Mazororo
Tsanangudzo: Mazuva ayo vanhu vanowanzorega kuenda kubasa nokuchikoro nokuti vanenge vachichengeta chimwe chiitiko. Mazuva akadaro angavawo nguva dzinoitwa mitambo nemhuri kana kuti nevoruzhinji. Vanoachengeta vangaaona seechitendero, okuzorora kana kuti ezviitiko zvenyika.
Kuchengeta Krisimasi kunobva muBhaibheri here?
Musi wokupemberera
Cyclopædia yaM’Clintock naStrong inoti: “Mwari haana kuti vanhu vachengete Krisimasi uyewo haina kutangira muTestamende Itsva. Musi wokuberekwa kwaKristu haugoni kuonekwa muTestamende Itsva, kana kuti mune rimwe bhuku.”—(New York, 1871), Vol. II, peji 276.
Ruka 2:8-11 inoratidza kuti vafudzi vaiva kusango usiku panguva yakaberekwa Jesu. Bhuku rinonzi Daily Life in the Time of Jesus rinoti: “Mapoka ezvipfuwo . . . ainge akavharirwa nguva yechando; uye kubva pane izvi chete zvingaratidza kuti musi unochengetwa Krisimasi, muchando, ungangova usina kururama, sezvo Evhangeri yacho ichiti vafudzi vaiva kusango.”—(New York, 1962), Henri Daniel-Rops, peji 228.
The Encyclopedia Americana inotiudza kuti: “Chikonzero chokuti musi waDecember 25 unzi iKrisimasi hachina kujeka, asi zvinowanzonzi zuva racho rakasarudzwa kuti rienderane nemitambo yechihedheni yaiitwa munenge munguva yechando, zuva paraikurumidza kubuda, kuti vapemberere ‘kuberekwazve kwezuva.’ . . . Saturnalia yechiRoma (mutambo wakanga wakatsaurirwa kuna Saturn, mwari wekurima, uye kusimba rezuva rakaitwa idzva), yaiitwawo panguva iyi, uye tsika dzeKrisimasi dzinofungidzirwa kuti dzakatangira pamhemberero dzechihedheni chekare.”—(1977), Vol. 6, peji 666.
New Catholic Encyclopedia inoti: “Musi wakaberekwa Kristu hauzivikanwi. Evhangeri hadziratidzi musi kana kuti mwedzi wacho . . . Maererano nezvakafungidzirwa naH. Usener . . . uye zvinogamuchirwa nenyanzvi dzakawanda mazuva ano, Kristu anonzi akaberekwa muchando, zuva parinononoka kubuda (December 25 mukarenda yaJulia, January 6 mune yokuIjipiti), nokuti pamusi uyu, zuva parinotanga kudzokera kumatenga okuchamhembe, vahedheni vakanga vakazvipira kuna Mithra vaichengeta dies natalis Solis Invicti (zuva rokuberekwa kwezuva risingakundiki). Musi waDec. 25, 274, Aurelian akanga azivisa kuti mwari wezuva ndiye aiva mutsigiri mukuru weumambo uye akatsaurira temberi kwaari muCampus Martius. Krisimasi yakatanga panguva iyo chitendero chainamata zuva chakanga chakasimba zvikuru muRoma.”—(1967), Vol. III, peji 656.
Varume vakachenjera vakatungamirirwa nenyeredzi
Varume ivavo vakachenjera vaiva vazivi venyeredzi vokumabvazuva. (Mat. 2:1, 2, NW; NE) Kunyange zvazvo vanhu vakawanda mazuva ano vachiongorora nyeredzi, tsika yacho haitombotenderwi muBhaibheri. (Ona mapeji 121, 122, pasi pemusoro mukuru unoti “Kufanorongerwa Zvichaitika Muupenyu.”) Mwari angave akatungamirira vanhu vane tsika dzaanoshora here kuti vaende kuna Jesu akanga achangoberekwa?
Mateu 2:1-16 inoratidza kuti nyeredzi yakatungamirira vazivi venyeredzi kutanga kuna Mambo Herodhi ndokuzoenda kuna Jesu uye Herodhi akabva aedza kuita kuti Jesu aurayiwe. Hapana panotaurwa kuti pane mumwe munhu akaona “nyeredzi” yacho kunze kwevazivi venyeredzi. Pashure pokunge vaenda, ngirozi yaJehovha yakanyevera Josefa kuti atizire kuIjipiti kuti achengetedze mwana. “Nyeredzi” yacho yaiva chiratidzo chaibva kuna Mwari here kana kuti yaibva kune mumwe munhu aitsvaka kuti Mwanakomana waMwari aurayiwe?
Ona kuti nhoroondo yeBhaibheri haitauri kuti vakawana mwana Jesu ari muchidyiro, sezvinowanzoratidzwa mumifananidzo yeKrisimasi. Vazivi vacho pavakasvika, Jesu nevabereki vake vaigara mumba. Yeuka kuti, nezvezera raJesu panguva yacho, maererano nezvakanga zvaudzwa Herodhi nevazivi venyeredzi, akarayira kuti vana vakomana vose vomuruwa rweBheterehema vaiva nemakore maviri zvichidzika vaurayiwe.—Mat. 2:1, 11, 16.
Kupa zvipo sezvinoitwa pamhemberero dzacho; ngano dzine chokuita naSanta Claus, Father Christmas, nezvimwewo
Tsika yokupa zvipo paKrisimasi haibvi pane zvakaitwa nevazivi venyeredzi. Sezvaratidzwa pamusoro apa, havana kusvika panguva yakaberekwa Jesu. Uyezve, havana kupanana zvipo, asi vakazvipa kumwana Jesu, maererano netsika yaiitwa kana munhu achishanyira munhu akakurumbira.
The Encyclopedia Americana inoti: “Panguva yeSaturnalia . . . Vanhu vaipemberera uye vaipanana zvipo.” (1977, Vol. 24, peji 299) Muzviitiko zvakawanda izvozvo zvaimiririra pfungwa yokupa zvipo paKrisimasi—kupanana zvipo. Pfungwa inoratidzwa pakupa zvipo kwakadaro haiunzi mufaro wechokwadi, nokuti inotyora mirayiro yechiKristu seiya inowanikwa pana Mateu 6:3, 4 uye 2 VaKorinde 9:7. Chokwadi muKristu anogona kupa vamwe zvipo achiratidza rudo pane dzimwe nguva dzegore achizviita kakawanda sezvaangada.
Zvichienderana nekwavanogara, vana vanoudzwa kuti zvipo zvinounzwa naSanta Claus, St. Nicholas, Father Christmas, Père Noël, Knecht Ruprecht, Magi, Jultomten (kana kuti Julenissen), kana kuti muroyi anozivikanwa saLa Befana. (The World Book Encyclopedia, 1984, Vol. 3, peji 414) Chokwadi, ngano dzose idzi hadzisi dzechokwadi. Kutaura ngano dzakadaro kunoita kuti vana varemekedze chokwadi here, uye tsika yakadaro inokudza Jesu Kristu here, uyo akadzidzisa kuti Mwari anofanira kunamatwa nechokwadi?—Joh. 4:23, 24.
Zvinorambidzwa here kubatanidzwa mumhemberero dzingangove nemavambo anopesana nechiKristu chero bedzi dzisingaitwi nezvikonzero zvechitendero?
VaEf. 5:10, 11: “Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe; uye regai kugoverana navo mumabasa asina zvibereko erima, asi, itoashorai.”
2 VaK. 6:14-18: “Kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima? Uyezve, Kristu naBheriari vanotsinhirana pachii? Kana kuti munhu akatendeka ane mugove wei nomunhu asingatendi? Temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pachii? . . . “‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’”; “‘uye ini ndichakugamuchirai, . . . uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu,’ anodaro Jehovha Wemasimbaose.’” (Kuda Jehovha zvechokwadi uye chido chakasimba chokumufadza zvichabatsira munhu kuti asiye tsika dzisiri dzechiKristu dzaangave aida. Munhu anonyatsoziva uye anoda Jehovha haafungi kuti ari kunyimwa mufaro nokurega tsika dzinokudza vanamwari venhema kana kuti dzinotsigira nhema. Rudo rwechokwadi runoita kuti afare nechokwadi, kwete kuti afarire zvisina kururama. Ona 1 VaKorinde 13:6.)
Enzanisa naEksodho 32:4-10. Ona kuti vaIsraeri vakatora tsika yechitendero chechiIjipiti asi vakaipa zita idzva rokuti “mutambo uchaitirwa Jehovha.” Asi Jehovha akavaranga zvakasimba pamusana peizvi. Mazuva ano tinongoona tsika dzomuzana remakore rechi21 dzine chokuita nemazororo. Mamwe angaita seasingakuvadzi. Asi Jehovha akazvionera tsika dzechihedheni dzechitendero kwakabva mhemberero idzodzo. Hatifaniri here kukoshesa maonero ake?
