Kureurura
Tsanangudzo: Kuzivisa kana kuti kubvuma kunoitwa nomunhu, pangava paruzhinji kana kuti pasiri paruzhinji, (1) zvaanotenda kana kuti (2) zvivi zvake.
Tsika yokuyananisa inodzidziswa neChechi yeRoma, inosanganisira kureurura munzeve dzomupristi inowanikwa muMagwaro here?
Kuremekedzwa kunoitwa mupristi
Tsika yekare inowanzoshandiswa ndeyokuti: “Ndikomborereiwo, Baba, nokuti ndakatadza. Pave ne-[urefu hwenguva] kubva pandakapedzisira Kureurura.”—Magazini inonzi U.S. Catholic, October 1982, peji 6.
Mat. 23:1, 9, BR: ‘Jesu akati, “Musazoti ‘Baba’ kumunhu upi noupi zvake ari pano pasi nokuti imi muna Baba mumwe chete bedzi, ivo Baba venyu vari kudenga.”’
Zvivi zvinogona kukanganwirwa
“Nguva dzose Chechi yave ichidzidzisa kuti zvivi zvose, pasinei nokuti zvakakomba zvakadini, zvinogona kukanganwirwa.”—The Catholic Encyclopedia (rakabvumirwa nevakuru vakuru vechechi yeRoma), R. C. Broderick (Nashville, Tenn.; 1976), peji 554.
VaH. 10:26, JB: “Kana tichitadza nemaune isu tambogamuchira zivo yechokwadi, hakuchina chibayiro nokuda kwezvivi zvacho.”
Mako 3:29, JB: “Ani naani anomhura Mweya Mutsvene haangakanganwirwi nokusingaperi: ane mhosva yechivi chisingaperi.”
Maratidzirwo anofanira kuitwa kupfidza
Kakawanda mupristi anorayira kuti munhu anenge achireurura ataure minyengetero ya“Baba Vedu” uye yo“Kurumbidza Mariya.”
Mat. 6:7, JB: “Pakunyengetera kwenyu musashandisa mashoko mazhinji asina basa [kureva kuti, kudzokorora zvisina zvazvinoreva] sezvinoita vahedheni, nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura zvakawanda.”
Mat. 6:9-12, BR: “Imi namatai nomutoo uyu: ‘Baba vedu vari kudenga, . . . tiregererei pane zvatinokutadzirai.’” (MuBhaibheri hapana patinorayirwa kuti tinyengetere kuna Mariya kana kuti muzita rake. Ona VaFiripi 4:6, onawo peji 207 pasi pemusoro unoti “Mariya.”)
VaR. 12:9, BR: “Rudo ngarurege kuva runoitwa zvokunyengedzera. Vengai zvakaipa mubatisise zvakanaka.”
Jesu haana kupa vaapostora vake simba rokukanganwira zvivi here?
Joh. 20:21-23, BR: “‘Ini sezvandakatumwa naBaba, nemi ndinokutumaiwo.’ Kuzoti zvino apedza kureva izvozvo, akavafemera Mweya wake ndokuti kwavari, ‘Gamuchirai Mweya [Mutsvene]. Vanhu vamunozoregerera zvitadzo zvavo vacharegererwa, uye vamusingaregereri zvitadzo zvavo havazoregererwi.’”
Vaapostora vakazvinzwisisa uye vakazvishandisa sei? MuBhaibheri hapana panombotaurwa kuti munhu akanoreurura kumuapostora, muapostora wacho ndokumukanganwira. Zvisinei, zvinodiwa kuti munhu akanganwirwe naMwari zvakanyorwa muBhaibheri. Vachitungamirirwa nomudzimu mutsvene, vaapostora vaigona kunzwisisa kana vanhu vakanga vachiita zvaidiwa izvozvo uye pamusana pechikonzero ichocho vaigona kutaura kuti Mwari akanga avakanganwira kana kuti kwete. Kuti uone mienzaniso, ona Mabasa 5:1-11, uyewo 1 VaKorinde 5:1-5 na2 VaKorinde 2:6-8.
Onawo musoro mukuru unoti “Kutsiviwa Kwevaapostora.”
Nyanzvi hadzibvumirani nezvokuti tsika yokureurura munzeve dzomupristi yakatanga sei
The Catholic Encyclopedia, yakanyorwa naR. C. Broderick, inoti: “Kubvira muzana remakore rechina kureurura munzeve dzomupristi kwave kuchigamuchirwa.”—Peji 58.
New Catholic Encyclopedia inoti: “Vanyori vakawanda vezvakaitika kare vakararama panguva imwe chete, vechechi yeRoma nevechechi dzakabva mairi, vanoedza kutsvaka pakatangira kupfidza kusiri kweparuzhinji senzira yenguva dzose yokuranga inoshandiswa nemachechi okuIreland, Wales, neBritain, uko Sakaramende, pamwe chete neKupfidza, zvaiwanzopiwa nomumongi mukuru nevapristi vaiva mamongi. Vachitevedzera tsika iyoyo yokureurura uye yokutungamirirwa nomudzimu paruzhinji uye pasiri paruzhinji, voruzhinji vakanziwo vatevedzere tsika yokuramba vachireurura uye yokutaura nezvokuzvipira kwavo. . . . Zvisinei, tsika yokuti zvivi zvepachivande zvikanganwirwe panguva yazvinenge zvareururwa munhu wacho asati aratidza kupfidza yakazotanga kutevedzerwa muzana remakore rechi11.”—(1967), Vol. XI, peji 75.
Munyori wenhau dzakaitika kare A. H. Sayce anoti: “Zvinyorwa zvetsika zvinoratidza kuti kureurura paruzhinji uye pasiri paruzhinji kwaiitwa muBhabhironi. Zvechokwadi, zvinoita sokuti kureurura pasiri paruzhinji ndiko kwainyanya kuitwa kubvira kare.—The Religions of Ancient Egypt and Babylonia (Edinburgh, 1902), peji 497.
Zvapupu zvaJehovha zvinotii nezvokureurura?
Kutaura pachena nezvokutenda kwako
VaR. 10:9, 10: “Kana uchizivisa pachena ‘shoko iroro riri mumuromo mako,’ kuti Jesu ndiIshe, uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti munhu anotenda nomwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.”
Mat. 10:32, 33: “Saka, munhu wose anobvuma kuti ari pamwe neni [Jesu Kristu] pamberi pevanhu, iniwo ndichabvuma kuti ndiri pamwe naye pamberi paBaba vangu vari kumatenga; asi munhu wose anondiramba pamberi pevanhu, iniwo ndichamuramba pamberi paBaba vangu vari kumatenga.”
Munhu paanotadzira Mwari
Mat. 6:6-12: “Iwe paunonyengetera, pinda muimba yako uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako vari pakavanda . . . ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe . . . uye tikanganwirei zvivi zvedu, sezvataka[ka]nganwirawo vakatitadzira.’”
Pis. 32:5: “Ndakazoreurura chivi changu kwamuri [Mwari], uye handina kufukidza kukanganisa kwangu. Ndakati: ‘Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.’ Imi makaregerera kukanganisa kwezvivi zvangu.”
1 Joh. 2:1: “Kana munhu akatadza, tine mubatsiri ari kuna Baba, iye Jesu Kristu, akarurama.”
Kana munhu akatadzira mumwe wake kana kuti iye akatadzirwa
Mat. 5:23, 24: “Zvino, kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.”
Mat. 18:15: “Kana hama yako ikatadza, enda ubudise pachena mhosva yake iwe naiye muri moga.”
Ruka 17:3: “Kana hama yako ikakutadzira itsiure, kana ikapfidza ikanganwire.”
VaEf. 4:32: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.”
Kana mumwe munhu akaita chivi chakakomba uye achida kubatsirwa mune zvokunamata
Jak. 5:14-16: “Pane munhu anorwara [mune zvokunamata] pakati penyu here? Ngaashevedze varume vakuru veungano, uye ngavamunyengeterere, vachimuzora mafuta vachishandisa zita raJehovha. Munyengetero wokutenda uchaporesa murwere, uye Jehovha achamumutsa. Uyewo, kana akaita zvivi, achakanganwirwa [naMwari]. Naizvozvo reururiranai pachena zvivi zvenyu munyengetererane, kuti muporeswe.”
Zvir. 28:13: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.”
Zvakadini kana vanhu vanoita zvivi vasingatsvaki kubatsirwa?
VaG. 6:1: “Hama, kunyange mumwe munhu akadarika asati azviziva, imi mune zvinodiwa zvomudzimu edzai kururamisa munhu akadaro nounyoro, muchizvichenjerera, muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.”
1 Tim. 5:20: “Tsiura vanhu vane tsika yokuita chivi pamberi pevanhu vose [kureva vaya vanoziva nyaya yacho], kuti vamwe vose vatye.”
1 VaK. 5:11-13: ‘Regai kufambidzana nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro. “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”’