RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 3 pp. 8-9
  • Ziva Kuti Vamwe Vane Zvavanogona Zvausingakwanisi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ziva Kuti Vamwe Vane Zvavanogona Zvausingakwanisi
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Zvaunogona Kuita
  • Mugumo Worusaruro
    Mukai!—2004
  • Rusarura Rwakakubatawo Here?
    Mukai!—2020
  • Kufungira Vamwe Zvisizvo Uye Kusarura—Kuziva Zvinozvikonzera
    Mukai!—2009
  • Rusaruro Ruchapera Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 3 pp. 8-9
Mapikicha: 1. Murume nemudzimai vane kwavari kumhanyira asi vavharidzirwa nzira nemumwe mukadzi asingaoni. 2. Pava paya, vanoshamisika vachiona mukadzi asingaoni achiridza mumhanzi.

Ziva Kuti Vamwe Vane Zvavanogona Zvausingakwanisi

Dambudziko

Kuzvikudza kunogona kuita kuti munhu atarisire vamwe pasi. Munhu anozvikudza anonyanya kuzvitarisira pamusoro achizviona seanokosha. Anenge achiona vanhu vakasiyana naye sepasina zviripo. Munhu wese anogona kuva nemafungiro aya. Bhuku rinonzi Encyclopædia Britannica rinoti: “Vanhu vakawanda vanoona sekuti mararamiro avo, zvekudya zvavo, zvavanopfeka, tsika dzavo, chitendero chavo, zviri nani kana vachizvienzanisa nezvevamwe.” Tingaita sei kuti tisava nemafungiro aya akaipa?

Zvinotaurwa neBhaibheri

“Zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri.”—VAFIRIPI 2:3.

Zvinorevei? Tinofanira kuzvininipisa torega kuzvikudza. Izvi zvichaita kuti tione kuti vamwe vanhu vane zvimwe zvavanogona kutipfuura. Hapana munhu anogona zvese.

Inzwa zvakaitika kuna Stefan. Aitarisira vanhu vekune dzimwe nyika pasi. Asi akazochinja mafungiro ake. Akati: “Kuona vamwe sevari nani kukupfuura kunokubatsira chaizvo kuti usava munhu ane rusarura. Handizivi zvinhu zvese. Ndinogona kudzidza zvimwe zvinhu kubva kune vamwe.”

Zvaunogona Kuita

Ona zvinhu sezvazviri uye bvuma kuti une zvaunokanganisa. Tarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe zvausingakwanisi kuita. Usafunga kuti kana mumwe munhu aine zvimwe zvinhu zvaanokanganisa, ndizvo zvakaita vanhu vese verudzi irworwo.

Panzvimbo pekufungira zvakaipa munhu werumwe rudzi, zvibvunze kuti:

Ziva kuti vamwe vanhu vane zvimwe zvinhu zvavanogona kukupfuura

  • ‘Unhu hwaainahwo hwandisingafariri hwakanyanya kuipa here kana kuti kungosiyana kwatakaita?’

  • ‘Pane zvakaipa zvaanoonawo here pandiri?’

  • ‘Zvii zvaanogona kundipfuura?’

Kana ukapindura mibvunzo iyoyo usingazvinyeperi uchakwanisa kubvisa rusarura uye kuona zvimwe zvinhu zvinoyemurika pamunhu iyeye.

Zvakaitika Kune Vamwe: Nelson (United States)

“Ndakakurira munzvimbo yaiva nevanhu verudzi rumwe chete uye vaiva nemararamiro akafanana. Ndava nemakore 19, ndakatanga kushanda mune imwe fekitari mune rimwe guta guru. Ndaigara uye ndaishanda nevanhu vane tsika dzakasiyana-siyana.

“Pandakatanga kushamwaridzana nevanhu vandaishanda navo ndakazvionera ndega kuti kushanda nesimba uye kuva munhu akavimbika, hakunei nekuti munhu ane ruvara rupi rweganda, anotaura mutauro upi, kana kuti anobva kunyika ipi.

“Ndakazoroora mudzimai anobva kune imwe nyika, uye ndiri kunakidzwa nekudya zvekudya zvakasiyana-siyana uye kuteerera nziyo dzandakanga ndisingazivi. Ndakadzidzawo kuti munhu wese ane zvaanogona uye zvaasingagoni. Kutaura chokwadi, kuona zvinhu zvakanaka zvinoitwa nevanhu vemamwe marudzi, kwaita kuti ndive munhu ari nani.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe