Chitsauko 3
Ramba Wakabatisisa Shoko raMwari
1. (a) VaIsraeri vekare vakawana sei kururama kweshoko raMwari? (b) Nei tichifarira izvozvo?
“IMI munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.” (Joshua 23:14-16) Izvi ndizvo zvakataurwa naJoshua kuvarume vakuru vevaIsraeri pavakanga vagara muNyika Yakapikirwa. Chokwadi, zvipikirwa zvaJehovha zvakaratidza kuti zvakavimbika. Nhoroondo iyoyo—uye Bhaibheri rose—zvakachengetwa kuti “tive netariro.”—VaRoma 15:4.
2. (a) Bhaibheri raka“furidzirwa naMwari” mupfungwa ipi? (b) Zvatinoziva kuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari, mutoro wei watinawo?
2 Kunyange zvazvo vanhu 40 vakashandiswa kunyora Bhaibheri, Jehovha pachake ndiye Munyori waro. Zvinoreva here kuti akanyatsotungamirira kunyorwa kwezvose zvirimo? Hungu. Akaita izvi achishandisa mudzimu mutsvene wake une simba guru, simba rake rinoita basa. Muapostora Pauro akataura zvechokwadi kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari . . . kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.” Vanhu kwose kwose vane chokwadi neizvi vanoteerera Bhaibheri uye vanoita kuti upenyu hwavo huenderane nezviri mariri.—2 Timoti 3:16, 17; 1 VaTesaronika 2:13.
Batsira Vamwe Kuti Varikoshese
3. Ndeipi nzira yakanakisisa yokubatsira nayo vakawanda vasina chokwadi chokuti Bhaibheri iShoko raMwari?
3 Vakawanda vatinotaura navo havatendi sezvatinoita kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Tingavabatsira sei? Kazhinji, nzira yakanakisisa ndeyokuvhura Bhaibheri racho kwava kuvaratidza zviri mariri. “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose . . . uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.” (VaHebheru 4:12) “Shoko raMwari” haisi nhau isingabatsiri; ibenyu! Zvipikirwa zvomuBhaibheri zviri kuzadzika zvisingadzivisiki. Kuchinja kunoita shoko reBhaibheri mwoyo womunhu kune simba zvikuru kudarika chero chatingataura isu pachedu.
4. Kutsanangurwa kwakadini kwechokwadi cheBhaibheri kwakachinja maonero aiita vamwe vanhu Bhaibheri, uye nei?
4 Kuona zita raMwari imomo kwakaita kuti vakawanda vatarisise muBhaibheri. Vamwe vakasarudza kudzidza Bhaibheri pavakaratidzwa zvarinotaura nezvechinangwa choupenyu, chikonzero chinoita kuti Mwari abvumidze uipi, zvinoreva zviitiko zvenguva ino, kana kuti tariro youpenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. Munyika mune tsika dzezvitendero dzakaita kuti vanhu vanetswe nemidzimu yakaipa, kutsanangura kunoita Bhaibheri nezvechinokonzera izvi uye kuti munhu angasununguka sei pazviri kwakaita kuti vamwe vafarire. Nei zvinhu izvi zvichifadza vanhu vepachokwadi? Nokuti Bhaibheri ndiro chete bhuku rine mashoko akavimbika panhau dzose dzakakosha kudaro.—Pisarema 119:130.
5. (a) Vanhu pavanoti havatendi Bhaibheri, zvikonzero zvingava zvei? (b) Tingabatsira sei vanhu vakadaro?
5 Zvisinei, zvakadini kana vanhu vakatiudza kuti havatendi Bhaibheri? Izvozvo zvinofanira kuita kuti tirege kukurukura navo here? Kwete kana vachida kuti tikurukurirane. Kungava kuti vanoona Bhaibheri sebhuku rechiKristudhomu. Zvinozivikanwa pamusoro pounyengeri hwacho nokupindira mune zvematongerwo enyika, uyewo kugara kwacho chichikumbira mari, zvingava ndizvo zvinokonzera kusafarira kwavo Bhaibheri. Unodini kubvunza kana zvirizvo? Kushora kunoita Bhaibheri kupindira mune zvenyika kwechiKristudhomu, pamwe chete nokusiyana kwakaita chiKristudhomu nechiKristu chechokwadi, zvingaita kuti vafarire.—Mika 3:11, 12; Mateu 15:7-9; Jakobho 4:4.
6. (a) Chii chinoita kuti iwe pachako ugutsikane kuti Bhaibheri iShoko raMwari? (b) Zvii zvimwe zvingashandiswa kubatsira vanhu kunzwisisa kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari chaizvo?
