Ganhuro 13
Chikonzero Nei Kurarama Upenyu Hwoumwari Kuchiunza Mufarwa
JEHOVHA ndi“Mwari anofara,” uye anoda kuti ufarikanye upenyu. (1 Timotio 1:11, NW) Kupfurikidza nokufamba munzira yake, unogona kuzvibetsera umene ndokuwana runyararo urwo rwuri rukuru norusingagumi, kufanana norwizi runoyerera nguva dzose. Kufamba munzira yaMwari kunosundawo munhu kuita mabasa anopfuurira okururama, “samafungu egungwa.” Ikoku kunounza mufarwa wechokwadi.—Isaya 48:17, 18.
2 Vamwe vangaramba vachiti, ‘Vanhu pane dzimwe nguva vanotambura nokuda kwokuita chiri chakarurama.’ Chokwadi, uye ikoko ndiko kwakaitika kuvaapostora vaJesu. Kunyange zvazvo vakatambudzwa, zvisinei, vakafara uye vakapfuurira “kuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (Mabasa 5:40-42, NW) Tinogona kudzidza zvifundo zvinokosha muna ikoku. Chimwe ndechokuti kurarama kwedu upenyu hwoumwari hakuvimbisi kuti nguva dzose tichabatwa zvakanaka. “Zvino,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “navose vanoda kunamata Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwa.” (2 Timotio 3:12) Chikonzero chaikoku ndechokuti Satani nenyika yake vanoshora avo vanorarama nenzira youmwari. (Johane 15:18, 19; 1 Petro 5:8) Asi mufarwa wechokwadi hautsamiri pazvinhu zvokunze. Panzvimbo pezvo, unobva mukupwiswa kuti tiri kuita chiri chakarurama uye naizvozvo tine nyemwerero yaMwari yetendero.—Mateo 5:10-12; Jakobho 1:2, 3; 1 Petro 4:13, 14.
3 Kuna vanhu vanorangarira kuti vanogona kuwana nyasha dzaMwari kupfurikidza namabasa apanhambo nenhambo okuzvipira asi vanogona kukanganwa nezvake padzimwe nguva. Kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha Mwari hakuna kudaro. Kunotapura mufambiro womunhu mumaawa ake ose akamuka, zuva nezuva, gore negore. Ndokusaka kuchinziwo “Nzira.” (Mabasa 19:9; Isaya 30:21) Inzira youmwari yokurarama nayo inotirayira kutaura nokuita mutsinhirano neShoko raMwari.
4 Apo vadzidzi vatsva veBhaibheri vanoona kuti vanofanira kuita chinjo kuti vagofadza Jehovha, vangashamiswa kuti, ‘Upenyu hwoumwari hwakafanirwa chaizvoizvo nokuraramwa here?’ Unogona kuva nechokwadi chokuti hwakafanirwa. Nei? Nemhaka yokuti “Mwari rudo,” uye nzira dzake naizvozvo dzinonzi dzitibetsere. (1 Johane 4:8) Mwari akachenjerawo uye anoziva chakanakisisa nokuda kwedu. Sezvo Jehovha Mwari ari wamasimba ose, anokwanisa kutisimbisa kuti tiite chishuvo chedu chokumufadza kupfurikidza nokurega tsika yakashata. (VaFiripi 4:13) Ngatirangarirei dzimwe nheyo dzinobatanidzwa mukurarama kwoumwari ndokuona kuti kudzishandisa kunounza sei mufarwa.
KUTENDESEKA KUNOGUMA NOMUFARWA
5 Jehovha ndi“Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5) Pasina kupokana, unoshuva kutevera muenzaniso wake ndokuzivikanwa somunhu wapachokwadi. Kutendeseka kunotungamirira kukuzviremekedza nokunzwa kwegarikano. Nemhaka yokuti kusatendeseka kunozivikanwa navose kwazvo munyika ino inotadza, zvisinei, vaKristu vanoda ichi chiyeuchidzo: “Mutaure zvokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake; . . . Wakaba, ngaarege kubazve; asi . . . abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshayiwa.” (VaEfeso 4:25, 28) Vashandi vechiKristu vanoita basa rokutendeseka rezuva. Kutoti mushandirwi wavo achipa mvumo, havatori zvinhu zvake. Pangava pabasa, muchikoro, kana kuti pamusha, munamati waJehovha anofanira kuva aka‘tendeseka muzvinhu zvose.’ (VaHebheru 13:18) Munhu upi noupi anoita muitiro wokureva nhema kana kuti wokuba haagoni kuva nenyasha dzaMwari.—Dheuteronomio 5:19; Zvakazarurwa 21:8.
6 Kuva akatendeseka kunoguma nezvikomborero zvakawanda. Selina ichirikadzi inoshayiwa yeAfrica iyo inoda Jehovha Mwari nenheyo dzake dzakarurama. Rimwe zuva, akawana bhegi raiva nebhuku rokubhangi nechitsama chikuru chemari. Achishandisa bhuku rorunhare, akakwanisa kuwana mwene—mutengesi womuchitoro uyo akanga abirwa. Murume wacho haana kugona kudavira meso ake apo Selina, kunyange zvazvo airwara zvikuru, akamushanyira ndokudzorera zvaiva mubhegi zvose. “Kutendeseka kwakadayi kunofanira kutuswa,” iye akadaro ndokumugamuchidza chitsama chemari. Zvinokosha zvikuru, uyu murume akarumbidza rudzidziso rwaSelina. Hungu, mabasa okutendeseka anoshongedza dzidziso yeBhaibheri, anorumbidza Jehovha Mwari, uye anounza mufarwa kuvanamati vake vakatendeseka.—Tito 2:10; 1 Petro 2:12.
RUPO RUNOUNZA MUFARWA
7 Kune mufarwa uri mukuva ane rupo, nepo vanhu vane makaro vasati vachizo“gara nhaka umambo hwaMwari.” (1 VaKorinte 6:10, NW) Chimiro chinozivikanwa navose chamakaro kubhejera, uko kuri kuedza kuita mari kupfurikidza nokurasikirwa kwavamwe. Jehovha haasati achitendera avo “vane makaro emhindu yokusatendeseka.” (1 Timotio 3:8, NW) Kunyange uko kubhejera kuri pamutemo uye munhu achibhejera nokuda kwevaraidzo, angagona kupindwa muropa ndokuva anotsigira muitiro wakakanganisa upenyu hwakawanda. Kubhejera kunowanzounza nhamo kumhuri yomubhejeri, uyo angasiyiwa ane mari shomanene yokutenga zviri madikanwa zvakadai sezvokudya nezvipfeko.—1 Timotio 6:10.
8 Nemhaka yokuda kwavo rupo, vaKristu vanowana mufaro mukubetsera vamwe, zvikurukuru vatendi biyavo vanoshayiwa. (Jakobho 2:15, 16) Jesu asati auya kupasi, akacherekedza rupo rwaMwari kurudzi rwomunhu. (Mabasa 14:16, 17) Jesu amene akapa nguva yake, mano ake, uye kunyange upenyu hwake nokuda kworudzi rwomunhu. Nokudaro, akanga akasanokwaniriswa kuti: “Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Jesu akataurawo zvakanaka nezvechirikadzi murombo iyo yakaisa norupo mari duku mbiri muchivigiro chetembere, nokuti iye akapa “zvose zvaaifanira kurarama nazvo.” (Marko 12:41-44) VaIsraeri vakare navaKristu vomuzana rokutanga ramakore vanogovera mienzaniso yorupo runofadza mukupa tsigiro yokunyama kuungano nebasa roUmambo. (1 Makoronike 29:9; 2 VaKorinte 9:11-14) Mukuwedzera kukuita mipiro yokunyama nokuda kweizvi zvinangwa, vaKristu vomuzuva razvino vanopa nomufaro rumbidzo kuna Mwari ndokushandisa upenyu hwavo mubasa rake. (VaRoma 12:1; VaHebheru 13:15) Jehovha anovakomborera nokuda kwokushandisa nguva yavo, simba, uye imwe pfuma, kubatanidza mari dzavo, kutsigira kunamata kwechokwadi ndokusimudzira basa romunyika yose rokuparidza mashoko akanaka oUmambo.—Zvirevo 3:9, 10.
