwa. Ngoni afara kubetsera.
Uyewo fungidzira kuti apo asvika kumusha masikati iwawo, Ngoni agona kuziva pakarepo kuti mudzimai wake, Tsitsi, akatsamwawo. Amukwazisa nomufaro wechienzi dzokonokei kwakumirira kuti ataure chamuparira kuva akatsamwa. Pashure pokunyarara kukuru, kwokusataura, ataura nomutoo wokusachenjerera pakutaura, kuti: “Handingagoni kutsungirirazve mugariro wacho! Uyu menija mutsva mushushi!” Ngoni amugadzika pasi, amugumbatira, uye ataura, kuti: “Mudiwa, rega kutsamwa zvikuru. Tarira, rinongova basa bedzi. Ndozvakaita vanamenija. Waifanira kudai wanzwa kutaura nehasha kwaita wangu nhasi kwenguva refu. Kana kwanyanyokukukuvadza, hunyanguvezvo, ingorega bedzi.”
“Hautoitiri hanya manzwire andinoita!” Tsitsi akurumidza kupindura. “Hautongonditeereri! Handingaregi! Hauunzi mari yakakwana kumba!” Amhanyira kukamuri rokurara kuti andochema zvikuru. Ngoni amira kunze chaiko kwesuo rapfigwa mukukatyamara, achishamisika kuti chii chaitika. Neiko pave pane kuita kwakadaro kwakapesana namashoko aNgoni enyaradzo?
Imhaka YomusianoWavarume Navakadzi Here?
Vamwe vangati musiano mune iyi mienzanisiro unoparirwa neidi rimwe rakapfava: Nyasha murume; Tsitsi mukadzi. Vanzveri vemitauro yakawanda vanodavira kuti zvinetso zvekurukurirano muroorano kazhinji kazhinji imhaka yokusiana kwavarume navakadzi. Mabhuku akadai saYou Just Don’t Understand naMen Are From Mars, Women Are From Venus anosimudzira rondedzero yokuti varume navakadzi, kunyange zvazvo vachitaura mutauro wakafanana, vane makurukurire akasiana nomutoo wakajeka.
Nomutoo usingapanikiriki, apo Jehovha akasika mukadzi kubva pamurume, akanga asati achingova muenzaniso wakavandudzwa. Murume nomukadzi mukukwana nomumufungo vakarongedzererwa kuringanirana—munyama, mumurangariro, mundangariro, mumudzimu. Wedzera kuiyi misiano yokuberekwa nayo zvakaoma kunzwisisa zvokurerwa kwomunhu mumwe nomumwe nechinoitika choupenyu uye kuumbwa kwavanhu kupfurikidza netsika, mhoteredzo, uye murangariro wenzanga weicho chiri hunhurume kana kuti hunhukadzi. Nemhaka yeidzi pesvedzero, kungava kunobvira kuparadzanisa mitoo yakati mumataurire anoita vanhurume navanhukadzi. Asi “murume chaiye” asingabatiki kana kuti “mukadzi chaiye” angavapo bedzi mumabhuku endangariro.
Vakadzi vanozivikanwa zvikuru nokuda kwokutapurika kwavo, bva varume vakawanda vanyoro nomutoo unoshamisa mukubata kwavo navanhu. Kufunga kune mufungo kunganzi kunoparirwa zvikuru navarume, bva vakadzi kazhinji kazhinji vane nzwisiso huru, yokutsoropodza. Naizvozvo nepo kusingabviri kududza muitiro upi noupi wapoga womunhurume kana kuti womunhukadzi chaiye, chimwe chinhu ndechechokwadi: Nzwisiso mumurangariro womumwe ingaita musiano pakati pokuvapo panguva imwe cheteyo kune rugare nehondo chaiyo, zvikurukuru muroorano.
Denho yezuva nezuva yekurukurirano yomunhurume nomunhukadzi muroorano ndiimwe inotyisa. Varume vakawanda vanonzwisisa vanogona kupupurira kuti mubvunzo unoratidzika kuva wakapfava asi usati chaizvoizvo wokuti “Munoda sei kugadzirwa kutsva kwebvudzi rangu?” unogona kuva uzere nengozi. Vakadzi vakawanda vanochenjerera pakutaura vanodzidza kurega kubvunza vabvunzazve kuti, “Munoregereiko kungokumbira bedzi nhungamiro?” apo varume vavo vanorasika vachingunofamba. Panzvimbo pokuzvidza inoratidzika kuva miitiro yomukwanyina ndokunamatira nechisimbwa pane yako umene nemhaka yokuti “ndozvandiri,” vakwanyina vane rudo vanotarisa nechapasi. Ikoku hakusati kuri kunzvereseswa kwokusaitira hanya kwamakurukurire omumwe nomumwe asi kuringa kwoushamwari mumwoyo nomundangariro zvomumwe nomumwe.
