RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-2 chits. 25 pp. 360-371
  • Munyengetero Wokupfidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munyengetero Wokupfidza
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Baba Vane Tsitsi
  • Jehovha Bedzi Ndiye Anogona Kuponesa
  • “Kuteerera Kunopfuura Chibayiro”
  • Jehovha Ndiye “Wokunzwa Munyengetero”
  • Iwe Uchati, “Ndiri Pano! Nditumei” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Jehovha Anotidzidzisa Zvinotibatsira
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Paradhiso Inodzorerwa!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Ramba Wakamirira Jehovha
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
ip-2 chits. 25 pp. 360-371

Chitsauko 25

Munyengetero Wokupfidza

Isaya 63:15–64:12

1, 2. (a) Chinangwa chechirango chaMwari ndechei? (b) VaJudha vachasarudzei pashure pokugamuchira chirango chaJehovha?

KUPARADZWA kweJerusarema netemberi yaro muna 607 B.C.E. chakanga chiri chirango chakabva kuna Jehovha, chiratidzo chokusatendera kwake kukuru. Rudzi rwaJudha rwakanga rusingateereri rwaive rwakakodzera chirango chakakasharara. Asi, Jehovha akanga asina chinangwa chokuti vaJudha vaparadzwe. Muapostora Pauro aive achitaura pamusoro pechinangwa chechirango chaJehovha apo akati: “Chokwadi, hapana chirango chinoita sechinofadza panguva ino, asi chinoshungurudza; asi gare gare chinoberekera vakarovedzwa nacho chibereko chine rugare, iko kururama.”—VaHebheru 12:11.

2 VaJudha vachaita sei nezvakavawira zvakaoma kudai? Vachavenga chirango chaJehovha here? (Pisarema 50:16, 17) Kana kuti vachachigamuchira sokudzidziswa? Vachapfidza voporeswa here? (Isaya 57:18; Ezekieri 18:23) Uprofita hwaIsaya hunoratidza kuti vamwe vevaichimbova vagari venyika yeJudha vachaita zvakanaka vanzwa chirango. Kutangira mundima dzokupedzisira dzechitsauko 63 uye kupfuurira kusvika muchitsauko 64, rudzi rwaJudha runoratidzwa sevanhu vanozvidemba vanoteterera Jehovha zvichibva pamwoyo. Muprofita Isaya, akamiririra vanhu venyika yake pakutapwa kwavo munguva yemberi anopa munyengetero wokupfidza. Achiita kudaro, anotaura nezvezviitiko zviri kuuya sokunge zvakanga zvichiitika pameso pake chaipo.

Baba Vane Tsitsi

3. (a) Munyengetero wouprofita waIsaya unorumbidza Jehovha sei? (b) Munyengetero waDhanieri unoratidza sei kuti munyengetero wouprofita waIsaya unomiririra pfungwa dzevaJudha vanopfidza vari muBhabhironi? (Ona Bhokisi riri papeji 362.)

3 Isaya anonyengetera kuna Jehovha achiti: “Tarirai pasi muri kudenga, muone muri paugaro hwenyu hutsvene hunobwinya.” Muprofita ari kutaura nezvematenga omudzimu, uko Jehovha anogara nezvisikwa zvake zvomudzimu zvisingaonekwi. Achitaura pfungwa dzevaJudha vakatapwa Isaya anoenderera mberi achiti: “Kushingaira kwenyu namabasa enyu ane simba aripiko? Kushuva kwomoyo wenyu netsitsi dzenyu zvadzorwa kwandiri.” (Isaya 63:15) Jehovha adzora simba rake nokuzvidzora manzwire ake—“kushuva kwomoyo w[ake] netsitsi” [dzake]—kuvanhu vake. Asi, Jehovha ndiye “Baba” vorudzi rwechiJudha. Abrahamu naIsraeri (Jakobho) ndivo vaiva madzitateguru avo chaiwo, asi kudai ivava vaizomutswa, pamwe vaizoramba vana vavo vakaramba kutenda. Jehovha ane tsitsi huru. (Pisarema 27:10) Isaya nokuonga anoti: “Imi Jehovha muri Baba vedu; Mudzikinuri wedu kubva kare nakare, ndiro zita renyu.”—Isaya 63:16.

4, 5. (a) Jehovha anoita kuti vanhu vake vatsauke panzira dzake mupfungwai? (b) Jehovha anoda kunamata kworudzii?

4 Isaya anoenderera mberi nokutaura kunobva pamwoyo achiti: “Haiwa, Jehovha, munotirega neiko tichitsauka panzira dzenyu, nokuomesa mwoyo yedu kuti tirege kukutyai? Dzokai nokuda kwavaranda venyu, iwo marudzi enhaka yenyu.” (Isaya 63:17) Hungu, Isaya anonyengeterera kuti Jehovha afunge nezvevashumiri vake zvekare. Zvisinei, Jehovha anoita kuti vaJudha vatsauke munzira dzake mupfungwai? Jehovha ndiye ari kuomesa mwoyo yavo here iyo inovaita kuti vasamutya? Kwete, asi anozvibvumira, uye vapererwa nezano, vaJudha vanochema kuti Jehovha akavapa rusununguko rwakadaro. (Eksodho 4:21; Nehemia 9:16) Vanoshuva kuti dai Jehovha akapindira kuti avadzivise kuita zvisina kururama.

5 Hapana mubvunzo kuti Mwari haabati nevanhu nenzira iyoyo. Tiri vanhu vakasununguka kuzvisarudzira, uye Jehovha anotibvumira kusarudza kuti tomuteerera here kana kuti kwete. (Dheuteronomio 30:15-19) Jehovha anoda kunamata kunobva pamwoyo nendangariro zvinokurudzirwa norudo rwechokwadi. Nokudaro, akabvumira vaJudha kushandisa rusununguko rwavo rwokuzvisarudzira, kunyange zvazvo izvi zvakavaita kuti vamumukire. Iyi ndiyo nzira yaakaomesa nayo mwoyo yavo.—2 Makoronike 36:14-21.

6, 7. (a) Chii chinoguma chaitika nemhaka yokusiya nzira dzaJehovha kwevaJudha? (b) Chii chinopangwa pasina tariro, asi vaJudha havana kodzero yokutarisira chii?

6 Zvinoguma nei? Isaya anotaura nenzira youprofita kuti: “Vanhu venyu vatsvene vakanga vanayo nguva duku hayo; vadzivisi vedu vakatsika pasi imba yenyu tsvene. Isu tafanana navasina kutongobatwa nemi, navasina kutumidzwa nezita renyu.” (Isaya 63:18, 19) Vanhu vaJehovha vakatora nzvimbo yake tsvene kwechinguva. Ipapo Jehovha akaibvumira kuparadzwa uye kuti rudzi rwake rutapwe. Izvozvo pazvakaitika, zvakaita sokunge kwakanga kusina sungano pakati pake nembeu yaAbrahamu uye kuita sokuti zita rake rakanga risina kumbodanwa pavari. Zvino vave nhapwa muBhabhironi, vaJudha vanochema vasina tariro vachiti: “Haiwa, dai maibvarura denga mukaburuka, makomo akaderera pamberi penyu, sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu!” (Isaya 64:1, 2) Jehovha zvechokwadi ane simba rokuponesa. Chokwadi aigona kudai akadzika akarwira vanhu vake, achibvarura hurumende dzakaita sematenga uye achiparadza umambo hwakaita semakomo. Jehovha aigona kudai akaita kuti zita rake rizivikanwe nokuratidza kushingaira kwake kunopisa somoto akamirira vanhu vake.

7 Jehovha akanga amboita zvinhu zvakadaro kare. Isaya anoyeuka kuti: “Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu.” (Isaya 64:3) Mabasa makuru akadaro akaratidza simba raJehovha uye kuti ndiye Mwari. Zvisinei, vaJudha vasina kutendeka vomunguva yaIsaya havana kodzero yokutarisira Jehovha kuita nenzira yakadaro kuti zvivabatsire.

Jehovha Bedzi Ndiye Anogona Kuponesa

8. (a) Ndeipi imwe nzira iyo Jehovha akasiyana nayo navanamwari venhema vemarudzi? (b) Kunyange zvazvo achikwanisa kudaro, nei Jehovha asingaponesi vanhu vake? (c) Pauro anodzokorora Isaya 64:4 nokuishandisa sei? (Ona bhokisi riri papeji 366.)

8 Vanamwari venhema havaiti mabasa esimba okuponesa vanamati vavo. Isaya anonyora kuti: “Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye unobatira vanomumirira. Munosongana nounofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu.” (Isaya 64:4, 5a) Jehovha bedzi ndiye “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Anoshandira kudzivirira vanoita zvakarurama nevanomuyeuka. (Isaya 30:18) VaJudha vakaita nenzira iyi here? Kwete. Isaya anoti kuna Jehovha: “Tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?” (Isaya 64:5b) Nemhaka yokuti vanhu vaMwari vane mukurumbira wenguva refu wokuramba vachingotadza, hapana chikonzero chokuti Jehovha adzore hasha dzake oshandira kuvaponesa.

9. VaJudha vanopfidza vangave netariro yei, uye tinodzidzei pazviri?

9 VaJudha havagoni kuchinja zvakaitika, asi kana vakapfidza vakadzokera kukunamata kwakachena, vanogona kutarisira kukanganwirwa nezvikomborero munguva yemberi. Jehovha achakomborera vanopfidza munguva yake yakakodzera nokuvasunungura pakutapwa neBhabhironi. Kunyange zvakadaro, vanofanira kushivirira. Pasinei nokupfidza kwavo, Jehovha haazochinji nguva yake yaakaronga. Zvisinei, kana vakaramba vakangwarira uye vachiteerera zvinodiwa naJehovha, vanogona kuva nechokwadi chokusunungurwa pakupedzisira. Saizvozvowo vaKristu nhasi vanomirira Jehovha nokushivirira. (2 Petro 3:11, 12) Tinoteerera mashoko omuapostora Pauro, uyo akati: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.”—VaGaratiya 6:9.

10. Kusakwanisa chii kunobvumwa zvakajeka mumunyengetero waIsaya?

10 Munyengetero wouprofita waIsaya hakusi kungoreurura zvivi chete. Unoratidza kubvuma kwomwoyo wose kuti rudzi rwacho harukwanisi kuzviponesa. Muprofita wacho anoti: “Nokuti isu tose tava soune tsvina, kururama kwedu kwose kwakafanana nenguo ine tsvina; isu tose tinooma seshizha, zvakaipa zvedu zvinotibvisa semhepo.” (Isaya 64:6) Panozoguma kutapwa, vaJudha vanopfidza vangave vasisaiti tsika dzokuramba kutenda. Vangave vatendeukira kuna Jehovha nezviito zvakarurama. Asi vachiri vasina kukwana. Zviito zvavo zvakanaka, kunyange zvazvo zvichirumbidzwa, hazvina kusiyana nenguo ine tsvina pamusoro pokuyananiswa kwezvivi. Kukanganwira kwaJehovha chipo chisina kufanirwa chinokuchidzirwa netsitsi dzake. Hachisi chimwe chinhu chinogona kushandirwa.—VaRoma 3:23, 24.

11. (a) Ndeapi mamiriro ezvinhu omudzimu asina kunaka aripo pakati pevaJudha vazhinji vakatapwa, uye nei izvi zvingave zvakadaro? (b) Ndivanaani vakanga vari mienzaniso yakanaka kwazvo yokutenda munguva yokutapwa?

11 Isaya sezvaanotarira mberi anoonei? Muprofita wacho anoti: “Hakuna unodana zita renyu, unozvimutsa kuti akunamatireyi; nokuti makativanzira chiso chenyu, mukatinyungurusa nezvakaipa zvedu.” (Isaya 64:7) Mamiriro orudzi urwu mumudzimu akadereresa. Vanhu vave vasingadani zita raMwari mumunyengetero. Kunyange zvazvo vasisina chivi chakakomba chokunamata zvifananidzo, sezviri pachena vari kuregeredza mukunamata kwavo, uye hakuna ‘unozvimutsa kuti anamatire’ Jehovha. Sezviri pachena havana ukama hwakanaka noMusiki. Pamwe vamwe vanonzwa vasingakodzeri kutaura naJehovha mumunyengetero. Vamwe vangaita mabasa avo ezuva nezuva vasingamurangariri. Chokwadi, kune vanhu vakadai saDhanieri, Hanania, Mishaeri, Azaria, naEzekieri pakati penhapwa dzacho, uye ivava mienzaniso yakanaka yokutenda. (VaHebheru 11:33, 34) Sezvo makore 70 ousungwa anoswedera kunopera, varume vakadai saHagai, Zekaria, Zerubhabheri, noMupristi Mukuru Joshua vanomira vakagadzirira kutungamirira zvakanyatsonaka mukudana zita raJehovha. Kunyange zvakadaro, munyengetero wouprofita waIsaya unoratidza souri kurondedzera mamiriro ezvinhu oruzhinji rwenhapwa dzacho.

“Kuteerera Kunopfuura Chibayiro”

12. Isaya anoratidza sei kuda kwevaJudha vanopfidza kuchinja mufambiro wavo?

12 VaJudha vanopfidza vanoda kuchinja. Akavamiririra, Isaya anonyengetera kuna Jehovha achiti: “Asi zvino Jehovha, muri Baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu, isu tose tiri basa roruoko rwenyu.” (Isaya 64:8) Mashoko aya anobvuma zvekare chiremera chaJehovha saBaba, kana kuti Mupi Woupenyu. (Jobho 10:9) VaJudha vanopfidza vanofananidzwa nevhu rinoumbika. Avo vanoteerera chirango chaJehovha vanogona kuumbwa nenzira yokufananidzira, kana kuti kuvakwa maererano nemitemo yaMwari. Asi izvi zvinogona kuitwa bedzi kana Jehovha, Muumbi, akakanganwira. Nokudaro, Isaya kaviri anomuteterera kuti ayeuke kuti vaJudha vanhu vake: “Regai kutsamwa zvikuru, Jehovha, uye regai kurangarira zvakaipa zvedu nokusingaperi; tarirai, doonai, tiri vanhu venyu.”—Isaya 64:9.

13. Ndeapi ari mamiriro enyika yeIsraeri apo vanhu vaMwari vari nhapwa?

13 Munguva yokutapwa, vaJudha vanotsungirira zvinopfuura kutapwa bedzi munyika yechihedheni. Kuva dongo kweJerusarema netemberi yaro kunovazvidzisa uye Mwari wavo. Munyengetero waIsaya wokupfidza unododorodza zvimwe zvezvinhu zvinoparira kuzvidzwa uku: “Maguta enyu matsvene ashanduka renje, Ziyoni rashanduka renje, Jerusarema rava dongo. Imba yedu tsvene, yakanakisa, pamakarumbidzwa namadzibaba edu, yatsva nomoto; nzvimbo dzedu dzose, dzataifarira, dzaparadzwa.”—Isaya 64:10, 11.

14. (a) Jehovha akanyevera sei nezvemamiriro ezvinhu aripo zvino? (b) Kunyange zvazvo Jehovha akafarira temberi yake nezvibayiro zvaiitwapo, chii chinonyanya kukosha?

14 Chokwadi, Jehovha anonyatsoziva mamiriro ezvinhu munyika yemadzitateguru evaJudha. Anenge makore 420 Jerusarema risati raparadzwa, akanyevera vanhu vake kuti kana vakasateerera mitemo yake ndokushumira vamwe vanamwari, aizova“paradza . . . panyika,” uye temberi yakaisvonaka yaizova matongo. (1 Madzimambo 9:6-9) Chokwadi, Jehovha aifarira nyika yaakanga apa vanhu vake, temberi yakanaka kwazvo yakavakirwa kumurumbidza, nezvibayiro zvaaiitirwa. Asi kuvimbika nokuteerera zvaikosha kupfuura zvinhu zvenyama, kunyange zvibayiro. Muprofita Samueri akataura nomazvo kuna Sauro kuti: “Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera inzwi raJehovha here? Tarira! Kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta emakondohwe.”—1 Samueri 15:22.

15. (a) Kutetererai uko Isaya anoita kuna Jehovha achiprofita, uye kunopindurwa sei? (b) Zviitiko zvipi zvinotungamirira kukuramba kwaJehovha vaIsraeri sorudzi pakupedzisira?

15 Kunyange zvakadaro, Mwari waIsraeri anogona kutarira ngozi yevanhu vake vanopfidza otadza kunzwa urombo here? Ndiwo mubvunzo uyo Isaya anopedzisa nawo munyengetero wake wouprofita. Akamiririra nhapwa dzechiJudha, anoteterera achiti: “Jehovha, mungazvidzora nokuda kwezvinhu izvi here? Mucharamba munyerere, muchititambudza zvikuru here?” (Isaya 64:12) Sokuguma kwazvinoita, Jehovha zvechokwadi anokanganwira vanhu vake, uye muna 537 B.C.E., anovadzorera kunyika yavo kuitira kuti vapfuurire nokunamata kwakachena ikoko. (Joere 2:13) Zvisinei, mazana emakore gare gare, Jerusarema netemberi yaro zvakaparadzwa zvakare, uye rudzi rwaMwari rwesungano pakupedzisira rwakarambwa naye. Nei? Nemhaka yokuti vanhu vaJehovha vakanga vatsauka pamitemo yake uye vakanga varamba Mesiya. (Johani 1:11; 3:19, 20) Izvozvo pazvakaitika, Jehovha akatsiva Israeri norudzi rutsva, rudzi rwomudzimu, runonzi, “Israeri waMwari.”—VaGaratiya 6:16; 1 Petro 2:9.

Jehovha Ndiye “Wokunzwa Munyengetero”

16. Bhaibheri rinodzidzisei pamusoro pokukanganwira kwaJehovha?

16 Zvidzidzo zvinokosha zvinogona kudzidzwa pane zvakaitika kuvaIsraeri. Tinoona kuti Jehovha “akanaka uye [“akagadzirira,” NW] kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Sezvisikwa zvisina kukwana tinotovimba netsitsi dzake nokukanganwira kuti tiwane ruponeso. Hapana mabasa edu anogona kutibatsira kuwana zvikomborero izvi. Zvisinei, Jehovha haangokanganwiri pose pose. Vanopfidza zvivi zvavo bedzi votendeuka ndivo vachakanganwirwa naMwari.—Mabasa 3:19.

17, 18. (a) Tinoziva sei kuti Jehovha anofarira zvechokwadi zvatinofunga nemanzwiro edu? (b) Nei Jehovha achishivirira vanhu vanotadza?

17 Tinodzidzawo kuti Jehovha anofarira pfungwa dzedu nemanzwiro edu zvikuru patinozvitaura kwaari mumunyengetero. Ndiye “Wokunzwa munyengetero.” (Pisarema 65:2, 3) Muapostora Petro anotivimbisa kuti: “Nokuti maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo; asi chiso chaJehovha chinopesana nevanoita zvinhu zvakaipa.” (1 Petro 3:12) Uyezve, tinodzidza kuti munyengetero wokupfidza unofanira kubatanidza kureurura zvivi kwokuzvininipisa. (Zvirevo 28:13) Zvisinei, izvi hazvirevi kuti tinofanira kungofunga kuti Mwari achatiitira tsitsi. Bhaibheri rinonyevera vaKristu kuti va“sagamuchira mutsa usina kufanirwa waMwari [v]opotsa chinangwa chawo.”—2 VaKorinde 6:1.

18 Pakupedzisira tinodzidza chinangwa chokushivirira kwaMwari kuvanhu vake vanotadza. Muapostora Petro akatsanangura kuti Jehovha anoshivirira “nokuti hapana waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:9) Kunyange zvakadaro, avo vanoramba vachishandisa kushivirira kwaMwari zvisina kufanira pakupedzisira vacharangwa. Pamusoro peizvi tinoverenga kuti: “[Jehovha] achaitira mumwe nomumwe maererano nemabasa ake: upenyu husingaperi kune vari kutsvaka mbiri nokukudzwa nokusaora nemhaka yokutsungirira mubasa rakanaka; zvisinei, nokuda kweavo vanokakavara uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama kuchava nehasha nokutsamwa.”—VaRoma 2:6-8.

19. Jehovha achagaroratidza unhu hwakaita sei husingachinji?

19 Iyi ndiyo nzira iyo Mwari akabata nayo naIsraeri wekare. Ukama hwedu naJehovha nhasi hunodzorwa nenheyo idzodzowo nemhaka yokuti haachinji. Kunyange asingaregi kupa chirango chakakodzera, nguva dzose achava “Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo.”—Eksodho 34:6, 7.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 362]

Munyengetero waDhanieri Wokupfidza

Muprofita Dhanieri aigara muBhabhironi munguva yose yemakore 70 okutapwa kwevaJudha. Pane imwe nguva mugore rechi68 rokutapwa, Dhanieri akanzwisisa kubva muuprofita hwaJeremia kuti kutapwa kwevaIsraeri kwakanga kwava pedyo nokuguma. (Jeremia 25:11; 29:10; Dhanieri 9:1, 2) Dhanieri akanyengetera kuna Jehovha—munyengetero wokupfidza akamiririra rudzi rwose rwevaJudha. Dhanieri anorondedzera kuti: “Ndikarinzira chiso changu kunaShe Mwari, ndikamutsvaka nokunyengetera nokukumbira, nokuzvinyima zvokudya, namasaga namadota. Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikazvireurura zvivi.”—Dhanieri 9:3, 4.

Dhanieri akataura munyengetero wake anenge makore mazana maviri Isaya anyora munyengetero wouprofita unowanikwa muchitsauko 63 ne64 mubhuku rake. Pasina mubvunzo vaJudha vakatendeka vazhinji vakanyengetera kuna Jehovha mumakore iwayo akaoma okutapwa. Zvisinei, Bhaibheri rinosimbisa munyengetero waDhanieri, uyo sezviri pachena waimiririra manzwire evaJudha vakatendeka vakawanda. Nokudaro munyengetero wake unoratidza kuti manzwire aIsaya mumunyengetero wake achiprofita zvechokwadi ndiwo akanga ari manzwire evaJudha vakatendeka muBhabhironi.

Ona zvimwe zvakafanana pamunyengetero waDhanieri newaIsaya.

Isaya 63:16 Dhanieri 9:15

Isaya 63:18 Dhanieri 9:17

Isaya 64:1-3 Dhanieri 9:15

Isaya 64:4-7 Dhanieri 9:4-7

Isaya 64:6 Dhanieri 9:9, 10

Isaya 64:10, 11 Dhanieri 9:16-18

[Bhokisi riri papeji 366]

“Ziso Harina Kuona”

Mutsamba yake kuvaKorinde muapostora Pauro akadzokorora mashoko ebhuku raIsaya paakanyora kuti: “Sokunyorwa kwazvakaitwa kuti: ‘Ziso harina kuona nenzeve haina kunzwa, uyewo mumwoyo momunhu hamuna kufungwa zvinhu izvo Mwari akagadzirira vanomuda.’” (1 VaKorinde 2:9)a Mashoko aPauro kana aIsaya haatauri nezvezvinhu izvo Jehovha akagadzirira vanhu vake munhaka yokudenga kana kuti muparadhiso yepasi yomunguva yemberi. Pauro ari kushandisira mashoko aIsaya kuzvikomborero zvakanga zviri kutowanikwa nevaKristu muzana remakore rokutanga, zvakadai sokunzwisisa zvinhu zvakadzama zvaMwari kuvhenekerwa mumudzimu naJehovha.

Tinogona kunzwisisa zvinhu zvomudzimu zvakadzama bedzi kana yave nguva yaJehovha yakakodzera yokuzvizivisa—uye kunyange panguva iyoyo, kana bedzi tiri vanhu vanoshingairira kunamata vane ukama hwapedyo naJehovha. Mashoko aPauro anoshanda kune vaya vanoshingaira zvishoma kana kuti vasingambodaro. Ziso ravo harigoni kuona, kana kuti kunzwisisa, chokwadi chomudzimu, uye nzeve yavo haigoni kunzwa, kana kuti kunzwisisa, zvinhu zvakadaro. Kuziva zvinhu zvakagadzirirwa naMwari vanomuda hakutombopindi mumwoyo yevanhu vakadaro. Asi kune vaya vakazvitsaurira kuna Mwari, sezvakanga zvakaita Pauro, Mwari akavazivisa zvinhu izvi nomudzimu wake.—1 VaKorinde 2:1-16.

[Mashoko Omuzasi]

a Mashoko aPauro haawaniki muMagwaro echiHebheru semanyorero aakaita chaiwo. Anenge ari kubatanidza pfungwa dzaIsaya 52:15; 64:4 naIsa 65:17.

[Mufananidzo uri papeji 367]

Vanhu vaMwari vakava neJerusarema netemberi yaro “kwenguva pfupi”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe