Apo Vanhu Vose Vachadanana
MUMHARIDZO yake paGomo, Jesu Kristu akataura nezvenguva apo vanhu vose vachadanana. Achisuma tsinhiro dzake, Jesu akanokora mashoko Pisarema rechi37, achiti: “Vakaropafadzwa vanyoro: nokuti vachagara nhaka yenyika.” Pisarema reBhaibheri iroro rinorondedzerawo nzira ichawanwa nayo mamiriro ezvinhu aya anoshamisa, richiti: “Vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanomirira Jehovha, vachagara nhaka yenyika.”—Mateo 5:5; Pisarema 37:9; American Standard Version.
Kuchava kuchinja kunoshamisa zvakadini—vanoita zvakaipa vose vabviswa panyika uye vanhu vanodanana chete vasara! Izvozvo zvingaitika sei? Jesu akapfuurira kuratidza kuti zvaizoitika sei muMharidzo yake inonyatsozivikanwa paakatidzidzisa kunyengetera kuti: “Ushe hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:10, AS) Cherekedza kuchaitirwa kuda kwaMwari. Kwete kudenga chete. “Tinonyengetera kuti, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga,” nyaya yemuThe Christian Century yakasimbisa kudaro.
Saka zvino, Umambo hwaMwari chii uhwo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera? Zviri pachena, kuti ihurumende chaiyoiyo, inotonga iri kudenga. Ndokusaka ichinzi “Ushe hwokudenga.” (Mateo 10:7) Mutongi akasarudzwa weUmambo, kana kuti hurumende iyi, Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu.
Kare kare Jesu asati aberekwa naMaria, muporofita waJehovha Isaya akafanotaura nezvechiitiko chinoshamisa ichocho nezvaizoitika pakupedzisira kuti: “Takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana; uye hurumende ichava papfudzi rake: uye zita rake richanzi Anoshamisa, Anopa Mazano, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingagumi, Muchinda weRugare. Kukura kwehurumende yake nerugare hakuzovi nemugumo.” (Isaya 9:6, 7, AS) Pashure pekufa nekumuka kwaJesu, akagara naBaba vake kudenga, achimirira kuudzwa kuti atange kutonga saMambo.—Pisarema 110:1, 2; VaHebheru 10:12, 13; Zvakazarurwa 11:15.
Saka zvino, chii chichaitika pakupedzisira kunyika ino yakazara nokuvenga? Cherekedza kupindura kunoita Bhaibheri mubvunzo iwoyo. Muporofita waMwari Dhanieri akafanotaura kuti: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingazotongoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Zviri pachena, kuti uporofita hweBhaibheri uhu huri kufanotaura nezvekuchinja kukuru munhau dzevanhu. Gadziriro yezvinhu yose iyi, iyo inobatanidza vanhu venyika ino avo vanoramba nechisimbwa kuzviisa pasi pekutonga kwaMwari, vachabviswa panyika! Chimbofunga chichaitsiva.
Upenyu Munyika Itsva Yakarurama
Apo nyika yekare inoguma, pachava nevanopukunyuka. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:17) Hungu, vanoita kuda kwaMwari vachapukunyuka ndokupinda munyika itsva, sekupukunyuka kwakaita Noa nemhuri yake mugumo wenyika yezuva ravo. Muapostora Petro akanyora kuti: “Asi sezvaakapikira [Mwari], tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:5-7, 11-13.
Nezvenguva apo hurumende ichave Umambo hwaMwari hwoga huchange huchitonga, Bhaibheri rinopikira kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Vakarurama vachafadzwa neupenyu mupasi rakacheneswa. Ichava nguva ine mbiri yakadini! Kana usati watoita izvozvo, tapota nzvera zvikomborero zvinorondedzerwa muBhaibheri zviri kuratidzwa nemifananidzo iri pamapeji ari shure.
Hazvifadzi mwoyo wako here kuziva kuti Musiki wedu ari kupikira zvinhu zvinoshamisa zvakadaro kuti vanomunamata vabetserwe? Zvechokwadi, ichi ndicho chaiva chinangwa chaMwari paakasika vanhu vaviri vekutanga ndokuvaisa muParadhiso yapasi! Cherekedza zvavakaudzwa naMwari: “Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.”—Genesi 1:27, 28.
Adhama naEvha vaifanira kuva nevana, uye sezvo ava vaizokura, vaizofanira kuitawo basa rinofadza rekuchengeta Paradhiso yapasi yakanaka. Funga nezvekufara kwaizovapo pakuwedzera miganhu yebindu reEdheni sezvo mhuri yevanhu yaizokura! Zviri pachena, kuti chaiva chinangwa chaMwari kuti pasi rose rive paradhiso. Chinangwa ichocho chichazombozadzikwa here? Tinogona kuva nechokwadi kuti chichadaro, nokuti tine shoko raMwari pachake rinodaro! Anopikira kuti: “Zvirokwazvo, ndakataura, . . . ndichazviitawo.”—Isaya 46:11; 55:11.
Ungafadzwa nokurarama nokusingaperi muParadhiso yapasi iri kurondedzerwa mumagwaro ari kuratidzwa pamapeji ari shure here? Sezvingakarirwa, haasi munhu wose achabvumirwa kurarama imomo nokusingaperi. Pane zvinodiwa. Zvii?
Kuva Nezvinodiwa Kuti Urarame Nokusingaperi
Kutanga, vanoda kurarama munyika itsva yaMwari vanofanira kudzidza kudanana, sekudzidziswa kwatakaitwa naMwari. Bhaibheri rinoti: “Imi mumene makadzidziswa naMwari kuti mudane.” (1 VaTesaronika 4:9) Mwari anotidzidzisa sei izvi?
Zvikurukuru neShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri. Izvi zvinoreva kuti kuti tirarame nekusingaperi, tinofanira kubvuma zvinodzidziswa naMwari muBhaibheri. Mumwe mudzidzi weBhaibheri wekuMabvazuva akati: “Ndinokarira nguva apo, sezvakapikirwa neBhaibheri, vanhu vose vachave vadzidza kudanana.”
Mumunyengetero kuna Baba vake, Jesu akataura chinodiwa chinokosha. Akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Bhurocha ramapeji 32 rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? richakubetsera kuwana zivo iyi. Unogona kuwana kopi kupfurikidza nokuzadza kopani iri papeji 32 woitumira kuWatch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 16-18]
Zvinopikirwa naMwari
Ukama Hwenyika Yose Hworudo
“Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu unomutya, achiita zvakarurama unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
Hakuzovizve Neutsotsi Kana Kuti Hondo
“Asi vanoita zvakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Zvirevo 2:22.
“[Mwari] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.”—Pisarema 46:9.
Zvokudya Zvakanaka Zvakawanda
“Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.
Rugare Pakati Pevanhu Nemhuka
“Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, . . . uye mwana muduku uchadzitungamirira.”—Isaya 11:6.
Kurwara, Kukwegura, uye Rufu Zvichabviswa
“[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo kana kuchema kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
Kumuka Kwevadiwa Vakafa Pasi Pano
“Awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi ra[Jesu] vobuda.”—Johane 5:28, 29, NW.