Kuwana Mavambo Okutuka
“Nokuti muromo unotaura zvizere pamwoyo.”—MATEO 12:34.
ZVINENGE zviuru zviviri zvamakore zvakapfuura, Jesu Kristu akataura mashoko ari pamusoro apa. Hungu, mashoko omunhu kazhinji kazhinji anoratidzira mirangariro yake iri pasi pasi nevavariro. Angava anorumbidzwa. (Zvirevo 16:23) Pane rumwe rutivi, angava anonyengera.—Mateo 15:19.
Mumwe mukadzi akati pamusoro pomukwanyina wake: “Anoratidzika kuva anotsamwa zvisingakarirwi, uye kugara naye kazhinji kazhinji kwakaita sokufamba munzvimbo yakateyiwa zvimbambaira—hautongozivi chichaparira kuputika.” Richard anorondedzera chinetso chakafanana nomudzimai wake. “Lydia anogara akagadzirira kurwa,” anodaro. “Haangotauri chete; anotuka nenzira yokurwa, achindinongedza nomunwe sokunge ndiri mwana.”
Chokwadika, nharo dzingamuka kunyange muroorano dzakanakisisa, uye varume vose nemadzimai vanotaura zvinhu zvavanozozvidemba gare gare. (Jakobho 3:2) Asi kutuka muroorano kunobatanidza zvakawanda; kunobatanidza kuzvidza nokutaura kwokutsoropodza kunoitirwa kuti munhu atonge, kana kuti adzore, mukwanyina wake. Pane dzimwe nguva, kutaura kunokuvadza kunovanzwa muchitarisiko chinonyengera chounyoro. Somuenzaniso, wezvaMapisarema Dhavhidhi akarondedzera mumwe murume aitaura zvinyoro, bva mukati akaipa, achiti: “Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, asi kurwa kwakanga kuri pamwoyo pake; mashoko ake ari manyoro kupfuura mafuta, kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.” (Pisarema 55:21; Zvirevo 26:24, 25) Kana kungave kwakaipa nechokunze kana kuti kwakavanzika, kutaura kwehasha kunogona kuparadza roorano.
Mavambire Ako
Chii chinoparira munhu kutuka? Kazhinji kazhinji, kushandiswa kwokutaura kwakadaro kunogona kurondwa kudzokera shure kuizvo munhu anoona nezvaanonzwa. Munyika zhinji kutuka, kunyomba, uye kunyadzisa zvinorangarirwa sezvinogamuchirika uye kunyange zvinosetsa.a Varume zvikurukuru vangapesvedzerwa nezvinobudisa nhau, izvo kazhinji kazhinji zvakaratidzira varume “chaivoivo” sevanotonga uye vanoukono.
Nenzira yakafanana, vazhinji vanoshandisa kutaura kwokuzvidza vakarerwa mumisha umo kutsamwa kwomubereki, pfundepfunde, uye kushora zvaigara zvichinaya. Nokudaro, kubva pazera rapakuvamba, vakanzwisisa kuti rudzi urwu rwomufambiro nderwomuitiro.
Mwana anorerwa mumhoteredzo yakadaro angadzidza zvinopfuura mutoo wokutaura nawo; angavambawo kupinza murangariro wakavhiringidzika wake amene newavamwe. Somuenzaniso, kana kutaura kwehasha kukaitwa kumwana, angakura achinzwa asina maturo, kunyange kunyandurirwa kukuva anotsamwa. Asi zvakadini kana mwana achingonzwa hake baba vake vachirovanya mai vake nemashoko? Kunyange kana mwana wacho ari muduku zvikuru, anogona kutora kuzvidza vakadzi kwababa vake. Mukomana angadzidza mumufambiro wababa kuti murume anofanira kudzora vakadzi uye kuti nzira yokuwana nayo udzori ndeyokuvatyisidzira kana kuti kuvarwadzisa.
Mubereki anotsamwa angarera mwana anotsamwa, uyowo angakura kuva “anotsamwa zvikuru” anoita “kudarika kuzhinji.” (Zvirevo 29:22, NW, mashoko omuzasi) Nhaka yokutaura kunokuvadza nokudaro inogona kupfuudzwa kubva kune chimwe chizvarwa kuenda kune chinotevera. Nechikonzero chakanaka, Pauro akapa madzibaba zano, rokuti: “Madzibaba regai kunetsa vana venyu.” (VaKorose 3:21) Nenzira ine revo, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kunetsa,” maererano neTheological Lexicon of the New Testament, rinogona kuva nepfungwa ye“kugadzirira nokunyandurira kurwa.”
Chokwadika, pesvedzero yevabereki haipembedzi kutuka vamwe, nemashoko kana kuti neimwe nzira; asi inobetsera kutsanangura kuti chimiro chendangariro chokutaura nehasha chinogona kuva chakasimba zvikuru sei. Murume muduku angasarova mudzimai wake, asi anomurova nemashoko nezvimiro zvake zvendangariro here? Kuzvinzvera kungaratidza munhu kuti akagamuchira kuzvidza vakadzi kwababa vake.
Sezvinooneka pachena, nheyo dziri pamusoro apa dzinogonawo kushanda kuvakadzi. Kana mai vachituka murume wavo, mwanasikana angabata murume wake nenzira imwe cheteyo apo anoroorwa. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Zviri nani kugara murenje, pane kugara nomukadzi ane pamuromo uye akatsamwa.” (Zvirevo 21:19, The Bible in Basic English) Kunyange zvakadaro, murume anofanira kuva akangwarira zvikuru munhau iyi. Nemhaka yei?
Simba Revadzvinyiriri
Murume kazhinji kazhinji ane simba zvikuru muroorano kupfuura mudzimai. Anenge akasimba zvikuru mumuviri nguva dzose, achiita kuti tyisidziro dzipi nedzipi dzokurova dzive dzinotyisa zvikuru.b Mukuwedzera, murume kazhinji kazhinji ane unyanzvi hwebasa huri nani, unyanzvi hwokuzviraramira hwakawanda, uye betsero dzemari huru. Nemhaka yaikoku, mukadzi anorovanywa nemashoko sezvingabvira anonzwa aiswa parumano uye ari oga. Angabvumirana nokutaura kwaMambo akachenjera Soromoni, kwokuti: “Zvino ndakadzokazve, ndikaona kumanikidzwa kwose kunoitwa pasi pezuva; tarira, kwakanga kune misodzi yavanomanikidzwa, vachishayiwa munyaradzi; vamanikidzi vavo ndivo vakanga vane simba, asi ivo vakashayiwa munyaradzi.”—Muparidzi 4:1.
Mudzimai angavhiringidzika kana murume wake achingochinja-chinja—akapfava paimwe nhambo, anotsoropodza pane inotevera. (Enzanisa naJakobho 3:10.) Kupfuurirazve, kana murume wake ari mugoveri wezvinhu zvokunyama zvakakwana, mudzimai uyo ari nyajambwa wokutaura kwehasha anganzwa ane mhaka yokufunga kuti chimwe chinhu hachina kururama muroorano yacho. Angatozvipa mhaka amene nokuda kwomufambiro womurume wake. “Kungofanana nemudzimai arohwa,” anobvuma kudaro mumwe mukadzi, “ndaigarofunga kuti ndini ndaiparira kutukwa.” Mumwe mudzimai, anoti: “Ndakaitwa kuti ndidavire kuti kana ndaizongoedza zvakaoma kumunzwisisa noku‘va anoshivirira’ kwaari ndaizowana rugare.” Nenzira inosuruvarisa, kusabatwa zvakanaka kazhinji kazhinji kunopfuurira.
Zvirokwazvo kunosuruvarisa kuti varume vazhinji vanoshandisa simba ravo zvisina kufanira kupfurikidza nokutonga mukadzi wavangave vakapikira kuda nokuchengeta. (Genesi 3:16) Asi chii chinogona kuitwa nemamiriro ezvinhu akadaro? “Handidi kuenda,” anodaro mumwe mudzimai, “ndinongoda chete kuti arege kundibata zvisina kufanira.” Pashure pemakore mapfumbamwe eroorano, mumwe murume anobvuma, kuti: “Ndinoziva kuti ndiri muukama hwokutuka zvikuru uye kuti ndini mutuki. Zvirokwazvo ndinoda kuchinja, kwete kurega.”
Kune betsero nokuda kweavo vane roorano dzakatambudzwa nokutaura kunokuvadza, seizvo nyaya inotevera icharatidza.
[Mashoko Omuzasi]
a Sezviri pachena, zvimwe chetezvo zvakanga zviri zvechokwadi muzana rokutanga ramakore. The New International Dictionary of New Testament Theology rinotaura kuti “nokuda kwevaGiriki hwakanga huri humwe hwounyanzvi hwoupenyu kuziva nzira yokunyomba nayo vamwe kana kuti kutsungirira kunyombwa kwako umene.”
b Kutuka kunogona kuva danho rinotungamirira kumasimba masimba omumba. (Enzanisa naEksodho 21:18.) Mumwe mupi wezano wevakadzi vanorohwa, anoti: “Mukadzi ari wose anouya nokuda kwomurayiro wokudzivirira kurohwa, kubayiwa nebanga kana kuti kudzipwa kunoisa upenyu hwake mungozi akave, mukuwedzera, nenhau refu neinorwadza yokutukwa.”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
Nenzira inosuruvarisa, varume vazhinji vanoshandisa simba ravo zvisina kufanira kupfurikidza nokutonga mukadzi wavangave vakapikira kuda nokuchengeta
[Mufananidzo uri papeji 23]
Mwana anopesvedzerwa nenzira iyo vabereki vake vanobatana nayo