Shanyo Yapapa KuUN—Chii Chayakaita?
PAKUBHURURUKA kwake napamusoro peAtlantic kuti anotaura kuUN muNew York City, Pope John Paul II akapfuura makiromita 1000000 mukufamba kwake munyika. Akanga ari October 4, 1995, uye urwu rwakanga rwuri rwendo rwake rwechi68 kunze kwenyika sapapa. Pasina panikiro, ndiye papa akafamba zvikurusa munhau yeChechi yeRoma Katurike.
Akasvika paNewark International Airport, New Jersey, paChitatu chainaya, akatenderedzwa nerimwe remaketeni ramaoresa zvikurusa rokuchengetedza rati rambogadzirirwa mukuru mukuru upi noupi. Kwakafungidzirwa kuti vakuru vakuru vomubatanidzwa neveguta vanenge 8 000 vakagoverwa kudzivirira papa. Mumwe mushumo wakariti “gwati remaoresa rekuchengetedza,” neherikopita nevashambiri zvaibatanidzwa.
Aishanyirei?
Muhurukuro yake pachiteshi chendege, papa akayeuka kuti akamutangira, Pope Paul VI, akanga ataura kuUN General Assembly ane chikumbiro chorugare, achiti: “Hakuchina hondo zvakare, hakuchazotongozovi nehondo zvakare!” John Paul II akati akanga ava kudzokera “kunotaura kupwiswa [kwake] kukuru kwokuti pfungwa nezvinangwa zvakaparira mavambo eUN hafu yezana remakore yapfuura zvinokosha zvikuru kupfuura nakare kwose munyika iri kutsvaka chinangwa.”
Paminyengetero yamadekwana paSacred Heart Cathedral, Newark, papa akaratidzazve kutsigira kwake UN, achiti: “Sangano iroro riripo kuti ribatire zvakanakira mhuri yose yavanhu, uye naizvozvo kwakakodzera kuti papa ataure ikoko sechapupu kutariro yeEvhangeri.” Akawedzera, kuti: “Munyengetero wedu worugare naizvozvo munyengeterowo weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Francis musande weAssisi . . . anozivikanwa semudi mukuru nenyanzvi yorugare. Ngatikumbirei munyengetero wake pabasa reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose reruramisiro nerugare munyika yose.”
Muhurukuro yake kuUN, akarumbidza chinjo dzezvamatongerwe enyika dzisina masimba masimba dza1989 muEastern Europe, umo nyika zhinji dzakanga dzadzorerwa rusununguko. Akakurudzira “kuzvipira kwechokwadi kunyika yavo” sekwakasiyana ne“urudzi hune fungira mano akaipa nerusaruro.” Akataura nezvekusaruramisira kwetsika ino iripoyi, achiti: “Apo mamiriyoni evanhu ari kutambura nourombo hunoreva nzara, kushaya zvokudya zvinovaka muviri, chirwere, kusagona kurava nokunyora, uye kuzvidzwa, tinofanira . . . kuzviyeuchidza timene kuti hapana munhu ane kodzero yokushandisa mumwe nokuda kwechimuko chake amene.”
Ipapo akati: “Sezvatinotarisana neidzi denho huru, tinogona sei kukundikana kubvuma basa reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose?” Akataura kuti UN inofanira “kuva musimboti wokutsigira mipimo yetsika umo marudzi ose enyika anonzwa akasununguka.” Akasimbisa kudikanwa kwokutsigira “kubatana kwemhuri yose yavanhu.”
Rugare Rwechokwadi—Runobva Mumanyukoi?
Pasina panikiro, akataura mifungo mizhinji yakanaka. Bva, muhurukuro yake refurefu, ko panguva ipi neipi akanangidzira vatungamiriri venyika kumhinduro yaMwari yezvinetso zverudzi rwomunhu—kutonga kwoUmambo hwake kupfurikidza naKristu Jesu here? (Mateo 6:10) Aiwa. Kutaura idi, hapana nguva apo akanokora mashoko muBhaibheri muhurukuro yake kuUN. Mukupesana, akataura kuti “nebetsero yenyasha dzaMwari, tinogona kuvaka muzana ramakore rinotevera uye mumakore ane chiuru anotevera kushambidzika kwakakodzera munhu, tsika yechokwadi yorusununguko.” Kuvadzidzi veBhaibheri, mufungo iwoyo ungaratidzika sounodzokorora mumwe wakafanana wakataurwa naavo vaive paBhabheri rekare anopfuura makore 4 000 akapfuura, vaifunga kuti vaigona kuchengeta rudzi rwomunhu rwakabatana kupfurikidza negadziriro dzevanhu: “Uyai, ngatizvivakire guta, norusvingo, rune musoro unosvikira kudenga; tizvimutsire mukurumbira.” (Genesi 11:4) Naizvozvo, kubva muuyu murangariro, ndivo vatungamiriri vezvamatongerwe enyika verudzi rwomunhu, vanomirirwa paUN, vachavaka kushambidzika kutsva kwakavakirwa parusununguko.
