CHITSAUKO 8
Vaparidzi veMashoko Akanaka
JEHOVHA akatipa munhu akakwana wekutevedzera, Mwanakomana wake, Jesu Kristu. (1 Pet. 2:21) Munhu wese paanova muteveri waJesu, anoparidza mashoko akanaka semushumiri waMwari. Jesu akaratidza kuti kuita basa iri kunozorodza nekuti akati: “Uyai kwandiri, imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo.” (Mat. 11:28, 29) Vese vakaita izvi vakazvionera kuti zvaitaurwa naJesu ndezvechokwadi!
2 Sezvo Jesu ari Mushumiri Mukuru waMwari, akakoka vamwe kuti vave vateveri vake. (Mat. 9:9; Joh. 1:43) Akavadzidzisa kuparidza achibva avatuma kuti vanoita basa raakanga achiita. (Mat. 10:1–11:1; 20:28; Ruka 4:43) Pave paya, akazotuma vamwe 70 kunoita basa rimwe chete iroro rekuparidza nezveUmambo hwaMwari. (Ruka 10:1, 8-11) Paakatuma vadzidzi ava akavaudza kuti: “Wese anokuteererai anonditeererawo. Uye wese anokuzvidzai anondizvidzawo. Uye wese anondizvidza anozvidzawo iye akandituma.” (Ruka 10:16) Nemashoko aya, Jesu akaratidza kuti basa raakapa vadzidzi rakanga risiri rekutamba naro. Vakanga vachizomiririra Jesu naMwari Wekumusorosoro. Ndizvo zvimwe chete mazuva ano kune vaya vanobvuma kunzi naJesu: “Uya uve muteveri wangu.” (Ruka 18:22; 2 VaK. 2:17) Vese vanobvuma kuva vateveri vaJesu vane basa ravakapiwa naMwari rekuparidza mashoko akanaka eUmambo uye kubatsira vanhu kuti vave vadzidzi.—Mat. 24:14; 28:19, 20.
3 Kubvuma kwatakaita kuva vateveri vaJesu kwakaita kuti ‘tisvike pakuziva’ Jehovha Mwari naJesu Kristu. (Joh. 17:3) Takadzidziswa zvinoda Jehovha. Jehovha akatibatsira kuti tichinje mafungiro edu, tive neunhu hutsva uye tirarame upenyu hunoenderana nemitemo yake. (VaR. 12:1, 2; VaEf. 4:22-24; VaK. 3:9, 10) Kuda kwatinoita Jehovha nemwoyo wese kwakaita kuti tizvitsaurire kwaari uye tibhabhatidzwe mumvura. Patinobhabhatidzwa tinobva tava vashumiri vakagadzwa.
4 Gara uchiyeuka kuti kushumira Mwari kunoda kuti tive nemaoko asina mhosva nemwoyo wakachena. (Pis. 24:3, 4; Isa. 52:11; 2 VaK. 6:14–7:1) Kutenda muna Jesu ndiko kunotibatsira kuti tive nehana yakachena. (VaH. 10:19-23, 35, 36; Zvak. 7:9, 10, 14) Muapostora Pauro akarayira vaKristu kuti vaite zvinhu zvese kuti Mwari arumbidzwe kuitira kuti vasagumbura vamwe. Muapostora Petro akaratidza kuti mararamiro atinoita anogona kukwezva vanhu vasingatendi kuti vanamate Mwari. (1 VaK. 10:31, 33; 1 Pet. 3:1) Ungabatsira sei mumwe munhu kuti avewo mushumiri wemashoko akanaka?
VAPARIDZI VATSVA
5 Kubva musi waunotanga kudzidza nemunhu Bhaibheri, mukurudzire kuti audzewo vamwe zvaari kudzidza. Anogona kuudza hama dzake, shamwari, vaanoshanda navo uye vamwewo vanhu. Iri idanho rinokosha pakudzidzisa vatsva kuti vave vaparidzi vemashoko akanaka sevateveri vaJesu Kristu. (Mat. 9:9; Ruka 6:40) Mutsva uyu paanoramba achikura pakunamata uye achiva nyanzvi pakuparidza zvisina kurongwa, zviri pachena kuti achati anodawo kuparidza neungano.
ZVINHU ZVINODIWA KUTI MUNHU AVE MUPARIDZI
6 Usati waenda nemunhu mutsva kunoparidza paimba neimba kekutanga, unofanira kuva nechokwadi chekuti munhu wacho akodzera here. Munhu paanoenda nesu kunoparidza, vanhu vanomuona vanenge vachiti Chapupu chaJehovha. Saka zvinotarisirwa kuti ange achitorarama zvinoenderana nemitemo yaJehovha zvoita kuti akwanise kuva muparidzi asati abhabhatidzwa.
7 Paunenge uchidzidza nemunhu Bhaibheri unogona kutoona kana ari kurarama zvinoenderana nemitemo yaJehovha. Asi pane zvimwe zvine chekuita neupenyu hwake izvo vakuru vangada kukurukura naye iwe uripo.
8 Murongi mudare revakuru acharonga kuti vakuru vaviri (mumwe wacho ari mudare rebasa) vakurukure newe uye nemunhu wauri kudzidzisa Bhaibheri. Kana muungano muine vakuru vashoma, mukuru nemushumiri weungano anokodzera vanogona kuita basa iri. Hama dzinenge dzanzi dziite basa iri hadzifaniri kunonozeka. Kana vakaudzwa pamusangano weungano kuti munhu anoda kuva muparidzi, kana zvichiita vanofanira kubva vatokurukura newe uye nemunhu wacho misangano painopera. Pakukurukura kwacho vachaita kuti munhu wese anzwe akasununguka. Vasati vabvumira mudzidzi kuti ave muparidzi, vanofanira kukurukura zvinhu zvinotevera:
(1) Anobvuma here kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafemerwa?—2 Tim. 3:16.
(2) Anoziva uye anobvuma here zvinodzidziswa neBhaibheri zvekuti kana akabvunzwa anopindura zvinoenderana nezviri muBhaibheri, kwete maererano nedzidziso dzezvitendero zvenhema kana kuti zvemusoro wake?—Mat. 7:21-23; 2 Tim. 2:15.
(3) Anoteerera here murayiro weBhaibheri wekuti aungane nevanhu vaJehovha pamisangano yeungano kana achikwanisa kuita kudaro?—Pis. 122:1; VaH. 10:24, 25.
(4) Anoziva zvinotaurwa neBhaibheri nezveufeve, upombwe, barika uye ungochani uye ari kurarama zvinoenderana nezvaari kudzidza here? Kana achigara nemurume kana kuti mudzimai, vakaroorana zviri pamutemo here?—Mat. 19:9; 1 VaK. 6:9, 10; 1 Tim. 3:2, 12; VaH. 13:4.
(5) Anoteerera mutemo weBhaibheri wekurambidza kudhakwa uye haashandisi mishonga inodhakisa nepo asingarwari here?—2 VaK. 7:1; VaEf. 5:18; 1 Pet. 4:3, 4.
(6) Anoziva here chazvakaipira kushamwaridzana nevanhu vane tsika dzakaipa?—1 VaK. 15:33.
(7) Kana aine chechi yaanga achipinda, haasisiri zvachose nhengo yeko here? Haachaendi kuminamato yavo kana kutsigira zvinoitwako here?—2 VaK. 6:14-18; Zvak. 18:4.
(8) Haaiti zvematongerwo enyika here?—Joh. 6:15; 15:19; Jak. 1:27.
(9) Anobvuma zvinotaurwa pana Isaya 2:4 uye anorarama zvinoenderana nezvinotaurwa ipapo here?
(10) Anoda here kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha?—Pis. 110:3.
9 Kana vakuru vasina chokwadi nemanzwisisiro emudzidzi, vanofanira kumubvunza zvichida vachishandisa magwaro aripo. Zvinokosha kuti anzwisise kuti vanhu vanobatana neZvapupu zvaJehovha pakuparidza vanofanira kurarama upenyu hunoenderana nezvinhu izvi zvinodzidziswa neMagwaro. Zvaachataura ndizvo zvichabatsira vakuru kuti vaone kana achinzwisisa zvaanotarisirwa kuti aite uye kana achikodzera kuti atange kuparidza neungano. Vakuru havafaniri kubva vanyanya kuomesa.
10 Vakuru vanofanira kubva vangomuudza kana achikodzera kuva muparidzi, uye kazhinji izvi zvinoitwa pavanenge vapedza kukurukura naye. Kana achikodzera, vakuru vachamugamuchira nemufaro semuparidzi. (VaR. 15:7) Vachamukurudzira kuti achitotanga kuparidza uye kuti azounza mushumo wake panopera mwedzi. Vakuru vachamuudza kuti zvaakodzera kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa uye paachaunza mushumo wake wekutanga, achabva agadzirirwa Chinyorwa Chemuparidzi Cheungano chichanyorwa zita rake uye chochengetwa mufayira reungano. Vakuru vachanyora mashoko ane chekuita nemuparidzi kuitira kuti sangano rigokwanisa kuronga mabasa ane chekuita nekunamata eZvapupu zvaJehovha pasi rese uye kuti muparidzi agokwanisa kuita mamwe mabasa ane chekuita nekunamata uye kuwana rubatsiro pazvinhu zvekunamata. Uyezve vakuru vanogona kuudza muparidzi mutsva kuti mashoko avatora ane chekuita naye achashandiswa zvinoenderana nemitemo sezvakanyora paGlobal Data Protection Policy yeZvapupu zvaJehovha iri pajw.org.
11 Kunyatsozivana nemuparidzi wacho uye kufarira zvaaita, zvinogona kumukurudzira. Kuita izvi kunogona kumubatsira kuti aite zvakawanda pakushumira Jehovha uye kuunza mushumo wake mwedzi wega wega.—VaF. 2:4; VaH. 13:2.
12 Vakuru pavanenge vangoona kuti mudzidzi anokodzera kuti achiparidza neungano, vanofanira kubva vamupa bhuku rake raTakarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha. Paachaunza mushumo wake wekutanga, ungano ichabva yapiwa chiziviso chipfupi chekuti ava muparidzi asina kubhabhatidzwa.
KUBATSIRA VANA VADIKI
13 Vana vadiki vanogonawo kuva vaparidzi vemashoko akanaka. Jesu akagamuchira vana vadiki achibva avaropafadza. (Mat. 19:13-15; 21:15, 16) Kunyange zvazvo vabereki vari ivo vane basa guru rekudzidzisa vana vavo, vamwe vari muungano vanogona kubatsirawo vana kuti vaite basa rekuparidza. Kana uri mubereki, kushingaira kwaunoita pakuparidza kunoita kuti vana vako vakutevedzerewo. Kana mwana akaratidza kuti anoda Mwari uye ane tsika, zvii zvimwe zvingaitwa?
14 Zvakanaka kuti mubereki audze mumwe mukuru ari muDare Rebasa Reungano kuti vaone kana zvingaita kuti mwana wacho ave muparidzi. Murongi mudare revakuru acharonga kuti vakuru vaviri (mumwe wacho ari mudare rebasa) vakurukure nemwana nemubereki wake uyo ari chapupu kana kuti nemunhu anomuchengeta. Kana mwana wacho achiratidza kuti anoziva zvinotaurwa neBhaibheri uye anoda chaizvo kuparidza, zvinenge zvichiratidza kuti ari kuita zvakanaka. Vakuru vachakurukurawo naye zvimwe zvezvinhu zvinobvunzwa munhu mukuru uye voona kana zvakakodzera kuti ave muparidzi asina kubhabhatidzwa. (Ruka 6:45; VaR. 10:10) Kana ari mwana ari kubvunzwa, hapana chikonzero chekubvunza zvimwe zvinhu zvisingashandi kwaari.
15 Vakuru pavanenge vachikurukura nemwana wacho, vanofanira kumutenda nezvaari kuita uye vomukurudzira kuti avavarire kuzobhabhatidzwa. Vabereki vacho vanofanirawo kutendwa chaizvo nemhaka yebasa guru ravari kuita pakudzidzisa mwana wavo. Vakuru vachayeuchidza vabereki vacho nezvechikamu chakanzi “Mashoko Kuvabereki vechiKristu,” chiri pamapeji 179-181 chinoratidza zvavangaita kuti varambe vachibatsira mwana wavo.
KUZVITSAURIRA UYE KUBHABHATIDZWA
16 Zvawava kuziva Jehovha uye wava kumuda, nekuita zvaanokuudza uye nekuita basa rekuparidza, unofanira kusimbisa ukama hwako naye. Ungazviita sei? Zvitsaurire kwaari wobhabhatidzwa mumvura.—Mat. 28:19, 20.
17 Kuzvitsaurira kunoreva kuzvipira kuti uite basa dzvene. Kuzvitsaurira kuna Mwari kunoreva kutaura naye uchinyengetera uchimuvimbisa kuti wava kuda kuita kuda kwake muupenyu hwako uye wava kurarama zvinoenderana nezvaanoda. Zvinorevawo kuti hakuna mumwe wauchanamata kunze kwake. (Dheut. 5:9) Unoita izvi uri wega. Hapana anogona kukuitira.
18 Asi haufaniri kungogumira pakuudza Jehovha kuti wava kuda kuita kuda kwake. Vamwe vanofanira kuzviona kuti wakazvitsaurira kuna Mwari. Unofanira kubhabhatidzwa mumvura sezvakaitwa Jesu. (1 Pet. 2:21; 3:21) Kana wasarudza kushumira Jehovha uye uchida kubhabhatidzwa, unofanira kuita sei? Unofanira kuudza murongi mudare revakuru. Achataura nevamwe vakuru kuti vazokurukura newe kuti vaone kana wakakodzera kubhabhatidzwa. Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvenyaya iyi, verenga chikamu chakanzi “Mashoko Kumuparidzi Asati Abhabhatidzwa,” chiri pamapeji 182-184 mubhuku rino, uye “Mibvunzo Yevanhu Vanenge Vachida Kubhabhatidzwa,” iri pamapeji 185-207.
KUSHUMA MAFAMBIRO ARI KUITA BASA MUUSHUMIRI
19 Tinogara tichikurudzirwa nemishumo inenge ichitaura nezvekufambira mberi kuri kuita kunamata kwechokwadi pasi rese. Kubvira Jesu Kristu paakaudza vadzidzi vake kuti mashoko akanaka aizoparidzwa pasi rese, vaKristu vechokwadi vakava nechido chekuziva kuti zvaizofamba sei.—Mat. 28:19, 20; Mako 13:10; Mab. 1:8.
20 Vateveri vaJesu vepakutanga vainakidzwa nekunzwa mafambiro aiita basa rekuparidza. (Mako 6:30) Muna Mabasa, tinoudzwa kuti paPendekosti ya33 C.E. mweya mutsvene wakadururirwa pavadzidzi vanenge 120. Pasina nguva, nhamba yavo yakawedzera kusvika ku3 000 ndokuwedzerazve kusvika ku5 000. Vaapostora vakabva vazoti: “Jehovha airamba achivawedzera vaya vakanga vachiponeswa” uye “vapristi vakawanda vakatanga kuva vatendi.” (Mab. 1:15; 2:5-11, 41, 47; 4:4; 6:7) Zvechokwadi kuwanda uku kunofanira kunge kwakaita kuti vadzidzi vakurudzirwe! Izvi zvinofanira kunge zvakavasimbisa kuti varambe vachiita basa ravakapiwa naMwari, pasinei nekutambudzwa kwakanyanya kwaikonzerwa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha.
