Murangariro weBhaibheri
Vana Vanofanira Kusarudza Rudzidziso Rwavo Vamene Here?
KUBVA panguva inoberekwa vana vavo uye mukati mokuyaruka, vabereki vanoitira mwana wavo zvisarudzo. Panguva imwe cheteyo, mubereki akachenjera anoziva nguva yokuva anochinjika, achirangarira panguva ipi neipi inobvira icho mwana angada.
Bva, kuti rusununguko rwakakura sei rwechisarudzo rwokupa mwana kungapa chinetso kuvabereki. Nepo kuri chokwadi kuti vana vanogona kuita zvisarudzo zvakarurama uye kubetserwa nemwero wakati werusununguko, nenzira yakafanana ichokwadi kuti vanogona kuita zvisarudzo zvisina kururama, izvo zvinogona kuguma nengwavaira.—2 Madzimambo 2:23-25; VaEfeso 6:1-3.
Somuenzaniso, vana kazhinji kazhinji vachasarudza zvokudya zvisingavaki muviri kupfuura zvokudya zvinovaka muviri. Nei? Nemhaka yokuti pazera repakuvamba, havakwanisi kuita zvisarudzo zvakanaka vari voga. Kwaizova kuchenjera here kuti vabereki vangobvumira zvavo vana vavo rusununguko munhau yacho, vachikarira kuti pakupedzisira vachasarudza zvokudya zvinovaka muviri? Aiwa. Panzvimbo pezvo, vabereki vanofanira kuitira vana vavo zvisarudzo vaine fariro dzechokwadi dzenguva refu dzevana vavo.
Naizvozvo, vabereki nenzira yakarurama vanoitira vana vavo zvisarudzo pamusoro pezvokudya, zvokupfeka, rutsvindo, uye tsika. Asi zvakadini nerudzidziso? Vabereki vanofanira kuitawo chisarudzo ichocho here?
Chisarudzo Chacho
Vamwe vangataura kuti vabereki havafaniri kumanikidzira zvitendero zvavo zverudzidziso pavana vavo. Kutaura idi, anopfuura makore 160 akapfuura, vamwe vaibvuma zvitendero zvechiKristu vakasimudzira pfungwa yokuti “vana havafaniri kudzidziswa rudzidziso kutyira kuti ndangariro dzavo dzingarerekera kuchitendero chakati, asi vanofanira kuregwa kusvikira vava kukwanisa kuita chisarudzo, uye vasarudza kuchiita.”
Zvisinei, iyi pfungwa haitsinhirane nemurangariro weBhaibheri. Bhaibheri rinosimbisa ukoshi hwokuroverera zvitendero zverudzidziso muvana kubva pakuberekwa. Zvirevo 22:6 inoti: “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”
Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mwana” rinovambira paucheche kusvikira pakuyaruka. Pamusoro peukoshi hwokudzidza kwepakuvamba, Dr. Joseph M. Hunt, weYunivhesiti yeIllinois, U.S.A., akati: “Kukura kwemwana kunokurumidza zvikurusa uye kunogadziriswa zvikurusa mukati memakore mana kana kuti mashanu ekutanga oupenyu. . . . Zvichida 20 muzana yemano [ake] makuru inotangwa zuva rake rokuberekwa rekutanga risati rasvika, zvichida hafu asati asvika mana.” Ikoku kunongosimbisa zvako zano rakafuridzirwa reBhaibheri rokuti kunokosha kuti vabereki vape nhungamiro yokuchenjera pakuvamba muupenyu hwemwana, vachimurovedza munzira dzaMwari.—Dheuteronomio 11:18-21.
Nenzira yakatanhamara, Magwaro anorayira vabereki vanotya Mwari kuroverera muvana vavo kuda Jehovha. Dheuteronomio 6:5-7 inoti: “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. Zvino mashoko aya andinokurayira anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” Chiito chechiHebheru chinoshandurwa kuti “dzidzisa” chine pfungwa yekurodza mudziyo, zvakadai sepachirodzeso. Ikoku hakugoni kuitwa nekukwiza kushomanene asi kunofanira kuitwa nokushingaira, kuchiitwa kwaitwazve. The New English Bible inoshandura chiito chacho chechiHebheru kuti “dzokorora.” Nenzira yakajeka, “dzidzisa” anoreva kusiya murangariro unogara.—Enzanisa naZvirevo 27:17.
Nokudaro, vabereki vechiKristu chechokwadi vanofanira kukoshesa musengwa wavo wekuroverera zvitendero zvavo zverudzidziso pavana vavo. Havagoni kurega zvakarurama iri basa kupfurikidza nokubvumira vana vavo kuzvisarudzira vamene. Ikoku kwaizobatanidza kuenda “nepwere” dzavo kumisangano. Ikoko vabereki vanogona kugara parutivi pavo ndokuvabetsera kukoshesa betsero dzomudzimu idzo mhuri yakabatana inogona kuwana kupfurikidza nokupa ngwariro kukurukurirano dzeMagwaro uye kutora rutivi madziri.—Dheuteronomio 31:12, 13; Isaya 48:17-19; 2 Timotio 1:5; 3:15.
Basa Revabereki
Kungoudza mwana kudya chimwe chinhu nemhaka yokuti chinovaka hakurevi kuti mwana wacho achachifarikanya. Nokudaro, amai vakachenjera vanoziva maitire okuita kuti izvi zvokudya zvinokosha zvive zvinonaka sezvinobvira kuitira kuti zvifadze kunakirwa kwemwana. Uye, chokwadika, vanogadzira zvokudya nemutoo unowirirana nesimba remwana rekukwanisa kuzvizeya.
Nenzira yakafanana, mwana pakutanga angaramba murayiridzo werudzidziso, uye mubereki angaona kuti kuedza kurangarira panhau yacho hakushandi. Zvisinei, nhungamiro inobva muBhaibheri yakajeka—vabereki vanofanira kuita unani hwavo kurovedza vana vavo kubva paucheche. Naizvozvo, vabereki vakachenjera vanoita kuti murayiridzo werudzidziso uve unonaka kupfurikidza nokuupa munzira inofadza mwana, vachirangarira mano ake ekuunzwisisa.
Vabereki vane rudo vanoda zvikuru mutoro wokugovera zvinodikanwa zveupenyu nokuda kwevana vavo, uye muzviitiko zvizhinjisa hakuna anoziva zvinodikanwa zvemwana kupfuura vabereki vacho. Mutsinhirano naikoku, Bhaibheri rinoisa musengwa wekutanga wekugovera mumuviri pamwe chete nekwemudzimu pamafudzi evabereki—baba zvikurukuru. (VaEfeso 6:4) Nokudaro, vabereki havafaniri kunzvenga basa ravo kupfurikidza nokupa musengwa wacho kumumwe munhuwo zvake. Kunyange zvazvo vangashandisa rubatsiro runogoverwa, irworwu rwuchawedzera, kwete kutsiva, dzidzo yerudzidziso inobva kuvabereki.—1 Timotio 5:8.
Pane imwe nguva muupenyu, munhu mumwe nomumwe anosarudza kuti zvitendero zvipi zverudzidziso zvaachadavira, kana zviripo. Kana vabereki vechiKristu vakatora basa remunhu oga nokuda kwekupa vana vavo kurayiridza kwerudzidziso kubva pazera repakuvamba uye kana vakashandisa iyi nguva kuvarayiridza kurangarira pahwaro hwenheyo dzakanaka, chisarudzo vana vacho vanoita gare gare muupenyu sezvingabvira zvikuru chichava chakarurama.—2 Makoronike 34:1, 2; Zvirevo 2:1-9.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]
The Doré Bible Illustrations/Dover Publications, Inc.