Iwe Uchati, “Ndiri Pano! Nditumei” Here?
“Jehovha [akati]: ‘Ndichatuma aniko, uye ndiani uchatiendera?’ Uye ndakapfuurira kuti: ‘Ndiri pano! Nditumei.’”—ISAYA 6:8, NW.
1, 2. Chikonzeroi chaicho chomufarwa chakava navaroorani vaviri?
“TINOFARA kutumira tsamba yedu yokubvuma kuenda kuColombia. Takafarikanya ropafadzo yedu yebasa muno muEcuador zvikuru kwazvo kupfuura zvinogona kurondedzera iyi tapureta.” Yakavamba kudaro tsamba yakabva kuvaviri veZvapupu zvaJehovha avo vakanga vaenda kuEcuador uko hofisi itsva yebazu yeWatch Tower Society yakanga ichivakwa.
2 Ava vashumiri vakaenda kuEcuador kundoita zvinopfuura kubetsera pakuvaka; ivo vaigonawo kubetsera savadzidzisi vechiKristu. Ivo vanonyora, kuti: “Isu takawana kuti basa romumunda ndichimwe chezvinhu zvinokosha zvikurusa. Mavhiki matatu chete apfuura, vasere vedu takaenda kumusika usina kuvakirirwa ndokugovera mabhuku 73 uye magazini anopfuura 40. Vhiki rapamberi peri, takatanga fundo itsva mbiri dzeBhaibheri. Tinogona zvirokwazvo kuona kudikanwa kwebazu idzva. Mudzimai wangu neni tingada kukuongai nokuda kweropafadzo yokupfuurira tiri muchimiro ichi chaicho chebasa renguva yakazara” zvino muColombia.
3. Vazhinji vakaratidzira sei mudzimu wakafanana nouyo Isaya akaratidza?
3 Ava vaviri, uye mazana avamwe vakazvipa kuti vatumirwe kunyika yokumwe, vanoratidzira mudzimu wakafanana nowomuporofita Isaya. Apo iye akanzwa Jehovha achiti: “Ndichatuma aniko, uye ndiani uchatiendira?” Isaya akapindura, kuti: “Ndiri pano! Nditumei.” Mwari ipapo akaraira, kuti: “Enda, undoudza vanhu ava, uti: ‘Rambai henyu muchinzwa, asi musanzwisisa, rambai henyu muchiona, asi musaonesesa.’” (Isaya 6:8, 9) Isaya akanga achizvipira kutumwa nokuda kwechiiko, uye chii chakabva machiri? Uye chii chatinogona kudzidza muiyi nhauro mukuwirirana newirirano dzazvino uno uye nezvezvifundo zvipi nezvipi zvomunhu oga nokuda kwedu?
Basa raIsaya Rokuparidzira
4, 5. (a) Mugariroi wakapararira apo Isaya akagamuchira chiono chakanyorwa muganhuro 6? (b) Chii chakaona Isaya muichi chiono?
4 Jehovha Mwari akabvunza Isaya kuti, “Ndichatuma aniko?” mugore iro Mambo Uzia akafa. (Isaya 6:1) Imomo makanga muri muna 777 P.N.V., kana kuti rinenge zana rimwe ramakore namativi matatu amana vaBhabhironi vasati vaparadza Jerusarema ndokuita dongo nyika yaJudha. Jehovha aigona kuona chinoitika chinosuruvarisa ichocho chichiuya, uye iye akatuma Isaya kundopa shoko pamsoro pacho. Chii chatinogona kudzidza mubasa rake rokuparidzira?
5 Sezvo tingadai takaita, naizvozvo Isaya anofanira kuva akaororwa zvikuru kwazvo nomugariro maakagamuchirira basa rake. Iye akanyora, kuti: “Ndakaona [Jehovha (NW)] agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira, mipendero yenguvo dzake ichizadza tembere. Kumusoro kwake kwakanga kumire serafimi; imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu; namaviri yakafukidza chiso chayo, namaviri yakafukidza makumbo ayo, namaviri yakanga ichibhururuka nawo. Imwe yakadanidzira kune imwe, ichiti: ‘Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha wehondo; nyika yose izere nokubwinya kwake.’”—Isaya 6:1-3.