Munhu mumwe nomumwe zvaakasiana, ndozvakaitawo mubatanidzwa mumwe nomumwe wavanhu vaviri muroorano. Bvumirano chaiyo yendangariro nomwoyo haisati iri tsaona asi inoda basa rakaoma nemhaka yomuzvarirwo wedu wohunhu usina kukwana. Somuenzaniso, kuri nyore zvikuru kufunga kuti vamwe vanorangarira zvinhu zvakafanana nezvatinoita. Kazhinji kazhinji tinozadza zvinodikanwa zvavamwe nenzira yataizoda kuti vazadze nokuda kwedu, zvichida tichiedza kutevera Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe, “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, imiwo muvaitire nenzira yakafanana.” (Mateo 7:12, NW) Zvisinei, Jesu haana kureva kuti icho imi munoda chinofanira kuva chakanaka zvakakwana nokuda kwavamwe. Panzvimbo pezvo, munoshuvira vamwe kuti kudai vamwe vaizokupai icho imi munoshaiwa kana kuti chamunoda. Naizvozvo imi munofanira kupa icho ivo vanoshaiwa. Ikoku kunokosha zvikurukuru muroorano, nokuti mumwe nomumwe akapikira kusvitsa zvinoshaikwa zvomukwanyina wake zvakakwana sezvingabvira.
Tsitsi naNgoni vakaita mhiko yakadaro. Uye mubatanidzwa wavo weroorano wamakore maviri wave uri uya unofadza. Zvisinei, kunyange zvazvo vachinzwa kuti vanosanozivana zvikuru, migariro pane dzimwe nguva inomuka inoratidzira mukaha wekurukurirano unokura wokuti vavariro dzakanaka dzoga hadzingagoni kuvhara. “Mwoyo wowakachenjera unosakisa muromo wake kuratidza nzwisiso,” inodaro Zvirevo 16:23, (NW). Hungu, nzwisiso mukurukurirano ndiyo chinhu chinokosha chinodikanwa. Ngationei kuti masuo api ainovhurira Ngoni naTsitsi.
Murangariro Womunhu Mumwe
Ngoni anoshanda munyika yamakwikwi umo murume mumwe nomumwe anotora nzvimbo yake mugadziriro yenzanga, ungava mugariro muduku kana kuti mukuru. Kurukurirano inobatira kutanga nzvimbo yake, kukwanisa, unyanzvi, kana kuti kufanira. Kuzvimirira kwake kunokosha kwaari. Naizvozvo paanopiwa mirairo munzira inoraira, Ngoni anozviwana amene achidzivisa. Shoko ramanomano “Hausiri kuita basa rako” rinomuita kuti apanduke, kunyange kana mukumbiro uri uya une mufungo.
Ngoni anokurukura zvikurukuru kutsinhana mashoko. Anoda kutaura pamusoro pamaidi, pfungwa, uye zvinhu zvitsva zvaadzidza.
Pakuteerera, Ngoni haawanzodzongonyedza mukurukuri, kunyange nedavidzo duku, dzakadai sokuti “uh-huh, ya-a,” nemhaka yokuti ari kufungisisa mashoko. Asi kana asingabvumiri, haangazenguriri kutaura kudaro, zvikurukuru neshamwari. Kunoratidzira kuti iye anofarira izvo shamwari yake inotaura, achiongorora bviro dzose.
Kana Ngoni ane chinetso, anoda kuwana chigadzikiso iye pachake. Naizvozvo angabva pane munhu ari wose uye chinhu chiri chosewo zvacho. Kana kuti iye angatsvaka kufaranuka nevaraidzo yakati yokuti akanganwe chinetso chake kwechinguvana. Achachikurukura bedzi kana iye ari kutsvaka pangiro.
Kana munhu akauya kuna Ngoni aine chinetso sezvaita Nyasha, Ngoni anoziva kuti ibasa rake kuti abetsere, achingwarira kusaita kuti shamwari yake inzwe isingakwanisi. Nguva dzose achagoverana nhamo dzakati dzake amene pamwe chete nepangiro kuti shamwari yake irege kunzwa iri yoga.
Ngoni anoda kugoverana mibato neshamwari. Ushamwaridzani kwaari hunoreva kuitira zvinhu pamwe chete.
