Zvinotaura Bhaibheri
Sayenzi Yezvinocherwa Mumatongo—Ndiyo Ingaita Kuti Tive Nokutenda Here?
Muna 1873 mufundisi wokuEngland Samuel Manning akanyora nezveJerusarema kuti: “Vachikwezvwa zvisingadzivisiki, vanamati vanoenda kunzvimbo tsvene vanodirana ikoko kubva kumativi ari kure epasi. Midhuri iri kudhirika, nzira dzakasviba, matongo ari kuparara, zvinoonekwa noruremekedzo rukuru nemamiriyoni evanhu, kupfuura imwe nzvimbo ipi neipi yepasi.”
KUKWEZVWA neNyika Tsvene kwakaunza vanhu kubvira munguva yoMutongi weRoma Constantine.a Kwemakore 1 500, vanamati vanoshanyira nzvimbo tsvene vaiuya vachienda, vachitsvaka kubatana neNyika Tsvene mune zvechitendero. Asi, chinoshamisa ndechokuti mukutanga kwezana remakore rechi19 ndimo umo nyanzvi dzakatanga kuuyawo nevanamati vanoshanyira nzvimbo tsvene ava, nokudaro vachitanga nguva yokuchera matongo munzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri—kudzidza zvinhu zvaishandiswa, vanhu, nzvimbo, uye mitauro yeNyika Tsvene yekare.
Zvakawanikwa nevanochera matongo zvakaita kuti pave nokunzwisiswa kwakawedzerwa kwezvinhu zvakawanda zvenguva inotaurwa muBhaibheri. Uyewo, zvinhu zvakawanikwa nevanochera matongo kakawanda zvaiwirirana nenhoroondo inopiwa neBhaibheri. Asi zivo iyoyo inobatsira kumuKristu kuti ave nokutenda here? Kuti tiwane mhinduro, ngatimboona nzvimbo dzacho dzinocherwa matongo—guta reJerusarema netemberi yaro.
‘Hapana Dombo Richasiyiwa Pamusoro Pedombo’
Pakarenda yechiJudha uri musi waNisani 11, muchirimo cha33 C.E., Jesu Kristu, aine vamwe vadzidzi vake, akasiya temberi yaiva muJerusarema kokupedzisira. Pavaienda kuGomo reMiorivhi, mumwe wevadzidzi akati: “Mudzidzisi, onai! matombo acho kuti akaita sei nezvivako zvacho kuti zvakaita sei!”—Mako 13:1.
VaJudha vakatendeka ava vaida Mwari zvikuru pamwe netemberi yake. Vaidada neizvi zvivako zvinoyevedza pamwe netsika dzaizvimirira dzaivapo kwemakore 1 500. Mhinduro yaJesu kumudzidzi wake yaivhundutsa: “Unoona zvivako izvi zvikuru here? Hapana dombo richazombosiyiwa pano pamusoro pedombo risingakoromorwi.”—Mako 13:2.
Mesiya akapikirwa zvaakanga auya, Mwari aizobvumira sei kuparadzwa kwetemberi yake? Zvishoma nezvishoma, vachibatsirwa nomudzimu mutsvene, vadzidzi vaJesu ndipo pavakazonzwisisa zvaaireva. Zvisinei, mashoko aJesu anei nokuchera matongo enzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri?
“Guta” Idzva
PaPendekosti ya33 C.E., rudzi rwechiJudha rwakarasikirwa nenzvimbo yarwo yokudiwa naMwari. (Mateu 21:43) Izvi zvakavhurira mukana chimwe chinhu chikuru—hurumende yokudenga yaizounza zvikomborero kuvanhu vose. (Mateu 10:7) Sezvakaprofitwa naJesu, Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwa muna 70 C.E. Sayenzi yezvokuchera matongo inotsigira zvinotaurwa neBhaibheri nezvechiitiko ichocho. Asi kuvaKristu, kutenda hakutsamiri pakuti matongo etemberi yekare iyoyo akawanikwa here. Kutenda kwavo kwakavakirwa pane rimwe Jerusarema, asi iri rimwewo guta rakasiyana nerekare.
Mugore ra96 C.E., muapostora Johani, akanzwa nezvouprofita hwaJesu hwokuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro uye akararama kuti aone kuzadzika kwahwo, akaoneswa zvinotevera: “Ndakaonawo guta dzvene, Jerusarema Idzva, richiburuka kudenga richibva kuna Mwari.” Inzwi raibva pachigaro rakati: “Iye achagara [nevanhu], uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.”—Zvakazarurwa 21:2-4.
“Guta” iri rinoumbwa nevaKristu vakatendeka vachatonga semadzimambo naKristu kudenga. Pamwe chete vanoumba hurumende yokudenga—Umambo hwaMwari—ichatonga pasi, ichidzosera vanhu pakukwana mukati meMakore Ane Chiuru. (Mateu 6:10; 2 Petro 3:13) VaKristu vechiJudha vomuzana remakore rokutanga avo vaizova rutivi rweboka iroro vakaziva kuti hapana chimwe chinhu chavaiva nacho muchiJudha chaizoenzana neropafadzo yokutonga naKristu kudenga.
Muapostora Pauro, achinyora nezvenzvimbo yake yakakurumbira muchiJudha, anotaura achivamiririra vose achiti: “Zvinhu zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakazviona sokurasikirwa nemhaka yaKristu. Chokwadi, pakureva nezvazvo, zvechokwadi ndinoonawo zvinhu zvose sokurasikirwa nemhaka yokukosha kukuru kwokuziva pamusoro paKristu Jesu Ishe wangu.”—VaFiripi 3:7, 8.
Sezvo muapostora Pauro airemekedza zvikuru Mutemo waMwari nourongwa hwokuvapo kwetemberi, chokwadi mashoko ake haaratidzi kuti zvakanga zvaitwa naMwari izvi zvaifanira kuonekwa sezvisina maturo.b (Mabasa 21:20-24) Pauro akanga achingoratidza kuti zvainge zvave kuitwa muchiKristu zvakanga zvave kupfuura zvaiitwa muchiJudha.
Chokwadi Pauro nevamwe vaKristu vechiJudha vomuzana remakore rokutanga vakanga vane ruzivo chairwo rwoudzame hwakawanda hwemaitirwe ezvinhu muchiJudha. Uye sezvo sayenzi yezvokuchera matongo ichijekesa zvaiitika kare, zvimwe zvaiitwa izvozvo iye zvino zvinogona kunzwisiswa nevaKristu. Asi, cherechedza izvo Pauro akaudza jaya duku Timoti kuti afungisise nezvazvo: “Fungisisa pamusoro pezvinhu izvi [zvine chokuita neungano yechiKristu]; nyura mazviri, kuti kufambira mberi kwako kuonekwe nevanhu vose.”—1 Timoti 4:15.
Zvinoongwawo kuti sayenzi yezvinocherwa munzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri yakawedzera kunzwisisa kwedu kwakabva Bhaibheri. Asi, vaKristu vanoziva kuti kutenda kwavo hakutsamiri pauchapupu hwezvinhu zvinocherwa nevanhu, asi paShoko raMwari, Bhaibheri.—1 VaTesaronika 2:13; 2 Timoti 3:16, 17.
[Mashoko Omuzasi]
a Constantine naamai vake, Helena, vaifarira kuziva paiva nenzvimbo tsvene dzeJerusarema. Amai vacho pachavo vakashanyira Jerusarema. Vamwe vakawanda vakaitawo izvozvo mumamwe mazana emakore akatevera.
b Kwenguva yakati, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva vaJudha vaiva muJerusarema vaichengeta Mutemo waMosesi mumativi akasiyana-siyana, zvichida nezvikonzero zvinotevera. Mutemo wacho wakanga wabva kuna Jehovha. (VaRoma 7:12, 14) Waichengetwa nevanhu vechiJudha setsika yavo. (Mabasa 21:20) Wakanga uri mutemo wenyika yacho, uye kuita zvaipesana nawo kungadai kwakakonzera kupikiswa kusina basa kwemashoko echiKristu.
[Mifananidzo iri papeji 16]
Pamusoro: Jerusarema muna 1920; mari yeRoma yaishandiswa nevaJudha, 43 C.E.; mapomegraneti enyanga akavezwa ari kutumbuka, zvichida akabva mutemberi yaSoromoni yomuzana remakore rechi8 B.C.E.
[Kwazvakatorwa]
Mapeji 2 ne16: Mari yesimbi: Mufananidzo © Israel Museum, Jerusalem; Kubva kuIsrael Antiquities Authority; pomegraneti: Kubva kuIsrael Museum, Jerusalem