Kupera Kwehondo
VANHU kwose kwose kwenguva refu vave vachida nyika isina hondo. Chido chinongoramba chisingazadziswi. Sezvatakaona munyaya yakatangira ino, vakawanda vanodavira kuti rugare rwenyika yose rwunogona kuvapo chete nehurumende yenyika yose, hurumende yaizomiririra vanhu vose venyika isingasaruri. Zvisinei, vakawanda vanoziva kuti, vatongi vevanhu vakawanda havazombofi vakada kupa uchangamire hwavo hurumende inomiririra munhu wose ari pasi pano. Izvi zvinoreva here kuti hurumende yenyika yose haibviri?
Zvingaratidzika sokudaro. Asi, uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti hurumende inotonga pasi rose ichakurumidza kuita kuti nyika ive nerugare. Izvi hazvizoitiki nemhaka yekutaurirana kwevanhu kana kuti nezvibvumirano zvenyika dzose. Muprofita Dhanieri akafuridzirwa kunyora kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi.”—Dhanieri 2:44.
Ndihwo Umambo humwe chete uhwo Jesu akaudza vateveri vake kuti vanyengeterere mumunyengetero unozivikanwa nemamiriyoni seMunyengetero waShe, kana kuti Baba Vedu. Pamwe unotoziva munyengetero iwoyo, unowanwa muBhaibheri pana Mateo 6:9, 10. Chimwe chikamu chawo chinokumbira izvi kuna Mwari: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” Mwari achapindura munyengetero iwoyo. Umambo ihwohwo huchakurumidza ku‘uya’ kuzoita kuda kwaMwari nokuda kwapasi. Kuda kwaMwari kunobatanidza kuchinja pasi rose kuva paradhiso yerugare.
Tariro Yechokwadi Yerugare Rwenyika Yose
Pane chikonzero chero chipi zvacho chokudavira kuti Umambo hwaMwari huchaita basa rakanaka kupfuura rakaitwa nehurumende dzevanhu here? Chimbofunga nezvezvinhu zvisere zveUmambo hwaMwari zvichaita kuti pave nechokwadi chokuti vanhu vanotongwa nahwo vachava nerugare rusingagumi.
1. Umambo hwacho huchava nemutungamiriri wahwo akagadzwa naMwari Jesu Kristu akapiwa mbiri, “Muchinda woRugare.” (Isaya 9:6) Paaiva pasi pano, Jesu akaratidza kuti vabatiri vake havapakatiri zvombo kuti varwe hondo yenyama. Akati kuna Petro: “Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.”—Mateo 26:52.
2. Umambo hwacho huchava hurumende yenyika yose chaiyo. Nezvechiremera chakapiwa Jesu, Dhanieri akafanotaura kuti: “Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire.”—Dhanieri 7:14.
3. Umambo hwacho huchamiririra vanhu vose. Jesu achava nevaanotonga pamwe chete navo “vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose” uye “va[chabata] ushe panyika.”—Zvakazarurwa 5:9, 10.
4. Umambo hwaMwari huchagumisa hurumende dzose dzevanhu, dzinoshora chiremera chahwo. ‘Umambo hwacho . . . huchaputsanya nokuparadza umambo hwevanhu hwose, uye ihwo pachahwo huchamira nokusingaperi.’—Dhanieri 2:44.
5. Marudzi epasi achatungamirirwa nemutemo wemarudzi ose. Isaya akaprofita nezvenguva iyoyo, achiti: “Murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusarema. Iye uchatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji.”—Isaya 2:3, 4.
6. Vanodzorwa neUmambo hwacho vachadzidza nzira dzerugare. Isaya akapfuurira kuti: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.
7. Vanoda chisimba vachaparadzwa. “Jehovha unoidza vakarurama; asi mweya wake unovenga wakaipa nounomanikidza. Uchanisira misungo pamusoro pavakaipa; moto nesuferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa.”—Pisarema 11:5, 6.
8. Zvombo zvichaparadzwa. “Uyai muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomoto.”—Pisarema 46:8, 9.
Kutenda Zvakapikirwa naMwari—Nei uye Sei?
Bhaibheri rinopa mamwe mashoko akawanda nezveUmambo hwaMwari. Somuenzaniso, rinoratidza vachabatana naJesu Kristu mukudzora zvinhu zvepasi. Rinopfuurira kutaura kuti vanosarudzwa sei uye kuti ndezvipi zvavanofanira kukwanisa kuita. Bhaibheri rinotaurawo kuti Umambo hwacho huchatarisira sei zviwanikwa zvenyika kuti zvitsigire kubudirira nemufaro pakati pevanhu vose venyika, huchibvisa shanje nemakaro zvave zvichiwanzoita kuti pave nehondo.
Uprofita hwakadaro hunofanira kudavirwa here? Jehovha pachake akati: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.” (Isaya 55:11) Mashoko aya anoreva zvakawanda kupfuura kungovimbisa kuti Mwari anochengeta zvaakapikira. Jehovha ndeweMasimba Ose, saka ane simba rokuita kuti pave nerugare rwenyika yose. Hapana chaasinganzwisisi; saka, ane uchenjeri hwokuchengetedza rugare. (Isaya 40:13, 14) Uyezve, Jehovha pachake rudo chairwo, saka muchisiko chose hapana kana ani zvake ane chido chikuru chokuunza rugare rwenyika yose.—1 Johane 4:8.
Zvechokwadi, zvinoda kutenda kudavira zvakapikirwa naMwari. Kutenda kwakavakirwa paruzivo uye kunowedzerwa nokudzidza Shoko raMwari, Bhaibheri. (VaFiripi 1:9, 10) Sezvatinodzidza unhu hwaMwari nezvinangwa zvake, Umambo hwaMwari hunova hwechokwadi zviri pachena. Hungu, hondo dzichaparadzwa, kwete nezvingaedza kuitwa nevanhu, asi nehurumende ine mbiri yenyika yose inotsigirwa naMwari, Umambo Hwake.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Mukutonga kweUmambo hwaMwari, vanodzorwa nahwo vachadzidza kuva norugare, uye zvombo zvichaparadzwa