21 Munenge muna 60-61 C.E., Pauro akanyora tsamba kuvaKorose achiti mashoko akanaka “ari kuva nezvibereko uye ari kuwedzera munyika yese,” uye ‘aparidzirwa zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.’ (VaK. 1:5, 6, 23) VaKristu vepakutanga vakateerera Shoko, uye mweya mutsvene wakavapa simba rekuti vaite basa guru rekuparidza, Jerusarema risati raparadzwa muna 70 C.E. Chokwadi vaKristu ava vanofanira kunge vakakurudzirwa chaizvo pavainzwa kufambira mberi kwakanga kuchiita basa!
Semunhu mumwe nemumwe uri kunyatsoita zvese zvaunogona here pakuparidza mugumo usati wasvika?
22 Mazuva anowo, sangano raJehovha rinoedza chaizvo kuchengeta mishumo yebasa rinotaurwa pana Mateu 24:14, panoti: “Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.” Sevashumiri vaMwari vakazvitsaurira, tine basa rinoda kukurumidza kuitwa. Semunhu mumwe nemumwe tinofanira kunyatsoita zvese zvatinogona pakuparidza mugumo usati wasvika. Jehovha achava nechokwadi chekuti basa iri raitwa, uye kana tikashandawo nesimba, tichafadza mwoyo waJehovha.—Ezek. 3:18-21.
MUSHUMO WAKO WEBASA REMUMUNDA
23 Zvii zvinonyorwa pamushumo? Kapepa kakanzi Mushumo Webasa Remumunda kanoratidza kuti zvii zvinofanira kunyorwa. Asi mamwe mashoko ari pachikamu chino anogona kutibatsira kuziva zvinonyorwa.
24 Muchikamu chakanzi “Zvandakapa Vanhu (Zvakapirindwa uye Zvekuverengera Pamafoni Nepamwewo),” nyora nhamba yezvinyorwa zvawakapa vanhu vasiri Zvapupu zvakabhabhatidzwa kana kuti zvawakavatumira uchishandisa foni kana kuti tablet. Pakanzi “Ndakaratidza Vanhu Mavhidhiyo Ka,” nyora kuti wakaratidza vanhu mavhidhiyo kangani.
25 Muchikamu chakanzi “Kudzokerera,” nyora kuti wakaenda kangani kunoona munhu asiri Chapupu chakabhabhatidzwa uyo akafarira uine chinangwa chekuti muenderere mberi nekukurukura Bhaibheri. Muparidzi anogona kuverenga kudzokerera kana akashanyirazve munhu wacho, akaita zvekunyora tsamba, kunyora e-mail, akaita zvekufona, kutumira meseji pafoni, uye kana akasiya mabhuku kana magazini. Pese panoitiswa chidzidzo cheBhaibheri tinogona kuverenga kuti tadzokerera. Kana mubereki achiitisa Kunamata Kwemhuri paine mwana asati abhabhatidzwa, anogona kushuma kudzokerera kumwe chete pavhiki.
26 Kunyange zvazvo chidzidzo cheBhaibheri chichiwanzoitiswa vhiki nevhiki, panozopera mwedzi tinonyora chidzidzo chimwe chete. Muparidzi anofanira kunyora nhamba yezvidzidzo zvese zveBhaibheri zvaakaitisa mumwedzi iwoyo. Kana tikadzidza nemunhu asati abhabhatidzwa tinofanira kumunyora sechidzidzo cheBhaibheri. Unogonawo kushuma chidzidzo kana uchinge wanzi nemukuru ari mudare rebasa udzidze nemuparidzi akanga asingachaiti basa kana kuti nemuparidzi achangobhabhatidzwa asi achiri kudzidza bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!.
27 Zvakakosha kuti tinyore maawa akarurama pachikamu chakanzi “Maawa.” Iyi inguva yaunopedza uchiparidza paimba neimba, uchidzokera kunoona vanofarira, uchiitisa zvidzidzo zveBhaibheri kana kuti uchiparidza zvisina kurongwa kune vamwewo vanhu vasiri Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Kana vaparidzi vaviri vachiparidza pamwe chete, vese vanofanira kushuma nguva yacho asi mumwe chete ndiye achashuma kudzokerera kana kuti zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge zvaitiswa. Baba naamai pavanodzidzisa vana vavo paKunamata Kwemhuri vanogona kushuma awa imwe chete pavhiki. Hama dzinogona kushuma nguva yadzinopa hurukuro yavose. Vaya vanoturikira vanogonawo kushuma nguva yacho. Pane zvinhu zvinokosha zvinoitwa asi hazvishumwi nguva yazvo, zvakadai sekugadzirira kuenda kunoparidza, kupinda musangano webasa rekuparidza, kupfuura uchitenga zvimwe zvinhu mushopu, nekuita zvimwewo.
28 Panyaya yekushuma maawa, muparidzi mumwe nemumwe anofanira kushandisa hana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Vamwe vanoparidza munzvimbo dzine vanhu vakawanda asi vamwe munzvimbo dzine vashoma uye madaro avanofamba akareba. Nzvimbo dzinoparidzwa hadzifanani uyewo maonero atinoita ushumiri anosiyana. Panyaya iyi, Dare Rinotungamirira haridziki mutemo uye hapana munhu anofanira kutonga mumwe.—Mat. 6:1; 7:1; 1 Tim. 1:5.
29 Tinofanira kushuma maawa akazara. Vaparidzi vanobvumirwa kushuma nguva iri pasi peawa ndevaya vanenge vasingachakwanisi zvachose kuita zvakawanda nemhaka yekukwegura, kurwara kana kuremara. Muparidzi akadaro anogona kushuma maminitsi 15. Muparidzi iyeye achaverengwa semuparidzi anoshuma nguva dzese. Urongwa uhwu hunoshandawo kunyange kune vaparidzi zvimwe vanenge varwara zvakanyanya kana kuti vakuvara zvakaipisisa. Dare rebasa ndiro richaona kuti muparidzi upi akakodzera kuti abatsirwe neurongwa uhwu.
CHINYORWA CHEMUPARIDZI CHEUNGANO
30 Mushumo wako wemwedzi nemwedzi unonyorwa paChinyorwa Chemuparidzi Cheungano. Zvinyorwa izvi zvinochengetwa neungano. Kana uchida kutamira kune imwe ungano, iva nechokwadi chekuti waudza vakuru vemuungano yako. Munyori achava nechokwadi chekuti atumira chinyorwa chako kuungano yauri kutamira. Izvi zvichaita kuti vakuru vekuungano yauri kutamira vakutambire nemufaro uye kuti vakubatsire kuramba uchifambira mberi pakunamata. Kana ukafamba kwemwedzi isingasviki mitatu, tapota ramba uchitumira mishumo yako kuungano yako.
NEI TICHISHUMA BASA REDU REMUMUNDA?
31 Dzimwe nguva unombokanganwa kushuma here? Hapana mubvunzo kuti tese tinoda kuyeuchidzwa apo neapo. Asi kana tikanzwisisa kuti zvakakosherei kushuma tichagara tichishuma basa redu.
32 Vamwe vanoti: “Sezvo Jehovha achiziva zvandinenge ndaita muushumiri, nei ndichifanira kunyora mushumo unoenda kuungano?” Chokwadi, Jehovha anoziva zvatiri kuita, uye anoziva kuti ndezvemwoyo wese here kana kuti tangoita zvekuti zvitibve. Asika, yeuka kuti Jehovha akanyora kuti mazuva mangani akapedzwa naNoa ari muareka, uye makore mangani akapedzwa nevaIsraeri vari murenje. Akanyorawo kuti vangani vaiva vakatendeka kwaari uye vasina kumuteerera. Akanyorawo kukundwa kwaiitwa nyika yeKenani uye zvaiitwa nevatongi vakatendeka vechiIsraeri. Saka tinoona kuti Jehovha akanyora zvakawanda pamusoro pemabasa evashumiri vake. Kunyora kwaakaita zvinhu izvi kunotibatsira kuti tizive maonero aanoita nyaya dzekushuma.