Asi Bhaibheri rinoporofitei pamusoro peramangwana rehurumende dzezvamatongerwe enyika dzomunhu neUN imene? Bhuku raDhanieri neraZvakazarurwa anopa chiono chakajeka cheramangwana rakadzimirira. Dhanieri akaporofita kuti mumazuva okupedzisira, Mwari aizogadza kutonga kwoUmambo hwake, sedombo guru ‘risina kugadzirwa nemaoko evanhu.’ Chiitoi charichaita? “Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi. . . . huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” Hurumende dzevanhu dzichatsiviwa neutongi humwe hwakarurama hwerudzi rwose rwomunhu.—Dhanieri 2:44, 45.
Chii chichaitika kuUN? Zvakazarurwa ganhuro 17 inoratidzira UN (nomutangiri wayo akagara nguva shoma, Chinzwano Chamarudzi) sechikara chitsvuku chicha“dzika kundoparadzwa.” (Zvakazarurwa 17:8)a Manyuko aJehovha erugare rwechokwadi haasiri sangano ripi neripi ravanhu vasina kukwana, pasinei zvapo nokuti vatsigiri vacho vangava vapachokwadi zvakadini. Rugare rwechokwadi rwuchauya kupfurikidza noUmambo hwaMwari hwakapikirwa, mukudzora kwaKristu Jesu akamutswa ari mumatenga. Ndihwo hwaro hwekuzadzikwa kwechipikirwa chaMwari chiri pana Zvakazarurwa 21:3, 4, chinoti: “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”
Shanyo Yacho—Yakava Netapuro Yakakura Sei?
Apo Papa akanongedzera zvisina kunanga kuBhaibheri muhurukuro dzake, ko vakatendeka veKaturike vakakurudzirwa kubudisa maBhaibheri avo ndokunzvera nongedzero dzacho here? Idi nderokuti voruzhinji zvikuru havana kumbotakura Bhaibheri. Kashoma apo papa akaita nongedzero dzamagwaro akati dzipi nedzipi kuti ayamure vanzwi kurava Bhaibheri.
Mumwe muenzaniso wakanga uri apo akataura kuvane 83 000 paGiants Stadium, New Jersey, ndokuti: “Tinomirira kudzoka kwaIshe somutongi wevapenyu nevakafa. Tinomirira kudzoka kwake mumbiri, kuuya kwoUmambo hwaMwari zvizere. Iyoyo ndiyo kokero yenguva dzose yemapisarema, yokuti: ‘Mirirai Ishe noushingi; shingisai mwoyo yenyu, uye mirirai Ishe.’” Asi rugwaro rwupi rwaakanga achinokora mashoko mumapisarema? Uye ndiIshe upi waakanga achinongedzera kwaari—Jesu kana kuti Mwari? (Enzanisa nePisarema 110:1.) Maererano nepepanhau reVatican, L’Osservatore Romano, akanga achinokora mashoko Pisarema 27:14, inorava zviri nani kuti: “Isa tariro yako muna Yave, simba, ita kuti mwoyo wako ushinge, isa tariro yako muna Yave.” (The Jerusalem Bible) Hungu, tinofanira kuisa tariro yedu muna Yave, kana kuti Jehovha, Mwari waIshe Jesu.—Johane 20:17.
Munhau yose, vafundisi veKaturike nevatungamiriri vakatsigira rugare pakati pemarudzi here? Ko dzidziso yeKaturike yakabatira kupedza misiyano yemadzinza, uye yamarudzi here? Kupondwa kwavazhinji kwa1994 muRwanda, Africa yokumabvazuva kwakadziva pakati, uye hondo dzemarudzi dzemakore mashomanene akapfuura muyaichimbova Yugoslavia dzose dzinoratidza kuti zvitendero zvorudzidziso zvinowanzokundikana kupedza ruvengo rukurusa nekufungira mano akaipa kunogara mumwoyo womunhu. Kureurura kwevhiki nevhiki kwokubata kumeso kana kuti kupinda Misa nguva dzose hakusati kuchizochinja mafungire nemaitiro evanhu. Panofanira kuva nepesvedzero huru zvikuru, inovapo bedzi apo Shoko raMwari rinobvumirwa kupinda mumwoyo nendangariro zvemutendi.
