Fundo 29
Kudekudza, Kukurukura Kwokukurukurirana Kune Kududzwa Kwamashoko Kwakafanira
1-4. Ronga zvisakiso uye zviratidzo zvokushayikwa kwokudekudza.
1 Apo unosimuka pamberi pavateereri kuti upe hurukuro, unowana kuti unowanzotsvangadzira mashoko akarurama here? Kana kuti, pakurava nenzwi guru, unondandama mashoko akati here? Kana uchidaro, une chinetso nokudekudza. Munhu anodekudza ndiye akagadzirira mukushandiswa kwamashoko. Hakusati kuchireva munhu ano“bvotomoka,” ndiko kuti, munhu asingangwariri mashoko kana kuti asiri wapachokwadi. Ndiko kutaura kwakanaka kana kuti kunofadza zvikuru, kunoyerera nyore nyore kana kuti kunorusununguko. Kudekudza kwakarongwa pakasiripi keZano Rokutaura nokuda kwengwariro chaiyo.
2 Mukutaura, zvisakiso zvinozivikanwa zvikuru zvokushayikwa kwokudekudza kushayikwa kwokufungwa kwakajeka uye kugadzirwa kwamashoko. Kunogonawo kuparirwa namashoko mashomanene anozivikanwa kana kuti kusarudza mashoko kwakaipa. Mukurava, kushayikwa kwokudekudza kunowanzova nemhaka yokushayikwa kwerovedzo mukurava nenzwi guru, kunyange zvazvo panowo kusaziva mashoko kuchiparira kundandamira kana kuti kuzengurira. Muushumiri hwomumunda, kushayikwa kwokudekudza kunogona kuva mubatanidzwa wezvinhu izvozvi pamwe chete norutyo kana kuti kusava nechokwadi. Imomo chinetso chacho chakakomba zvikuru nemhaka yokuti mune zvimwe zviitiko vateereri vako havasati vachizobuda chaizvoizvo ndokukusiya. MuHoro yoUmambo vateereri vako havasati vachizobuda chaizvoizvo asi ndangariro dzavo dzichadzungaira uye uzhinji hwezvaunotaura hucharasika. Naizvozvo inhau yakakomba; kudekudza zvirokwazvo ivara rokuwana.
3 Vakurukuri vazhinji vane tsika inokangaidza yokuisira kutaura kwakadai sokwokuti “uye u-u-u” kana kuti “mamwe mashoko asiri madikanwa” akafanana. Kana usati uchiziva kuti unowedzera kazhinji sei kutaura kwakadaro kukutaura kwako, ungaedza rusando rwokuedza maunova nomumwe munhu anoteerera ndokudzokorora kutaura ikoku pashure pokunge iwe nguva imwe neimwe wataura. Ungashamiswa.
4 Vamwe vanhu vanogarotaura vachidzokera shure, ndiko kuti, kuvamba mutsetse, ibvei vozvidzongonyedza vachitangazve. Kana uchinetswa neiyi tsika yakaipa, edza kuikurira mukurukurirano yako yezuva nezuva. Ita nhamburiko chaiyo yokutanga kufunga ndokujekerwa nomufungo wacho mundangariro. Ipapo taura mufungo wakakwana usingamiri kana kuti kuchinja mifungo “pakati pokutaura.”
5-10. Zvikarakadzoi zvinopiwa zvokuvandudza kudekudza kwomukurukuri?
5 Chimwe chinhu. Isu takarovedzana nokushandisa mashoko sezvatinotaura. Naizvozvo mashoko anofanira kuuya nomuzvarirwo kana tichiziva chaizvoizvo zvatinoda kutaura. Haufaniri kufunga mashoko. Kutaura idi, kuri nani nokuda kwokurovedza kungova nechokwadi chokuti mufungo wakajeka mundangariro mako uye funga mashoko sezvo unotaura. Kana ukadaro, uye kana uchichengeta ndangariro yako iri pamufungo panzvimbo pamashoko auri kutaura, mashoko anofanira kungouya oga uye mifungo yako inofanira kutaurwa sezvaunoinzwa chaizvoizvo. Asi nokukurumidza sezvaunovamba kufunga mashoko panzvimbo pemifungo kutaura kwako kuchamira.
6 Kana chinetso chako mukudekudza iri nhau yokusarudza mashoko, ipapo fundo yakati yenguva dzose mukuvaka mashoko aunoziva inodikanwa. MuNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa zveSosaiti cherechedza chaizvo mashoko ausina kurovedzana nawo uye wedzera mamwe awo kumashoko ako aunoziva zuva nezuva.
7 Sezvo kushayikwa kwokudekudza mukurava kazhinji kazhinji kuri nemhaka yokusarovedzana namashoko, ungaita zvakanaka kurovedza kugarorava nenzwi guru uye nenhevedzano kana ichi chiri chinetso chako.
8 Imwe nzira inogona kuitwa nayo ikoku kusarudza ndima imwe kana kuti mbiri dzamashoko ndokuirava chinyararire nokungwarira kutozosvikira warovedzana nomufungo wose wechikamu chacho. Kamura mapoka emifungo, uchiatara kana kuri madikanwa. Ipapo vamba kurovedza kurava ichi chikamu nenzwi guru. Mukurovedza, chirave wachiravazve kutozosvikira wava kugona kurava mapoka ose emifungo pasina kuzengurira kumwe kana kuti kumira munzvimbo dzisina kururama.
9 Mashoko asina kurovedzeka kana kuti akaoma anofanira kududzwa adudzwazve kutozosvikira akuitira nyore kutaura. Pashure pokunge wava kugona kutaura shoko racho riri roga, ipapo chirava mutsetse wose une shoko iroro mauri kutozosvikira wogona kuriwedzera kumutsetse zvakasununguka zvakafanana nezvaunogona kuita mashoko akarovedzeka zvikuru.
10 Uyewo, rovedza kurava zvaunoona nguva dzose. Somuenzaniso, garorava rugwaro rwezuva nezuva netsinhiro dzacho nenzwi guru nguva yokutanga yaunozviwana. Iva akarovedzana nokubvumira meso ako kuona mashoko samapoka, anorondedzera mifungo yakakwana, panzvimbo pokungoona bedzi shoko rimwe panguva. Kana ukarovedza, unogona kukurira iri vara rinokosha rokutaura kunobudirira nokurava.
**********
11-15. Vara rokukurukurirana rinotsamira sei pamashoko anoshandiswa?
11 Rimwe vara rinoshuviwa rokutaura rakanyorwa pakasiripi kezano i“Vara rekurukurirano.” Ndechimwe chinhu chaunacho muupenyu hwezuva nezuva, asi unacho here apo unosimuka kuti upe hurukuro? Nenzira yakati, vanhu vanokurukura nyore nyore kunyange neboka guru vanowanzova vanongwarira zvikuru uye vanoti “taurisei” apo vanokumbirwa kufanogadzirira ku“pa hurukuro.” Bva mutoo unobudirira zvikurusa wokutaura kuvose ndiwo mutoo wekurukurirano.
12 Mashoko ekurukurirano ashandiswa. Kuzhinji kwokubudirira kwokutaura kwokukurukurirana kunotsamira pamashoko anoshandiswa. Mukugadzirira hurukuro yokusarava, hakusati kuchiwanzova kwakanaka kudzokorora mashoko chaizvoizvo sezvaanooneka akadhindwa. Mutoo wakanyorwa wakasiyana neshoko rinotaurwa. Naizvozvo umba mifungo iyoyi maererano nokutaura kwako umene somunhu oga. Dzivisa kushandiswa kwokuvaka mitsetse kwakaoma.
13 Kutaura kwako pachikuva kunofanira kuratidzira kutaura kwako kwezuva nezuva. Haufaniri kuedza “kuzvikudza.” Zvisinei, hurukuro yako yakagadzirirwa nenzira yomuzvarirwo ichava vandudziko pakutaura kwezuva riri rose, sezvo mifungo yako ichifanofungwa nokungwarira zvikuru uye ichauya ine kudekudza kukuru zvikuru. Naizvozvo, mashoko ako amene anofanira kutaurwa zviri nani.
14 Ikoku kunosimbisa ukoshi hwokurovedza zuva nezuva. Mukutaura, iva iwe umene. Dzivisa mashoko asina kunaka. Dzivisa kudzokorora nguva dzose mashoko mamwe chetewo uye zvikamu zvamashoko kuti upe mufungo uri wose wakasiyana waungava nawo. Dzidza kutaura nerevo. Dada nekurukurirano yako yezuva nezuva uye, apo unenge wava pachikuva, mashoko achava ari nyore zvikuru uye uchakwanisa kutaura une vara rekurukurirano iro richava rakanaka, riri nyore uye rinogamuchirika kuvateereri vapi navapi.
15 Ikoku ndokwechokwadi zvikuru muushumiri hwomumunda. Uye muhurukuro dzako dzomudzidzi, kana uri kutaura kuna saimba, edza kutaura sokunge kuti uri mubasa romumunda, uchishandisa mashoko awaizoshandisa imomo nenzira yomuzvarirwo uye iri nyore. Ikoku kuchaita kuti hurukuro ive iri nyore uye chaiyoiyo uye, zvinokosha zvikuru, kuchakurovedza nokuda kwemharidzo dzinobudirira zvikuru muushumiri hwomumunda.
16-19. Ratidza kuti kukurukura kunogona sei kutapura vara rokukurukurirana?
16 Mutoo wokukurukurirana wokukurukura. Vara rokukurukurirana harisati richitsamira riri roga pamashoko anoshandiswa. Mutoo wako kana kuti nzira yokukurukura inokoshawo. Ikoku kunobatanidza chimiro chenzwi, kukwidzwa nokuderedzwa kwenzwi uye kutaura nomuzvarirwo. Ndokwomuzvarirwo sokutaura kwezuva riri rose, kunyange zvazvo kuchikudzwa kuvateereri.
17 Kukurukura kwokukurukurirana kunongova musiyano wokukurukura iwe woga. Kunoshayiwa mativi ose okukurukura kwoku“taurisa” uye hakuna kusava womuzvarirwo.
18 Imwe nzira inowanzoraswa nayo vara rokukurukurirana navakurukuri vanovamba iri kupfurikidza nokufanogadzirirwa kwakakwana zvikuru kwamashoko ehurukuro. Mukugadzirira kukurukura, rega kufunga kuti iwe unofanira kudzokorora hurukuro yacho shoko neshoko kutozosvikira wodokuiziva nomusoro kuti ugova akagadzirira zvakafanira. Mukutaura usingaravi, kugadzira kukurukura kunofanira kusimbisa kudzokororwa kwokungwarira kwemifungo inofanira kutaurwa. Iyoyi inofanira kuhwirudzurwa semifungo kana kuti pfungwa kutozosvikira mumwe uchitevera nyore nyore mumwe wacho mundangariro mako. Kana iyo yakudziridzwa nomutoo une mufungo uye yasanorongwa ikoku hakusati kuchifanira kuva kwakaoma, uye mukukurukurwa kwehurukuro mifungo yacho inofanira kuuya norusununguko uye nyore nyore. Ikoku zvakwakadaro, uye kana iyo ichitaurwa nechishuvo chokupa, vara rokukurukurirana richava rutivi rwokukurukura.
19 Imwe nzira yaunogona kuva nayo nechokwadi naikoku ndeyokuita nhamburiko yokutaura kuna vanhu vakasiyana-siyana vari muvateereri. Taura zvakananga kune mumwe panguva. Funga nezvomunhu iyeyo sokunge kuti abvunza mubvunzo, uye ipapo upindure. Zvifananidze mukurukurirano yenyu moga nomunhu iyeyo mukukudziridza mufungo iwoyo wakati. Ipapo enda kune mumwe ari muvateereri ndokudzokorora muitiro mumwe chetewo.
20-23. Munhu anogona sei kuita kuti kurava kwake kunzwike kuri kwomuzvarirwo?
20 Kuchengeta mutoo wokukurukura mukurava nderimwe ramavara akaoma zvikurusa kubata, bva rimwe raanokosha zvikurusa. Kuzhinjisa kwokurava kwedu pachena, chokwadika, ndokwomuBhaibheri, mukurava magwaro ane chokuita nehurukuro yokusarava. Bhaibheri rinofanira kuraviwa nembavarira nokungwarira zvikuru revo. Kunofanira kuva kupenyu. Pane rumwe rutivi, vashumiri vechokwadi vaMwari havasati vachizototapura kukwidza nokuderedza inzwi kwokuzviruramisa kwavafundisi vorudzidziso. Vabatiri vaJehovha vacharava Shoko Rake vaine simbiso yomuzvarirwo nouchokwadi hwokusazvitutumadza izvo mutauro mupenyu weiri Bhuku unofanirwa.
21 Kwakafanana zvikuru ichokwadi mukurava Nharireyomurindi kana kuti ndima yefundo yebhuku. Pano zvakare, mashoko uye kurukwa kwemitsetse hazvina kugadzirirwa kurukurirano, naizvozvo kurava kwako hakugoni kunzwika nguva dzose kwakafanana nokukurukurirana. Asi, kana ukawana pfungwa yechauri kurava ndokuchirava nomutoo womuzvarirwo uye nomutoo une revo sokugona kwaunoita, unogona kuwanzokuita kunzwike sokunge kutaura usingaravi, zvichida kunyange zvazvo kuchiva kwakati ivei kwomuitiro kupfuura kwaungawanzoshandisa nguva dzose. Naizvozvo, kunofanira kuva muitiro wako, kunyora zviratidzo zvipi kana zvipi zvichakubetsera, kana uchigona kufanogadzirira, uye ita zvose zvaunogona kupa mashoko acho nomutoo chaiwoiwo uye womuzvarirwo.
22 Mukurava kwokukurukurirana kana kuti kutaura, uchokwadi uye kuva womuzvarirwo ndiwo mapfundo makuru. Mwoyo wako ngaufashukire uye taura uchifadza vateereri vako.
23 Kutaura kwakanaka hakugoni kupfekwa nokuda kwenhambo yakati kungofanana netsika dzakanaka dzisingagoni kunzarwo. Asi kana uchishandisa kutaura kwakanaka zuva riri rose iko kuchaoneka pachikuva kungofanana netsika dzako dzakanaka dzinoshandiswa pamba dzinogarooneka paunenge uri pachena.
**********
24, 25. Nei kududza mashoko kwakaipa kusingashuviwi?
24 Kududza mashoko. Kududzwa kwakafanira kwamashoko kunokoshawo, uye kwakarongwa kwakaparadzana pakasiripi keZano Rokutaura. Nepo vasati vari vaKristu vose vakava nedzidzo huru zvikuru yenyika, kunyange sezvo Petro naJohane vaionwa savanhu vasina kufunda uye vanhuwo zvawo, asi kunokosha kudzivisa kuderedza kupa kwedu shoko nemhaka yokududza mashoko kwakaipa. Ndechimwe chinhu chinogona kururamiswa nyore nyore kana tikachingwarira zvakakwana.
25 Kana kududza mashoko kwomunhu kwakashata zvikuru, kungatove kuti iye achapa mifungo isina kururama kundangariro dzavateereri vake, uko kungava kusingashuviwi zvirokwazvo. Apo unonzwa mumwe munhu achidudza shoko zvisina kufanira muhurukuro yake, mugumisiro wenguva dzose ndewokuti kunopenya pamberi pendangariro sezvingaita getsi rinomisa. Ungatorega kutevera nzira yake yechibvumikiso ndokuvamba kufunga pamusoro peshoko raadudza zvisina kufanira. Kunogona kuparira kubvisa ngwariro yako pachinotaurwa ichienda kunzira yachiri kutaurwa nayo.
26, 27. Zvinetsoi zvakarongwa pamusoro pokududza mashoko?
26 Kungataurwa kuti kune ndudzi nhatu dzinozivikanwa dzezvinetso pamusoro pokududzwa kwamashoko. Kumwe kududza kusina kururama zvirokwazvo, apo kusimbisa kunoiswa pasina kufanira kana kuti mabhii anopiwa kunzwika kusina kururama. Mitauro mizhinjisa yazvino uno ine mutoo wenguva dzose wokusimbisa, asi mumutauro wechiNgezi mutoo wacho hauna kufanana, uko kunoita kuti chinetso chacho chive chakaoma zvikuru. Ipapowo, kune kududza mashoko kwakarurama asi kunopamhidzirwa, kunonyanyova kwakarurama, kuchipa mufungo wokusava womuzvarirwo, kunyange kuzvitutumadza, uye ikoku hakushuviwi. Chinetso chechitatu kutaura kwakaipa, kunoratidzirwa nokudhonzwa kwenguva dzose kwamashoko, kupfupikisa kana kuti kusvetuka masirabhuro nemimwe miitiro yakadaro. Inofanira kudziviswa.
27 Kazhinji kazhinji mukutaura kwedu kwezuva riri rose tinoshandisa mashoko atakasanorovedzana nawo; naizvozvo kududza mashoko hachisati chiri chinetso chikuru muna ikoku. Chinetso chikurusa chinomuka mukurava. Asi zvapupu zvaJehovha zvinorava zvikuru pachena uyewo zviri zvoga. Tinoravira vanhu Bhaibheri patinoenda paimba neimba. Pane dzimwe nguva tinokumbirwa kurava ndima mufundo yeNharireyomurindi, pafundo yeBhaibheri yapamusha kana kuti pafundo yebhuku yeungano. Kunokosha kuti kurava kuve kwakarurama, kuti kududza mashoko kuve kwakafanira. Kana kusati, kunopa murangariro wokuti hatizivi zvatiri kutaura nezvazvo. Kunobvisawo ngwariro pashoko.
28-34. Munhu anogona sei kubetserwa kuvandudza kududza kwake mashoko?
28 Zano pakududza mashoko zvisina kururama harisati richifanira kunyanyoitwa. Kana pane mubvunzo wakati pamusoro peshoko kana kuti maviri, zano muri moga ringakwana. Asi kunyange kana mashoko mashomanene bedzi achidudzwa zvisina kufanira hurukuro, kana iwawa ari mashoko atinogaroshandisa muushumiri hwedu kana kuti mukutaura kwedu kwezuva nezuva, kungava kunobetsera mudzidzi kuti mutariri wechikoro akwevere ngwariro kwaari kuti adzidze madudzirwe awo nomutoo wakafanira.
29 Kune rumwe rutivi, kana mukurava Bhaibheri mudzidzi adudza zvisina kufanira zita rimwe kana kuti maviri echiHebheru, ikoku hakungarangarirwi kuva utera hukuru. Zvisinei, kana iye akadudza zvisina kufanira mazita mazhinji, ikoku kungava ufakazi hwokushayikwa kwegadziriro, uye zano rinofanira kupiwa. Mudzidzi anofanira kubetserwa kudzidza kuwana kududzwa kwamashoko kwakafanira uye ipapo okushandisa.
30 Ndizvo zvazvakaitawo nokududza mashoko kunopamhidzirwa. Kana kuchideredza chaizvoizvo hurukuro yacho nemhaka yokuti muitiro wenguva dzose, betsero inofanira kupiwa kumudzidzi. Kunofanirawo kucherechedzwa kuti, pakutaura nokukurumidza, vanhu vazhinjisa vanodhonza mashoko mashomanene. Hapana zano rinopiwa pana ikoku, asi kana uri muitiro wenguva dzose, kana mudzidzi achidhonza nguva dzose mashoko ake uye kuchiva kwakaoma kunzwisisa kutaura kwake kana kuti kucherechedza shoko, ipapo kungava kune mufungo mukupa betsero yakati pakutaura zvakanaka.
31 Chokwadika, anokupa zano acharangarira kuti kududza mashoko kunogamuchirika kungasiyana munzvimbo dzakasiyana-siyana. Kunyange maduramanzwi anowanzoronga kududza mashoko kunogamuchirika kunopfuura kumwe. Naizvozvo achashandisa ngwariro mukupa zano pakududza mashoko. Haasati achizokuita nhau yechisarudzo chemunhu oga.
32 Kana une chinetso nokududza mashoko, hausati uchizokuwana kuri kwakaoma kururamisa apo unoisa ndangariro yako pakuri. Kunyange vakurukuri vane ruzivo rwokuzviwanira apo vanopiwa mugove wokurava vanotora duramanzwi ndokutarisa mashoko avasina kurovedzana nawo. Havasati vachingoedza zvavo. Naizvozvo shandisa duramanzwi.
33 Imwe nzira inogona kuvandudzwa nayo kududza mashoko ndeyokuravira mumwe munhuwo zvake, mumwe munhu anodudza mashoko zvakanaka, uye kumukumbira kukumisa ndokukururamisa nguva iri yose unoita mhosho.
34 Mutoo wechitatu ndowokusanoteerera vakurukuri vakanaka. Funga sezvaunoteerera; cherechedza mashoko avanodudza zvakasiyana nezvaunoita. Anyore; anzvere muduramanzwi ndokuashandisa. Nokukurumidza iwewo uchadudza mashoko zvakarurama. Kukurukura uchidekudza, kwokukurukurirana, pamwe chete nokududza mashoko kwakafanira, zvichavandudza zvikuru kwazvo kutaura kwako.