33 Nyaya dziri muBhaibheri dzinoratidza kururama kwezvinyorwa zvaichengetwa nevanhu vaJehovha. Dzimwe nyaya dzirimo hadzikwanisi kunyatsojeka kudai pasina kunyorwa manhamba. Ona mienzaniso inotevera: Genesisi 46:27; Eksodho 12:37; Vatongi 7:7; 2 Madzimambo 19:35; 2 Makoronike 14:9-13; Johani 6:10; 21:11; Mabasa 2:41; 19:19.
34 Kunyange zvazvo tisingashumi zvese zvatinoita mukunamata kwedu, mishumo yedu ine basa rakakosha musangano raJehovha. Vaapostora pavakadzoka kunoparidza, vakaudza Jesu “zvinhu zvese zvavakanga vaita uye vadzidzisa.” (Mako 6:30) Dzimwe nguva, mishumo yedu inotiratidza kana paine patinoda kugadzirisa muushumiri hwedu. Manhamba anogona kutiratidza kuti kunyange tiri kuita zvakanaka pane zvimwe zvinhu, panogona kunge painewo pamwe patingada kugadzirisa pakadai sekusawedzera kwevaparidzi. Zvichida vanhu vanenge vachida kukurudzirwa kana kuti pane zviri kunetsa zvinoda kugadziriswa. Vakuru vachatarisa mishumo voedza kugadzirisa zviri kutadzisa munhu mumwe nemumwe kana kuti ungano kufambira mberi.
35 Mishumo inobatsirawo sangano kuziva nzvimbo dzinodiwa vamwe vaparidzi. Ndekupi kune vanhu vakawanda vari kufarira uye ndekupi kusina? Mabhuku api ari kudiwa kubatsira vanhu kuti vadzidze chokwadi? Mishumo inobatsira sangano kuona mabhuku angangodiwa mubasa rekuparidza munyika dzakasiyana-siyana, rogara rakagadzirira.
36 Vakawanda vedu tinokurudzirwa nemishumo. Hatifari here patinonzwa nezvebasa rekuparidza riri kuitwa nehama dzedu pasi rese? Mishumo yekuwedzera kwevaparidzi inoita kuti tinyatsoona kukura kuri kuita sangano raJehovha. Zvatinenge tanzwa izvi zvinotipa manyukunyuku zvoita kuti tishande nesimba mubasa redu rekuparidza. (Mab. 15:3) Kuteerera kwedu panyaya yekushuma kwakakosha uye kunoratidza kuti tinoda kuti hama dzedu dzese dzikurudzirwewo. Nekuita izvi, tinoratidzawo kuti tiri kuzviisa pasi peurongwa hwesangano raJehovha.—Ruka 16:10; VaH. 13:17.
IVA NEZVINANGWA
37 Hapana chikonzero chekuenzanisa zvatinoita mubasa rekuparidza nezviri kuitwa nevamwe. (VaG. 5:26; 6:4) Mamiriro edu ezvinhu akasiyana-siyana. Asi kuti tione kufambira mberi kwatiri kuita mubasa rekuparidza tinofanira kuva nezvinangwa zvinokwanisika. Tichanzwa kugutsikana kana zvatanga takaronga zvikabudirira.
38 Zviri pachena kuti Jehovha ari kuita kuti basa rekuunganidza vanhu vaachaponesa “mukutambudzika kukuru” rikurumidze kuitwa. Tiri kurarama munguva iri kuzadzika uprofita hwaIsaya hunoti: “Mudiki achava chiuru uye akadukupa achava rudzi rune simba. Ini Jehovha ndichaita kuti zvikurumidze panguva yazvo.” (Zvak. 7:9, 14; Isa. 60:22) Iropafadzo kuva vaparidzi vemashoko akanaka mumazuva ano ekupedzisira!—Mat. 24:14.