Rwiyo 24
“Havazi Rutivi Rwenyika”
1. Mwari akatitsaura,
Tinomupa mwoyo yedu.
Hatizi vokwaSatani;
SaKristu, takasarudza.
2. Ngatidzivise zvenyika,
Tirambire m’basa raShe.
Tirege zvinhu zvenyama,
Kana tichizorarama.
3. Vari shamwari dzaMwari,
Vachavenga nyika ino.
Tinokarira kunetswa,
Tichachengetwa naMwari.
4. Tova noushingi kwazvo.
She wakambonyengetera:
‘Vatarisirei kwazvo.
’Towana tarisiro’yi.