CHITSAUKO 8
“Ucharamba Uchirarama,” Sezvakaita Jeremiya Here?
1, 2. Nei zviine musoro kufunga zvose zviri zviviri munhu pachake uye mhuri?
PASHURE pokunge Joshua akurudzira vaIsraeri kuti vasarudze wavaizoshumira, akati: “Ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.” (Josh. 24:15) Joshua akanga akatsunga kuva akavimbika kuna Mwari, uye aiva nechokwadi chokuti mhuri yake yaizovawo yakavimbika. Kwapera nguva yakareba, Jerusarema rava pedyo nokuparadzwa, Jeremiya akaudza Mambo Zedhekiya kuti “imi neimba yenyu mucharamba muchirarama,” ndokunge aizozviisa mumaoko evaBhabhironi. (Jer. 38:17) Kutadza kusarudza kwamambo wacho kwakaita kuti iye, madzimai ake nevanakomana vake vapinde munataisireva. Vanakomana vake vakaurayiwa akatarisa; iye ndokuitwa bofu akabva aendeswa kuBhabhironi ari nhapwa.—Jer. 38:18-23; 39:6, 7.
2 Mumashoko iwayo akatsveyamiswa ari muchirevo chimwe nechimwe, munhu mumwe chete aibatanidzwa zvakananga. Asi mhuri yake yaitaurwawo. Izvozvo zvine musoro. Munhu mukuru mumwe nomumwe anozvidavirira kuna Mwari. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakawanda vaivawo nemhuri dzavaibva. Mhuri inokoshawo kuvaKristu. Tinoona izvozvo kubva pane zvatinoverenga muBhaibheri uye zvatinodzidza pamisangano yechiKristu nezvokuroorana, kurera vana uye kuremekedza vomumhuri.—1 VaK. 7:36-39; 1 Tim. 5:8.
MURAYIRO USINA KUJAIRIKA
3, 4. Mamiriro ezvinhu aJeremiya akanga akasiyana pakudini neevakawanda, uye akabatsirwa sei?
3 Jeremiya ndemumwe ‘akaramba achirarama’ muzuva rake. Akapona pakaparadzwa Jerusarema, kunyange zvazvo mamiriro ake ezvinhu akanga akasiyana neevakawanda. (Jer. 21:9; 40:1-4) Mwari akanga amuudza kuti asaroora, asava nevana uye asaitawo zvimwe zvaiitwa nevaJudha vomunguva yaakararama.—Verenga Jeremiya 16:1-4.
4 Munguva yakararama Jeremiya, zvakanga zvakajairika kuti munhu aroore uye ave nevana. Varume vakawanda vechiJudha vairoora, nokudaro vachiita kuti nyika yemadzitateguru irambe iri yedzinza uye yemhuri.a (Dheut. 7:14) Ko Jeremiya airegererei? Pamusana pezvaiva mberi, Mwari akamuudza kuti asabatanidzwa pane zvaiitwa nevamwe pakusuwa kana kuti pakufara. Aisafanira kunyaradza vaichema kana kudya navo pashure pemariro; uye aisafanirawo kuenda kumitambo yokufara yakadai semichato yechiJudha. Kupemberera uye kufara kwakadaro kwaizoguma. (Jer. 7:33; 16:5-9) Zvakaitwa naJeremiya zvaigona kubatsira vamwe kuti vabvume shoko rake uye zvakasimbisa kuti kutongwa kwaiuya kwaizova kwakakura sei. Pakupedzisira njodzi yacho yakasvika. Ungafungidzira here manzwiro evaya vakasvika pakudya nyama yevanhu kana kuti vaya vakaona vanhu vavaida vachiora? (Verenga Jeremiya 14:16; Mari. 2:20.) Nokudaro, sezvo Jeremiya akanga asina kuroora, pakanga pasina chikonzero chokumunzwira tsitsi. Kunyange zvazvo kukombwa kwakaitwa Jerusarema kwemwedzi 18 uye kufa kwakaita vanhu vakawanda kwakaita kuti mhuri dziparare, Jeremiya aisazosurukirwa pamusana pokufirwa nomudzimai kana kuti nevana.