Kuna Ngoni musha ndihwo utiziro kubva munhandare, nzvimbo umo iye asati achafanirazve kutaura kuti azvibvumikise amene, umo anogamuchirwa, anovimbwa, anodiwa, uye anoongwa. Kunyange zvakadaro, Ngoni panhambo nenhambo anowana kuti iye anoda kuva oga. Kungava kusina chokuita naTsitsi kana kuti chinhu chipi nechipi chaaita. Anongoda bedzi nguva yakati yokuva oga. Ngoni anokuwana kwakaoma kuzivisa kutya kwake, kusachengeteka, uye marwadzo kumudzimai wake. Haadi kuti iye anetseke. Basa rake nderokutarisira nokumudzivirira, uye anoda kuti Tsitsi amuvimbe kuita kudaro. Nepo Ngoni achida tsigiro, haasati achida kunzwirwa urombo. Kunomuita kuti anzwe asingakwanisi kana kuti asina maturo.
Murangariro Mumwe Womukadzi
Tsitsi anozviona amene somunhu oga munyika yebatano navamwe. Kwaari kunokosha kutanga ndokusimbisa zvisungo zvouhu ukama. Kutaura ndiyo nzira inokosha yokuita ndokusimbisa hupedyo.
Kutsamira kunongozviuyira kuna Tsitsi. Anonzwa achidiwa kana Ngoni akawana mirangariro yake pamberi pokuita chisarudzo, kunyange zvazvo achida kuti atungamirire. Apo anofanira kuita chisarudzo, anoda kubvunza murume wake, kusati kuri hakwo kuti iye achamuzivisa chokuita, asi kumuratidzira hupedyo nokutsamira paari.
Kwakaomera Tsitsi zvikuru kutaura nenzira yakananga ndokutaura kuti anoda chimwe chinhu. Haasati achida kunetsa Ngoni kana kuti kumuita kuti anzwe kuti iye haasiri kufara. Panzvimbo pakwo, anomirira kuva anocherekedzwa kana kuti kubaira zanhi.
Apo Tsitsi anokurukura, anokwezviwa noudzame huduku uye anobvunza mibvunzo yakawanda. Ikoku ndokwomuzvarirwo nemhaka yokutapurika kwake nefariro huru muvanhu noukama.
Apo Tsitsi anoteerera, anodzongonyedza mashoko omukurukuri nokukuwa, nokugutsurira musoro, kana kuti nemibvunzo kuti aratidze kuti ari kutevera mukurukuri uye anoitira hanya izvo iye anotaura.
Anoshanda zvakaoma kuti azive nomutoo wamano izvo vanhu vanoda. Kupa betsero pasina kuva anokumbirwa inzira inoshamisa yokuratidza rudo. Iye anoda zvikurukuru kubetsera murume wake kukura ndokuvandudzika.
Apo Tsitsi anova nechinetso, anganzwa aremerwa. Anofanira kutaura, kwete zvikuru kwazvo kuti atsvake chigadzikiso, asi kuratidzira kunzwa kwake. Anoda kuziva kuti mumwe munhu anonzwisisa uye anoitira hanya. Apo mirangariro yake inonyandurwa, Tsitsi anoita kutaura kunobatanidza zvose, kunokatyamadza. Haakurevi chaizvoizvo apo iye anotaura kuti: “Iwe hautongoteereri!”
Shamwari yakanakisisa youhwana yaTsitsi yakanga isati iri iya yaaiita zvinhu naye asi iya yaaitaura pamusoro pechinhu chiri chose naye. Naizvozvo muroorano haasati achida kufarira mibato yokunze sezvaanoita muteereri anonzwira tsitsi uyo angagoverana naye kunzwa kwake.
Musha ndiwo nzvimbo umo Tsitsi anogona kutaura asingatongwi. Haazenguriri kuzivisa kutya kwake nenhamo kuna Ngoni. Kana achida betsero, haasati achinyara kuibvuma, nokuti anovimba kuti murume wake aripo nokuda kwake uye anoitira hanya zvikuru kuteerera.
Tsitsi anowanzonzwa achidiwa uye akachengeteka muroorano yake. Asi panhambo nenhambo, pasina chikonzero chinooneka, anovamba kunzwa asina kuchengeteka uye asingadiwi uye nokukurumidza anoda kuvimbiswazve noushamwaridzani.
Hungu, Ngoni naTsitsi, varinganirani, vakasiana zvikuru. Misiano iri pakati pavo inoparira bviro yokusanzwisisana kwakakomba, kunyange zvazvo vose vari vaviri vangava nevavariro dzakanakisisa dzokuva vanoda navanotsigira. Kudai tingagona kunzwa murangariro womunhu mumwe nomumwe pamusoro pomugariro uri pamusoro apa, chii chavangataura?
