Rubudiriro Rwokunyama Runogona Kuvimbisa Mufarwa Here?
“PAVANA vanenge 50 muchikoro chedu, mumwe kana kuti vaviri bedzi vaipfeka shangu,” anoyeuka kudaro Poching ane makore 45 okukura, uyo akakurira mumaodzanyemba eTaiwan mukati mama 1950. “Taisakwanisa kudzitenga. Zvisinei, hatina kutongozvirangarira timene kuva varombo. Takanga tine zvose zvataida.”
Iwawo akanga ari makore anenge 40 akapfuura. Kubvira ipapo, nomutoo unokatyamadza upenyu hwakachinjira Poching navamwe vose vasara vavagari vane mamiriyoni 20 vechitsuwa ichocho. Sezvo bhuku rinonzi Facts and Figures—The Republic of China on Taiwan rinotsanangura, “Taiwan [yaka]shandurwa kubva muchaunga chokurima kuva chaunga chakasimba chamabasa okugadzira zvinhu.” Pakazosvika mugumo wama 1970, Taiwan yakarangarirwa se“chaunga chakatsiga, chinobudirira.”
Zvirokwazvo, ufakazi hworubudiriro hunooneka munzvimbo iri yose muTaiwan. Kubvira muzvivako zvamahofisi zvakakwirira zvikuru zvazvino uno zvikurusa zvakavakwa nokukurumidza muchitsuwa chose kusvikira kumigwagwa mikuru yakatsvikinyidzana motokari dzinodhura dzakaunzwa kubva kunyika dzokumwe, rubudiriro rwokunyama rweTaiwan ishanje yamamwe marudzi achiri kubudirira. China Post, pepanhau rakatanhamara mumutauro wechiNgezi reTaiwan, rinoganza kuti nhasi “vanhu veTaiwan vanofarikanya zvinhu zvoumbozha zvakakwirira zvikurusa munhau yeChina.”
‘Zvinetso Zvinotambudza Zvizhinji-zhinji’
Rubudiriro rwokunyama rwose irworwu rwakaunzira vanhu mufarwa wechokwadi negutsikano here? Nepo pasina kupokana kune zvizhinjisa izvo vanhu veTaiwan vanozvikudza pamusoro pazvo, kune rumwe rutivi kuiyi nhau yorubudiriro. China Post inopfuurira kuonesa, kuti: “Nouyu mwero wakakwirira woupfumi kwakauya zvinetso zvizhinji-zhinji zvakaoma nezvinotambudza.” Rubudiriro rwokunyama rweTaiwan haruna kuuya pasina kurasikirwa.
Pamusoro pe“zvinetso zvakaoma nezvinotambudza” zviri kudenha ichi chaichimbova chitsuwa chisina utsotsi zvikuru, China Post inoti: “Mumakore mashoma apfuura utsotsi nenyongano zvakawedzera nomutoo unokatyamadza muchaunga chedu chakapfuma, kuchiparira tyisidziro inokura kuupenyu nepfuma zvavagari vemo vose vanochengeta mitemo.” Mune imwe nyaya ine musoro unoti “Pfuma Inoita Kuti Taiwan Ive Nyika Yomuchiuno,” Post inozvidza zvinetso “zvenzvimbo dzokudyira namabhawa [zvinowedzera] zvavakadzi vechihure” nezvedzimba dzisiri dzapamutemo dzokuhurira dzinoshanda mubatakumeso yamashopu okugerera bedzi. Ugororo nokunyerudza nevavariro yokuda rudzikinuro zvazova chimwe chinetso. Mumwe mushumo unotaura nezvekunyerudzwa kwavana se“bhizimisi idzva rinowedzera nokukurumidza mumukurumbira weTaiwan.” Vakawanda vanotendeukira kuutsotsi hwakadaro somutoo wokuripira nawo mingava yokubhejera kana kuti kumwe kurasikirwa nemari.
Vana havasati vachingova vanyajambwa vasina mhaka voutsotsi. Vari kubatanidzwa nenzira inowedzera mukuita utsotsi. Mishumo inoratidzira kuti muna 1989 moga, nhamba yemhaka dzakaitwa nevechiduku yakawedzera ne 30 muzana. Vamwe vanoronda iyi wedzero kusvikira kukuputsika kwemhuri, uye nhamba dzinoratidzika kuva dzinotsigira ikoku. Somuenzaniso, kubvira muna 1977 kusvikira kuna 1987, nhamba yavachati veTaiwan vakachata yakaderera, asi mwero wechatanuro wakapeta nekanopfuura kaviri. Sezvo tsika yechiChina mugamuchidzanwa ichisimbisa ukoshi hwemhuri muchaunga chakatsiga, hakushamisi kuti vakawanda vanoitira hanya zvikuru mamirire ezvinhu anoipisisa.