5. Zvinotaurwa pana Jeremiya 16:5-9 zvinei chokuita nevaKristu?
5 Zvisinei, zvinganzi here Jeremiya 16:5-9 inoshanda kwatiri? Kwete. VaKristu vanokurudzirwa “kunyaradza vaya vari pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo” uye ‘kufara nevanhu vanofara.’ (2 VaK. 1:4; VaR. 12:15) Jesu akaenda kumuchato uye akaitawo kuti mufaro wacho uwedzere. Kunyange zvakadaro, zvakamirira nyika ino zvakanyanya kuipa. VaKristu vangatoomerwa uye kushayiwa zvimwe zvinhu. Jesu akasimbisa kuti vanhu vanofanira kuva vakagadzirira kuita zvinodiwa kuti vatsungirire uye varambe vakatendeka, sezvakaita hama dzedu dzakatiza muJudhiya muzana remakore rokutanga. Nokudaro, nyaya yokuti munhu agare asina kuroora, aroore, kana kuti kuva nevana inofanira kufungisiswa.—Verenga Mateu 24:17, 18.
6. Ndivanaani vangabatsirwa nokufungisisa zvakaudzwa Jeremiya naMwari?
6 Tingadzidzei pamurayiro waMwari wokuti Jeremiya asaroora kana kuva nevana? Mazuva ano, vamwe vaKristu vakavimbika havana kuroora kana kuroorwa uye havana vana. Vangadzidzei pane zvakaitika kuna Jeremiya? Uye nei kunyange vaKristu vakaroora uye vane vana vachifanira kufunga nezvemararamiro aya akaita Jeremiya?
7. Kusaroora kwaJeremiya kunofanira kuita kuti tifungei mazuva ano?
7 Kutanga, funga kuti Jeremiya aifanira kuramba asina vana. Jesu haana kurayira vateveri vake kuti vasava nevana. Asi zvinokosha kuti akataura kuti vakadzi vaiva nepamuviri kana kuti vaiyamwisa vana vaizova ne“nhamo” Jerusarema paraizowirwa nedambudziko muna 66 kusvika muna 70 C.E. Nguva iyoyo yaizovaomera zvikuru tichifunga nezvemamiriro avo ezvinhu. (Mat. 24:19) Iye zvino tanangana nokutambudzika kwakakura zvikuru. VaKristu vakaroorana vari kusarudza kuti vova nevana here kana kuti kwete vanofanira kufungisisa izvi. Hamubvumi here kuti zviri kuita sezviri kuwedzera kuoma kurarama mumamiriro ezvinhu aya anonetsa? Uye vakaroorana vakabvuma kuti zvave zvakaoma zvikuru kurera vana “vacharamba vachirarama” pachaguma mamiriro ezvinhu epanguva ino. Kunyange zvazvo vakaroorana vachifanira kusarudza kana vachizova nevana, zvinokosha kufunga nezvaJeremiya. Asi zvakadini nomurayiro waMwari wokuti asatomboroora?
Jeremiya akapiwa murayiro upi usina kujairika, uye izvozvo zvinofanira kuita kuti tifungei?
DZIDZA KUBVA PAKUSAROORA KWAJEREMIYA
8. Nei tingati kuroora kana kuroorwa hachisi hacho chinhu chinofanira kuitwa kuti munhu afadze Mwari?
8 Paakaudza Jeremiya kuti asaroore, Mwari haana kudzika murayiro waizotevedzerwa nevashumiri vake vose. Kuroorana kwakanaka. Jehovha ndiye akatanga urongwa hwokuroorana kuti vanhu vazadze nyika, vagutsikane uye vafare zvikuru. (Zvir. 5:18) Kunyange zvakadaro, havasi vose vakanga vakaroora kana kuroorwa. Pangadaro paiva nengomwa dzaiwadzana nevanhu vaMwari, Jeremiya paaiprofita.b Uyezve, unogona kuva nechokwadi chokuti kwaiva nechirikadzi uye varume vakafirwa. Saka Jeremiya haasiye oga munamati wechokwadi akanga asina mudzimai. Chokwadi, akanga aine chikonzero chokusaroora uye ndizvo zvinoitwa nevamwe vaKristu mazuva ano.
9. Tinofanira kufungisisa zano ripi rakafuridzirwa rine chokuita nokuroorana?
9 VaKristu vakawanda vanoroora kana kuroorwa asi havasi vose vanodaro. Unoziva kuti Jesu haana kuroora uye akati vamwe vadzidzi vaizova nechipo ‘chokuwanira nzvimbo’ mupfungwa nomumwoyo yavo kuti vasaroora kana kusaroorwa. Akakurudzira vaya vanokwanisa kuti vaite izvozvo. (Verenga Mateu 19:11, 12.) Saka zvaizova zvakakodzera kurumbidza munhu anenge asarudza kusaroora kana kusaroorwa kuitira kuti aite zvakawanda mubasa raMwari pane kumuseka. Chokwadi, vamwe vaKristu vanombomira kuroora kana kuroorwa pamusana pemamiriro ezvinhu. Somuenzaniso, vangave vasina kuwana muKristu akakodzera wokuroorana naye uye zvinorumbidzwa kuti vakatsunga kutsigira murayiro waMwari wokuroora kana kuroorwa “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Uye vamwe vashumiri vaMwari vakafirwa nevarume kana kuti vakadzi vavo, nokudaro vari voga.c Havambofaniri kukanganwa kuti Mwari (naJesu) vagara vaine hanya nevanhu vakadaro.—Jer. 22:3; verenga 1 VaKorinde 7:8, 9.
10, 11. (a) Chii chakabatsira Jeremiya kuti abudirire pakusaroora kwake? (b) Zvinoitika zvemazuva ano zvinoratidza sei kuti vaya vanoramba vasina kuroora kana kuroorwa vane upenyu hune zvikomborero?
10 Saizvozvowo, sezvo Jeremiya akaramba asina kuroora, aigona kuvimba naMwari kuti aizomutsigira. Sei? Yeuka kuti Jeremiya aifarira shoko raJehovha. Ringave rakasimbisa uye kukurudzira Jeremiya kwemakumi emakore paaiita ushumiri hwake hwaakapiwa naMwari. Uyezve, aingwarira kuti asava pedyo nevaya vangangodaro vaimuseka kuti akanga asina kuroora. Akanga achida ‘kugara pasi ari oga’ pane kuva nevaya vaiva nemaitiro akadaro.—Verenga Jeremiya 15:17.
11 VaKristu vakawanda vasina kuroora kana kuroorwa, varume nevakadzi, vangave vachiri vaduku kana kuti vakura—vari kutevedzera muenzaniso wakanaka waJeremiya. Zvinoitika zvinoratidza kuti zvinobatsira zvikuru kunyura mubasa raMwari, kuita zvakawanda mumabasa ane chokuita nokunamata. Somuenzaniso, chimwe Chapupu chinopinda neungano yomutauro weChinese chinoti: “Kupayona kunoita kuti upenyu hwangu huve negwara. Sezvo ndisina kuroorwa, ndinorarama upenyu hune zvakawanda zvokuita, zvinondibatsira kuti ndisanzwa kusurukirwa. Panopera zuva rimwe nerimwe, ndinonzwa kugutsikana nokuti ndinoona kuti ushumiri hwangu hunobatsira vanhu zvechokwadi. Izvi zvinoita kuti ndifare zvikuru.” Mumwe piyona ane makore 38 anoti: “Ini ndinofunga kuti chinoita kuti munhu afare kukwanisa kunakidzwa nezvinhu zvakanaka mumamiriro ezvinhu chero api aanenge ari.” Mumwe muKristu asina kuroorwa wokumaodzanyemba kweEurope akataura pachena kuti: “Upenyu hwangu hahuna hahwo kuzoita sezvandakanga ndaronga, asi ndiri kufara uye ndicharamba ndichifara.”
12, 13. (a) Nyaya yokuroora kana kusaroora ingaonekwa sei sezvairi chaizvo? (b) Upenyu hwaPauro uye zano rake zvinosimbisei nezvokusaroora?
12 Kungava here kuti Jeremiya akaona kuti upenyu hwake hahuna kuzoita sezvaakanga aronga paaikura? Asi nokuchenjera angave akaona kuti izvozvo ndizvo zvakaitika kune vakawanda vanoroora vova nevana. Mumwe piyona wokuSpain akataura izvi: “Ndinoziva vanhu vakaroorana vanofara uye vamwe vasingafari. Izvi zvinoita kuti ndive nechokwadi chokuti mufaro wangu haubvi pakuti ndicharoorwa here mune ramangwana kana kuti kwete.” Hapana mubvunzo kuti zvakaitika kuna Jeremiya nevamwewo vakawanda zvinoratidza kuti munhu asina kuroora anogona kurarama upenyu hune zvakawanda zvokuita, hune zvikomborero uye hunofadza. Izvi zvinotsigirwawo nomuapostora Pauro uyo akanyora kuti: “Kuvanhu vasina kuroora kana kuroorwa nechirikadzi, ndinoti zvakanaka kuti varambe vakaita seni.” (1 VaK. 7:8) Pauro angadaro aiva akafirwa nomudzimai. Chero zvazvingava, akanga asina mudzimai paaiita zvakawanda mubasa roumishinari. (1 VaK. 9:5) Hazvina musoro here kutaura kuti kusaroora kwake kwakabatsira? Kwaari zvaireva “kushandira Ishe nguva dzose pasina kudzongonyedzwa,” saka akaita zvinhu zvakawanda zvakanaka.—1 VaK. 7:35.
13 Pauro akafuridzirwa kuwedzera mamwe mashoko okuti: “[Vaya vanoroora] vachava nedambudziko munyama yavo.” Mwari akaita kuti Pauro ataure chokwadi ichi chinokosha: “Kana chero munhu upi zvake achinzwa akagadzikana mumwoyo make . . . kuti arambe asina kuroora kana kuroorwa, achaita zvakanaka. Naizvozvo iyewo anoroora kana kuroorwa anoita zvakanaka, asi asingaroori kana kuroorwa achaita zviri nani.” (1 VaK. 7:28, 37, 38) Jeremiya haana kumboverenga mashoko iwayo, asi kurarama kwaakaita kwemakore akawanda kunoratidza kuti kusaroora hakufaniri kutadzisa munhu kurarama upenyu hunogutsa mukushumira Mwari. Kutaura zvazviri, kunogona kubatsira zvikuru pakuita kuti munhu ave noupenyu hune zvahunoreva hwakavakirwa pakunamata kwechokwadi. Kunyange zvazvo akanga akaroora, Mambo Zedhekiya haana kuteerera zano raJeremiya ‘ndokuramba achirarama’; nepo muprofita wacho akanga asina kuroora akararama upenyu hwakamubvumira kuita izvozvo.
Ungadzidzei pane zvakaitwa naJeremiya zvokuramba asina kuroora kwemakumi emakore?
ZORODZA UYE ZORODZWA
14. Ushamwari hwaPauro nemhuri yaAkwira hunoratidzei?
14 Sezvatatoona, varume nevakadzi vakawanda vomunguva yakararama Jeremiya vairoora nokuroorwa uye vaiva nemhuri. Ndizvo zvakaitawo vomunguva yakararama Pauro. Hapana mubvunzo kuti vaKristu vakawanda vaiva nemhuri vakanga vasingakwanisi kuita ushumiri kune dzimwe nyika sezvakaita Pauro, asi vaiva nezvakawanda zvokuita munzvimbo yavaigara. Izvozvo zvaisanganisira kubatsira hama nehanzvadzi dzakanga dzisina kuroora kana kuroorwa. Yeuka kuti Pauro paakasvika muKorinde, Akwira naPrisira vakamugamuchira mumusha mavo uye vakashanda naye basa ravaiita vose. Asi paiva nezvinopfuura izvozvo. Ushamwari hwairatidzwa Pauro nemhuri yaAkwira hwaizorodza zvechokwadi. Chimbofunga zvokudya zvakanaka zvavaidya pamwe chete uye dzimwe nguva dzavaitandara pamwe chete. Jeremiya akabatsirwa noushamwari hwakadaro here? Aishandisa kusaroora kwake kuita basa raMwari, asi hatifaniri kufunga kuti aiva zindoga. Angangodaro ainakidzwa nokushamwaridzana nemhuri dzevashumiri vaMwari vakazvipira, zvimwe yaBharuki, yaEbhedhi-mereki, kana kuti dzevamwe.—VaR. 16:3; verenga Mabasa 18:1-3.
15. Mhuri dzechiKristu dzinganyanya kubatsira sei vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa?
15 Mazuva ano vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vanobatsirwawo noushamwari hwakaita sehwakaratidzwa Pauro nemhuri yaAkwira. Kana uine mhuri, unova nechokwadi chokuti unoratidza ushamwari vaya vasina kuroora kana kuroorwa here? Imwe hanzvadzi yakadurura zvaiva pamwoyo payo ichiti: “Ndakasiya nyika uye handichadi kudzokera kwairi. Zvisinei, ndichiri kuda kuti vanhu vave nehanya neni uye vandide. Ndinonyengeterera kuti Jehovha atipe zvimwe zvokudya zvine chokuita nokunamata uye atikurudzire isu vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa. Tinoda kutsigirwa, kwete kupirwa gotsi uye hatisi tose tinonyanya kuda kuroora kana kuroorwa. Asi zvinoita sokuti hapana anoda kutibatsira. Chokwadi, nguva dzose tinogona kutaura naJehovha, asi patinoda kutaura nevanhu, tinogona here kutaura nevatinonamata navo?” Zviuru zvehama nehanzvadzi dzisina kuroora kana kuroorwa zvinogona kupindura nemwoyo wose kuti hungu. Vanoshamwaridzana nevanhu vari muungano dzavo. Havangoshamwaridzani nehama nehanzvadzi dzezera ravo chete. Zvavanoda kuva nevamwe vanhu, vanoshamwaridzana nevaya vane mazera akasiyana neavo, kusanganisira vanhu vakuru kana kuti vechiduku vari mumhuri dzechiKristu dzekwavanogara.
16. Zvii zviri nyore zvaungaita kuti uzorodze vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vari muungano yenyu?
16 Ukafanoronga, unogona kuva munhu anozorodza vaya vasina kuroora kana kuroorwa nokupota uchivabatanidza pane zvamunoita semhuri, zvakadai semanheru enyu Okunamata Semhuri. Kukoka hama isina kuroora kana hanzvadzi isina kuroorwa kuti muzodya pamwe chete kungareva zvakawanda kupfuura machikichori. Ungaronga here kuti mushande mose muushumiri? Zvakadini nokukoka muKristu asina kuroora kana kuroorwa kuti mushande mose paImba yoUmambo kana kuti kupota muchienda mose kunotenga? Uye dzimwe mhuri dzakakoka munhu akafirwa nomurume kana mudzimai kana kuti piyona asina kuroora kana kuroorwa kuti vaende vose kugungano kana kuti kuzororo. Kushamwaridzana kwakadaro kwakazorodza vose.
17-19. (a) Pakuronga nezvokuchengeta vabereki vavo vakwegura kana kuti ndonda, nei vana vachifanira kuva nerudo vasingaremedzi vamwe? (b) Chidzidzo chipi chinobatsira chatinowana pane zvakaitwa naJesu kuti amai vake vasare vachichengetwa?
17 Chimwe chatinofanira kufunga nezvacho nezvehama nehanzvadzi dzisina kuroora kana kuroorwa inyaya yokuchengeta vabereki vakwegura. Munguva yaJesu, vamwe vaJudha vakakurumbira vakarega nenzira younyengeri kuchengeta vabereki vavo. Vaiti kuzadzisa mhiko dzechitendero dzavakanga vaita voga kwaikosha kupfuura kuita zvavakanga vanzi naMwari vaitire vabereki vavo. (Mako 7:9-13) Izvozvo hazvifaniri kuitika mumhuri dzechiKristu.—1 Tim. 5:3-8.
18 Zvisinei, ko kana vabereki vakwegura vaine vana vanoverengeka vanenge vari vaKristu? Kana mumwe mwana wacho asina kuroora kana kuroorwa, ndiye anotonzi anofanira kuvachengeta here? Imwe hanzvadzi yokuJapan yakanyora kuti: “Ndinoda kuroorwa, asi nemhaka yokuti ndinofanira kuchengeta vabereki vangu, handikwanisi kuroorwa. Ndine chivimbo chokuti Jehovha anonzwisisa kutemesa musoro kwazvinoita kuchengeta vabereki uye kurwadziwa mwoyo kunoita vasina kuroora kana kuroorwa.” Kungava here kuti ane hanzvadzi nevakoma kana vanun’una vakaroora kana kuroorwa, vakasarudza vasina kumbotaura naye kuti iye ndiye anofanira kuchengeta vabereki? Muzviitiko zvakadai, zvinokosha kuziva kuti Jeremiya aiva nevakoma nevanun’una vaimubata zvisina kunaka.—Verenga Jeremiya 12:6.
19 Jehovha anonzwisisa vanhu vasina kuroora kana kuroorwa uye anonzwira tsitsi vaya vari mumiedzo. (Pis. 103:11-14) Zvisinei, vabereki vakwegura kana kuti vava ndonda ndevevana vose, kwete chete vevaya vasati varoora kana kuroorwa. Chokwadi, vamwe vana vangave vakaroora kana kuroorwa uye vaine vana vavo. Zvisinei, izvozvo hazvibvi zvaita kuti varege kuda vabereki vavo, uyewo hazvivabvisiri musengwa wavo sevaKristu wekubatsira pazvinenge zvichidiwa. Tinoyeuka kuti kunyange Jesu paakanga ava pedyo nokufa padanda, akaziva zvaaifanira kuita uye akaronga kuti amai vake vasare vachichengetwa. (Joh. 19:25-27) Bhaibheri haridonongodzi zvinofanira kuitwa pakuchengeta vabereki vakwegura kana kuti ndonda; uyewo haritauri kuti vana vasati varoora kana kuroorwa ndivo vanofanira kutonyanya kuvachengeta. Panyaya iyi inobata-bata vakawanda, vose vanobatanidzwa vanofanira kuita zvinhu vachiratidza kunzwisisa uye kuva nehanya nomumwe nomumwe, vachiyeuka muenzaniso wakasiyiwa naJesu pakuchengeta amai vake.
20. Unonzwa sei nezvokushamwaridzana nevasina kuroora kana kuroorwa vari muungano yenyu?
20 Afuridzirwa, Jeremiya akafanotaura kuti: “Mumwe nomumwe haazodzidzisizve shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake, achiti, ‘Zivai Jehovha!’ nokuti vose vachandiziva.” (Jer. 31:34) Tiri kutonakidzwa nokushamwaridzana kwakadaro muungano yechiKristu, tichizviitawo nehama nehanzvadzi dzisina kuroora kana kuroorwa. Hapana mubvunzo kuti tose tinoda kuvazorodza vachitizorodzawo uye kuona vasina kuroora kana kuroorwa vakadaro ‘vachiramba vachirarama.’
Ungatora mamwe matanho api kuti uzorodze, uye kuti uzorodzwe nehama nehanzvadzi dzisina wadzakaroorana naye?
a MuMagwaro echiHebheru hamuna shoko rinoreva “murume akura asi asina kuroora.”
b Isaya akaprofita nezvengomwa chaidzo munguva yaakararama, dzakanga dzisina zvakawanda zvadzaiita pakunamata kwevaIsraeri. Akafanotaura kuti kana dzaizoteerera, ngomwa dzaizowana “chinhu chiri nani kupfuura vanakomana nevanasikana,” dzichiwana “zita nokusingagumi” muimba yaMwari.—Isa. 56:4, 5.
c Vamwe vangave vachigara voga pamusana pokuti, zvichida murume kana kuti mukadzi wavo asingatendi akaparadzana navo kana kuti akaita kuti varambane zviri pamutemo.