6. Neiko yakanga iri ropafadzo kuti Isaya aone zvaakaona?
6 Isaya aiziva kuti Uzia akanga arohwa namaperembudzi apo iye, zvaakanga asati ari worudzi rwouprista, akavhozhokera nokuzvitutumadza Nzvimbo Tsvene yetembere kuti ape zvinonhuwira. Naizvozvo, iropafadzo yakadini nokuda kwaIsaya kuti aone Mwari amene! Isaya, munhu asina kukwana, haana kuona chaizvoizvo Jehovha, asi akabvumidzwa kumuona muchiono. (Eksodho 33:20-23) Kuisvonaka kwaikoku kwakasimbiswa nengirozi dzakakwirira (maserafimi) airindira chigaro choumambo chaJehovha. Iwo, achinzwa utsvene hwaMwari, akafukidza nenzira yokuremekedza ‘zviso’ zvawo. Kupfuura ichi chiito chokuzvivanza, iwo akazivisa nesimba kwazvo utsvene hwaMwari. Muuyoi waunofungidzira kuti kwose ikoku kwaizova nawo pamunhu?
7. Isaya akaita sei, uye neiko tingave takanzwa zvakafanana?
7 Isaya ngaapindure. “Ipapo ndakati: ‘Ndine nhamo! Nokuti ndoparara, nokuti ndiri munhu womuromo une tsvina, ndigere pakati pavanhu vemiromo ine tsvina; nokuti meso angu akaona Mambo, Jehovha wehondo!’” (Isaya 6:5) Isaya aiziva kuti akanga ari mutauriri waMwari, bva ichi chiono chakaroverera paari kuti akanga asina kuchena, asina miromo yakachena yaizokodzera mutauriri wouyu Mambo ane mbiri nomutsvene. Vamwe veduwo, padzimwe nguva tingave takarohwa nokutadza kwedu, tichinzwa tisingafaniri kusvika Mwari mumunyengetero, zvikuru kwazvo kuita kuti zita rake ridanwe patiri. Chimwe chinoitika chaIsaya chinofanira, ipapoka, kuva chinokurudzira.
8. Ngirozi yakaita basai, nomuuyoi?
8 Imwe yamaserafimi anorindira yakabhururukira kwaari ine zimbe rinopfuta rakatorwa paatari yezvibairo zvemhuka. Ichigumisa zimbe pamuromo waIsaya, ngirozi yakati: “Tarira, zimbe iri ragumura miromo yako, zvakaipa zvako zvabviswa, zvivi zvako zvadzikinurwa.” (Isaya 6:6, 7) Mumazuva aSoromoni, mwoto wakabva kudenga wakaratidzira kuti Jehovha akanga agamuchira atari yezvibairo, kunyange zvazvo zvibairo zvaisagona kuita kunyange vaprista kuti vachene chose chose pamberi paMwari. (2 Makoronike 7:1-3; VaHebheru 10:1-4, 11) Zvisinei, apo Isaya akabvisirwa kusachena kwake nezimbe rinopfuta, iye aigona kugamuchira chisarudzo chaJehovha chokuti kutadza kwake kwakayananiswa kusvikira patambanuko yaidikanwa kugamuchira basa chairo rokuparidzira. Zviratidziroi zvinofadza zvinokarakadza ikoku pamsoro penguva yemberi?
9. Ndeipi yaiva revo yeshoko raIsaya?
9 Ichi chinoitika chinoshamisa chakatungamirira kukugamuchira kwomuporofita basa rokuparidzira rakadudzwa. (Isaya 6:8, 9) Asi neiko Isaya aifanira kutaura kuti vanhu vaizonzwa vanzwazve asi vasingawani zivo ipi neipi? Inzwi raMwari rakawedzera, kuti: “Kodzai mwoyo yavanhu ava, remedzai nzeve dzavo, tsinzinisai meso avo, kuti varege kuona nameso avo, . . . vadzoke vapodzwe.” (Isaya 6:10) Ikoko kunoreva here kuti Isaya, kupfurikidza nokuvirima kana kuti nokusangwarira pakutaura, anofanira kudzinga vaJudha kuitira kuti vagoramba vasingawirirani naJehovha? Aiwa. Iyi yaingova zvayo ratidzirwo yokuti vazhinjisa vavaJudha vaizopindura sei pasinei zvapo nokuti Isaya akaita basa rake rokuparidzira nenzira yokutendeka uye zvakakwana sei raakanga azvipira nokutaura kuti, “Ndiri pano! Nditumei.”
10. (a) Ndokupi kwaiva nechikanganiso kana toreva nezvokuva kwavanhu sokunge mapofu nematsi? (b) Isaya akarevei nokubvunza kuti, “Kwenguva yakareba sei?”
10 Chikanganiso chaiva navanhu. Pasinei zvapo nokuvabvumira kwaIsaya ku“nzwa,” ivo havasati vaizopinza zivo kana kuti kuwana nzwisiso. Mwari akataura pachine nguva mberi kuti vazhinjisa, nemhaka yechisimbwa chavo nechimiro chisiri chomudzimu, havasati vaizogamuchira. Vashomanene vangagamuchira. Asi voruzhinji vaizova mapofu sokunge meso avo akanga anamwa neguruu rakasimba zvikurusa, kana uchigona kufungidzira izvozvo. Uyu mugariro wakashata waizopfuurira kwenguva yakareba sei? Izvozvo, panzvimbo pokuti makore mangani ayo aizofanira kubatira, ndizvo izvo Isaya akabvunza namashoko, anoti: “Kwenguva yakareba sei, haiwa Jehovha?” Nokudaro Mwari akapindura, achiti: “Kusvikira maguta akoromoka chaizvoizvo kuva matongo, kuva asina mugari.” Uye kwakaitika saizvozvo, kunyange zvazvo pashure penduramo yaIsaya. VaBhabhironi vakabvisa vanhu vapasi, vachisiya Judha “yaparadzwa kuva matongo.”—Isaya 6:11, 12; 2 Madzimambo 25:1-26, NW.
11. Kuparidzira kwaIsaya kwakapa sei nyaradzo?
11 Pakupedzisira, kunyanguvezvo, Jehovha akapikira Isaya kuti zvose zvakanga zvisati zviri zvisina tariro. “[Munyika] muchangova nechegumi.” Hungu, kwakanga ‘kwakafanana nomuti mukuru umo, apo kunenge kune kutemerwa pasi kwavo, kwaizova nehunde, mbeu tsvene.’ (Isaya 6:13) Pashure pamakore 70 outapwa hweBhabhironi, mbeu, kana kuti vakasarira, vakadzokera kunyika, sokunge bande idzva rinobva pahunde yomuti mukuru. (2 Makoronike 36:22, 23; Ezra 1:1-4; enzanisa naJobho 14:7-9; Dhanieri 4:10, 13-15, 26.) Nokudaro, nepo shoko raIsaya rakanga richisiririsa, raiva nechinhu chinonyaradza. Pane chikonzero chapaMagwaro, kunyanguvezvo, chokuti tirangarire Isaya somuenzaniso wezvinoitika zvomunguva yemberi. Seiko?
Zadziko Huru
12. Hwaroi hwapaMagwaro huripo hwokudana Jesu kuti Isaya Mukuru?
12 Mazana amakore pashure porufu rwaIsaya, mumwe akauya watingadana kuti Isaya Mukuru—Jesu Kristu. Mukuvapo kwake asati ava munhu, iye akanga azvipira kutumwa naBaba vake kupasi, uko iye aizobatanidza mukuparidzira kwake zvinhu izvo Isaya akanga anyora. (Zvirevo 8:30, 31; Johane 3:17, 34; 5:36-38; 7:28; 8:42; Ruka 4:16-19; Isaya 61:1) Zvakananga zvikuru, Jesu akazvibatanidza amene naIsaya ganhuro 6 pakutsanangura chikonzero nei Iye akadzidzisa sezvaAkaita. (Mateo 13:10-15; Marko 4:10-12; Ruka 8:9, 10) Ikoko kwakanga kwakakodzera, nokuti vaJudha vazhinjisa vakanzwa Jesu vakanga vasati vachadisa kugamuchira shoko rake ndokuita chimwe chinhu pamsoro paro sezvakangoita avo vakanzwa muporofita Isaya vakanga vasingadisi kugamuchira rake. (Johane 12:36-43) Uyewo, muna 70 N.V. vaJudha avo vakanga vazviita vamene ‘mapofu nematsi’ kushoko raJesu vakasangana noruparadziko rwakafanana nourwo rwa 607 P.N.V. Ichi chinoitika muzana rokutanga ramakore chakanga chiri dambudziko paJerusarema ‘rakadai serakanga risati raitika chibviro chamavambo enyika uyewo harisati raizoitikazve.’ (Mateo 24:21) Bva, sezvakaporofita Isaya, vakasarira, kana kuti “mbeu tsvene,” vakashandisa kutenda. Ivava vakaumbwa kuva rudzi rwomudzimu, “Israeri waMwari” akazodzwa.—VaGaratia 6:16, NW.