6 Kune vamwe kukurukura zvakananga uchapupu hwokuti Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari kungabatsira. Chii chinonyatsokuratidza kuti Bhaibheri rinobva kuna Jehovha Mwari? Zvingava zvinotaurwa neBhaibheri racho zvokuti rakabva kupi here? Kana kuti chingava chokwadi chokuti Bhaibheri rine uprofita hwakawanda hunoratidza ruzivo rwakakwana rwenguva yemberi, uprofita hunofanira kuva hwakabva kune munhu akasiyana nesu here? (2 Petro 1:20, 21) Kungava kuti Bhaibheri rinoratidza kutsinhirana kwezviri mariri, kunyange rakanyorwa nevarume 40 munguva inoita makore 1 600 here? Kana kuti kururama kwaro mune zvesayenzi richisiyana nemamwe mabhuku enguva yarakanyorwa here? Kana kuti kutendeseka kwevanyori varo here? Kana kuti kuchengetedzwa kwaro pasinei nokuda kuparadzwa here? Chero zvawakawana pachako kuva zvinoorora zvingashandiswawo kubatsira vamwe vanhu.a
Kuverenga Kwedu Bhaibheri
7, 8. (a) Tinofanira kunge tichiitei neBhaibheri? (b) Chii chatinoda kuwedzera pakuverenga Bhaibheri tiri toga? (c) Iwe pachako wakanzwisisa sei zvinangwa zvaJehovha?
7 Kuwedzera pakubatsira vamwe kutenda Bhaibheri, isu pachedu tinofanira kuwana nguva yokuriverenga nguva dzose. Uri kuita izvozvo here? Pamabhuku ose ati ambobudiswa, iri ndiro rinokosha kupfuura ose. Chokwadi, izvi hazvirevi hazvo kuti kana tikariverenga tiri toga, hapana chimwezve chatichada. Magwaro anonyevera pamusoro pokuzviita vanazindoga. Hatifaniri kufunga kuti tinogona kuwana mhinduro dzose nokungozvitsvakira toga. Kudzidza tiri toga nokupinda misangano yevanhu vaMwari nguva dzose zvinodiwa kuti tive vaKristu vanoita zvose vasingasiyiriri zvimwe.—Zvirevo 18:1; VaHebheru 10:24, 25.
8 Maererano neizvi, Bhaibheri rinotaura nezvomumwe mukuru mukuru wokuEtiopiya aiverenga uprofita hwaIsaya. Ngirozi yakatungamirira muevhangeri wechiKristu Firipi kuti abvunze murume wacho kuti: “Unonyatsoziva zvauri ku[verenga] here?” Achizvininipisa, muEtiopiya wacho akapindura kuti: “Chaizvoizvo, ndingadaro sei, kana mumwe asinganditungamiriri?” Akakumbira Firipi kuti atsanangure chikamu choRugwaro rwacho. Firipi akanga asiri munhu anoverenga Bhaibheri akazvimirira oga aitaura maonero ake eMagwaro. Airamba ari pedyo zvikuru nesangano raMwari rinooneka. Saka aigona kubatsira muEtiopiya kuti abatsirwe nomurayiridzo uyo Jehovha aiita kuti uwanikwe nokusangano iroro. (Mabasa 6:5, 6; 8:5, 26-35) Saizvozvowo nhasi, hapana anosvika pakunzwisisa zvakarurama zvinangwa zvaJehovha ari oga. Tose tinoda ruyamuro runopiwa naJehovha nenzira yorudo achishandisa sangano rake rinooneka.
9. Ipurogiramu ipi yokuverenga Bhaibheri inogona kutibatsira tose?
9 Kutibatsira kunzwisisa Bhaibheri, sangano raJehovha rinogovera mashoko akanaka zvikuru omuMagwaro mumabhuku akasiyana-siyana. Kuwedzera kune izvozvo, takarongerwa purogiramu yenguva dzose yokuverenga Bhaibheri ine chokuita neChikoro chaMwari Choushumiri chinoitwa muungano dzose dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose. Tinogona kubatsirwa zvikuru nokuongorora pachedu Magwaro Matsvene. (Pisarema 1:1-3; 19:7, 8) Edza kwazvo kuverenga Bhaibheri nguva dzose. Kunyange zvazvo usinganyatsonzwisisi zvose, kuwana kwako pfungwa yezviri kutaurwa muMagwaro kuchava kunokosha zvikuru. Somuenzaniso, kana uchiverenga mapeji mana kana mashanu chete pazuva, unogona kupedza Bhaibheri murinenge gore.
10. (a) Ndirini paunoverenga Bhaibheri? (b) Ndivanaani vamwe vangabatanidzwa pakuverenga Bhaibheri, uye nei kuzviita nguva dzose kuchikosha?
10 Ndirini paungaverenga Bhaibheri? Kana ukaronga kunyange maminitsi 10 kana 15 pazuva kuti udaro, uchabatsirwa zvikuru. Kana zvisingaiti, imboedza kuita chirongwa chenguva dzose kuti uriverenge vhiki imwe neimwe, wonyatsotevedzera chirongwa ichocho. Kana wakaroora, iwe nomumwe wako munganakidzwa kuverengerana Bhaibheri zvinonzwika. Kana pane vana vakura zvokukwanisa kuverenga, vangaita majana okuverenga zvinonzwika. Kuverenga Bhaibheri kunofanira kuva tsika youpenyu hwose, sezvinoita kudya. Sezvaunoziva, kana madyiro omunhu asina kutsarukana, utano hwake hahuiti zvakanaka. Sakawo upenyu hwedu hwokunamata, uyewo upenyu hwedu husingaperi, hunotsamira pakugara kwedu tichidya “kutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.”—Mateu 4:4.
Chinangwa Chedu
11. Chii chinofanira kuva chinangwa chedu pakuverenga Bhaibheri?
11 Ndechipi chinofanira kuva chinangwa chedu pakuverenga Bhaibheri? Vavariro yedu haifaniri kuva yokungoverenga nhamba yakati yemapeji. Tinenge tichifanira kuvavarira kuziva Mwari zviri nani zvokuti tinogona kuwedzera kumuda kwedu tomunamata zvinogamuchirika. (Johani 5:39-42) Mafungiro edu anofanira kuva akafanana neaya omunyori weBhaibheri akati: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu.”—Pisarema 25:4.
12. (a) Nei kuwana “zivo yakarurama” kuchidiwa, uye munhu paanenge achiverenga anofanira kuedza kuitei kuti awane zivo iyoyo? (b) Tingabatsirwa nokuongorora zvatinoverenga muBhaibheri nokushandisa pfungwa dzipi ina? (Ona bhokisi riri papeji 30.) (c) Enzanisira pfungwa idzi nokupindura mibvunzo iri mundima ino. Verenga magwaro akanyorwa asi asina kutorwa mashoko.
12 Sezvatinobvuma kudzidzisa kunobva kuna Jehovha, tinofanira kuva nechido chokuwana “zivo yakarurama.” Tisina, tingashandisa sei Shoko raMwari zvakanaka muupenyu hwedu kana kuritsanangura zvakarurama kune vamwe? (VaKorose 3:10; 2 Timoti 2:15) Kuwana zivo yakarurama kunoda kuti tiverenge nokufungisisa, uye kana chimwe chikamu chakaoma, tingada kuchiverenga kanopfuura kamwe chete kuti tibate pfungwa yacho. Tichabatsirwawo kana tikawana nguva yokufungisisa mashoko acho, tichifunga nezvawo mumaonero akasiyana-siyana. Nzira ina dzokufunga nadzo dzatingaongorora dziri kuratidzwa papeji 30. Zvikamu zvakawanda zvoRugwaro zvingaongororwa zvinobatsira nokushandisa pfungwa imwe kana dzinopfuura pane idzodzi. Sezvaunopindura mibvunzo iri pamapeji anotevera, uchaona kuti izvozvo zvakadaro sei.
(1) Kazhinji, chikamu choRugwaro rwauri kuverenga chingakuudza chimwe chinhu nezvokuti Jehovha munhu worudzii. Somuenzaniso, pana Pisarema 139:13, 14, tinodzidza nezvokuti Mwari ane hanya nomwana asati aberekwa: “Makandiruka mudumbu ramai vangu. Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.” Mabasa okusika aJehovha anoshamisa kwazvo! Nzira yakaitwa nayo vanhu inopupurira kutida zvikuru kwaanoita.
Tichitarira zvinotaurwa pana Johani 14:9, 10, patinoverenga nezvemabatiro aiita Jesu vamwe, chaizvoizvo tiri kuona nzira iyo Jehovha pachake aizoita nayo. Tichifunga izvi, tingati kudini nezvaJehovha kubva pazviitiko zvakanyorwa pana Ruka 5:12, 13 naRuka 7:11-15?
(2) Funga kuti nhoroondo yacho inopindirana sei nomusoro weBhaibheri: kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha nokutsveneswa kwezita rake noUmambo huri pasi paJesu Kristu, Mbeu yakapikirwa.
Musoro weBhaibheri wakasimbiswa sei naEzekieri naDhanieri? (Ezekieri 38:21-23; Dhanieri 2:44; 4:17; 7:9-14)
Bhaibheri rinoratidza sei zvakajeka kuti Jesu ndiye Mbeu yakapikirwa? (VaGaratiya 3:16)
Zvakazarurwa inorondedzera sei magumo ane mbiri omusoro woUmambo? (Zvakazarurwa 11:15; 12:7-10; 17:16-18; 19:11-16; 20:1-3; 21:1-5)
(3) Zvibvunze kuti ungashandisa sei pachako zvauri kuverenga. Somuenzaniso, tinoverenga muna Eksodho kusvikira kuna Dheuteronomio nezvounzenza nokupandukira kwevaIsraeri. Tinodzidza kuti mafungiro nemaitiro iwayo akaunza migumisiro yakaipa. Saka, tinofanira kunzwa tichida kufadza Jehovha nokurega kutevedzera muenzaniso wakaipa wevaIsraeri. “Zvinhu izvi zvakapfuurira kuvawira semienzaniso, uye zvakanyorwa nokuda kwokunyevera isu tasvikirwa nemigumo yegadziriro dzezvinhu.”—1 VaKorinde 10:11.
Zvakanyorwa pamusoro pokuuraya Abheri kwakaitwa naKaini zvinotipa chidzidzo chei? (Genesi 4:3-12; VaHebheru 11:4; 1 Johani 3:10-15; 4:20, 21)
Zano reBhaibheri rinopiwa vaKristu vane tariro yokudenga rinoshandawo here kune vaya vane tariro youpenyu husingaperi pasi pano? (Numeri 15:16; Johani 10:16)
Kunyange zvazvo tichiremekedzwa muungano yechiKristu, nei tichifanira kufunga mashandisiro atingaita zvizere zano reBhaibheri ratinotoziva? (2 VaKorinde 13:5; 1 VaTesaronika 4:1)
(4) Funga nezvokuti ungashandisa sei zvauri kuverenga kubatsira vamwe. Vanhu vose vari kunetseka pamusoro pezvinetso zvoutano, saka tingaverenga navo zvakaitwa naJesu kuenzanisira zvaachaita pamwero mukuru musimba roUmambo: “Mapoka makuru evanhu akasvika kwaari, ane vanhu vakanga vachikamhina, vakaremara, mapofu, mbeveve, nevamwe vakawanda vakangodarowo, . . . akavarapa.”—Mateu 15:30.
Ndiani angabatsirwa nenhoroondo yokumutswa kwomwanasikana waJairosi? (Ruka 8:41, 42, 49-56)
13. Zvii zvatingatarisira kubva mupurogiramu inopfuurira yokuverenga nokudzidza Bhaibheri musangano raJehovha?
13 Kuverenga Bhaibheri kunopa mubayiro mukuru kwazvo patinofunga nezvepfungwa ina dzadudzwa pamusoro apa! Kutaura chokwadi, kuverenga Bhaibheri hakusi nyore. Asi kunogona kutibatsira kwoupenyu hwose, nokuti sezvatinoverenga Magwaro, tichasimba pakunamata Mwari. Kugara tichiverenga Bhaibheri kuchatiswededza pedyo naBaba vedu vane rudo, Jehovha, uye nehama dzedu dzechiKristu. Kuchatibatsira kuteerera zano rokuramba taka“batisisa shoko roupenyu.”—VaFiripi 2:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhurocha rinonzi A Book for All People, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha kuti uwane panokurukurwa zvikonzero nei Bhaibheri rakakodzera kudzidzwa.
Kudzokorora
• Bhaibheri rakanyorerwei nokuchengetedzwa kusvikira muzuva redu?
• Tingabatsira sei vamwe kukoshesa Bhaibheri?
• Nei kugara tichiverenga Bhaibheri tiri toga kuchibatsira? Tingabatsirwa nokuongorora zvatinoverenga nokushandisa pfungwa dzipi ina?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]
PAUNOVERENGA CHIKAMU CHEBHAIBHERI, FUNGA
Zvachinokuudza nezvaJehovha somunhu
Kupindirana kwachinoita nomusoro wose weBhaibheri
Kuchinja kwachinofanira kuita upenyu hwako
Kushandisa kwaungachiita kubatsira vamwe