Kuenzanisira: Ngatitii boka revanhu rinouya kumba kwomumwe murume richiti rinoda kupemberera zuva rokuberekwa kwake. Haafariri kupembererwa kwemazuva okuberekwa. Haadi kuona vanhu vachidyisa, vachidhakwa kana kuti vachiita unzenza. Asi vamwe vavo vanoita zvose izvozvo, uye vanounzira munhu wose aripo zvipo kunze kwake iye! Pamusoro pezvo, zuva ravasarudza iroro izuva rokuberekwa kwomuvengi womurume wacho. Murume wacho anonzwa sei? Ungada kubatanidzwawo here? Izvi ndizvo chaizvo zviri kuitwa nevanhu vanochengeta Krisimasi.
Isita uye tsika dzine chokuita nayo zvakabva kupi?
The Encyclopædia Britannica inoti: “Hapana chinoratidza kuti Isita yaichengetwa muTestamende Itsva, kana kuti muzvinyorwa zvevanyori vokutanga vedzidziso dzechiKristu. VaKristu vepakutanga havana kumbofunga nezvokuti pane dzimwe nguva tsvene.”—(1910), Vol. VIII, peji 828.
The Catholic Encyclopedia inotiudza kuti: “Tsika dzakawanda dzechihedheni, kupemberera kudzoka kwematsutso, dzakazova dzeIsita. Zai chiratidzo choupenyu hunovambira pakutanga kwematsutso. . . . Tsuro chiratidzo chechihedheni uye yagara iri chiratidzo chokubereka.”—(1913), Vol. V, peji 227.
Mubhuku rinonzi The Two Babylons, rakanyorwa naAlexander Hislop, tinoverenga kuti: “Shoko rokuti Isita rinorevei? Harisi zita rechiKristu. Rinoratidza pachena kuti rakatangira kuvaKadheya. Isita haasi mumwe munhu kunze kwaAstarte, rimwe remazita anopiwa mambokadzi wokudenga Beltis, zita rake rinonzi Ishtar, . . . sokuwanikwa kwarakaitwa naLayard pazvivako zvakakurumbira zvokuAsiriya. . . . Iyi ndiyo nhoroondo yeIsita. Zvinhu zvakakurumbira zvichiri kuitwa pamhemberero dzacho zvinoratidza kuti zvakatangwa nevaBhabhironi. Mabhanzi anenge achipisa aine muchinjikwa epaGood Friday, uye mazai akadhayiwa ePasch kana kuti Easter Sunday, zvaiwanikwa mutsika dzechiKadheya sezviri kungoitwawo mazuva ano.”—(New York, 1943), mapeji 103, 107, 108; enzanisa naJeremiya 7:18.
VaKristu havafaniri kupemberera Gore Idzva here?
Maererano neThe World Book Encyclopedia, “VaRoma vakatsaurira zuva iri [January 1] kuna Janus, mwari wemagedhi, madhoo uye wemavambo. Mwedzi waJanuary wakapiwa zita raJanus, aiva nezviso zviviri—chimwe chakatarisa mberi chimwe chakatarisa shure.”—(1984), Vol. 14, peji 237.
Musi uye tsika dzine chokuita nokupemberera Gore Idzva dzinosiyana nyika nenyika. Munzvimbo dzakawanda pamhemberero dzacho vanhu vanofara zvakanyanyisa uye vanodhakwa. Zvisinei, VaRoma 13:13 inopa zano rokuti: “Sokunge kuti masikati, kwete mumitambo yemafaro akanyanyisa uye kunwira kudhakwa, kwete muunzenza hwepabonde uye kusazvibata, kwete mukukakavadzana negodo.” (Onawo; 1 Petro 4:3, 4; VaGaratiya 5:19-21.)
Chii chiri seri kwemazororo okuyeuka “midzimu yevakafa”?
The Encyclopædia Britannica yomuna 1910 inoti: “Zuva Remweya Yose . . . zuva rakatsaurwa muChechi yeRoma Katurike rokuyeuka vanhu vakatendeka vakafa. Mhemberero yacho inobva padzidziso yokuti mweya yevanhu vakatendeka iyo isina kucheneswa pakufa pazvivi zvinokanganwirika, kana kuti zvisina kuyananisirwa zvitadzo zvomunguva yakapfuura, haigoni kuwana mufaro wokudenga, uye ingabatsirwa kuita izvozvo nomunyengetero uye nechibayiro chevanhu vakawanda. . . . Dzimwe dzidziso dzakakurumbira dzine chokuita neZuva Remweya Yose dzakatangira kuchihedheni uye kare kare. Saka varombo vakawanda veChechi yeRoma vanodavira kuti vakafa vanodzokera kumisha yavaimbogara pausiku hweZuva Remweya Yose uye vanodya zvokudya zvevapenyu.” Vol. I, peji 709.
The Encyclopedia Americana inoti: “Zvinoitwa mutsika dzine chokuita neHalloween zvinogona kuonekwa kuti zvakatangira mumhemberero dzeDruid dzaiitwa chiKristu chisati chavapo. Vanhu vekare kare vaiitira vanamwari vakuru vaviri mitambo—mwari wezuva namwari wevakafa (ainzi Samhain), uye mutambo wake waiitwa pana November 1, paitangira Gore Idzva reVanhu Vekare Kare. Kupemberera vakafa kwakapinzwa mutsika dzechiKristu zvishoma nezvishoma.”—(1977), Vol. 13, peji 725.
Bhuku rinonzi The Worship of the Dead rinotaura nezvekwakatangira mutambo uyu richiti: “Ngano dzemarudzi ose ekare dzinosanganisira zviitiko zveMafashamo . . . Simba remashoko aya rinoenzanisirwa nokuchengetwa kwemutambo mukuru wevakafa mukuyeuka chiitiko chacho, kwete chete nenyika dziri pedyo nepedyo asi nedzimwe dzakaparadzaniswa zvikuru nenyanza uye nemazana emakore. Uyezve, mutambo uyu unochengetwa nevose pamusi wacho chaiwo kana kuti pedyo nemusi wakaitika Mafashamo, maererano nenhoroondo yaMosesi, kureva, musi wechi17 wemwedzi wechipiri—mwedzi unonyanyoda kuenderana nemwedzi wedu waNovember.” (London, 1904, Colonel J. Garnier, peji 4) Saka mhemberero idzi dzakatanga nokukudza vanhu vakanga vaparadzwa naMwari pamusana pouipi hwavo munguva yaNoa.—Gen. 6:5-7; 7:11.
Mazororo akadaro anokudza “midzimu yevakafa” sokunge kuti vapenyu mune imwe nzvimbo anopesana netsanangudzo yeBhaibheri yorufu semamiriro ezvinhu okusaziva zvachose.—Mup. 9:5, 10; Pis. 146:4.
Nezvepakatangira kudavira kuti mweya womunhu haufi, ona peji 308, pasi pomusoro mukuru unoti “Rufu,” uye mapeji 268, 269, pasi pomusoro unoti “Mweya.”
Zuva raValentine rakatanga sei?
The World Book Encyclopedia inotiudza kuti: “Zuva raValentine rinobva pazuva romutambo wevaKristu vaviri vakafira kutenda vainzi Valentine. Asi tsika dzine chokuita nezuva racho . . . zvimwe dzinobva pamutambo wekare wechiRoma wainzi Lupercalia waiitwa musi waFebruary 15 woga woga. Mutambo wacho waikudza Juno, mwarikadzi weRoma wevakadzi uye wekuroorana, uye Pan, mwari wezvakasikwa.”—(1973), Vol. 20, peji 204.
Tsika yokutsaura zuva rokukudza vanaamai yakatanga sei?
Encyclopædia Britannica inoti: “Mutambo wakabva patsika yokunamata vanaamai muGirisi yekare. Kunamata vanaamai, nemhemberero dzaiitirwa Cybele, kana kuti Rhea, Amai Vakuru vavanaMwari, zvaiitwa musi waMarch 15 muAsia Minor yose.”—(1959), Vol. 15, peji 849.
Magwaro api eBhaibheri anotsanangura maonero evaKristu nezvemhemberero dzokuyeuka zviitiko munhoroondo yezvematongerwo enyika?
Joh. 18:36: “Jesu akapindura [gavhuna weRoma] kuti: ‘Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.’”
Joh. 15:19: “Kudai [vateveri vaJesu] maiva venyika, nyika yaizoda zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi venyika, asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kweizvi nyika inokuvengai.”
1 Joh. 5:19: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (Enzanisa naJohani 14:30; Zvakazarurwa 13:1, 2; Dhanieri 2:44.)
Mamwe mazororo omunharaunda uye omunyika
Kune akawanda. Hatigoni kutaura nezvawo ose pano. Asi mashoko ekwakatangira mamwe acho ataurwa pamusoro apa anoratidza zvatinofanira kuda kuziva nezvezororo ripi neripi, uye magwaro eBhaibheri atokurukurwa anopa mazano akanaka nokuda kwevaya vanoda zvikuru kuita zvinofadza Jehovha Mwari.