Zvavakaona KupfurikidzaNameso Avo Vamene
“Nokukurumidza pandasvika pamusha ndichibva kubasa, ndagona kuona kuti Tsitsi anga akatsamwa,” Ngoni angadaro. “Ndafunga kuti apo aizenge agadzirira, aizondizivisa chikonzero nei. Chinetso hachina kuratidzika kuva chikuru zvikuru kwandiri. Ndafunga kuti kana ndikangomubetsera bedzi kuona kuti aisafanira kuva akatsamwa zvikuru uye kuti chigadzikiso chakanga chiri nyore, aizonzwa zviri nani. Kunokuvadza chaizvoizvo, pashure pokunge ndamuteerera, apo iye ataura kuti, ‘Hautongonditeereri!’ Ndanzwa sokunge kuti anga achindipomera nokuda kwekangaidziko yake yose!”
“Zuva rose ranga riri ngwavaira imwe huru,” Tsitsi angatsanangura kudaro. “Ndanga ndichiziva kuti yanga isiri mhaka yaNgoni. Asi apo adzoka kumba ari muchimiro chokufara, ndanzwa kuti anga achifuratira idi rokuti ini ndanga ndakatsamwa. Neiko asina kundibvunza changa chisina kururama? Apo ini ndamuudza chinetso, zvikurukuru ataura kuti ini ndanga ndiri kuva fuza, kuti chinhu chose changa chisingakoshi. Panzvimbo pokutaura kuti iye anonzwisisa manzwire andinoita, Ngoni, mupedzi wezvinetso, andiudza mapedzerwe echinetso. Ndanga ndisingadi zvinogadzikisa zvinetso, ndanga ndichida kunzwirwa tsitsi!”
Pasinei hapo nezvitarisiko zvouyu mukaha wechinguvana, Ngoni naTsitsi vanodana zvikuru kwazvo. Kunzwisisai kuchavabetsera kuratidzira rudo irworwo zvakajeka?
Kuona KupfurikidzaNameso Omumwe Nomumwe
Ngoni anzwa kuti kwaizova kupindira kubvunza Tsitsi changa chisina kururama, naizvozvo nomutoo womuzvarirwo amuitira izvo iye aizoda kuti vamwe vamuitire. Amumirira kuti ataure pamhene. Zvino Tsitsi anga akatsamwa kwete bedzi pamusoro pechinetso asi pamusoro peidi rokuti Ngoni aratidzika kuva anofuratira mukumbiro wake nokuda kwetsigiro yake. Haana kuona kunyarara kwake sechiratidziro choruremekedzo runyoro—akuona sokusaitira hanya. Apo Tsitsi pakupedzisira ataura, Ngoni ateerera pasina kudzongonyedza. Asi anzwa kuti iye chaizvoizvo anga asiri kunzwa kunzwa kwake. Ipapo apa, dzisati dziri tsitsi, asi chigadzikiso. Ichochi chati kwaari: ‘Kunzwa kwako hakushandi; uri kunyanyoita. Ona kuti kuri nyore sei kupedza ichi chinetso chiduku?’
Zvinhu zvaizove zvakasiana sei kudai mumwe nomumwe anga ave achikwanisa kuona zvinhu mumurangariro womumwe! Kungadai kwaitika kudai:
Ngoni anosvika pamba kuwana Tsitsi akatsamwa. “Chii chisina kururama, mudiwa?” anobvunza nounyoro. Misodzi inotanga kuyerera, uye mashoko anongobuda chete. Tsitsi haatauri kuti, “Imhaka yako!” kana kuti kuratidzira kuti Ngoni haasiri kuita zvakaringana. Ngoni anomugumbatira ndokuteerera nomutoo wokushivirira. Apo anopedza, iye anoti: “Ndino urombo kuti uri kutambudzika. Ndinogona kuona chikonzero nei wakatsamwa zvikuru.” Tsitsi anopindura, kuti: “Ndinoonga zvikuru nokuteerera. Ndinonzwa zviri nani zvikuru kuziva kuti unonzwisisa.”
Nomutoo unosuruvarisa, panzvimbo pokugadzikisa misiano yavo, vanyakuroorana vakawanda vanongosarudza havo kugura roorano yavo muchatanuro. Kushaikwa kwekurukurirano ndiko chinhu chakashata chinoparadzanya misha yakawanda. Kuita nharo kunomuka kunozunungusa nheyo dzimene dzeroorano. Kunoiitika sei? Nyaya inotevera inotsanangura maitikire akunoita namadzivisirwe akunoitwa.