ZVIMWE ZVINHU ZINOSIMUDZIRA MUFARWA
9 Kuti vave vanofara, vaKristu vanofanirawo ‘kudzivirira mano avo okufunga.’ (Zvirevo 5:1, 2) Ikoku kunoda kuti varave ndokufungisisa Shoko raMwari nezvinyorwa zvakanaka zveBhaibheri. Asi kune zvinhu zvokudzivisa. Somuenzaniso, kunyanyonwiwa kwezvinwiwa zvinodhakisa kunogona kuita kuti munhu arasikirwe nokudzora kufunga kwake. Vari mumamiriro ezvinhu akadaro, vanhu vakawanda vanobatanidzwa mumufambiro wounzenza, vanoita namasimba masimba, uye vanoparira tsaona dzinouraya. Hakushamisi kuti Bhaibheri rinotaura kuti zvidhakwa hazvisati zvichizogara nhaka Umambo hwaMwari! (1 VaKorinte 6:10) Vakatsunga kuramba “vakanaka mundangariro,” vaKristu vechokwadi vanodzivisa udhakwa, uye ikoku kunobetsera kusimudzira mufarwa pakati pavo.—Tito 2:2-6.
10 Muviri wakachena unogovera mufarwa. Bva, vakawanda vanopindwa muropa nezvinhu zvinokuvadza. Somuenzaniso, rangarira kushandiswa kwefodya. Sangano Renyika Rezvoutano rinoshuma kuti kusvuta “kunouraya vanhu vane mamiriyoni matatu gore rimwe nerimwe.” Kurega kusvuta kunogona kuva kwakaoma nemhaka yezviratidzo zvechinguvana zvokurega. Pano rumwe rutivi, vaichimbova vasvuti vakawanda vanowana kuti vane utano huri nani nemari yakawanda yezvinodikanwa zvomumba. Hungu, kukurira kusvuta kana kuti kupindwa muropa nezvimwe zvinhu zvinokuvadza kuchaparira muviri wakachena, hana yakachena, uye mufarwa wechokwadi.—2 VaKorinte 7:1.
MUFARWA MUROORANO
11 Avo vanogara pamwe chete somurume nomudzimai vanofanira kuva nechokwadi chokuti roorano yavo yakanyoreswa zvakafanira nezviremera zvehurumende. (Marko 12:17) Ivo vanofanirawo kurangarira muchato somutoro wakakomba. Chokwadi, paradzano ingava iri madikanwa muzviitiko zvokusatsigira kwamaune, kubatwa zvakaipa kwakakomba, kana kuti kupinzwa mungozi kwakakwana kwoumudzimu. (1 Timotio 5:8; VaGaratia 5:19-21) Asi mashoko omuapostora Pauro ari pana 1 VaKorinte 7:10-17 anokurudzira vakwanyina veroorano kugara pamwe chete. Nokuda kwomufarwa wechokwadi, chokwadika, ivo vanofanira kuva vakatendeka kuno mumwe nomumwe. Pauro akanyora, kuti: “Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo [yeroorano, NW] ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.” (VaHebheru 13:4) Kutaura kwokuti “nhoo [yeroorano, NW]” kunonongedzera vatano pakati pomurume nomukadzi vakachata. Hakuna imwe vatano, zvakadai sokuroora vadzimai vanopfuura mumwe, inogona kurondedzerwa se“ngakukudzwe navose.” Uyezve, Bhaibheri rinoshurikidza vatano inotangira kuroora noungochani.—VaRoma 1:26, 27; 1 VaKorinte 6:18.
12 Ufeve hungaunza nguva shomanene dzomufarwa womuviri, asi hahugumi nomufarwa wechokwadi. Hunotsamwisa Mwari uye hunogona kukuvadza hana yomunhu. (1 VaTesaronika 4:3-5) Migumisiro inosuruvarisa yevatano isiri yapamutemo ingava AIDS nedzimwe hosha dzinopfuudzwa muvatano. “Kwakafungidzirwa kuti vanhu vanopfuura mamiriyoni 250 munyika yose vanozadzwa gore negore negonoriya, uye mamiriyoni anenge 50 nenjovhera,” unodaro mumwe mushumo wavanachiremba. Kunewo chinetso chenhumbu dzisingadikanwi. International Planned Parenthood Federation inoshuma kuti, kupota nyika, vasikana vanopfuura mamiriyoni 15 vari pakati pamazera amakore 15 ne 19 vanova nenhumbu gore rimwe nerimwe, uye chikamu chimwe chezvitatu chavo chinopfupfudza. Imwe nzvero yakaratidza kuti munyika imwe yeAfrica, zvinetso zvokupfupfudza zvinoguma ne 72 muzana yenzufu dzose pakati pavasikana vechiduku. Zvimwe zvifeve zvinganzvenga hosha nenhumbu asi kwete kukuvara mirangariro. Vakawanda vanorasikirwa nokuzviremekedza kwavo uye kunyange kuzvivenga vamene.
13 Kunyange zvazvo upombwe hungakanganwirwa, chikonzero chakasimba chapaMagwaro chechatanuro chomukwanyina asina mhaka. (Mateo 5:32; enzanisa naHosea 3:1-5.) Apo unzenza hwakadaro hunoguma nokupunzwa kweroorano, ikoku kungasiya mavanga makuru pamirangariro yemukwanyina asina mhaka napavana. Nokuda kwenakirwo yemhuri yavanhu, Shoko raMwari rinoonesa kuti rutongeso rwake rwakaipa ruchauya pazvifeve zvisingapfidzi nemhombwe. Uyezve, rinoratidza zvakajeka kuti avo vanoita unzenza hwevatano “havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.”—VaGaratia 5:19, 21, NW.
“HAVAZI VENYIKA”
14 Avo vanoshuva kufadza Jehovha ndokufarikanya zvikomborero zvoUmambo vanodzivisa kunamata zvidhori muchimiro chipi nechipi. Bhaibheri rinoratidza kuti hakuna kururama kuita ndokunamata zvifananidzo, kubatanidza izvo zvaKristu, kana kuti zvaamai vaJesu, Maria. (Eksodho 20:4, 5; 1 Johane 5:21) Naizvozvo, vaKristu vechokwadi havanamati mapikicha, zvipiyaniso, uye mifananidzo. Vanodzivisawo zvimiro zvamanomano zvikuru zvokunamata zvidhori, zvakadai sezviito zvokuzvipira kumireza nokuimbwa kwenziyo dzinorumbidza marudzi. Apo vanodzvinyirirwa kuita zviito zvakadaro, vanoyeuka mashoko aJesu kuna Satani, anoti: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndokwaari oga kwaunofanira kuita basa rinoyera.” (Mateo 4:8-10, NW) Jesu akataura kuti vateveri vake “havazi venyika.” (Johane 17:14) Ikoku kunoreva kuva vasingatori rutivi muzvinhu zvamatongerwe enyika nokurarama norugare mutsinhirano naIsaya 2:4, uyo anoti: “Iye [Jehovha Mwari] uchatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”
15 Kusava “venyika” kunorevawo kurega songanirano yose ne“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Kunamata kusina kuchena kwakapararira kuchibva paBhabhironi rakare kutozosvikira kwava noudzori hwomudzimu hunokuvadza pavanhu mupasi rose. “Bhabhironi Guru” rinobatanidza marudzidziso ose ane dzidziso nemiitiro zvisingatsinhirani nokuziva Mwari. (Zvakazarurwa 17:1, 5, 15, NW) Hakuna munamati akatendeka waJehovha achapinda mumibato yokutenda kwakavhengana kupfurikidza nokugoverana mukunamata namarudzidziso akasiyana-siyana kana kuti kupfurikidza nokuva noruwadzano rwomudzimu norutivi rwupi norwupi rweBhabhironi Guru. (Numeri 25:1-9; 2 VaKorinte 6:14) Somugumisiro, vadzidzi vakawanda vatsva veBhaibheri vanotumira tsamba yokubuda kusangano ravo rorudzidziso. Ikoku kwakavasvitsa pedyo zvikuru naMwari wechokwadi, sezvakapikirwa, kuti: “‘Budai pakati pavo, uye zviparadzanisei mumene,’ anodaro Jehovha, ‘uye regai kubata chinhu chine tsvina’; ‘uye ndichakupinzai.’” (2 VaKorinte 6:17, NW; Zvakazarurwa 18:4, 5) Kugamuchirwa kwakadaro naBaba vedu vokudenga hakusati kuri iko kwaunoshuva zvikuru here?
KUYERA KUCHENGETA KWEGORE NEGORE
16 Upenyu hwoumwari hunotisunungura mukuchengetwa kunowanzova kunorema kwamazororo enyika. Somuenzaniso, Bhaibheri harizivisi zuva chairoiro rokuberekwa kwaJesu. ‘Ndaifunga kuti Jesu akaberekwa pana December 25!’ vamwe vangakuwa kudaro. Ikoku hakubviri nemhaka yokuti akafa muchirimo cha 33 C.E. pamakore 33 1/2 ezera. Uyezve, panguva yokuberekwa kwake, vafudzi vakanga vachi“gara kuuragu vachirinda mapoka avo usiku.” (Ruka 2:8) Munyika yeIsraeri, kupera kwaDecember mwaka unotonhora, unonaya mvura mukati mawo makwai aizochengetwa mumatanga usiku kuadzivirira pamamiriro okunze echando. Chaizvoizvo, December 25 akatsaurwa navaRoma sezuva rokuberekwa kwamwari wavo wezuva. Mazana amakore pashure pokunge Jesu ava pasi pano, vaKristu vakaramba kutenda vakagamuchira uyu musi nokuda kwokuchengeta kuberekwa kwaKristu. Somugumisiro, vaKristu vechokwadi havachengeti Krisimisi kana kuti rimwe zororo ripi neripi rakavakirwa pazvitendero zvorudzidziso rwenhema. Nemhaka yokuti vanopa Jehovha kuzvipira kwakakwana, havachengetiwo mazororo anorumbidza vanhu vanotadza kana kuti marudzi.
17 Bhaibheri rinodudza zvakananga kuchengetwa kwamazuva okuberekwa kuviri bedzi, kwose kuri kuviri kwaibatanidza vanhu vakanga vasingabatiri Mwari. (Genesi 40:20-22; Mateo 14:6-11) Sezvo Magwaro asingazivisi musi wokuberekwa womunhu akakwana Jesu Kristu, tinofanirirei kupa ngwariro chaiyo kumazuva okuberekwa avanhu vasina kukwana? (Muparidzi 7:1) Chokwadika, vabereki voumwari havamiriri zuva chairo kuti varatidze vana vavo rudo. Mumwe musikana wechiKristu ane makore 13 okukura akati: “Mhuri yangu neni tinofara zvikuru. . . . Ndiri pedyo zvikuru navabereki vangu, uye apo vamwe vana vanobvunza chikonzero nei ndisingachengeti mazororo, ndinovaudza kuti ndinochengeta zuva riri rose.” Imwe pwere yechiKristu ina makore 17 ezera yakati: “Mumba medu, kupa zvipo ndokwegore rose.” Mufarwa mukuru zvikuru unovapo apo zvipo zvinopiwa nokuzvidira.
18 Nokuda kwaavo vanoronda upenyu hwoumwari, kune zuva rimwe gore rimwe nerimwe rinofanira kuchengetwa zvikuru. Iro Chirayiro chaShe, chinowanzonzi Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Nezvacho, Jesu akarayira vateveri vake, kuti: “Itai izvi, mugondirangarira.” (Ruka 22:19, 20; 1 VaKorinte 11:23-25) Apo Jesu akavamba ichi chidyo pausiku hwaNisani 14, 33 C.E., akashandisa chingwa chisina kuviriswa newaini tsvuku, zvinomirira muviri wake womunhu usina chivi uye ropa rake rakakwana. (Mateo 26:26-29) Izvi zviratidzo zvinodyiwa navaKristu vakazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari. Ivo vakapinzwa musungano itsva nesungano yoUmambo, uye vane tariro yokudenga. (Ruka 12:32; 22:20, 28-30; VaRoma 8:16, 17; Zvakazarurwa 14:1-5) Kunyange zvazvo zvakadaro, betsero dzinowanwa navose varipo pamadekwana anowirirana naNisani 14 pakarenda yakare yechiJudha. Vanoyeuchidzwa rudo rwakaratidzwa naJehovha Mwari naJesu Kristu muchibayiro chorudzikinuro chinoyananisa zvivi icho chinoita kuti upenyu husingagumi hubvirire avo vanonzwirwa nyasha naMwari.—Mateo 20:28; Johane 3:16.
BASA NEVARAIDZO
19 VaKristu vechokwadi vane musengwa wokushanda zvakaoma ndokugovera zvinodikanwa zvavo. Kuita ikoku kunounzira misoro yemhuri kunzwa kwegutsikano. (1 VaTesaronika 4:11, 12) Chokwadika, kana basa romuKristu richirwisana neBhaibheri, irori ringamutorera mufarwa. Bva, pane dzimwe nguva kwakaomera muKristu kuwana basa rinotsinhirana nemipimo yeBhaibheri. Somuenzaniso, vamwe vashandi vanodikanirwa kunyengera vatengi. Pano rumwe rutivi, vashandirwi vakawanda vachatera kuti vawirirane nehana yomushandi akatendeseka, vasingadi kurasikirwa nomushandi akavimbika. Chipi kana chipi chinoitika, zvisinei, unogona kuva nechokwadi chokuti Mwari achakomborera nhamburiko dzako dzokuwana basa rinokusiya une hana yakachena.—2 VaKorinte 4:2.
20 Sezvo Mwari achida kuti vabatiri vake vave vanofara, tinofanira kudzikamisa basa rakaoma nenhambo dzinozorodza dzenhandaro nokuzorora. (Marko 6:31; Muparidzi 3:12, 13) Nyika yaSatani inosimudzira varaidzo isiri youmwari. Asi kuti tifadze Mwari, tinofanira kuva vanosarudza mabhuku ayo tinorava, zvirongwa zvenhepfenyuro nenziyo dzatinoteerera, uye konzati, mafirimu, mitambo, zvirongwa zveterevhizheni, uye mavhidhiyo zvatinotarira. Kana varaidzo yataisarudza munguva yakapfuura ichirwisana nenyevero dziri mumagwaro akadai saDheuteronomio 18:10-12, Pisarema 11:5, uye VaEfeso 5:3-5, tichafadza Jehovha uye tichava vanofara zvikuru kana tikaita gadziridzo.
KUREMEKEDZA UPENYU NEROPA
21 Nokuda kwomufarwa wechokwadi, tinofanira kurangarira upenyu hwomunhu sohunoyera, kunyange sezvinoita Jehovha. Shoko rake rinotirambidza kuponda. (Mateo 19:16-18) Kutaura idi, Mutemo waMwari kuna Israeri unoratidza kuti iye anorangarira mwana achangobva kunambwa soupenyu hunokosha—kwete chimwe chinhu chinofanira kuparadzwa. (Eksodho 21:22, 23) Nemhaka yaikoko, hatifaniri kubata upenyu sechimwe chinhu chisingakoshi kupfurikidza nokushandisa fodya, kushatisa muviri wedu nemirimo kana kuti zvinodhakisa, kana kuti kupinda mungozi dzisiri madikanwa. Hatifaniriwo kupinda muzvirondwa zvipi nezvipi zvinotyisidzira upenyu uyewo hatifaniri kufuratira ngwariro dzechengeteko, izvo zvingaguma nokuva nemhaka yeropa.—Dheuteronomio 22:8.
22 Jehovha akaudza Noa nemhuri yake kuti ropa rinomirira mweya, kana kuti upenyu. Naizvozvo, Mwari akavarambidza kudya ropa ripi neripi. (Genesi 9:3, 4) Sezvo tiri vazukuru vavo, mutemo iwoyo unosunga patiri tose. Jehovha akaudza vaIsraeri kuti ropa raifanira kudururirwa pavhu uye raisafanira kushandiswa nokuda kwezvinangwa zvomunhu amene. (Dheuteronomio 12:15, 16) Uye mutemo waMwari paropa wakadzokororwa apo vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakarayiridzwa, kuti: “Regai . . . ropa.” (Mabasa 15:28, 29) Nemhaka yokuremekedza utsvene hwoupenyu, vanhu voumwari havabvumi kuisirwa ropa, kunyange kana vamwe vachitaura kuti muitiro wakadaro ungava unoponesa upenyu. Zvimwe zvokurapa nazvo zvakawanda zvinogamuchirika kuZvapupu zvaJehovha zvakabvumikisa kuva zvinobudirira zvikuru uye hazvipinzi munhu mungozi dzokuisirwa ropa. VaKristu vanoziva kuti ropa rakadeurwa raJesu bedzi rinoponesa upenyu zvirokwazvo. Kuritenda kunounza kanganwirwo nekariro youpenyu husingagumi.—VaEfeso 1:7.
23 Nenzira yakajeka, kurarama upenyu hwoumwari kunoda nhamburiko. Kungaguma nokusekwa nemitezo yemhuri kana kuti vazivikanwi. (Mateo 10:32-39; 1 Petro 4:4) Asi tuso dzokurarama upenyu hwakadaro dzinopfuura zvikuru miedzo ipi neipi. Kunoguma nehana yakachena uye kunogovera ushamwaridzani hwakanaka navanamati biyako vaJehovha. (Mateo 19:27, 29) Ipapowo fungidzira kurarama nokusingaperi munyika itsva yakarurama yaMwari. (Isaya 65:17, 18) Uye mufaro wakadini uri mukuwirirana nezano reBhaibheri nokudaro ndokufadza mwoyo waJehovha! (Zvirevo 27:11) Hakushamisi kuti kurarama upenyu hwoumwari kunounza mufarwa!—Pisarema 128:1, 2.
EDZA ZIVO YAKO
Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero nei kurarama upenyu hwoumwari kuchiunza mufarwa?
Kurarama kwoumwari kungada chinjoi?
Nei uchida kurarama upenyu hwoumwari?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Nei tichigona kutaura kuti nzira yaJehovha inounza mufarwa?
2. VaKristu vanogona sei kuva vanofara kunyange zvazvo pane dzimwe nguva vachibatwa zvakashata?
3. Kunamatwa kwaJehovha kunofanira kutapura sei upenyu hwomunhu?
4. Nei kuchibetsera kuita chinjo kuti tirarame maererano nenzira dzaMwari?
5. Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro pokureva nhema noumbavha?
6. Kutendeseka kwomunhu woumwari kungaunza sei mbiri kuna Jehovha?
7. Chii chisina kururama nokubhejera?
8. Jesu akagadza sei muenzaniso wakaisvonaka worupo, uye tinogona sei kuva vane rupo?
9. Chii chisina kururama nokunyanyonwisa zvinwiwa zvinodhakisa?
10. (a) Nei vaKristu vasingashandisi fodya? (b) Ibetseroi dzinobva mukurega tsika dzinopinda muropa?
11. Chii chinodikanwa kuva neroorano yapamutemo neinokudzwa inogarisa?
12. Ndeipi iri mimwe yemigumisiro yakashata youfeve?
13. Zvinetsoi zvokuwedzera zvinoparirwa noupombwe, uye chii chiri mberi nokuda kwaavo vanopfuurira kuva zvifeve nemhombwe?
14. (a) Ndezvipi zviri zvimwe zvimiro zvokunamata zvidhori izvo zvinodziviswa nomunhu woumwari? (b) Inhungamiroi inogoverwa pana Johane 17:14 naIsaya 2:4?
15. Bhabhironi Guru chii, uye vadzidzi veBhaibheri vatsva vakawanda vanoitei kuti vabude mariri?
16. Nei vaKristu vechokwadi vasingachengeti Krisimisi?
17. Nei vanhu voumwari vasingavi namapati ezuva rokuberekwa, uye nei vana vechiKristu vachifara zvavo?
18. Kuchengetai kumwe kwegore negore uko Jesu akarayira vateveri vake kuchengeta, uye kunotiyeuchidza chii?
19. Idenhoi iyo vaKristu vanotarisana nayo mukuwana chokurarama nacho?
20. Nei tichifanira kuva vanosarudza mukusarudza varaidzo?
21. Kuremekedza upenyu kunofanira kutapura sei murangariro wedu wokupfupfudza, pamwe chete netsika dzedu nomufambiro?
22. (a) Ndoupi uri murangariro woumwari weropa nokushandiswa kwaro? (b) Iropa raani roga rinoponesa upenyu zvirokwazvo?
23. Ndedzipi dziri dzimwe tuso dzenzira youmwari youpenyu?
[Mufananidzo uri papeji 124, 125]
Mibato yomudzimu inodzikamiswa nenhambo dzevaraidzo zvinogovera mufarwa avo vanorarama upenyu hwoumwari