Mavambo Echinetso
Tsananguro dzakasiyana-siyana dzakagoverwa munhamburiko yokuwana chikonzero chokuderera kwenhevedzano yamagarire avanhu pakati pechaunga chinobudirira. Vamwe vanhu, vachiva vanoti vakirei pauzivi, vanotaura kuti kunongova bedzi kurasikirwa kworubudiriro. Asi kushora kuenderera mberi kana kuti rubudiriro kwakafanana nokushora zvokudya nokuda kwenhafu. Havasati vari vose vanodya vari varuti, uyewo haasati ari munhu ari wose akabudirira mune zvokunyama kana kuti tsotsi. Aiwa, rubudiriro rwokunyama marwuri rwumene harupariri utsotsi nenyongano yamagarire avanhu.
Nyaya yakanyorwa nomupepeti wenhau iri muChina Post yakanongedzera kuchisakiso chikuru chinobetsera. Yakati: “Isu, kwamakumi amakore, takanyanyosimbisa zvikuru kubudirira kwokunyama. Ikoku kwakaparira kuderera kwemipimo yetsika neyomudzimu muchaunga chedu nhasi.” (Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.) Hungu, kunyanyosimbisa kurondwa kwezvinhu zvokunyama kunotungamirira kumudzimu wokudisa zvenyika namakaro. Kunosimudzira udyire. Unongova bedzi mudzimu wakadaro unotungamirira kukuputsika kwemhuri nokukura kwezvakashata zvamagarire avanhu. Izvo Bhaibheri rakataura makore 2 000 apfuura zvichiri zvechokwadi: “Kuda mari [kwete mari imene] ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.”—1 Timotio 6:10.
Chinetso Chomunyika Yose
Mukutsvakwa kworugare norunyararo—uye kotsekano—zviuru zvakatamira kudzimwe nyika zvichibva muTaiwan. Asi zvinetso izvo Taiwan iri kuwana hazvisati zviri zvechienzi kuTaiwan. Zvakapararira munyika yose.
Makore akati akapfuura kunzvera kwakaratidza kuti ruwa rwakapfuma zvikurusa rwuri muCalifornia, U.S.A., rwakava nomwero wakakwirira zvikurusa wechatanuro munyika yacho. Inenge 90 muzana yokutarisirwa kwose kwepfuma yezvivako nomunda mune dzimwe nharaunda dzeruwa kwakanga kuri mugumisiro wemichato yakaputsika. Kuzviuraya kwakawanda nekanopeta nakaviri avhareji yorudzi kwakashumwa. Mwero wokupindwa muropa nechinwiwa chinodhakisa wakanga uri mumwe weyakakwirira zvikurusa munyika yacho, uye kwaitaurwa kuva kune nyanzvi dzendangariro dzakawanda uye dzimwe nyanzvi dzezvokurapwa kwendangariro muruwa muchikamu chavagari vemo kupfuura nzvimbo ipi neipiwo zvayo muUnited States.
Jesu Kristu akaonesa zvokwadi inokosha apo iye akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nezvokudya zvoga, asi nokutaura kuri kwose kunobuda nomumuromo maJehovha.” (Mateo 4:4, NW) Pfuma yokunyama, pasinei hapo nokuti yakawanda zvakadini, haingagoni kugutsa chinodikanwa chiri chose chomunhu, uyewo haigoni kuvimbisa mufarwa. Mukupesana, kunowanzova sokutaura kwetsumo yechiChina, inoti: “Apo munhu anenge achiguta uye achidziirwa, mifungo yake inotendeukira kukunyanyisa nezvishuvo zvokunyama.” Ikoku kunoratidzirwa nezviri kuitika muTaiwan nokune imwe nzvimbowo zvayo—rubudiriro rwokunyama rwoga rwunowanzova chisakiso chokutanga kukushata kwetsika nemagarire avanhu nezvinetso zvarwo zvinoperekedza.
Chii, ipapoka, chinodikanwa kuti rubudiriro rwokunyama rugone kuva rutivi rwomufarwa chaiwoiwo nounogarisa? Nokuda kwemhinduro, tapota rava nyaya inotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
“Apo munhu anenge achiguta uye achidziirwa, mifungo yake inotendeukira kukunyanyisa nezvishuvo zvokunyama.”—Tsumo yechiChina
[Mufananidzo uri papeji 5]
Pfuma yokunyama yakashandura mataundi maduku kuva maguta echimbi-chimbi, anovhenekerwa namagetsi