RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 7/8 pp. 29-31
  • Nyemwerera Zvinokubatsira!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyemwerera Zvinokubatsira!
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mugumisiro Wakanaka Pauri Navamwe
  • Kufunga Kwakanaka Kunoita Kuti Kunyemwerera Kuve Nyore
  • Simba Rokunyemwerera
    Mukai!—2003
  • Kunyemwerera Kunobatsira
    Mukai!—2017
  • Chidzidzo 5
    Zvandinodzidza muBhaibheri
Mukai!—2000
g00 7/8 pp. 29-31

Nyemwerera Zvinokubatsira!

Nomunyori weMukai! muJapan

KANA kuchibva pamwoyo kunonyungurutsa pfungwa yokunyumwira. Kunobvisa kufungira zvakaipa kwakaunganidzwa mumakore akawanda. Kunopfavisa mwoyo yakaomeswa nokusatenda uye kusavimba. Kunounza zororo nomufaro kune vakawanda. Kunoti, “Ndinonzwisisa. Usanetseka.” Kunoteterera kuchiti, “Ndinovimba kuti tinogona kuva shamwari.” Chishandiso chine simba zvikuru ichi chii? Kunyemwerera. Kunogona kuva kunyemwerera KWAKO.

Chii chinonzi kunyemwerera? Kunyemwerera kunowanzorondedzerwa mumaduramazwi se‘chitarisiko chechiso apo makona omuromo anokombamira kumusoro zvishoma, kuratidza kunakidzwa, kubvumira, kana mufaro.’ Ipapo ndipo pane chakavanzika chokunyemwerera kwoushamwari. Kunyemwerera inzira yokuratidza manzwiro ako kana kukurukura zviri mupfungwa yako kune vamwe pasina kutaura shoko. Chokwadi, kunyemwerera kunogona kuratidzawo kuzvidza kana kushora, asi iyi imwewo nhau.

Kunyemwerera pane chakunochinja here? Unoyeuka here apo kunyemwerera kwomumwe munhu kwakaita kuti unyevenuke kana kuti unzwe wakasununguka? Kana kuti apo kusanyemwerera kwakakuita kuti unzwe kusagadzikana kana kunzwa kusadiwa? Hungu, kunyemwerera kune zvakunochinja. Kunochinja ari kunyemwerera neari kunyemwererwa. Nezvavavengi vake, mumwe munhu anotaurwa muBhaibheri Jobho akati: “Ndaivasekerera kana vasingatsungi; havana kudzima chiedza chechiso changu.” (Jobho 29:24) “Chiedza” chechiso chaJobho chinogona kuva chairatidza kujeka kwechiso kana kuti mufaro wake.

Mugumisiro wakanaka kwazvo wokunyemwerera unoitikawo nanhasi. Kunyemwerera kwoushamwari kungabatsira kubvisa kufufutirwa. Kunogona kuita sevharuvhu yepressure cooker (poto inoshanda noutsi hwemvura hunopisa). Patinonzwa kufufutirwa kana kuvhiringidzika, kunyemwerera kunogona kutibatsira kubvisa kufufutirwa kwacho uye kubata nokuvhiringidzika kwedu. Somuenzaniso, Tomoko aiwanzocherechedza vamwe vaimutarisa. Aifungidzira kuti vaimutsoropodza, sezvo vaikurumidza kutarisa kurutivi pavaisanganidzana maziso. Tomoko ainzwa kusurukirwa uye asingafari. Rimwe zuva shamwari yake yakamukurudzira kunyemwerera vanhu paaisanganidzana navo maziso. Tomoko akazviedza kwevhiki mbiri uye akashamiswa kuti munhu wose aimunyemwererawo! Kufufutirwa kwepfungwa kwakapera. Anoti, “upenyu hwave kufadza chaizvo.” Hungu, kunyemwerera kunoita kuti tinzwe takasununguka navamwe uye kunotibatsira kuwedzera kuva ane ushamwari.

Mugumisiro Wakanaka Pauri Navamwe

Kunyemwerera kunogona kunyevenutsa munhu mupfungwa. Kunobatsira kuita kuti munhu afunge zvakarurama. Kunobatsira muutano hwomuviri zvakare. Pane chirevo chinoti, “Kuseka mushonga wakanaka.” Kutaura zvazviri, nyanzvi dzezvokurapa dzinoti pfungwa dzomunhu dzinofambidzana zvikuru nemamiriro omuviri wake. Kunzvera kwakawanda kunoratidza kuti kunetseka mupfungwa kunopfuurira kwenguva refu, kuzvidya mwoyo, kunopedza simba romuviri wedu rokudzivirira zvirwere. Ukuwo, kunyemwerera kunoita kuti tinzwe zvakanaka, uye kuseka kunotosimbisa simba romuviri wedu rokudzivirira zvirwere.

Kunyemwerera kune mugumisiro wakanaka pavamwe. Fungidzira mamiriro ezvinhu okuti uri kugamuchira zano kana kuti kurayirwa. Chitarisiko chechiso chakadini chaungada kuona pachiso chaari kupa mazano? Chitarisiko chisina ushamwari kana kuti chakasungwa chinogona kuratidza kutsamwa, kunyangadzwa, kusada, kunyange hasha. Ukuwo, kunyemwerera kwoushamwari pachiso chaari kupa mazano hakuiti here kuti zvichida unzwe wakasununguka saka naizvozvo uchigona kugamuchira zano racho? Chokwadi, kunyemwerera kunobatsira kuderedza kusanzwisisana mumamiriro ezvinhu akaoma.

Kufunga Kwakanaka Kunoita Kuti Kunyemwerera Kuve Nyore

Chokwadi, vakawanda vedu hatina kuita sevatambi vemitambo vanogona kuti mweku kunyemwerera panguva ipi zvayo; uyewo hatina chido chokuva vakadaro. Tinoda kuti kunyemwerera kwedu kuve kwomuzvarirwo uye kunobva pamwoyo. Murayiridzi pachikoro chinodzidzisa kukurukurirana akati: ‘Zvinokosha kusununguka ndokunyemwerera nomwoyo wose, kana ukasadaro kunyemwerera kwako kungava kunyenama.’ Tinogona sei kunyemwerera zvapachokwadi zvinobva pamwoyo? Pano Bhaibheri rinogona kutibatsira. Richitaura nezvemataurire edu rinotiudza pana Mateu 12:34, 35 kuti: “Muromo unotaura zvinobva pazvakawanda zvemwoyo. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka, asi munhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa.”

Yeuka, kunyemwerera inzira yokuratidza nayo manzwiro atinoita pasina shoko. Tichiyeuka kuti tinotaura “zvinobva pazvakawanda zvemwoyo” uye kuti “zvinhu zvakanaka” zvinobuda “papfuma yakanaka,” zvinova pachena kuti chinokosha pakunyemwerera kwechokwadi mafungiro edu nemanzwiro edu. Hungu, zviri mumwoyo yedu pasina mubvunzo zvicharatidzwa pane imwe nguva, kwete bedzi nemashoko edu nezviito asiwo nechitarisiko chechiso chedu. Saka, tinofanira kuramba tichishandira kuva nemafungiro akanaka. Chitarisiko chechiso chedu chinofambidzana zvakasimba nemafungiro edu nezvevamwe. Naizvozvo ngatinyanye kutarisa unhu hwakanaka kwazvo hwenhengo dzemhuri, vanhu vari munharaunda yedu, uye shamwari dzedu dzapedyo. Tichazviwana zviri nyore kuvanyemwerera. Kuchava kunyemwerera kunobva pamwoyo, nokuti chinenge chichikonzera izvi mwoyo wakazara nokunaka, ngoni, uye mutsa. Maziso edu acharatidza mufaro, uye vamwe vachaziva chaizvoizvo kuti tinorevesa.

Zvisinei, zvinofanira kucherechedzwa kuti nemhaka yokurerwa kwavakaitwa kana kuti kwavakakurira, vamwe vanhu vanoona zvakanyanya kuoma kuti vanyemwerere pane vamwe. Kunyange kana vachida vavakidzani vavo, havana kungojaira kunyemwerera kwavari. Somuenzaniso, varume vokuJapan setsika vanotarisirwa kudzikama uye kuramba vakanyarara nguva dzose. Naizvozvo, vakawanda vavo havana kujaira kunyemwerera vanhu vavasingazivi. Zvakadaro zvingava zvechokwadiwo nezvedzimwe tsika. Kana kuti vamwe vanhu vangave vakangozvarwa vachinyara uye vangasawana kunyemwerera vamwe kuri nyore. Nokudaro, hatifaniri kutonga vamwe nokungoti kunyemwerera kwavo kwakakura zvakadini kana kuti vanonyemwerera kakawanda zvakadini. Vanhu vakasiyana-siyana, uye ndozvakaita maitiro avo uye nzira dzokukurukura navamwe.

Kunyange zvakadaro, kana uchiwana zvakaoma kunyemwerera vamwe, kuregererei kudzidzira kuti udaro? Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo . . . Ngatiitirei vose zvakanaka.” (VaGaratiya 6:9, 10) Imwe nzira yo“kuita zvakanaka” kune vamwe kuvanyemwerera—uye unokwanisa kuzviita! Naizvozvo tanga kukwazisa vamwe uye ipa shoko rekurudziro uchinyemwerera. Zvichaongwa zvikuru. Uyewo, uchawana kuti kunyemwerera kunova nyore sezvo unokudziridza muitiro wacho.

[Bhokisi riri papeji 30]

Shoko Renyevero

Ichokwadi chinosuruvarisa kuti hakusi kunyemwerera kwose kwatinoona kunobva pamwoyo. Vanyengeri, vatengesi vasina kutendeka, nevamwe vanogona kuratidzira kunyemwerera kunokwezva. Vanoziva kuti kunyemwerera kunogona kuvaraidza vanhu kwovaita kuti vasambofungira zvakaipa. Vanhu vane tsika dzisina kunaka kana kuti vane vavariro dzisina kuchena vanogonawo kunyemwerera zvinokwezva. Nepo zino irema; kunyemwerera kwavo kunonyengera. (Muparidzi 7:6) Naizvozvo nepo tisingafungiri vamwe zvakaipa zvakanyanya, tinofanira kuziva kuti kurarama “mumazuva okupedzisira,” dziri nguva dzakaoma kubata nadzo, tinofanira ‘kuzviratidza kuva vakangwarira senyoka asi tisina mhaka senjiva,’ sezvakakurudzirwa naJesu pachake.—2 Timoti 3:1; Mateu 10:16.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Tanga iwe kukwazisa vamwe uchinyemwerera

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe