AIDS—Itariroi Iripo Yeramangwana?
KUNZE kwekushayikwa kwemirimo inorapa kana kudzivirira HIV, pane zvimwe zvinhu zvinotadzisa kupedza hosha yacho. Chimwe chazvo ndechokuti vanhu vakawanda, nemhaka yokuti havadi kuchinja mararamire avo, havana basa nazvo kana vakapomerwa hosha yacho. MuUnited States, somuenzaniso, nhamba yevanhu vane hosha yacho yanga isinganyanyochinji, pasinei zvapo nekuderera kwenhamba yevanhu vakarwara neAIDS. Chikonzero chakataurwa neAssociated Press, ndechokuti “vanhu vakawanda havasi kuteerera kunyevera kwokudzivirira.”
Munyika dzepasi pose dzichiri kusimukira, munoshumwa kuti mune 93 muzana yevane HIV, pane zvimwe zvinetso zvinotadzisa kunyatsobata nehosha iyi. Dzakawanda dzenyika idzi dzine urombo zvokuti hadzigoni kunyange kutarisira zvinhu zviduku zvoutano. Kunyange kudai mirimo mitsva iyi yaiwanika munyika dzakadaro—kazhinji kacho haiwaniki—mari inodiwa kurapa pagore yaizowanda kupfuura iyo vanhu vakawanda vanoshandira muupenyu hwavo hwose!
Asi, ngatimbotii murimo mutsva, usingadhuri waizogadzirwa uyo waizorapa hosha yacho. Murimo wakadaro waizosvika kune vanhu vose vanouda here? Pamwe hazvidaro. Gore roga roga, maererano neUnited Nations Children’s Fund, vana vanenge mamiriyoni mana vanofa nehosha shanu dzinogona kudzivirirwa nenhomba dzisingadhuri, dziripo.
Zvakadini nevanhu vanogara munyika mavasingagoni kuwana mirimo yekurapa nayo? Ruth Mota, weInternational Health Programs muSanta Cruz, California, akabatsira kuronga mapurogiramu ekudzivirira HIV nokutarisira vanayo munyika dzichiri kusimukira dzinoverengeka. Anotaura kuti: “Kubva mune zvandakaona, kufunga zvinovaka kunokosha zvakaenzana nekuwana mushonga. Ndinoziva vanhu vakararama neHIV kwemakore 10 kusvika ku15 uye vasina kumbobvira vanwa mushonga. Mishonga inobatsira, asi kurapa kunopfuura kungoisa makemikoro mumuviri mako. Kunobatanidza mafungire, kutsigira kwenzanga, umudzimu, uye zvokudya.”
Pane Chichazvipedza Zvose
Pane chinhu chingaita kuti tidavire kuti rimwe zuva AIDS ichakurirwa here? Hongu, chiripo. Tariro yakanakisisa iri mumashoko anonzi nevanhu vakawanda Munyengetero waShe kana kuti Baba Vedu (Unodzokororwa). Mumunyengetero iwoyo, wakanyorwa mubhuku reBhaibheri raMateo, tinoteterera kuti kuda kwaMwari kuitike pasi pano sokudenga. (Mateo 6:9, 10) Hakusi kuda kwaMwari kuti vanhu vatambudzwe nehosha nokusingaperi. Mwari achapindura munyengetero iwoyo. Pakuita kudaro, haazogumisi AIDS chete asi dzimwe hosha dzose dzinotambudza vanhu. Ipapo, “hapana ugeremo uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24.
Zvichingunodaizvi, chinhu chakanakisisa kudzivirira. Kuhosha dzakawanda, pane zvinhu zviviri zvokuita: Unogona kudzidzivirira kana kuti zvimwe kudzirapa. Kana iri HIV, hapana kusarudza kwakadaro. Inogona kudzivirirwa, asi pari zvino hairapiki. Unodirei kuita zvinhu zvinoisa upenyu hwako pangozi? Kudzivirira chokwadi kuri nani pane kusarapika.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
“Kurapa kunopfuura kungoisa makemikoro mumuviri mako. Kunobatanidza mafungire, kutsigira kwenzanga, umudzimu, uye zvokudya.”—Ruth Mota
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]
“Ungano Yacho Yaishamisa”
Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vaainamata navo kuti: “Ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kune veimba yokutenda.” (VaGaratia 6:10) Amai vaKaren, ambodudzwa munyaya yokutanga, vanotsanangura zvakaitwa neungano yeZvapupu zvaJehovha payakanzwa kuti Karen naBill vairwara neHIV. Vanotaura kuti: “Ungano yacho yaishamisa. Bill paakati gwadagwa nemabayo, Karen aizvirwarirawo uye achitamburira kumuchengeta pamwe chete nevana. Hama dzakachenesa imba yavo, dzakagadzira motokari, nokuwacha mbatya. Dzakavabatsira kugadzirisa nhau dzinoda kusainwa mapepa nokutamira kune imwe imba. Dzakavatengera zvokudya nokuvabikira. Paiva nokutsigira kwepachokwadi kwendangariro, mudzimu, uye nekwekunyama kwakawandisa.”
[Mufananidzo uri papeji 8]
Kuvimbika muroorano kungadzivirira kutapukirwa neHIV