RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • re chits. 3 pp. 15-17
  • Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika
  • Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mukoto Wekurukurirano
  • Ivai Varavi Vanofara Vebhuku Razvakazarurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Bhuku raZvakazarurwa​—Rinotaura Nezvei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Zvakazarurwa Newe
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
  • Jesu Anouya Nekurudziro
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
re chits. 3 pp. 15-17

Ganhuro 3

Zvinhu Zvinofanira Kukurumidza Kuitika

1. Unogona sei kupukunyuka kuitwa kworutongeso rwaMwari panyika ino?

IWE unofanira kuitira hanya zvikuru zvinoitika zvenyika nhasi. Neiko zvakadaro? Nokuti nyika ino haigoni kupukunyuka kuitwa kworutongeso rwaMwari. Asi iwe unogona kupukunyuka. Unogona kuita ikoku kupfurikidza nokuzviita iwe umene “asati ari rutivi rwenyika ino” iyo yakashurikidzirwa ruparadziko. Ikoku hakuzati kuchireva kurarama upenyu hwokuzvinyima, hwokupikira kusaroora. Kunoreva kuti uchingunofarikanya upenyu hwakachena, hune revo, unozviparadzanisa iwe umene noushati hwezvamatongerwe enyika, nenhengeseranwa yamakaro, uye norudzidziso runozvidza Mwari, uyewo nokuzvibata kwamasimba masimba nokwoutere. Panguva imwe cheteyo, unofanira kutevera mipimo yakakwirira yaMwari yomufambiro ndokutsvaka kuita kuda kwake. (Johane 17:14-16; Zefania 2:2, 3; Zvakazarurwa 21:8) Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoratidza kuti kunokosha sei kwauri kuzvishandisa umene muna izvozvi, uchiita chinjo sedziri madikanwa mumararamire ako.

2. Ko muapostora Johane anosuma sei uporofita hukuru hwaZvakazarurwa, uye Mwari akapa iri shoko rinokosha kunaani?

2 Muapostora Johane anosuma uhwu uporofita hukuru namashoko anoti: “Zvakazarurwa zvakaitwa naJesu Kristu, izvo Mwari akamupa, kuratidzira varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.” (Zvakazarurwa 1:1a) Naizvozvo akanga ari Jesu Kristu akamutswa uyo akagamuchira iri shoko rinokosha kuna Mwari. Asati achitongova rutivi rwoUtatu hwakavanzika, Jesu pano anoratidzirwa kuva anozviisa pasi paBaba vake. Nenzira imwe cheteyo, “varanda” vanoumba ungano yechiKristu vanozviisa pasi paJesu Kristu, kuti va‘rambe vachimutevera kuri kwose kwaanoenda.’ (Zvakazarurwa 14:4; VaEfeso 5:24) Asika ndivanaani nhasi vari zvomenemene “varanda” vaMwari, uye Zvakazarurwa zvinovabetsera sei?

3. (a) Ndivanaani vari “varanda” vanozviisa pasi paJesu Kristu? (b) “Varanda” vakatendeka vari kuita basai munhungamiro yengirozi?

3 Muapostora Johane, uyo akanyora Zvakazarurwa, anozvirondedzera amene somuranda akadaro. Iye akanga ari muapostora wokupedzisira achikurarama uye mumwe weboka rakasarudzwa rakazodzwa nomudzimu ra“varanda” rinogara nhaka upenyu hwokusafa mumatenga. Nhasi, kunongova bedzi nezviuru zvishomanene zvaivava vasara pasi pano. Mwari anavamwewo vabatiri, boka guru ravo, varume, vakadzi, navana, zvino vane chiverengero chinosvika mumamiriyoni. Munhungamiro yengirozi, ivava vari kugoverana na“varanda” vakazodzwa mukuparidzira mashoko akanaka asingaperi kuvanhu vose. Oh, vanozvishandisa vamene sei sa“varanda” vose ivava kuti vabetsere vanyoro vapasi kuwana ruponeso! (Mateo 24:14; Zvakazarurwa 7:9, 14; 14:6) Zvakazarurwa zvinoratidzira zvaunofanira kuita kuti ugobetserekana namashoko akanaka anofadza.

4. (a) Sezvo kwava nemakore anopfuura 1 900 Johane anyora Zvakazarurwa, iye aigona sei kutaura nezve“zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika”? (b) Ko zvino ufakazi hunoratidzirei pamusoro pezvinhu zvakadeya kuziviswa?

4 Kunyange zvazvo zvakadaro, Johane aigona sei kutaura kuti “varanda” ivava vaizoratidzwa “zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika”? Mashoko iwawo haana kutaurwa here makore anopfuura 1 900? Mumurangariro waJehovha, uyo mumeso ake makore ane chiuru anongova bedzi “sazuro,” makore 1 900 inguva pfupi painoenzaniswa nenhambo refu zvikurusa dzenguva dzisingaverengeki idzo iye akapedzera mukusika nokugadzira pasi nokuda kwougaro hwomunhu. (Pisarema 90:4) Muapostora Pauro akanyora nezve“kariro yokudisa netariro” zvake amene, nokuti mukusapanikira zadziko yetuso yake amene yairatidzika kuva yaswedera pedyo kwaari. (VaFiripi 1:20) Nhasi, zvisinei, ufakazi hunowanda hwokuti zvinhu zvose zvakadeya kuziviswa zvichaitika panguva yakarongwa. Kupukunyuka kumene kwavanhu hakuna kutongova pangozi nakare kose munhau. Mwari bedzi ane chigadzikiso!—Isaya 45:21.

Mukoto Wekurukurirano

5. Ko Zvakazarurwa zvakapiwa sei kuno muapostora Johane dzokonokei kuungano?

5 Zvakazarurwa 1:1b, 2 inopfuurira kuti: “Uye iye [Jesu] akatuma ngirozi yake ndokuzvipa [Zvakazarurwa] muzviratidzo kupfurikidza nayo kumuranda wake Johane, uyo akapupurira shoko rakapiwa naMwari uye kupupurira kwakaitwa naJesu Kristu, kunyange zvinhu zvose zvaakaona.” Nokudaro, Johane akagamuchira chinyorwa chakafuridzirwa kupfurikidza nenhume yengirozi. Iye akachinyora mumupumburu wamanyoro, achichitumira kuungano dzomunguva yake. Nomutoo unofadza nokuda kwedu, Mwari akachichengeta nokuda kwokukurudzirwa kwedzinenge ungano 100 000 dzavabatiri vake vakabatana pasi pano nhasi.

6. Ko Jesu akazivisa sei mukoto waaizoshandisa kugovera zvokudya zvomudzimu nokuda kwa‘varanda’ vake nhasi?

6 Mwari akanga ane mukoto wokukurukura Zvakazarurwa muzuva raJohane, uye Johane akanga ari rutivi rwapasi rwomukoto iwowo. Nenzira yakafanana, Mwari ane mukoto wokupa tsigiro yomudzimu ku‘varanda’ vake nhasi. Muuporofita hwake hukuru pamusoro pemhedziso yetsika yezvinhu, Jesu akazivisa rutivi rwapasi rwouyu mukoto so“muranda akatendeka nowakachenjera uyo ishe wake akagadza pana veimba yake, kuvapa zvokudya zvavo panguva yakafanira.” (Mateo 24:3, 45-47) Iye anoshandisa iri boka raJohane kuzarura revo youporofita.

7. (a) Ko zviratidzo zvinowanwa muna Zvakazarurwa zvinofanira kutitapura sei? (b) Ko vamwe veboka raJohane vakagoverana muzadziko yezviono zvaZvakazarurwa kwenguva refu yakadini?

7 Muapostora Johane anonyora kuti Jesu akapa Zvakazarurwa “muzviratidzo,” kana kuti zvipangidzo. Izvozvi zvakajeka uye zvinofadza kunzvera. Zvinoratidzira mubato une simba uye zvinofanirawo, kutikuchidzirira kunhamburiko dzokushingaira mukuzivisa kuna vamwe uporofita nerevo yahwo. Zvakazarurwa zvinoratidzira nokuda kwedu chiverengero chezviono zvinonyandura, izvo mune chimwe nechimwe chazvo Johane akatora rutivi nomutoo wokushingaira kana kuti zvimwe somucherekedzi. Avo veboka raJohane, vamwe vavo vakagoverana kwemakumi akawanda emakore mukuzadzika kweizvi zviono, vanofara kuti mudzimu waMwari wakazarura revo kuti vagone kuitsanangura kuna vamwe.

8. (a) Chii chiri chakajeka pamusoro pechimwe nechimwe chezviono zvaZvakazarurwa? (b) Ko uporofita hwaDhanieri hunotibetsera sei kunzwisisa zivikanwo yezvikara zvaZvakazarurwa?

8 Izvi zviono zviri muna Zvakazarurwa hazvizati zvichiratidzirwa munhevedzano yokuverengwa kwenguva. Chimwe nechimwe chine nhambo yenguva yacho chimene yezadziko. Zvizhinji zvezviono zvinodzokorora mashoko ouporofita hwapakuvamba-vamba hunogovera nhungamiro pamusoro pedudziro dzahwo. Somuenzaniso, uporofita hwaDhanieri hwakarondedzera zvikara zvina zvinotyisa, huchitsanangura kuti izvozvi zvairatidzira ubati ushe huno bata ushe pasi pano. Nokudaro, tinobetserwa kunzwisisa kuti zvikara zvaZvakazarurwa zvinomirira umambo hwezvamatongerwe enyika, kubatanidza nehuya huriko zvino.—Dhanieri 7:1-8, 17; Zvakazarurwa 13:2, 11-13; 17:3.

9. (a) SaJohane, boka raJohane rakaratidzira chimiroi chendangariro? (b) Ko Johane anoratidzira sei nzira yokuti isu tive vanofara?

9 Johane akanga akatendeka mukupupurira shoko iro Mwari kupfurikidza naJesu Kristu akapa kwaari. Iye akarondedzera mumashoko ose oudzame “zvinhu zvose zvaakaona.” Boka raJohane nomutoo wokudisisa rakatsvaka nhungamiro kuna Mwari naJesu Kristu kuti rinzwisise uporofita zvizere ndokuzivisa mapfundo ahwo akaisvonaka kuvanhu vaMwari. Nokuda kwokubetserwa kweungano yavakazodzwa (uyewo boka guru ramarudzi iro Mwari achachengeta riri benyu nomudambudziko guru), Johane anonyora, kuti: “Anofara ndiye anorava nenzwi guru naavo vanonzwa mashoko ouhu uporofita, uye avo vanochengeta zvinhu zvakanyorwa mahuri; nokuti nguva yakagadzwa yava pedyo.”—Zvakazarurwa 1:3.

10. Chii chatinofanira kuita pamusoro paZvakazarurwa kuti tiwane mufaro?

10 Uchabetserekana zvikurukuru kupfurikidza nokurava Zvakazarurwa uye kunyange kupfuurezvo kupfurikidza nokucherekedza zvinhu zvakanyorwa mazviri. Johane akatsanangura mune imwe yetsamba dzake kuti: “Izvi ndizvo zvinorehwa norudo rwaMwari, kuti tichengete mirairo yake; asi mirairo yake hairemedzi, nokuti chinhu chiri chose chakaberekwa kuna Mwari chinokunda nyika. Uye urwu ndirwo rukundo rwakakunda nyika, kutenda kwedu.” (1 Johane 5:3, 4) Unogona kuva anofara zvikuru kupfurikidza nokuvaka kutenda kwakadaro!

11. (a) Neiko kuri kunokosha kuti tichengete mashoko ouporofita? (b) Inguvai zvino inofanira kuva yaswedera pedyo nomutoo une ngozi?

11 Kunokosha kuti tichengete mashoko ouporofitahwo, “nokuti nguva yakagadzwa yava pedyo.” Nguva yakagadzwa nokuda kwechii? Nokuda kwezadziko youporofita hwaZvakazarurwa, kubatanidza rutongeso rwaMwari. Nguva yava pedyo yokuti Mwari naJesu Kristu vaite rutongeso rwokupedzisira patsika yenyika yaSatani. Apo Jesu aiva pasi pano, iye akataura kuti Baba vake bedzi vaiziva “zuva irero kana kuti awa.” Achitarira mberi kunhamo dzakawanziridzika pasi pano muzuva redu, Jesu akataurawo, kuti: “Ichi chizvarwa hachizati chichizotongopfuura kusvikira zvinhu zvose izvozvi zvaitika.” Naizvozvo nguva yakagadzwa yokuita chisarudzo kwaMwari inofanira kuva yaswedera pedyo nomutoo une ngozi. (Marko 13:8, 30-32) Sokutaura kunoita Habhakuki 2:3: “Chiono chichiri nokuda kwenguva yakagadzwa, uye icho chinoramba chichivavarira kumugumo, uye hachizati chichizoreva nhema. Kunyange kana icho chikanonoka, ramba uchichikarira; nokuti chichaitika zvamazvirokwazvo. Hachizati chichizononoka.” Ruponeso rwedu kupfuura nomudambudziko guru runotsamira pakuchengeta kwedu Shoko rouporofita raMwari.—Mateo 24:20-22.

[Bhokisi riri papeji 15]

Kuti tinzwisise bhuku raZvakazarurwa tinodikanirwa

● Kuwana betsero yomudzimu waJehovha

● Kucherekedza apo zuva raShe rakavamba

● Kuziva muranda akatendeka nowakachenjera nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe