Chitsauko 7
Mashoko Mana Akachinja Nyika Yose
1. Mashoko mana akanyorwa pamadziro kare kare akanga ane simba rakakura sei?
MASHOKO manawo zvawo akanyorwa pamadziro akapurasitwa. Asi, mashoko iwayo akatyisa mutongi aiva nesimba kusvika pakuita seachapenga. Aizivisa nezvokubviswa pachigaro kwamadzimambo maviri, kufa kwomumwe wavo, uye kuguma kwesimba guru renyika yose. Mashoko iwayo akaguma nokunyadziswa kwenyika yairemekedzwa yaiva nechitendero chimwe. Chinokosha kupfuura zvose, akasimudzira kunamatwa kwakachena kwaJehovha ndokusimbisa uchangamire hwake panguva apo vanhu vakawanda kwazvo vakanga vasingaratidzi kuva nebasa rose zvavo nechimwe chezviviri izvi. Inga, mashoko iwayo anotowedzera kunzwisisa zviitiko zvenyika nhasi! Mashoko mana aigona sei kuita izvozvo zvose? Ngationei.
2. (a) Chii chakaitika muBhabhironi Nebhukadhinezari afa? (b) Aitonga panguva ino ndiani?
2 Makumi emakore akanga apfuura kubva pakaitika zvinorondedzerwa muchitsauko 4 chebhuku raDhanieri. Kutonga muBhabhironi kwaMambo Nebhukadhinezari aidada kwemakore 43 kwakaguma nokufa kwake muna 582 B.C.E. Mudungwe wevakamutevera pachigaro wakabva mumhuri yake, asi kukurumidza kufa kana kuti kuurayirwa chigaro kwakagumisa kutonga kwemumwe pashure pomumwe. Pakupedzisira, mumwe murume ainzi Nabonidus akatora chigaro chacho nokumukira. Zvaaiva mwanakomana womupristikadzi mukuru wamwari wemwedzi Sin, Nabonidus sezviri pachena akanga asina ukama hweropa neimba youshe yeBhabhironi. Dzimwe nyanzvi dzinoti akaroora mwanasikana waNebhukadhinezari kuti aite kuti kutonga kwake kuve kwapamutemo, akaita mwanakomana wavo Bhershazari mutongi pamwe chete naye, uye aimusiya achitarisira Bhabhironi kwemakore panguva nenguva. Kana zvakadaro, Bhershazari aive muzukuru waNebhukadhinezari. Kubva kune zvakaitika kuna sekuru vake, akanga adzidza here kuti Jehovha ndiye Mwari Mukuru, anokwanisa kunyadzisa chero mambo upi zvake? Kana!—Dhanieri 4:37.
MUTAMBO UNOTADZA KUDZOREKA
3. Mutambo waBhershazari wakanga wakadini?
3 Chitsauko 5 chebhuku raDhanieri chinotanga nemutambo wezvokudya. “Zvino mambo Bershazari wakaitira madzishe ake ane churu chezana mutambo mukuru, akanwa waini pamberi paivo vane churu chezana.” (Dhanieri 5:1) Sezvaunogona kufungidzira, zvinofanira kuva zvaida horo hombe yokuti varume vose ava vagare, pamwe nevamwe vakadzi vamambo nevarongo. Imwe nyanzvi inoti: “Mitambo yezvokudya yeBhabhironi yaive iri yemaoresa, kunyange zvazvo yaiwanzoguma nokudhakwa. Waini, yaitengwa kunze kwenyika, nemachikichori emarudzi ose aive akazadza tafura. Zvinonhuwira zvaizadza horo yacho; vashauri nevaridzi vezviridzwa vaivaraidza vaenzi vakanga vakaungana.” Achitungamirira ari paaigona kuonekwa nevanhu vose, Bhershazari akanwa waini yake—akanwa, akanwazve.
4. (a) Nei zvingaratidzika sezvinoshamisa kuti vaBhabhironi vakanga vachiita mutambo musi wa5/6 October, 539 B.C.E.? (b) Chii sezviri pachena chakaita kuti vaBhabhironi vave nechivimbo vachitarisana nemauto aivadenha?
4 Zvinoratidzika sezvinoshamisa kuti vaBhabhironi vakanga vari kuita zvemutambo usiku uhwu—5/6 October, 539 B.C.E. Nyika yavo yakanga iri muhondo, uye zvinhu zvakanga zvisiri kuvafambira zvakanaka. Nabonidus akanga achangobva kukundwa nemauto evaMedhia nePersia uye akanga anopotera kuBorsippa, kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweBhabhironi. Uye zvino mauto aKoreshi akanga akadzika misasa kunze chaiko kweBhabhironi. Asi, hazviratidziki kuti Bhershazari nemakurukota ake vakanga vachishushikana. Pamusoro pazvo, guta ravo rakanga riri Bhabhironi risingapindiki! Masvingo aro makuru aitove marefu refu pamusoro pemigero yakadzika yaizadzwa neRwizi Yufratesi rukuru sezvarwaiyerera nomuguta. Hapana muvengi akanga aerekana akunda Bhabhironi kwemakore anopfuura zana. Naizvozvo vaizvinetsereyi havo? Zvichida Bhershazari akafunga kuti ruzha rwemafaro avo rwaizoratidza kusatya kwavo vavengi vaiva kunze uye rwaizovaodza mwoyo.
5, 6. Bhershazari akaitei akadhakwa newaini uye nei uku kwakanga kuri kunyomba Jehovha kwakakomba?
5 Pasina kana nenguva yose, kunwisa kwakaoneka mubayiro wako pana Bhershazari. Sezvinotaura Zvirevo 20:1 kuti, “waini mudadi.” Panguva ino, waini zvechokwadi yakaparira mambo kuita upenzi hwakakomba zvikuru. Akarayira kuti midziyo mitsvene yakanga yabva mutemberi yaJehovha iuyiswe kumutambo wacho. Midziyo iyi, yakapambwa naNebhukadhinezari paakakunda Jerusarema, yaifanira kushandiswa mukunamata kwakachena bedzi. Kunyange vapristi vechiJudha vakanga vapiwa mvumo yokuishandisa mutemberi yeJerusarema munguva dzakapfuura vakanga vayambirwa kuti vazvichengete vakachena.—Dhanieri 5:2; enzanisa naIsaya 52:11.
6 Zvisinei, Bhershazari akanga achiri kufunga nezvechimwe chiito chokuzvikudza zvikuru. “Mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake . . . vakanwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe.” (Dhanieri 5:3, 4) Naizvozvo Bhershazari aida kukwidziridza vamwari vake venhema kupfuura Jehovha! Zvinoratidzika sokuti, uyu ndiwo waiva muitiro wevaBhabhironi. Vaizvidza nhapwa dzavo dzechiJudha, vachiseka manamatiro adzo vasingadzipi tariro yokudzokera kunyika yokumusha kwadzo yadzaida. (Pisarema 137:1-3; Isaya 14:16, 17) Zvichida mambo akanga akadhakwa uyu akafunga kuti kunyadzisa nhapwa idzi nokutuka Mwari wadzo zvaizoorora vakadzi vake nemakurukota, zvichimuita kuti aratidzike seane simba.a Asi kana Bhershazari akanzwa kufara achinzi ane simba, hazvina kutora nguva huru.
ZVAKANYORWA PAMADZIRO
7, 8. Mutambo waBhershazari wakavhiringidzwa sei, uye izvi zvakaita kuti mambo anzwe sei?
7 “Zvino nenguva iyeyo,” nhoroondo yakafuridzirwa inodaro, “minwe yoruoko rwomunhu yakauya ikanyora pakatarisana nechigadziko chomwenje pasuko ramadziro eimba yamambo, mambo akaona chanza choruoko rwakanga ruchinyora.” (Dhanieri 5:5) Zvinhu zvinoshamisa sei zvaakaona! Ruoko rwakangoerekana rwavapo, rwuri mumhepo pedyo nepakanga pane chiedza chakajeka kumadziro. Fungidzira kunyarara kuti zi-i kwakaita vanhu pakarepo vaenzi sezvavaicheuka vachingoti nde-e pamashoko acho. Ruoko rwacho rwakatanga kunyora mashoko asinganzwisisiki pakapurasitwa.b Chiitiko ichi chaityisa kwazvo, chisingakanganwiki kwazvo, zvokuti kusvika nanhasi vanhu vanoshandisa mashoko okuti “zvakanyorwa pamadziro” kutaura nezvenyevero yokutongwa yava pedyo.
8 Chii chakaitika kuna mambo uyu aidada uyo aive aedza kuzvikudza nevamwari vake kupfuura Jehovha? “Ipapo chiso chamambo chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvifundo zvechiuno chake zvikasununguka, mabvi ake akarovana.” (Dhanieri 5:6) Bhershazari akanga avavarira kuti aratidzike sewapamusoro kwazvo uye mukuru pamberi pevanhu vake. Panzvimbo pezvo, akava chifananidzo chipenyu chinotya kwazvo—chiso chake chakaita mafinya-mafinya, chiuno chake chakabvunda, muviri wake wose wakadedera kwazvo zvokuti mabvi ake akagwagwadza. Mashoko aDhavhidhi aakaimbira Jehovha, zvirokwazvo akanga ari echokwadi, okuti: “Meso enyu anoona vanozvikudza, kuti muvaderedze.”—2 Samueri 22:1, 28; enzanisa naZvirevo 18:12.
9. (a) Nei kutya kwaBhershazari kwakanga kusina kufanana nokutya Mwari? (b) Mambo akavimbisei varume vakachenjera veBhabhironi?
9 Zvinofanira kucherekedzwa kuti kutya kwaBhershazari kwakanga kusina kufanana nokuye kwokutya Mwari, kuremekedza Jehovha zvikuru, kunova ndiko mavambo ouchenjeri hwose. (Zvirevo 9:10) Aiwa, uku kwaiva kutya kukuvadzwa, uye hakuna kubudisa chinhu chipi nechipi chakaita souchenjeri mune uyu mambo aibvunda.c Panzvimbo pokukumbira Mwari waakanga achangobva kutuka ruregerero, akadanidzira “n’anga navaKardhea navafemberi” kuti vauye. Akatozivisa kuti: “Aninani ungarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa uketani hwendarama pamutsipa wake, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu.” (Dhanieri 5:7) Mutongi wechitatu muumambo aizova nesimba zvechokwadi, achingotangirwa nemadzimambo anotonga maviri bedzi, Nabonidus naBhershazari pachake. Nzvimbo yakadaro muzvinoitika zvizhinji yaizodai yakachengeterwa mwanakomana mukuru waBhershazari. Mambo akanga apererwa nezano kwazvo zvokuti aida kuti mashoko aya asinganzwisisiki atsanangurwe!
10. Varume vakachenjera vakaita sei pakuedza kwavo kududzira zvakanga zvakanyorwa pamadziro?
10 Varume vakachenjera vakaita mudungwe vachipinda muhoro huru. Vakanga vasiri vashoma, nokuti Bhabhironi rakanga riri guta rakanga rakazara nezvitendero zvenhema uye rakazara netemberi. Varume vaiti vanodudzira mashura nokududzira zvakanyorwa zvisinganzwisisiki zvechokwadi vakanga vari gumi nefararira. Varume vakachenjera ava vanofanira kuve vakafarira mukana uyu wavakawana. Pano ndipo pakanga pamuka mukana wavo wokuti varatidze unyanzvi hwavo pamberi pevakuru vakuru, vafadze mambo, uye vakwire panzvimbo yesimba guru. Asi vakakundikana sei! “Vakanga vasingagoni kurava zvakanyorwa, kana kuzivisa mambo kududzirwa kwazvo.”d—Dhanieri 5:8.
11. Nei varume vakachenjera veBhabhironi vangave vakakundikana kurava zvakanyorwa?
11 Kuti varume vakachenjera veBhabhironi vakawana izvo zvakanyorwa zvacho—iwo mavara acho—asingadudziriki hazvina chokwadi. Kana vakadaro, varume vakachenjera ava vangadai vakawana rusununguko rwokuronga kumwe kududzira kwenhema chero, kunyange kumwe kwokubata mambo kumeso. Chimwewo chinobvira ndechokuti mavara acho akanga achinyatsoravika. Sezvo mitauro yakadai sechiAramaic nechiHebheru yainyorwa nemavara asina mavhawero, zvisinei, shoko rimwe nerimwe ringangodaro raigona kureva zvakawanda. Kana zvakadaro, varume vakachenjera vangangozodai vasina kukwanisa kusarudza kuti mashoko api akanga ari kuda kurehwa. Kunyange kudai vangagona kudai vakaita kudaro, vaisazokwanisazve kunzwisisa zvairehwa nemashoko acho kuti vaadudzire. Pasinei nokuti zvingava zvipi, chinhu chimwe ndechechokwadi: Varume vakachenjera veBhabhironi vakakundikana—zvinonyadzisa!
12. Kukundikana kwevarume vakachenjera kwakaratidzei?
12 Saka varume vakachenjera vakafumurwa sevanhu vanonyepedzera, kuzvipira kwavo muchitendero chavo kwaiva kunyengedzera. Vaiodza mwoyo sei! Bhershazari paakaona kuti kuvimba kwake nevanhu vaive vakazvipira kuchitendero chavo kwakanga kwakundikana, akatonyanya kutya, chiso chake chakacheneruka, uye makurukota ake akato“kanganiswa.”e—Dhanieri 5:9.
MURUME WENZWISISO ANODANWA
13. (a) Nei mambokadzi akati Dhanieri adanwe? (b) Dhanieri akanga ave kurarama upenyu hwerudzii?
13 Panguva ino yakaoma, mambokadzi pachake—zvichida vahosi vacho—akapinda muhoro yacho yekudyira. Akanga anzwa nezvekuvhiringidzika kwacho pamutambo, uye aiziva munhu aigona kududzira zvakanga zvakanyorwa pamadziro. Makumi emakore akanga apfuura baba vake, Nebhukadhinezari, vakanga vagadza Dhanieri kuti atarisire varume vakachenjera vavo vose. Mambokadzi aimuyeuka somurume aive ne“mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa.” Sezvo Dhanieri achiratidzika sokuti akanga asingazivikanwi naBhershazari, zvingangoita kuti muprofita wacho akanga arasikirwa nechinzvimbo chake chepamusoro muhurumende pashure pokufa kwaNebhukadhinezari. Asi mukurumbira wakanga usina basa kuna Dhanieri. Zvichida makore ake akanga ava kuma90 panguva ino, achiri kungobatira Jehovha nokuvimbika. Pasinei zvapo nemakumi masere emakore ari nhapwa muBhabhironi, akanga achiri kuzivikanwa nezita rake rechiHebheru. Kunyange mambokadzi akamudana achiti Dhanieri, asingashandisi zita rechiBhabhironi raakambopiwa. Zvechokwadi, akakurudzira mambo kuti: “Zvino Dhanieri ngaadanwe iye uchakuzivisai kududzirwa kwazvo.”—Dhanieri 1:7; 5:10-12.
14. Chii chakaomera Dhanieri paakaona zvakanga zvakanyorwa pamadziro?
14 Dhanieri akadanwa ndokuuya pamberi paBhershazari. Zvainyadzisa kunyengerera muJudha uyu, uyo Mwari wake mambo akanga achangobva kutuka. Kunyange zvakadaro, Bhershazari akaedza kubata Dhanieri kumeso, achimupa mubayiro wakafanana nowokutanga—nzvimbo yechitatu muumambo hwake—kana aigona kurava ndokutsanangura mashoko asinganzwisisiki acho. (Dhanieri 5:13-16) Dhanieri akasimudza meso ake achitarira zvakanga zvakanyora pamadziro, uye mudzimu mutsvene wakamugonesa kunzwisisa zvazvaireva. Akanga ari mashoko okutongwa aibva kuna Jehovha Mwari! Dhanieri aigona sei kutaura mashoko okutongwa kwakaoma kwamambo apererwa nezano—uye pamberi pevakadzi vake nemakurukota ake? Fungidzira kuti Dhanieri zvakamuomera sei! Akatsauswa here nemashoko amambo okubata kumeso pamwe nekuvimbisa kwake pfuma nomukurumbira? Muprofita wacho aizorerutsa here mashoko aJehovha?
15, 16. Bhershazari akakundikana kudzidza chidzidzoi chinokosha munhau dzakaitika, uye kukundikana kwakafanana kwakakurumbira sei nhasi?
15 Dhanieri akataura noushingi, achiti: “Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibayiro yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.” (Dhanieri 5:17) Gare gare, Dhanieri akabvuma ukuru hwaNebhukadhinezari, mambo akanga ane simba zvikuru zvokuti aive akwanisa kuuraya, kurova, kukwidziridza, kana kuti kunyadzisa chero waaisarudza. Zvisinei, Dhanieri akayeuchidza Bhershazari kuti Jehovha “Mwari Wokumusorosoro,” akanga aita Nebhukadhinezari mukuru. NdiJehovha akanga anyadzisa mambo mukuru iyeye paakazvikudza. Hungu, Nebhukadhinezari akanga amanikidzwa kuziva kuti “Mwari Wokumusorosoro unobata ushe pakati pavanhu achihupa waanoda.”—Dhanieri 5:18-21.
16 Bhershazari “akanga [a]chizviziva zvose.” Asi, akatadza kudzidza pane zvakaitika. Chaizvoizvo, akanga atoita chivi chinopfuura chaNebhukadhinezari chokuzvikudza kwakaipa ndokuzvidza Jehovha zvakananga. Dhanieri akabudisa pachena chivi chamambo. Uyezve, pamberi pechita chevahedheni ivavo, akaudza Bhershazari noushingi kuti vanamwari venhema vakanga va“singaoni kana kunzwa kana kuziva.” Muprofita akashinga waMwari akawedzera kuti mukusiyana nevanamwari vasingabetseri ivavo, Jehovha ndiMwari “akabata mweya wenyu muruoko rwake.” Nanhasi, vanhu vachiri kuita vanamwari vezvinhu zvisina upenyu, vachinamata mari, basa, mukurumbira, kunyange mafaro. Asi hapana kana nechimwe chezvinhu izvi chinogona kupa upenyu. Jehovha oga ndiye akaita kuti isu tose tivepo, ndiye watinovimba naye pamhepo yose yatinofema.—Dhanieri 5:22, 23; Mabasa 17:24, 25.
CHIRAHWE CHINODUDZIRWA!
17, 18. Ndeapi mashoko mana akanga akanyorwa pamadziro, uye sezvaari anorevei?
17 Muprofita akwegura zvino akapfuurira kuita zvakanga zvaratidza kuva zvisingabviri kuvarume vakachenjera vose veBhabhironi. Akarava ndokududzira zvakanga zvakanyorwa pamadziro. Mashoko acho aiva okuti: “MENE, MENE, TEKERE, UFARSINI.” (Dhanieri 5:24, 25) Anorevei?
18 Sezvaari, mashoko acho anoreva kuti “maina, maina, shekeri, uye hafu yemashekeri.” Shoko rimwe nerimwe raiva chidimbu chokupimisa uremu hwemari, zvakarongwa zvichitanga neinokosha zvichidzika. Zvinopazanisa musoro sei! Kunyange kudai varume vakachenjera veBhabhironi vakanga vachikwanisa kuziva mabhii acho, hazvishamisi kuti vaizotadza kuadudzira.
19. Shoko rokuti “MENE” rakadudzirwa kuti kudii?
19 Akagarwa nomudzimu mutsvene waMwari, Dhanieri akatsanangura kuti: “Kududzirwa kwechinhu ichi, ndikoku: MENE, Mwari akaverenga mazuva oushe hwenyu, akahugumisa.” (Dhanieri 5:26) Mabhii asina vana eshoko rokutanga aigona kureva mashoko ose “maina” uye rumwe rudzi rweshoko rechiAramaic rokuti “kuverengwa ndokupera,” kana kuti “kusara zvishoma,” zvichienderana nevana vemabhii vaiiswa nomuravi. Dhanieri ainyatsoziva kuti utapwa hwevaJudha hwakanga hwava kunopera. Pamakore ahwo 70 akanga afanotaurwa, 68 akanga atopfuura. (Jeremia 29:10) Muchengeti weNguva Mukuru, Jehovha, akanga atema mazuva okutonga kweBhabhironi sesimba renyika yose, uye mugumo wacho wakanga wava pedyo zvikuru kupfuura zvaifungwa nomunhu upi noupi aiva pamutambo waBhershazari. Chaizvoizvo, nguva yakanga yapera—kwete bedzi nokuda kwaBhershazari asiwo nokuda kwababa vake, Nabonidus. Ichi chingava ndicho chikonzero nei shoko rokuti “MENE” rakanyorwa kaviri—kuti azivise kuguma kwoumambo uhwu hwose huri huviri.
20. Shoko rokuti “TEKERE,” rakatsanangurwa sei?
20 Asi “TEKERE,” rakanyorwa kamwe bedzi uye risiri muzvizhinji. Izvi zvingaratidza kuti raiva rakanyanya kunanga kuna Bhershazari. Uye izvi zvaizova zvakakodzera, nemhaka yokuti akanga aratidza kuzvidza Jehovha kukuru. Shoko racho pacharo rinoreva “shekeri,” asi mabhii acho anogonawo kubudisa shoko rokuti “yerwa.” Saka, Dhanieri akati kuna Bhershazari: “TEKERE, iwe wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakareruka.” (Dhanieri 5:27) Kuna Jehovha, marudzi ose hapana zviripo seguruva riri pachikero. (Isaya 40:15) Haana simba rokukanganisa zvaanoda kuita. Zvino mambowo zvake anozvikudza aive chii? Bhershazari akanga aedza kuzvikwidziridza kupfuura Changamire wechisiko chose. Uyu munhuwo zvake akanga aedza kutuka Jehovha ndokunyomba kunamata kwakachena asi akanga awanikwa “akareruka.” Hungu, Bhershazari aikodzera zvizere kutongwa kwakanga kuri kuuya nokukurumidza!
21. Shoko rokuti “FARSINI” rakanga riri kutamba nemashoko matatu sei, uye shoko racho rakanga richiratidzirei nokuda kwenguva yemberi yeBhabhironi sesimba renyika yose?
21 Shoko rokupedzisira raive pamadziro rakanga riri “UFARSINI.” Dhanieri akarirava risiri muzvizhinji, “PERESI,” zvichida nemhaka yokuti akanga achitaura namambo mumwe chete mumwe wacho asipo. Shoko iri rakasvitsa chirahwe chikuru chaJehovha pamugumo nokutamba nemashoko matatu. Sezvariri, “ufarsini’ rinoreva “hafu yemashekeri.” Asi mabhii acho ane zvimwe zviviri zvaanogonawo kureva—“kuparadzaniswa” uye “vaPersia.” Dhanieri naizvozvo akafanotaura kuti: “PERESI, umambo hwenyu hwakaparadzaniswa ndokupiwa vaMedhia navaPersia.”—Dhanieri 5:28.
22. Bhershazari akaita sei paakanzwa mhinduro yechirahwe ichi, uye ndeipi ingave yakanga iri tarisiro yake?
22 Saka chirahwe chacho chakadudzirwa. Bhabhironi rine simba rakanga rava pedyo nokukundwa nemauto eMedhia nePersia. Kunyange zvazvo akanga anyadziswa nemhaka yokuziviswa kutongwa uku, Bhershazari akaita sezvaakavimbisa. Akaita kuti varanda vake vapfekedze Dhanieri nguo tsvuku, vamupfekedze uketani hwendarama, ndokumuzivisa samambo wechitatu muumambo hwacho. (Dhanieri 5:29) Dhanieri haana kuramba kuremekedzwa uku, achiziva kuti kwairatidza kuremekedza kwaiva kwakafanira kupiwa Jehovha. Chokwadika, Bhershazari angave akatarisira kuti aizopfavisa kutonga kwaJehovha nokuremekedza muprofita Wake. Kana zvakadaro, akanga adya manonoko.
KUKUNDWA KWEBHABHIRONI
23. Uprofita hupi hwekare hwakanga huri kuzadzika apo Bhershazari akanga ari kuita mutambo wake?
23 Kunyange apo Bhershazari nemakurukota ake vakanga vachinwira vanamwari vavo uye vachiseka Jehovha, chimwe chipatapata chakanga chichiitika murima rokunze kwemuzinda. Uprofita hwakanga hwataurwa nokuna Isaya anenge mazana maviri emakore akanga apfuura hwakanga huri kuzadzika. Pamusoro peBhabhironi, Jehovha akanga afanotaura kuti: “Ndagumisa kugomera kwavo kwose.” Hungu, kudzvinyirira vanhu vaMwari vakasarudzwa kweguta iroro rakaipa kwaizoguma. Nechii? Uprofita ihwohwo hwakati: “Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia!” Erami yakava rutivi rwePersia pashure pemazuva omuprofita Isaya. Panguva yemutambo waBhershazari, uyo wakanga wafanotaurwawo muuprofita ihwohwo naIsaya, vaPersia nevaMedhia zvechokwadi vakanga vabatanidza mauto kuti va“simuk[e]” ndoku“komba” Bhabhironi.—Isaya 21:1, 2, 5, 6.
24. Mashoko api akazara ayo uprofita hwaIsaya hwakafanotaura pamusoro pokukundwa kweBhabhironi?
24 Chokwadi, zita chairo romutungamiriri wemauto aya rakanga rafanotaurwa, kungofanana nezvinhu zvinokosha zvemazano ehondo yake. Isaya akanga aprofita pachine makore anenge 200, kuti Jehovha aizozodza munhu ainzi Koreshi kuti azorwa neBhabhironi. Mukurwisa kwake, mhinganidzo dzose dzaizobviswa munzira yake. Mvura yeBhabhironi yaizo“oma,” uye masuo aro makuru aizosiyiwa akavhurika. (Isaya 44:27–45:3) Uye zvakaitika saizvozvo. Mauto aKoreshi akatsausa Rwizi Yufratesi, achiita kuti mvura iserere zvokuti aigona kufamba nomurwizi. Masuo eBhabhironi akanga asiiwa akavhurika nevarindi vasina kungwarira. Sezvinobvumwa nevezvenhau dzakaitika dzenyika, guta racho rakapindirwa vagari varo vachiita mutambo. Bhabhironi rakatorwa pasina kana kurwisa zvakwo. (Jeremia 51:30) Zvisinei, pakanga pane rufu rumwe rwakakurumbira. Dhanieri akataura kuti: “Nousiku uhwo mambo Bhershazari muKardhea akaurawa. Dhariusi muMedhia akapiwa ushe, ane makore anenge makumi matanhatu namaviri.”—Dhanieri 5:30, 31.
KUDZIDZA PANE ZVAKANYORWA PAMADZIRO
25. (a) Nei Bhabhironi rekare riri mufananidzo wakakodzera wegadziriro yenyika yose yezvitendero zvenhema zvanhasi? (b) Vabatiri vaMwari vomuzuva ranhasi vakabatwa senhapwa sei muBhabhironi?
25 Nhoroondo yakafuridzirwa iri muna Dhanieri chitsauko 5 inokosha zvikuru kwatiri. Semuzinda wemiitiro yezvitendero zvenhema, Bhabhironi rekare mufananidzo wakakodzera weumambo hwenyika yose hwezvitendero zvenhema. Uchifananidzirwa muna Zvakazarurwa semhombwe inoda kuuraya, uyu mubatanidzwa wenyika yose wounyengeri unonzi “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5) Risingateereri nyevero yose pamusoro pedzidziso dzaro dzenhema nezviito zvinozvidza Mwari, rakatambudza avo vanoparidza chokwadi cheShoko raMwari. Kufanana nevagari veJerusarema neJudha yekare, vaKristu vakasara vakazodzwa vakatendeka vakaendeswa muutapwa hwakasimba mu“Bhabhironi Guru” apo chitambudzo chaikuchidzirwa nevafundisi chakapotsa chamisa basa rokuparidza Umambo muna 1918.
26. (a) “Bhabhironi Guru” rakakundwa sei muna 1919? (b) Inyeveroi iyo isu pachedu tinofanira kuteerera ndokuudza vamwe?
26 Kamwe kamwe, zvisinei, “Bhabhironi Guru” rakakundwa! Oo, kwakanga kuri kukundwa kusina ruzha chaiko—kungofanana neBhabhironi rekare rakakundwa pasina kana neruzha zvarwo, muna 539 B.C.E. Asi kukundwa kwokufananidzira uku kwakanga kuchiparadza kunyange zvakadaro. Kwakaitika muna 1919 C.E. apo vanhu vaJehovha vakasunungurwa muusungwa hweBhabhironi ndokukomborerwa nokutendera kwaMwari. Izvi zvakagumisa simba re“Bhabhironi Guru” pavanhu vaMwari uye zvakaratidza mavambo okufumurwa kwaro pachena semunyengeri asina kuvimbika. Kukundwa ikoko kwaratidza kuva kusingachinjiki, uye kuparadzwa kwaro kwokupedzisira kwava pedyo. Vabatiri vaJehovha naizvozvo vave vachidzokorora vadzokororazve nyevero yokuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.” (Zvakazarurwa 18:4) Wakateerera nyevero iyoyo here? Unoiudza vamwe here?f
27, 28. (a) Dhanieri haana kumbokanganwa chokwadi chipi chinokosha? (b) Uchapupu hupi hwatinahwo hwokuti Jehovha ave pedyo nokuita chimwe chinhu panyika yakaipa yanhasi?
27 Naizvozvo pamadziro pakanyorwa nhasi—asi kwete nokuda kwe“Bhabhironi Guru” roga. Yeuka chokwadi chinokosha chiri musimboti webhuku raDhanieri: Jehovha ndiye Changamire Wezvisikwa Zvose. Iye, uye iye oga, ane kodzero yokumisira vanhu mutongi. (Dhanieri 4:17, 25; 5:21) Chinhu chipi nechipi chinopesana nezvinodiwa naJehovha chichabviswa. Inongova nhau yenguva bedzi Jehovha asati aita chiito. (Habhakuki 2:3) Nokuda kwaDhanieri, nguva iyoyo yakazouya ava kuda kusvitsa makore zana. Ipapo akaona Jehovha achibvisa simba renyika—iro rakanga riri kudzvinyirira vanhu vaMwari kubva Dhanieri ari mukomana.
28 Pane uchapupu husingarambiki hwokuti Jehovha Mwari akagadza pachigaro chokudenga Mutongi werudzi rwomunhu. Kuti nyika haina kuteerera Mambo uyu uye yakashora kutonga kwake uchapupu hwakasimba hwokuti Jehovha nokukurumidza achabvisa vashori vose vokutonga kwoUmambo. (Pisarema 2:1-11; 2 Petro 3:3-7) Uri kuita chimwe chinhu nokuona kuti nguva yatiperera uchivimba noUmambo hwaMwari here? Kana zvakadaro, wadzidza chaizvo pane zvakanyorwa pamadziro!
[Mashoko Omuzasi]
a Mune chimwe chinyorwa chekare, Mambo Koreshi akati nezvaBhershazari: “Ndonda yakagadzwa pachigaro [somutongi] wenyika yayo.”
b Kunyange aya mashoko akanyatsozara enhoroondo yaDhanieri akaratidza kuti akarurama. Vanochera matongo vakawana kuti madziro eimba yamambo yemuBhabhironi rekare akanga akavakwa nezvidhinha zvakapurasitwa.
c Mashura eBhabhironi zvichida akaita kuti chishamiso ichi chitonyanya kutyisa. Bhuku rinonzi Babylonian Life and History rinoti: “Mukuwedzera kunhamba yevamwari vainamatwa nevaBhabhironi, tinoona kuti zvekudavira midzimu zvaiva muropa ravo, uye izvi zvaiitwa zvikuru zvokuti minyengetero nenziyo dzayo ndizvo zvakazara zvikuru mumabhuku avo ezvechitendero.”
d Magazini inonzi Biblical Archaeology Review inoti: “Nyanzvi dzeBhabhironi dzakanga dzaunganidza zviuru zvezviratidzo zvemashura. . . . Apo Bhershazari akabvunza kuti azive kuti zvaive zvakanyorwa pamadziro zvairevei, varume vakachenjera ava veBhabhironi, pasina mubvunzo vakabhedhenura maenisaikoropedia aya emashura. Asi akava asingabetseri.”
e Vanyori vemaduramashoko vanoti shoko rakashandiswa pano nokuda kwa“kanganiswa” rinoreva kuvhiringidzika kwazvo, sokunge kuti gurusvusvu revanhu vacho rakanga ranyonganiswa.
f Ona mapeji 205-71 ebhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
WANZWISISEI?
• Mutambo waBhershazari wakavhiringidzwa sei pausiku hwa5/6 October, 539 B.C.E.?
• Zvakanga zvakanyorwa pamadziro zvakadudzirwa sei?
• Uprofita hupi pamusoro peBhabhironi hwakanga huri kuzadzika apo mutambo waBhershazari wakanga uchiitika?
• Nhoroondo yezvakanyorwa pamadziro inorevei kuzuva redu ranhasi?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 98]
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 103]