Mufambiro wakachinjwa wemuKristu wechokwadi wakavakirwa, kwete pakuita kwomurangariro kunoparirwa nemiitiro yorudzidziso, asi pakunzwisiswa kune mufungo kwekuda kwaMwari nokuda kwomunhu mumwe nomumwe. Muapostora Pauro akati: “Musazviumba mumene nomufambiro wenyika yakakupoteredzai, asi itai kuti mufambiro wenyu uchinje, uchiumbwa nendangariro yenyu itsva. Iyi ndiyo nzira bedzi yokuwana nayo kuda kwaMwari nokuziva zvakanaka, icho Mwari anoda, chiri chinhu chakakwana chokuita.” (VaRoma 12:1, 2, JB) Uyu Mufambiro mutsva unowanwa kupfurikidza nokufundwa kweShoko raMwari kunotungamirira kuzivo yakarurama yokuda kwake. Rinoita simba romudzimu rinosunda ndangariro uye rinoguma nomufambiro wechiKristu.—VaEfeso 4:23; VaKorose 1:9, 10.
Ko Chechi iri pa“Nguva Yakakomba Here”?
Pepanhau reSpain El País rakarondedzera Pope John Paul II seane“simba rechienzi rinoshamisa” nokuda kwemurume wemakore 75 okukura, uye pepanhau reU.S. rakamuti “nyanzvi yezvinobudisa nhau.” Ane unyanzvi mukubata nevanyori venhau uye mukunzwananisa vanhuwo zvavo nevana vavo. Munzendo dzake anomirira nounyanzvi Holy See iri muVatican City. Kunyange zvazvo Vatican ichizivikanwa zvapamutemo kuUN, chikomborero chapapa pasangano iroro hachisati chichizorivimbisa chikomborero chaJehovha Mwari.
Kuita zvichitevera kushanya kwapapa kwakanga kwakasiyana-siyana. Vazhinji vevaKaturike ivavo vakawana matikiti eMisa yepanze vakanzwa vasimbiswa mundangariro nechiitiko chacho. Zvisinei, vamwe vatungamiriri veKaturike vakava nomurangariro usina kunaka zvikuru weshanyo yacho nemigumisiro yayo inobvira. The New York Times yakanokora mashoko aTimothy B. Ragan, purezidhendi weCatholic National Center for Pastoral Leadership, seaitaura kuti “shanyo yaPapa yakapotsa dzimwe nhau. Kunyange zvazvo rwendo rwacho ‘rwakanga ruchisimbisa uye nemhaka yemisa rwakasimbisa vanhu vazhinji,’” nokuda kwavatungamiriri vazhinji veKaturike harwuna kugovera “nguva yokuti ateerere uye mukana wekurukurirano.” VaKaturike vazhinji vanofunga kuti panhau dzakadai sokusaroora, kudzora kubereka, uye kurambana, vanomanikidzwa kuteerera chete vasingatauriwo.
Zvimwe zviremera zveKaturike zvinobvuma kuti “chechi yacho iri panguva yakakomba,” uye vanotya kuti vaKaturike vazhinji, “zvikurukuru vaduku, vari kurasikirwa nepfungwa yakajeka yezvinoreva kuva muKaturike.” James Hitchcock, nyanzvi yemagamuchidzanwa yeKaturike, “anoona chinetso chacho serwisano inoparadza yepfungwa dzakasiyana pakati pavafundisi vasingadi kuchinja nenzira inowedzera nevaprista vari pasi pavo vanenge vanochinjika.”
Pamusoro penzira iyo shanyo yapapa yaizotapura nayo ngwavaira iri muchechi, Hitchcock akati: “Iye anouya kuno, anobatwa kumeso, anoenda kumusha—uye hapana chinoitika. Migumisiro yacho inoodza mwoyo mumurangariro wangu.” Zvirokwazvo papa akapotsa mukana wokuudza vatungamiriri vezvamatongerwe enyika paUN uko manyuko orugare rwechokwadi anowanikwa.
Kunyange zvazvo Charter yeUN nemashoko anoparadzirwa avanhu zvichisimbisa nharidzano ye“rugare nokuchengeteka,” usanyengerwa. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Kana vachiti, Rugare, nokugarika, ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi une mimba; havangatongopukunyuki.” (1 VaTesaronika 5:3) Rugare rwechokwadi nokuchengeteka zvichaparirwa bedzi nokuda kwaMwari uye nenzira yake—kupfurikidza noutongi hwoUmambo hwake, kwete kupfurikidza neUN.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemashoko ane udzame hukuru pauporofita huri muna Zvakazarurwa, ona bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 240-51, rakabudiswa muna 1988 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 22]
UN photos