13. Neiko tichigona kukarira imwezve zadziko yaIsaya 6?
13 Zvino tinosvika paimwe zadziko yakavakirwa paBhaibheri yaIsaya ganhuro 6. Sechinhu chikuru kukunzwisisa iyoyi, rangarira mashoko omuapostora Pauro munenge mugore ra 60 N.V. Iye akatsanangura chikonzero nei vaJudha vazhinji vakamunzwa muRoma vasati vaizogamuchira “uchapupu [hwake] pamsoro poumambo hwaMwari.” Chikonzero chaiva chokuti Isaya 6:9, 10 yakanga ichizadzikwazve. (Mabasa 28:17-27) Ikoku kunoreva here kuti pashure pokunge Jesu abva papasi, vadzidzi vake vakazodzwa vaifanira kuita basa rakaenzana neraIsaya? Hungu, zvamazvirokwazvo!
14. Vadzidzi vaJesu vaizoita sei basa rakafanana neraIsaya?
14 Isaya Mukuru asati akwira kudenga, iye akataura kuti vadzidzi vake vaizogamuchira mudzimu mutsvene uye pashure paikoko vai“zova zvapupu zvake mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea rose neSamaria uye kusvikira kurutivi rwokumugume-gume rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Kungofanana neartari yezvibairo yakagovera chaidikanwa kuti mhosho yaIsaya iende, naizvozvo chibairo chaJesu chaiva hwaro hwokuita kuti ‘chivi chimene [chavadzidzi vake] chiyananiswe.’ (Revhitiko 6:12, 13; VaHebheru 10:5-10; 13:10-15) Nokudaro Mwari aigona kuvazorodza nomudzimu mutsvene, uyo waizovapawo simba rokuva ‘zvapupu kusvikira kurutivi rwokumugume-gume rwapasi.’ Vose vari vaviri muporofita Isaya naIsaya Mukuru vakanga vatumwa kundozivisa shoko raMwari. Nenzira yakafanana, vateveri vakazodzwa vaJesu vaka“tumwa vachibva kuna Mwari . . . pamwe chete naKristu.”—2 VaKorinte 2:17, NW.
15. Ndokupi kwave kuri kuita kwavose kukuparidzira kwakafanana nokwaIsaya munguva yedu, kuchinongedzera kunguvai yemberi?
15 Munguva dzazvino uno, zvikurukuru chibviro chomugumo weHondo yeNyika I, maKristu akazodzwa akaona kudikanwa kwokuzivisa shoko raMwari. Ikoku kunobatanidza idi rinoshungushidza rokuti “zuva ramatsive aMwari wedu” rava pedyo. (Isaya 61:2, NW) Kuparadzanya kwaro kuchava rushambwa zvikurukuru kuchiKristudhomu, icho chakataura kwenguva refu kuva vanhu vaMwari, sezvakaita Israeri wekare. Pasinei zvapo namakumi amakore okuparidzira kwokuvimbika kwakaitwa neZvapupu zvakazodzwa zvaMwari, vazhinjisa vari muchiKristudhomu ‘vakaita kuti mwoyo yavo isagamuchire uye nzeve dzavo dzisanzwe; meso avo akanamwa.’ Uporofita hwaIsaya hunoratidzira kuti ikoku kuchapfuurira kuva kwakadaro “kusvikira maguta akoromoka chaizvoizvo kuva matongo, kuva asina mugari, uye dzimba dzisina munhu wapasi, uye ivhu rimene raparadzwa kuva risine chinhu.” Ikoku kucharatidzira mugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu.—Isaya 6:10-12, NW.
“Nditumei”
16. Neiko kuchigona kutaurwa kuti “boka guru” vari kugoverana mubasa rakafanana neiro raIsaya?
16 Nhasi, kune mamirioni amaKristu akazvipira ayo ane tariro yeBhaibheri yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi. Pahwaro hweropa rechibairo raJesu, iri “boka guru” rinogona kuita kuti zvivi zvavo zvikanganwirwe kusvikira patambanuko iri madikanwa zvino. Ivo vanogamuchirawo simba netsigiro kupfurikidza nomudzimu waMwari sezvavanokumbanira chiverengero chasara chamaKristu akazodzwa mukuti, “Ndiri pano! Nditumei.” Kuatuma kundoiteiko? Pauro anoti pana VaRoma 10:13-15, kuti: “Ani naani unodana kuzita ra[Jehovha, (NW)], uchaponeswa.’ Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusino muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa [pana Isaya 52:7] zvichinzi: ‘Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?’”—Zvakazarurwa 7:9-15, NW.
17. Kuenzana nouporofita hwaIsaya, zvii zviri mukati meshoko redu?
17 Yeuka kuti paiva pamberi pokuziva zvinhu zvakazara zveshoko apo Isaya akati, “Ndiri pano! Nditumei.” Mukupesana, tinoziva icho Mwari anoda kuti chiziviswe zvino naavo vanogamuchira kokero yake: “Ndiani wandichatuma, uye ndiani achatiendera?” Iro rinobatanidza kudeya kunyevera pamsoro pe“zuva ramatsive aMwari wedu.” Bva, shoko racho rinobatanidza “mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.” Somuenzaniso, avo “vanotumwa” vanogoverana mukuzivisa “rusununguko kuavo vakatapwa uye kuzarurwa kukuru kwameso kunyange kuvasungwa.” Ko kuita izvozvo hakufaniri kuva manyuko egutsikano huru?—Isaya 61:1, 2, NW.
18, 19. Vazhinji vari kuti, “Nditumei” munzirai chaidzo?
18 Kana iwe uchitozivisa “mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka,” uku kuhwirudzurwa kwaIsaya ganhuro 6 kungakusunda kubvunza, kuti: Ndingapindura sei zvizere zvikuru mumudzimu waIsaya 6:8? Senevaviri vadudzwa pamavambo, mazana akagoverana mupurogiramu yaVashandi Vokuvaka Vanozvipira Vamarudzi Ose. Vamwe vazhinji, vasina unyanzvi hwokuvaka, vakatamira kunyika uko kudikanwa kwavaparidziri voUmambo kuri kukuru. Ikoku kunoitwa zvakanakisisa pashure pokutsvaka zano rinobva kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society. Chokwadika, kuronga kunokosha, nokuti mutauro, mipimo yokurarama, kariro dzebasa, uye zvimwe zvinhu zvingava zvakasiana zvikuru munyika yokumwe. Bva, usadzinga kubvira kwacho nokukurumidza nemhaka bedzi yokuti gadziridzo huru dzingadikanwa. Vazhinji vane chimiro chokuti “Ndiri pano! Nditumei” vakaita zviito zvakadaro uye vakakomborerwa zvikuru naMwari nokuda kwokuita saizvozvo.—Enzanisa naZvirevo 24:27; Ruka 14:28-30.
19 Vamwezve—hama dzisina kuroora kana kuti hanzvadzi, vanyakuroorana, kunyange mhuri dzakazara—vakatamira kune imwe nzvimbo mukati menyika yavo vamene kana kuti nharaunda uko kune kudikanwa kukuru kwavaparidziri voUmambo kana kuti kwavatariri vechiKristu. (Mabasa 16:9, 10) Kuita ikoku kungave kwakada kurega zvimwe zvinhu, zvakadai sokuwana rumwe rudzi rwebasa rokunyika, zvichida rinobhadhara zvishoma. Vamwe vakakurumidza kurega basa vane mudyandigere wakaganhurirwa ndokuwana basa renguva isina kuzara kuti vagova nenguva yakawanda nokuda kwoushumiri. Kwakaisvonaka sei apo mhuri dzose dzinoti, “Tiri pano! Titumei.” Ikokuwo, kunoratidzira mugariro waIsaya. Mudzimai wake akagoverana nokushingaira mukuita kuda kwaMwari so“muporofitakadzi,” uye vanakomana vake vakabatanidzwa mumashoko ouporofita.—Isaya 7:3, 14-17; 8:3, 4.
20. