RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 4/8 pp. 26-28
  • Kushanyira Munda Wemabhanana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanyira Munda Wemabhanana
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuarima uye Mamiriro Ezvinhu Okunze
  • Nguva Yokucheka
  • Akanakira Utano Hwako
  • Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Kushanda kweShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Handisisina Utsinye”
    Bhaibheri Rinochinja Upenyu
Mukai!—2003
g03 4/8 pp. 26-28

Kushanyira Munda Wemabhanana

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA

NDAGARA ndichifarira kudya mabhanana. Ndinofunga kuti vanhu vakawanda vanoafarirawo. Mabhanana haangonaki chete asiwo ane mavhitaminzi akawanda, munyu, uye nedzira. Unoda kuziva zvakawanda here nezvomuchero uyu unovaka? Nguva yadarika iyi mumwe muzvinapurazi nomudzimai wake vakandiratidza nzira inoshamisa yokubereka kunoita mabhanana.

Tony naMarie (vanoratidzwa pamusoro apa) vanorima muPurovhinzi yeLimpopo kuSouth Africa, munharaunda inonzi Levubu. Vanorima zvirimwa zvakasiyana-siyana papurazi ravo rine maeka 140. Zvisinei, mabhanana ndiwo avanonyanya kurima. Tony anoda kutiudza zvakawanda nezvomuchero uyu unofarirwa chaizvo.

Kuarima uye Mamiriro Ezvinhu Okunze

“Ivhu rakanyanya kunaka,” anotsanangura kudaro Tony, “rine dongo rakati wandei zvinonzwisisika uye harina jecha kana matombo. Rinofanirawo kuva rakawanda uye richinwa mvura. Mabhanana anokura zvakanaka munzvimbo dzisina chando. Kutaura zvazviri, anoda tembiricha dzakakwirira. Avhareji yetembiricha yegore negore yokuLevubu inotangira pamadhigirizi 12 kusvika ku35.” Pandinobvunza nezvokunaya kwemvura, Tony anoti: “Mabhanana anoda chero mvura inonaya nguva nenguva kana kuti kudiridzwa vhiki nevhiki.”

Mubhanana ungataridzika somuti, asi hunde yawo haisi yomuti asi makwati akabumbana. Chokwadi mubhanana wakakura, asi hausi muti. Dzinde rawo chairo riri pasi pevhu uye rinonzi rhizome. Midzi inotunga ichibva padzinde, kwozouya mashizha uye pakupedzisira ruva guru repepuru zvinokura kubva ipapa. Nhungirwa dzinomerawo kubva padzinde iri kuva mamwezve mabhanana.

Kukura kwemibhanana kunogona kuiswa muzvikamu zvitatu, izvo varimi vomunharaunda iyoyo vanodana kuti “ambuya, mwanasikana, uye muzukurusikana.” (Ona mufananidzo.) “Ambuya” vachabereka muchero gore rino, “mwanasikana” gore rinouya, uye “muzukurusikana” gore rechitatu. “Vazukurusikana” vanooneka nokuwanda munhamba pedyo na“amai” vavo. “Vacheche” ava pavanoreba zvokusvika mumabvi, vose vanodimburwa kusara kwenhungirwa inonyatsoratidza kuti ichabereka.

Ruva guru repepuru, iro rinozova bumha remabhanana, rinotunga kubva padzinde rinenge risingaoneki richikwira riri pakati pechirimwa chacho. Pakupedzisira rinobuda nechepakati pemashizha maviri okumusoro robva rarembera. Maruva acho paanowira pasi, bumha remabhanana asati akura rinooneka—richioneka seriri kukura rakasunama kumunhu asingazivi nezvazvo! Bumha rimwe rinogona kuva riine mabhanana maduku 20 kana kudarika ari kukura.

Nguva Yokucheka

Nguva inotanga kubuda ruva repepuru kusvika pakuzocheka mabhanana ingasiyana-siyana kubvira pamwedzi mitatu kusvika kumitanhatu, zvichienderana nenguva yegore. Muchero wacho unotanhwa uchiri girini, asi ndokunge mabhanana acho anyatsosvika. Avhareji youremu hwebumha rinogona kutengeswa inosvika makirogiramu anenge 35. Pakuatanha bumha racho rinovharwa nepurasitiki kuti asakuvare paanenge achiendeswa nengoro kuimba yaanorongedzwa. Muimba iyi mabumha acho anodimburwa kuiswa muzvidimbu-zvidimbu zvemabhanana matatu kana matanhatu obva aiswa mumushonga unoadzivirira pakuora.

MuSouth Africa muchero wacho unobva warongedzwa mumakatoni emabhokisi ane wax anopinda mhepo, oiswa muimba yokuibvira. Muno gasi rinonzi ethylene, rinoita kuti aibve.a Makatoni acho anochengetwa imomu kwezuva rimwe chete kana maviri mutembiricha ine mwero obva aendeswa kumutengi.

“Zvichida ndinosarura,” anodaro Tony, neziso romufaro, “asi ndinofunga kuti mabhanana omuLevubu anonaka chaizvo, zvichida pamusana peivhu redu. Chatinodemba ndechokuti, sezvo tiri kure chaizvo neguta rinotengesa zvinhu kunze kwenyika, anodyiwa munyika ino chete.”

Akanakira Utano Hwako

Mabhanana ane potassium yakawanda. “Ongororo dzakawanda dzinoratidza kuti potassium inogona kubatsira kusimbisa mapfupa ako uye kuderedza chirwere cheBP nesitiroko,” inodaro magazini inonzi Health munyaya yayo yaitaura nezvemabhanana. Magazini yacho inowedzera kuti, “mabhanana” ane folate, vhitamini B inobatsira pakubereka inokosha nokuda kwomunhu wose ane pamuviri kana asvika zera rokubereka mwana.” Mabhanana ane mumwe munyu wakawanda unokosha, wakadai semagnesium, inobatsira kuti mapfupa apinze calcium obva aramba akasimba.

Puroteni iri mubhanana inoumbwa nemaamino acid anosvika 18, kusanganisira ose anokosha asingakwanisi kugadzirwa nomuviri wako akawanda zvakaringana kana kuti kusatomboagadzira zvachose. Muchero wacho une makabhohaidhiretsi anosvika 22 muzana, anopa simba nenguva isipi nokuti anogayika nyore nyore. Marie anofara kuwedzera kuti: “Mabhanana akanaka chaizvo pakuti anopa mavhitaminzi A, B, neC. Uyewo, anoita seanokurumidza kufinha, sezvo pachiita sepasina munhu anoda kudya akawanda panguva imwe chete.” Saka wadii wadya rimwe chete—richange rakakunakira uye richinaka kwazvo!

[Mashoko Omuzasi]

a Mabhanana akaibva oga, anobudisa gasi yakafanana neiyoyi, inoita kuti akurumidze kuibva. Saka, imwe nzira yokuti mabhanana mambishi aibve ndeyokuisa mashomanana akaibva mune asina.

[Mufananidzo uri papeji 26]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Shizha

Ruva/mabhanana

Chinovharidzira shizha

Pasi

Rhizome

Mudzi

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo: Wakabva muThe Complete Encyclopedia of Illustration/J. G. Heck

[Mufananidzo uri papeji 27]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Ambuya

Mwanasikana

Muzukurusikana

[Mifananidzo iri papeji 27]

Ruva guru repepuru rinozoguma rava bumha remabhanana

[Kwazvakatorwa]

Mufananidzo wakatorwa naKazuo Yamasaki ▲

[Mifananidzo iri papeji 28]

Nguva yokutanha (kuruboshwe); chirimwa chitsva chiri munzira (pamusoro)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe