Chitsauko 11
Nhamo Kuvapanduki!
1. Chikanganisoi chakaipa kwazvo chakaitwa naJerobhoami?
VANHU vaJehovha vesungano pavakakamurwa kuva umambo huviri, umambo hwendudzi gumi hwokumusoro hwakatanga kutongwa naJerobhoami. Mambo mutsva wacho akanga ari mutongi aikwanisa, aive nesimba. Asi akanga asina kutenda chaiko muna Jehovha. Nemhaka yokudaro akaita chikanganiso chakaipa kwazvo chakavhiringidza nhoroondo yose yeumambo hwokumusoro. MuMutemo waMosesi, vaIsraeri vairayirwa kufamba vachienda kutemberi muJerusarema katatu pagore, iyo zvino yakanga iri kuumambo hwezasi hwenyika yeJudha. (Dheuteronomio 16:16) Achityira kuti vanhu vake vakagara vachiita nzendo dzakadaro vaizofunga nezvokubatanazve nehama dzavo dzezasi, Jerobhoami “akaumba mhuru mbiri dzendarama, akati kwavari: Kukwira Jerusarema kwava kure; tarirai, vaIsraeri, vamwari venyu vakakubudisai panyika yeEgipita. Akagadza imwe paBheteri, imwe akaiisa paDhani.”—1 Madzimambo 12:28, 29.
2, 3. Chikanganiso chaJerobhoami chakatapura sei Israeri?
2 Kwechinguva, zano raJerobhoami rakaita seraishanda. Zvishoma nezvishoma vanhu vakarega kuenda kuJerusarema uye vakatanga kunamata pamberi pemhuru mbiri. (1 Madzimambo 12:30) Zvisinei, tsika yechitendero yokuramba kutenda iyi yakakanganisa umambo hwendudzi gumi. Mumakore akatevera, kunyange Jehu, uyo akanga aratidza kushingaira kunorumbidzwa mukubvisa kunamatwa kwaBhaari muna Israeri, akapfugamirawo mhuru dzendarama. (2 Madzimambo 10:28, 29) Chiizve chimwe chakaguma chaitika nemhaka yechisarudzo chakaipa kwazvo chaJerobhoami? Kusagadzikana kwezvematongerwe enyika nokutambura kwevanhu vake.
3 Nemhaka yokuti Jerobhoami akanga aramba kutenda, Jehovha akati mbeu yake yaisazotonga panyika yacho, uye pakupedzisira umambo hwokumusoro hwaizotambura nedambudziko rakaipisisa. (1 Madzimambo 14:14, 15) Shoko raJehovha rakava rechokwadi. Madzimambo manomwe aIsraeri akatonga kwemakore maviri kana kuti asingasviki—vamwe kwemazuva mashomanene chete. Mumwe mambo akazviuraya, uye vamwe vatanhatu vakaurayirwa chigaro nevarume vaizvikudza vakabvuta chigaro. Kunyanya pashure pokutonga kwaJerobhoami II, uko kwakaguma munenge muna 804 B.C.E. apo Uziya akanga achitonga munyika yeJudha, nyika yeIsraeri yakatambudzwa nokusagadzikana, chisimba, uye kuurayirwa chigaro. Mumamiriro iwaya ezvinhu ndimo umo Jehovha achishandisa Isaya anotumira nyevero yakananga, kana kuti “shoko,” kuumambo hwokumusoro. “Jehovha wakatuma shoko kuna Jakobho, rakaburukira pamusoro pavaIsraeri.”—Isaya 9:8.a
Kuzvikudza Nokudada Zvinowana Mubayiro Wehasha dzaMwari
4. Jehovha anotumira “shoko” rei kuna Israeri, uye nei?
4 “Shoko” raJehovha harizoisirwi zvimiti munzeve. “Vanhu vose vachaziva, ivo vaEfraimi navagere Samaria, ivo vanoti namanyawi avo nokuzvikudza kwemwoyo yavo.” (Isaya 9:9) “Jakobho,” “Israeri,” “Efraimi,” ne“Samaria” zvose zvinoreva umambo hwaIsraeri hwokumusoro, huna Efraimi sendudzi huru kupfuura dzose uye Samaria riri iro guta guru. Shoko raJehovha kuumambo ihwohwo ishoko rakasimba rokutonga, nokuti Efraimi aomesa mwoyo nokuramba kutenda uye ava nhinhi inodadira Jehovha. Mwari haasi kuzodzivirira vanhu pamigumisiro yenzira dzavo dzakaipa. Vachamanikidzwa kunzwa, kana kuti kuteerera, shoko raMwari.—VaGaratiya 6:7.
5. VaIsraeri vanozviratidza sei kuti havana kutapurwa nezviito zvokutonga zvaJehovha?
5 Mamiriro ezvinhu zvaanoramba achidzikira, vanhu vanorasikirwa kwazvo nezvinhu, kusanganisira misha yavo—kazhinji yakavakwa nezvidhinha zvevhu uye mapango asingadhuri. Mwoyo yavo inoguma yapfava here? Vachateerera vaprofita vaJehovha ndokudzokera kuna Mwari wechokwadi here?b Isaya anonyora mhinduro yevanhu vacho yokudada achiti: “Zvitinha zvawa, asi tichavaka namabwe akavezwa; mionde yatemwa, asi tichaisa misidhari panzvimbo yayo.” (Isaya 9:10) VaIsraeri havana basa naJehovha uye vanoramba vaprofita vake, vanovaudza chikonzero nei vari kutambura nezvinhu zvakaoma kudaro. Chaizvoizvo, vanhu vanoti: ‘tingarasikirwa hedu nedzimba dzakavakwa nezvidhinha zvevhu zvinoparadzika nemiti iri nyore kuwana, asi tichaita zvinopfuura nokunaka pane zvatakarasikirwa nazvo izvi nokuvakazve nezvokuvakisa zvakasimba—matombo akavezwa nemisidhari!’ (Enzanisa naJobho 4:19.) Jehovha haana zvimwe zvaangavaita kunze kwokuwedzera kuvaranga.—Enzanisa naIsaya 48:22.
6. Jehovha anoita sei murwanepasi zano revaIsraeri nevaSiria rokurwa nenyika yeJudha?
6 Isaya anoenderera mberi achiti: “Jehovha uchavamutsira vadzivisi vaRezini.” (Isaya 9:11a) Mambo Peka weIsraeri naMambo Rezini weSiria vanotsigirana. Vari kuronga kukunda umambo hwendudzi mbiri hwenyika yeJudha uye kuisa pachigaro chaJehovha choUmambo muJerusarema mambo wavanongoshandisa—mumwe “mwanakomana waTabheeri.” (Isaya 7:6) Asi rangano yacho inokundikana. Rezini ane vavengi vane simba, uye Jehovha acha‘kwidziridza’ vavengi ava vanorwa “naye,” Israeri. Shoko rokuti ‘kwidziridza’ rinoreva kuvabvumira kurwa hondo zvakasimba ichaparira kuparadzwa kwemubatanidzwa wacho nezvinangwa zvawo.
7, 8. Nokuda kwaIsraeri, ndoupi mugumisiro wokukunda Siria kweAsiria?
7 Kuparadzwa kwomubatanidzwa uyu kunotanga apo Asiria inorwisa Siria. “Mambo weAsiria akandorwa neDhamasko [guta guru reSiria], akarikunda, akatapa vanhu, akavaisa Kiri, akauraya Rezini.” (2 Madzimambo 16:9) Arasikirwa nomutsigiri wake ane simba, Peka anowana kuti mazano ake panyika yeJudha ashayiswa basa. Chokwadi, Rezini achangofa, Peka pachake anourayirwa chigaro naHoshea, uyo anobva abvuta chigaro cheSamaria.—2 Madzimambo 15:23-25, 30.
8 Siria, yaichimbova mutsigiri weIsraeri, iye zvino yave nyika inotongwa neAsiria, simba guru kune ose munzvimbo yacho. Isaya anoprofita kuti Jehovha achashandisa sei mamirire ezvinhu zvematongerwe enyika matsva aya achiti: “[Jehovha] uchasanganisa vavengi vake [Israeri]; vaSiria pamberi, navaFiristia mushure, vachapedza Israeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.” (Isaya 9:11b, 12) Hungu, Siria zvino yava muvengi weIsraeri, uye Israeri inofanira kugadzirira kurwiswa neAsiria uye Siria. Kurwisa kwacho kunobudirira. Asiria inoita Hoshea uyo akabvuta chigaro muranda wayo, ichirayira mutero unorema. (Makumi mashomanene emakore akanga apfuura, Asiria yakanga yagamuchira dzamatsama remari kubva kuna Mambo Menahemi weIsraeri.) Mashoko omuprofita Hosea ndeechokwadi sei anoti: “Vatorwa vakapedza simba ra[Efraimi]”!—Hosea 7:9; 2 Madzimambo 15:19, 20; 17:1-3.
9. Nei tingataura kuti vaFiristia vanorwisa no“mushure”?
9 Isaya haatauriwo here kuti vaFiristia vachapinda no“mushure”? Hungu. Kambasi dzisati dzavako, vaHebheru vairatidza kuti nzvimbo iri nechokupi semaonere emunhu anenge akatarisa kumabudazuva. Naizvozvo ku“mabvazuva” kwaiva mberi, nepo kumavirira, musha womumhenderekedzo megungwa wevaFiristia, waiva “mushure.” “Israeri” anotaurwa pana Isaya 9:12 angangosanganisira Judha panguva ino nemhaka yokuti hakuna pakanyorwa panoratidza kuti vaFiristia vakapamba umambo hwokumusoro. Zvisinei, vanopinda nechisimba muJudha munguva yokutonga kwaAhazi, akatonga panguva imwe naPeka, vachitora nechisimba nokugara maguta evaJudha akati kuti neutiziro. Kufanana naEfraimi ari kumusoro, nyika yeJudha inofanira kupiwa chirango ichi naJehovha, nokuti naiyowo yakazara nokuramba kutenda.—2 Makoronike 28:1-4, 18, 19.
Kubva ‘Kumusoro Kusvika Kumuswe’—Rudzi Rwevapanduki
10, 11. Chirangoi icho Jehovha achauyisa kuna Israeri nemhaka yokuramba kwake achimukira?
10 Pasinei nokutambura kwahwo kwose—uye pasinei nezvirevo zvakasimba zvevaprofita vaJehovha—umambo hwokumusoro hunoramba huchipandukira Jehovha. “Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye wakavarova, havana kutsvaka Jehovha wehondo.” (Isaya 9:13) Somugumisiro, muprofita anoti: “Saka Jehovha uchagura vaIsraeri musoro nomuswe, davi romuchindwe nenhokwe, nomusi mumwe. Mukuru nounokudzwa ndiwo musoro; muprofita, unodzidzisa nhema, ndiwo muswe. Nokuti vatungamiriri vavanhu ava vanovatsaukisa; vanotungamirirwa navo vanoparadzwa.”—Isaya 9:14-16.
11 “Musoro” ne“davi” zvinomirira “mukuru nounokudzwa” vatungamiriri verudzi rwacho. “Muswe” ne“nhokwe” zvinoreva vaprofita venhema vanotaura mashoko anofadza vatungamiriri vavo. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inonyora kuti: “Vaprofita venhema vanonzi muswe, nemhaka yokuti ndivo vakanga vari vanhu vane tsika dzakaipa kupfuura vose, uye nokuti vakanga vari vateveri vaingobvuma zvose uye vatsigiri vevatongi vakaipa.” Purofesa Edward J. Young anoti nezvevaprofita venhema ava: “Vakanga vasiri vatungamiriri asi, vachitevera kwavaiendeswa nevatungamiriri, vainyengera nokubata kumeso, semuswe wembwa unotsvikidza.”—Enzanisa na2 Timoti 4:3.
Kunyange ‘Chirikadzi Nenherera’ Vapanduki
12. Uori hwapinda munzanga yevaIsraeri kusvika pakadzama sei?
12 Jehovha ndiye Mudziviriri wechirikadzi nenherera. (Eksodho 22:22, 23) Asi, inzwa zvinotaura Isaya zvino: “Naizvozvo Ishe haangafariri majaya avo, haangavi netsitsi nenherera nechirikadzi dzavo; nokuti mumwe nomumwe wavo mumhuri waMwari nomuiti wezvakaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.” (Isaya 9:17) Kuramba kutenda kwakanganisa vose munzanga, kusanganisira chirikadzi nenherera! Jehovha nokushivirira anotumira vaprofita vake, achitarisira kuti vanhu vachachinja nzira dzavo. Somuenzaniso, “Haiwa, imi Israeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu,” anoteterera kudaro Hosea. (Hosea 14:1) Zvinofanira kurwadza sei Mudziviriri wechirikadzi nenherera kuti anofanira kuvatonga!
13. Chii chatingadzidza mumamiriro ezvinhu emuzuva raIsaya?
13 SaIsaya, tiri kurarama munguva dzinonetsa zuva raJehovha rokutonga vakaipa risati rasvika. (2 Timoti 3:1-5) Zvinokosha sei zvino, kuti vaKristu vechokwadi, pasinei nemamiriro avo ezvinhu muupenyu, varambe vakachena mumudzimu, mutsika, uye mupfungwa kuti varambe vane nyasha dzaMwari. Mumwe nomumwe ngaachengete kwazvo ukama hwake naJehovha. Ngapasave nevakapukunyuka kubva mu“Bhabhironi Guru” vanozombo“goverana naro muzvivi zvaro” zvakare.—Zvakazarurwa 18:2, 4.
Kunamata Kwenhema Kunobereka Chisimba
14, 15. (a) Kunamata madhimoni kunoguma nei? (b) Isaya anoprofita kuti Israeri achaona kutamburai kunopfuurira?
14 Kunamata kwenhema, chaizvoizvo kunamata madhimoni. (1 VaKorinde 10:20) Sezvakaratidzwa mafashamo asati aitika, kupindira kwemadhimoni kunotungamirira kuita zvechisimba. (Genesi 6:11, 12) Naizvozvo, hazvishamisi kuti vaIsraeri pavanoramba kutenda vachitanga kunamata madhimoni, chisimba nouipi zvinozadza nyika yacho.—Dheuteronomio 32:17; Pisarema 106:35-38.
15 Nemashoko akajeka, Isaya anorondedzera kupararira kweuipi nechisimba muna Israeri achiti: “Nokuti zvakaipa zvinopfuta somoto; unopedza rukato neminzwa; zvirokwazvo unopisa matenhere edondo; zvichikwira kudenga iri shongwe youtsi. Nyika inotsva nokuda kwokutsamwa kwaJehovha wehondo; vanhu vakaita sehuni dzinoveswa; hakuna munhu une nyasha nehama yake. Mumwe uchabvuta kurudyi, asi uchava nenzara; uchadya kuruboshwe, asi havangaguti; mumwe nomumwe uchadya nyama yoruoko rwake. VaManase vachadya vaEfraimi, navaEfraimi vaManase; ivo pamwe chete vachamukira vaJudha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.”—Isaya 9:18-21.
16. Mashoko aIsaya 9:18-21 anozadzika sei?
16 Kufanana nomurazvo womoto unoenderera kubva pagwenzi reminzwa uchienda kune rimwe, chisimba chinoramba kudzoreka uye nokukurumidza chinosvika pa“matenhere edondo,” chichitanga moto wesango wakasimba wechisimba. Vatsinhiri veBhaibheri vanoti Keil naDelitzsch vanorondedzera ukuru hwechisimba se“kuzviparadza kwoutsinye hwakaipisisa munguva yehondo yevagari venyika yacho isina chinangwa. Vasina kana tsitsi, vakarakashana vasingagutsikani.” Pamwe, marudzi aEfraimi naManase anodomwa pano nokuti ndiwo akawanda anomirira umambo hwokumusoro uye, sedzinza revanakomana vaviri vaJosefa, ndiwo marudzi ane ukama hwapedyo pandudzi dzacho gumi. Zvisinei, pasinei neizvi, vanomisa chisimba chavo chokuuraya hama dzavo bedzi pavanorwa nenyika yeJudha iri zasi.—2 Makoronike 28:1-8.
Vatongi Vane Uori Vanosangana Nomutongi Wavo
17, 18. Uori hwechii huripo mugadziriro youtungamiriri nezvemitemo muna Israeri?
17 Jehovha anotevera kuisa ziso rake rokutonga pavatongi vaIsraeri vane uori nevamwe vakuru vakuru. Ava vanoshandisa simba ravo zvisizvo nokupamba vakaderera nevanotambura vanouya kwavari vachitsvaka kururamisira. Isaya anoti: “Vane nhamo vanotema mitemo isina kururama, navanyori vanonyora zvisakarurama; kuti vadzivise varombo pakururamisirwa, nokutorera varombo vavanhu vangu zvavanofanira kuva nazvo, kuti vapambe chirikadzi, vatorere nherera zvinhu zvavo.”—Isaya 10:1, 2.
18 Mutemo waJehovha unorambidza marudzi ose okusaruramisira uchiti: “Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama.” (Revhitiko 19:15) Vachizvidza mutemo iwoyo, vakuru vakuru ava vanoumba yavo “mitemo isina kururama” kuitira kuti kuba kuri pachena kwoutsinye hwakaipisisa kuite sekwapamutemo—vachitora zvinhu zvokukwangwaya zvechirikadzi nenherera. Vanamwari venhema vaIsraeri, chokwadi, mapofu pakusaruramisira uku, asi Jehovha haasi. Achishandisa Isaya, Jehovha zvino anotarira kuvatongi vakaipa ava.
19, 20. Mamiriro ezvinhu evatongi vane uori vaIsraeri achasandurwa sei, uye chii chichaitika ku“pfuma” yavo?
19 “Asi muchaiteiko pazuva rokutongwa, nerokuparadzwa kuchabva kure? Muchatizira kuna ani kundobatsirwa? Pfuma yenyu muchaivigepiko? Vachangokotama havo pakati pavasungwa, vachawira pasi pakati pavakaurawa.” (Isaya 10:3, 4a) Chirikadzi nenherera hadzina vatongi vakatendeka vadzinogona kunomhan’ara kwavari. Zvakakodzera sei zvino, kuti Jehovha anobvunza vatongi vaIsraeri vane uori ivavo wavachaenda kwaari nokuti zvino Jehovha ari kuvapa mhaka. Hungu, vave pedyo nokudzidza kuti “chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.”—VaHebheru 10:31.
20 “Pfuma” yevatongi vakaipa ava—mandionekwe enyika, kukudzwa nesimba zvinouya noupfumi hwavo nenzvimbo—zvichagara kwenguva pfupi. Vamwe vachava nhapwa dzomuhondo, ‘vachawira pasi,’ kana kuti kukambaira, pakati pevamwe vasungwa, apo vamwe vose vachaurawa, zvitunha zvavo zvichafukidzwa nevachafa muhondo. “Pfuma” yavo inobatanidzawo upfumi hwakawanikwa zvisina kutsarukana, uhwo huchapambwa nomuvengi.
21. Tichifunga chirango icho Israeri agamuchira, hasha dzaJehovha kwavari dzaguma here?
21 Isaya anopedzisa chikamu chino chokupedzisira nenyevero yakasimba achiti: “Kunyange zvakadaro, [nhamo yose yatambura rudzi rwacho kusvikira zvino] kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.” (Isaya 10:4b) Hungu, Jehovha ane zvimwe zvokutaura kuna Israeri. Ruoko rwaJehovha rwakatambanudzwa haruzodzorerwi shure kusvikira arova chibhakera chokupedzisira, chokuparadza umambo hwokumusoro hunomukira.
Musamboreverwa Nhema Nevanhu Vane Zvinangwa Zvavo
22. Chidzidzoi chatingadzidza kune zvakaitika kuna Israeri?
22 Shoko raJehovha nokuna Isaya rakanga riri gukutu kuna Israeri uye ‘harina kudzokera kwaari risina zvibereko.’ (Isaya 55:10, 11) Munhau dzezvakaitika makanyorwa nezvemugumo unosuruvarisa weumambo hwaIsraeri hwokumusoro, uye tinogona kungofungidzira kutambura uko vagari vahwo vaifanira kutsungirira. Zvechokwadi, saizvozvowo shoko raMwari richazadzika pagadziriro yezvinhu iripo zvino, kunyanya pachiKristudhomu chakaramba kutenda. Naizvozvo zvinokosha sei kuti vaKristu vasateerere nhema, nhema dzinorwisana naMwari! Nemhaka yeShoko raMwari, mazano aSatani okuchenjeresa akafumurwa kubva kare, zvokuti hatifaniri hedu kunyengerwa nawo sezvakaitwa vanhu vomuIsraeri yekare. (2 VaKorinde 2:11) Tose zvedu ngatiregei kumbomira kunamata Jehovha “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Kana zvakadaro, ruoko rwake rwakatambanudzwa haruzorovi vanamati vake sezvarwakaita vaEfraimi vaipandukira; maoko ake achavambundira noushamwari, uye achavabetsera munzira inoenda kuupenyu husingaperi muparadhiso yepasi.—Jakobho 4:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Isaya 9:8–10:4 yakaumbwa nezvikamu zvina (zvikamu zvendima dzine mutinhimira), chimwe nechimwe chichiguma nekorasi inoratidza chimwe chinhu yokuti: “Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.” (Isaya 9:12, 17, 21; 10:4) Ichi chidavado chokunyora chinoita kuti Isaya 9:8–10:4 ibatanidzwe kuva “shoko” rine zvikamu. (Isaya 9:8) Onawo kuti, “ruoko rwa[Jehovha] rwakatambanudzwa nazvino,” kwete kuti ape kuyanana, asi kuti atonge.—Isaya 9:13.
b Vaprofita vaJehovha kuumambo hwaIsraeri hwokumusoro vanobatanidza Jehu (kwete mambo), Eria, Mikaya, Erisha, Jona, Odhedhi, Hosea, Amosi, uye Mika.
[Mufananidzo uri papeji 139]
Uipi nechisimba zvinotsvaira Israeri semoto wesango
[Mufananidzo uri papeji 141]
Jehovha achatonga vose vanobatirira vamwe