RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 27
  • Rufu rwaJesu Runotiponesa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rufu rwaJesu Runotiponesa Sei?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Rudzikinuro rwaKristu—Chipo Chikuru Kwazvo chaMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yokuponesa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Rufu rwaJesu Rwunorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 27
Chidzidzo 27. Mutumbi waJesu uri kudzikiswa kubva padanda.

CHIDZIDZO 27

Rufu rwaJesu Rwunotiponesa Sei?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Tinotadza, tinotambura, uye tinofa nekuti vanhu vaviri vekutanga Adhamu naEvha havana kuteerera. Asi hazvirevi kuti hapana tariro. Jehovha akaita urongwa hwekutinunura pachivia nerufu, achishandisa Mwanakomana wake Jesu Kristu. Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu paakafa, akatidzikinura. Rudzikinuro mubhadharo unobviswa kuti mumwe munhu asunungurwe. Jesu akapa upenyu hwake semunhu asina chivi kuti uve mubhadharo wacho. (Verengai Mateu 20:28.) Jesu paakazvipira kurasikirwa nemukana wekurarama nekusingaperi pasi pano, akativhurira mukana wekuwana zvese zvainge zvaraswa naAdhamu naEvha. Jesu akaratidzawo kuti iye naJehovha vanotida zvakadii. Chidzidzo chino chichatibatsira kuti tikoshese rufu rwaJesu.

1. Tingabatsirwa sei nerufu rwaJesu iye zvino?

Sezvo tiri vatadzi, tinoita zvinhu zvakawanda zvisingafadzi Mwari. Asi kana tichinzwa urombo nezvatinenge takanganisa, tokumbira Jehovha kuti atiregerere muzita raJesu Kristu uye toita zvese zvatinokwanisa kuti tisazvidzokorore, tinogona kuramba tiri shamwari dzaMwari dzepedyo. (1 Johani 2:1) Bhaibheri rinoti: “Kristu akafira zvivi kamwe chete zvikabva zvakwana, iye munhu akarurama achiitira vasina kururama, kuti akutungamirirei kuna Mwari.”—1 Petro 3:18.

2. Mune ramangwana tichabatsirwa sei nerufu rwaJesu?

Jehovha akatuma Jesu kuti ape upenyu hwake husina chivi, “kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Nekuda kwezvatakaitirwa naJesu, munguva pfupi iri kutevera Jehovha achabvisa zvakaipa zvese zvakakonzerwa nekusateerera kwaAdhamu. Izvi zvinoreva kuti kana tikatenda muchibayiro chaJesu, tichawana mukana wekurarama nekusingaperi pasi pano tichifara!—Isaya 65:21-23.

WEDZERA KUONGORORA

Wedzera kunzwisisa kuti nei Jesu akapa upenyu hwake uye ona kuti zvaakaita zvingakubatsira sei.

3. Rufu rwaJesu runotisunungura pachivi nerufu

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Jesu Akafirei?—Chikamu 1 (2:01)

  • Adhamu paasina kuteerera Mwari akarasikirwa nemukana wei?

Verengai VaRoma 5:12, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Chivi chakaitwa naAdhamu chakakanganisa sei upenyu hwako?

Verengai Johani 3:16, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Nei Jehovha akatuma Mwanakomana wake panyika?

A. Mifananidzo: 1. Adhamu pashure pekusateerera Mwari. 2. Vanhu vari kuenda kunoviga chitunha. Mifananidzo: A. Adhamu pashure pekusateerera Mwari. B. Jesu Kristu. B. Mifananidzo: 1. Jesu Kristu. 2. Vanhu vamarudzi nemazera akasiyana-siyana.
  1. Adhamu akasikwa asina chivi asi kusateerera kwaakazoita kwakaita kuti vanhu vese vave nechivi uye vafe

  2. Jesu aivawo munhu asina chivi asi akaramba achiteerera Mwari uye zvaakaita zvakapa vanhu mukana wekurarama nekusingaperi vasina chivi

4. Rufu rwaJesu runogona kubatsira munhu wese

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Jesu Akafirei?—Chikamu 2 (2:00)

  • Zvingakwanisika sei kuti rufu rwemunhu mumwe chete rubatsire vanhu vese?

Verengai 1 Timoti 2:5, 6, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Adhamu aiva munhu asina chivi asi zvaakazoita zvakaita kuti vanhu vese vave nechivi uye vafe. Jesu aivawo munhu asina chivi. Jesu akapa sei “rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese”?

5. Rudzikinuro chipo chawakapiwa naJehovha

Kana uri shamwari yaJehovha unoona rudzikinuro sechipo chawakapiwa iwe pachako. Kuti uone mumwe aiona rudzikinuro sechipo chaakapiwa iye pachake, verengai VaGaratiya 2:20, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Chii chinoratidza kuti muapostora Pauro aiona rudzikinuro sechipo chaakapiwa iye pachake?

Adhamu paakatadza iye nevana vake vakatongerwa rufu. Asi Jehovha akatuma Mwanakomana wake kuzokufira kuti uwane mukana wekurarama upenyu husingaperi.

Paunenge uchiverenga mavhesi anotevera, fungidzira kuti Jehovha ainzwa sei paaiona Mwanakomana wake achitambura. Verengai Johani 19:1-7, 16-18, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Unonzwa sei nezvawakaitirwa naJehovha naJesu?

MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Zvingakwanisika sei kuti munhu mumwe chete afire vanhu vese?”

  • Ungamupindura sei?

PFUPISO

Kufa kwakaita Jesu kwakavhura mukana wekuti vanhu varegererwe zvivi zvavo uye kuti vazorarama vachifara nekusingaperi.

Kudzokorora

  • Nei Jesu akafa?

  • Upenyu hwaJesu hwaakapa hwakava sei “rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese”?

  • Rufu rwaJesu rwungakubatsira sei?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza kuti sei upenyu hwaJesu hwaakapa huchinzi rudzikinuro.

“Chibayiro chaJesu ‘Chinodzikinura Sei Vazhinji’?” (Nyaya iri paIndaneti)

Verenga unzwe zvatinofanira kuita kuti tiponeswe.

“Jesu Anoponesa Sei?” (Nyaya iri paIndaneti)

Jehovha anoregerera kunyange zvivi zvakakura here?

“Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa” (Nharireyomurindi, May 1, 2013)

Ona kuti kudzidza nezvechibayiro chaKristu kwakabatsira sei mumwe murume kuti achinje unhu hwake.

“Handichafariri Zvekurwa” (Nyaya iri paIndaneti)

a Chivi hazvirevi kungoita zvinhu zvakaipa chete. Zvinorevawo kukanganisika kwatinozvarwa tiinako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe