Kukurira Zvinetso zveProstate
“Pandaive nemakore 54, ndakatanga kuita weti kakawanda, dzimwe nguva maminiti 30 oga oga. Chiratidzo ichi chakaita kuti ndione chiremba, uye ndakaziva kuti ndaizofanira kubviswa prostate yangu.” Nyaya dzakafanana naiyoyi dzinowanzonzwika mumakiriniki eprostate pasi rose. Murume angaita sei kuti adzivise hosha dzeprostate? Ndepapi paangatsvaka zano ravanachiremba?
PROSTATE igland rinowanikwa pazasi pedundira uye rinokomberedza mwena unobuda neweti. (Ona mufananidzo wehudyu yomurume.) Pamunhurume asiri kurwara akura, inorema magiramu 20 uye kana yatorebesa ingasvika masendimita 4 ikachekwa yakachinjikwa kubva mumakona, masendimita 3 ikachekwa yakatevedzwa urefu hwayo, uye masendimita 2 ikachinjikwa. Basa rayo nderokuburitsa zvimvura-mvura zvinoumba inenge 30 muzana youwandu hwourume. Zvimvura-mvura izvi, zvine citric acid, calcium, nemaenzayemu, zvichida zvinowedzera kukwanisa kufamba-famba (kukwanisa kushambira) uye kuberekesa kwembeu. Uyezve, zvimvura-mvura zvacho zvinoburitswa neprostate zvinosanganisira zinc, iyo masayendisiti anofungidzira kuti inodzivirira pazvirwere zvenhengo dzokubereka nadzo.
Kuziva Prostate ine Chirwere
Zviratidzo zvakati kuti zvomuhudyu zvine chokuita nehosha yeprostate yokuzvimba kana kuita yemamota. Prostatitis—kuzvimba kweprostate—kunogona kukonzera kupisa kwomuviri, kusanzwa zvakanaka pakuita weti, uye kurwadza kwedundira. Kana prostate yanyanya kuzvimba, inogona kutadzisa murwere kuita weti. Kana kuzvimba kwacho kuri kukonzerwa noutachiona, hosha yacho inonzi bacterial prostatitis, uye ingava inorwadza zvikuru kwenguva pfupi kana kuti isingaperi. Inowanzova nechokuita nezvirwere zvokuita weti. Zvisinei, muzvizhinji zvezviitiko zvacho, chinokonzera kuzvimba kwacho hachionekwi, nokuda kwechikonzero ichocho hosha yacho inonzi nonbacterial prostatitis.
Zvinetso zveprostate zvinowanzozivikanwa kunyanya kuita weti, kuita weti usiku, kudzikira kwesimba rokubuda kweweti, uye kusambonzwawo dundira serisina chinhu. Zviratidzo izvi zvinowanzoratidza benign prostatic hyperplasia (BPH)—kukurisa kweprostate kusingakonzerwi nekenza—iyo ingabata varume vane makore anopfuura 40. Mukana wokubatwa neBPH unowedzera nezera. Inowanikwa mu25 muzana yevarume vane makore 55 uye 50 muzana yevane makore 75.
Prostate inogona kuita mamota akaipa zvikuru. Kenza yeprostate inowanzoonekwa mushure mokuongorora kunotevedzana, kunyange kana pasina zviratidzo zveprostate. Muzviitiko zvokunge yagarisa, inogona kutadzisa kuita weti nokuzvimbisa dundira. Kana kenza yapararira kune dzimwe nhengo, pangava nokurwadziwa nomusana, zvinetso zvetsinga dzinoenda kuuropi, uye kuzvimba makumbo nokuda kwokusasvika kwemvura inonzi lymph. Murimwe gore richangopfuura, United States yoga yakashuma varwere vanenge 300 000 vakatanga kurwara nekenza yeprostate uye nzufu 41 000 dzakakonzerwa nayo. Masayendisiti anodavira kuti 30 muzana yevarume vari pakati pemakore 60 ne69 uye 67 muzana yevarume vari pakati pemakore 80 ne89 vachaita kenza yeprostate.
Ingabata Kunyanya Vanaani?
Kutsvakurudza kunoratidza kuti mikana yokubatwa nekenza yeprostate inowedzera zvikuru pashure pezera remakore 50. MuUnited States, kenza iyi yakawanda muvarume vatema kakapetwa kaviri kupfuura muvachena. Kuwanda kwezviitiko zvehosha iyi kunosiyana-siyana kupota pasi rose, kuri pamusoro munyika dzomuNorth America nomuEurope, kwova pakati nepakati muSouth America, kwodzikira muAsia. Izvi zvinoreva kuti kusiyana kwezvakapoteredza kana kuti zvokudya kunokosha pakuwedzera kwekenza yeprostate. Kana murume akatamira kunyika yayakawanda, mikana yake yokuva pangozi inogona kuwedzera.
Varume vane hama dzakabatwa nekenza yeprostate vane mikana yakawanda yokubatwa nayo. “Kuva nababa kana mukoma ane kenza yeprostate kunopeta kaviri mikana yomurume yokubatwa nehosha iyi,” inotsanangura kudaro American Cancer Society. Zvimwe zvinoisa pangozi izera, dzinza, nyika inogarwa, nhoroondo yemhuri yezvoutano, zvokudya, nokusarovedza muviri. Varume vanodya zvakawanda mafuta uye vanongogara nzvimbo imwe chete vanowedzera mikana yavo yokubata kenza yacho.
Kudzivirira Hosha dzeProstate
Kunyange zvazvo masayendisiti asati oziva chinokonzera kenza yeprostate chaicho, vanodavira kuti zvikonzero zvine chokuita nemajini nemahomoni zvinobatanidzwa. Zvinofadza kuti tinogona kudzora zvinoisa pangozi zviviri—zvokudya nokusarovedza muviri. American Cancer Society inokurudzira “kusanyanya kudya zvokudya zvine mafuta akawanda zvinobva pamhuka uye kusarudza zvakawanda zvezvaunodya pane zvinobva pazvinomera.” Inokurudzirawo kudya “michero nemiriwo kashanu kana kupfuura pazuva” zvosewo nechingwa, bota, sipageti, nezvimwe zvinogadzirwa netsanga dzembeu dzinodyiwa, mupunga, nebhinzi. Madomasi, magirepufurutu, uye manwiwa ane malycopene akawanda—zvinodzivirira okisijeni zvinobatsira kudzivirira kukuvara kweDNA uye zvingabatsira kuderedza mikana yokubata kenza yeprostate. Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti mamwe makwenzi nezvicherwa zvinogona kubatsira.
American Cancer Society neAmerican Urological Association dzinodavira kuti kuongororwa kana munhu aine kenza yeprostate kungaponesa upenyu. Kurapa kunonyanya kubudirira kana kenza ikakurumidza kubatwa. American Cancer Society inokurudzira kuti varume vanopfuura makore 50, kana vanopfuura makore 45 vari muboka rine mikana yakakura, vanonoongororwa navanachiremba gore negore.a
Kuongorora kwacho kunofanira kusanganisira kuvhenekwa kweropa kunonzi prostate-specific antigen (PSA). Antigen iyi ipuroteni inobudiswa nemasero eprostate. Inowanda kana paine hosha dzeprostate. “Kana zvabuda pakuongororwa kwePSA yako zvisina kunaka, kumbira chiremba wako akutsanangurire kana paine mikana yokubata kenza uye kana zvichidiwa kuti uongororwe zvakare,” inodaro American Cancer Society. Kuongororwa uchiiswa munwe nokumugaratsvina (DRE) kunobatanidzwawo. Nokumugaratsvina kwomurwere, chiremba anogona kunzwa kana paine pasina kunaka paprostate gland, sezvo gland iri riri nechokwakatangira mugaratsvina. (Ona mufananidzo wehudyu yomurume papeji 16.) Kuongororwa kunonzi transrectal ultrasound (TRUS) kunobatsira “kana kuongororwa kwePSA kana kuti DRE kwaratidza kuti pane chimwe chinhu chisina kunaka” uye chiremba anoda kusarudza kana angabvumidze kutorwa kwekachidimbu keprostate gland kuti kaongororwe. Kuongorora uku kunotora anenge maminiti 20.
Kuwedzera kukuonesa kana paine kenza yeprostate, kuongororwa kwegadziriro yedundira kwegore negore kungaonesa BPH, yambotaurwa nezvayo, isati yanyanya kuwedzera zvoita kuti kuirapa kuve nyore. (Ona bhokisi rinoti “Kurapwa kweBPH.”) Tsika dzakanaka dzomufambiro dzinodzivirira munhu kuti asabata zvirwere zvepabonde, izvo zvingakonzera prostatitis.
Zvechokwadi prostate yako yakakodzera kuchengetedzwa nokutarisirwa. Murume ataurwa pakuvamba kwenyaya ino anotsanangura kuti anyatsopora pakuvhiyiwa kwaakaitwa. Sokufunga kwake, “varume vose vanofanira kuongororwa zvokudzivirira navanachiremba gore negore,” kunyange kana vasina zviratidzo zvipi nezvipi.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana iri riri iro boka rezera rako, unokumbirwa kuverenga bhokisi rinoti “Mashoko Ezviratidzo zveBenign Prostatic Hyperplasia (BPH).”
[Bhokisi riri papeji 17]
Mashoko Anoonesa Zviratidzo zveBenign Prostatic Hyperplasia (BPH)
Mirayiridzo: Pindura mibvunzo iri pasi apa nokutenderedza panhamba yakakodzera.
Mibvunzo 1-6 inofanira kupindurwa seizvi:
0—Kana nepaduku pose
1—Kari pasi pekamwe chete mukashanu
2—Pasi pehafu yenguva yacho
3—Inenge hafu yenguva yacho
4—Inopfuura hafu yenguva yacho
5—Dzinenge nguva dzose
1. Mumwedzi wapfuura, wapedza kuita weti, kangani pawakanzwa sokunge usina kupedza weti yose mudundira? 0 1 2 3 4
2. Mumwedzi wapfuura, kangani kawaifanira kuitazve weti pasati pambopera maawa maviri wabva mukuita? 0 1 2 3 4 5
3. Mumwedzi wapfuura, kangani pawakaona kuti waimira wotangazve kanoverengeka pawaiita weti? 0 1 2 3 4 5
4. Mumwedzi wapfuura, kangani pawakazviona zvakaoma kumbomira kuenda kuweti? 0 1 2 3 4 5
5. Mumwedzi wapfuura, kangani pawakaita weti ichibuda zvisina simba? 0 1 2 3 4 5
6. Mumwedzi wapfuura, kangani pawaifanira kuita zvokugomera kuti utange kuita weti? 0 1 2 3 4 5
7. Mumwedzi wapfuura, kangani, paavhareji, kawaifanira kumuka kuti uite weti, kubva panguva yawaienda kunorara kusvika panguva yawaimuka mangwanani? (Tenderedza panhamba yekawakaita.) 0 1 2 3 4 5
Uwandu hwemadenderedzwa ndihwo hunopa kuwanda kwezviratidzo zvako zveBHP. Isina kunyanya:0-7, iri pakati nepakati 8-19, yakanyanya 20-35.
[Kwazvakatorwa]
Kubva kuAmerican Urological Association
[Bhokisi riri papeji 18]
Kurapwa kweBPH
◼ MISHONGA: Mishonga yakawanda yakasiyana-siyana inoshandiswa, zvichienderana nezviratidzo zvomurwere mumwe nomumwe. Chiremba wako chete ndiye angakunyorera mishonga yacho.
◼ KUMIRIRA KWOKUNYATSOCHERECHEDZA: Murwere anongoongororwa mushure menguva yakati uye haashandisi mishonga.
◼ KUVHIYIWA:
(a) Mukubviswa kwekachidimbu keprostate kachibudiswa nomumwena unobuda neweti (TURP), chiremba wokuvhiya anoisa nomumwena unobuda neweti chimwe chinhu (resectoscope) chine kumuromo kunoshanda nemagetsi kunodimbura nyama nokunama tsinga dzeropa. Hapana kucheka kwokunze kunodiwa. Zvinotora anenge maminiti 90. Zvinoitwa nomumwena unobudisa weti hazvinyanyi kukuvadza sezvinoita kuvhiya kwokucheka.
(b) Kuchekwa kweprostate kunoitwa nokuvhiya mwena unobudisa weti (TUIP) kwakafanana neTURP. Zvisinei, aya maitiro anopamhamisa mwena unobudisa weti nokucheka zvishoma mumutsipa medundira uye muprostate gland pacharo.
(c) Kuvhiya kwokuvhura kunoshandiswa kana zvokuita nomumwena unobudisa weti zvisingaiti nokuti prostate yakakurisa. Kuvhiya kwokuvhura kunoda kucheka nokunze.
(d) Kuvhiya kwokushandisa “Laser” kushandiswa kwemalaser kunyungudutsa nyama yeprostate inenge yakurisa.
Murwere wacho anofanira kuita chisarudzo pamusoro pokuti kurapwa kupi, kwaangabvuma, kana achifanira kurapwa. Mushumo uchangobva kubuda muThe New York Times waitaura kuti dzimwe nyanzvi hadzina chokwadi kunyange pamusoro pokuongororwa kwekenza yeprostate, zvikurukuru muvanhurume vati kurei, mukuti ino“kwanisa kuva hosha inononoka ingasakuvadza zvinogarisa, nepo kurapwa kwayo kungawanzova nezvakunozokonzera zvakakomba.”
[Bhokisi riri papeji 18]
Mibvunzo Yaungabvunza Chiremba Wako Anovhiya Asati Atanga
1. Kuvhiyiwa kupi kwauri kukurudzira?
2. Nei ndichida kuvhiyiwa ikoko?
3. Hapana here dzimwe nzira dzisiri dzokuvhiya?
4. Ndezvipi zvakanakira kuvhiyiwa uku?
5. Ndezvipi zvakaipira kuvhiyiwa uku? (Somuenzaniso kuramba uchibuda ropa kana kuita ngomwa)
6. Ko kana ndikasavhiyiwa?
7. Ndingawana kupi mamwe mazano ezvandingaita?
8. Une ruzivo rwakadini rwokuita kuvhiya uku pasina kuisira ropa?
9. Kuvhiya kwacho kuchaitirwa kupi? Vanachiremba navanamukoti vomuchipatara chacho vanoremekedza kodzero dzomurwere pamusoro pokuisirwa ropa here?
10. Ndichada rudzi rwupi rwokutindivadza? Anotindivadza wacho ane ruzivo rwokuvhiya kusingashandiswi kuisira ropa here?
11. Zvichanditorera nguva yakadini kuti ndinaye?
12. Kuvhiyiwa uku kuchaita marii?
[Mufananidzo uri papeji 16]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mufananidzo wehudyu yomurume
Dundira
“Prostate”
Mugaratsvina
Mwena unobudisa weti
[Mufananidzo uri papeji 19]
Kudya kune utano nokurovedza muviri kune mwero kungaderedza mikana yokubata kenza ye“prostate”