“Havana Kuziva”
KUSAKOSHESA nyevero kunogona kuguma nenjodzi.
Guta reDarwin, kuAustralia, rakanga riri mushishi kugadzirira mitambo yezororo muna 1974 apo mabhero akanyevera nezvedutu rakanga richiuya. Asi guta reDarwin rakanga risina kumbokuvadzwa nedutu kwemakore anenge 30. Nei zvino? Vagari vakawanda imomo havana kuona njodzi yacho seyakanga yakakomba zvechokwadi kutozosvika mhepo inotyisa yatanga kupaza matenga uye kuparadza madziro edzimba dzakanga dzakazara vanhu. Mangwanani akatevera, guta racho rakanga rava ungwandangwanda.
Gomo rakaputika muColombia muna November 1985. Sinou yainyunguduka nechando zvakakonzera madhaka akayerera, akafukidza vagari vanopfuura 20 000 veguta reArmero. Nyevero yakanga isina kufanopiwa here? Gomo racho rakanga richifashaira kwemwedzi yakawanda. Zvisinei, zvavakanga vajaira kugara mujinga megomo rinoputika, vanhu vakawanda muArmero vakanga vasina hanya nazvo. Zviremera zvakanyeverwa kuti njodzi yaizovapo nokukurumidza, asi hazvina zvazvakaita kuti zvinyevere vanhu. Redhiyo dzakapa zviziviso zvokuedza kudzikamisa vanhu. Gudzanzwi rokuchechi rakashandiswa kukurudzira vanhu kuti varambe vakadzikama. Manheru acho, gomo racho rakaputika zvikuru kaviri. Ungadai wakasiya zvinhu zvako ndokutiza here? Vanhu vashomanana havana chavakamboita kuti vatize kutozosvikira vadya manonoko.
Kazhinji nyanzvi dzezvezvakaumba pasi redu dzinofanotaura zvakarurama nzvimbo dzichadengenyeka. Asi kashoma kuti dzifanotaura nguva chaiyo yakuchaitika. Muna 1999, kudengenyeka kwepasi kwakauraya vanhu vanenge 20 000 munyika yose. Vakawanda vakafa vakanga vafunga kuti zvaisazomboitika kwavari.
Unoita Sei Nenyevero Dzinobva Kuna Mwari Pachake?
Bhaibheri rakafanorondedzera zvakajeka pachine nguva refu zviitiko zvaizoratidza kuti tava mumazuva okupedzisira. Maererano naizvozvo, rinotikurudzira kufunga nezve“mazuva aNoa.” “Mumazuva iwayo mafashamo asati auya,” vanhu vaiva mushishi kuita zvinhu zvavo zvoupenyu hwezuva nezuva, kunyange zvazvo pasina mubvunzo kuti vainetseka nechisimba chakanga chakapararira. Kana iri nyevero yakapiwa naMwari achishandisa mushumiri wake Noa, “havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.” (Mateu 24:37-39) Waizodai wakateerera nyevero yacho here? Iye zvino unoiteerera here?
Zvakadini kudai waigara muSodhomu, pedyo neGungwa Rakafa, mumazuva omurume ainzi Roti, mwana womukoma waAbhrahamu? Nyika yacho yakanga yakaita separadhiso. Guta racho rakanga rakabudirira. Vanhu vacho vakanga vasingakendengi. Mumazuva aRoti, “vakanga vachidya, vakanga vachinwa, vakanga vachitenga, vakanga vachitengesa, vakanga vachidyara, vakanga vachivaka.” Vanhu vavairarama navo vakanga vakanyura muunzenza. Waizodai wakateerera nyevero apo Roti aishora miitiro yakaipa here? Waizodai wakateerera here kana aizokuudza kuti Mwari akanga atsunga kuparadza guta reSodhomu? Kana kuti waizodai wakazviona sejee, sezvakaita vaizova vakuwasha vaRoti here? Ungadai wakatanga kutiza here asi wozocheuka, sezvakaita mudzimai waRoti? Kunyange zvazvo vamwe vasina kukoshesa nyevero yacho, zuva rakabuda Roti muSodhomu, “kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vose.”—Ruka 17:28, 29.
Vazhinji muzuva redu vanoratidza kuti havana hanya. Asi mienzaniso iyi yakachengetwa muShoko raMwari kuti itinyevere, kutikurudzira KURAMBA TAKARINDA!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]
Paiva Nemafashamo Akaitika Munyika Yose Zvechokwadi Here?
Vatsoropodzi vakawanda vanotaura kuti Hapana. Asi Bhaibheri rinotaura kuti Akaitika.
Jesu Kristu pachake akataura nezvawo, uye aiva mupenyu paakaitika, achizviona ari kumatenga.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]
Sodhomu neGomora Zvakaparadzwa Zvechokwadi Here?
Vanoita zvokuchera matongo vanopupurira kuti izvi zvakaitika.
Vanodzidza nezvenhau dzakaitika kare vanotaura nezvazvo.
Jesu Kristu akapupurirawo nezvechiitiko chacho, uye zvakaitika zvacho zvinotaurwa mumabhuku 14 akasiyana-siyana eBhaibheri.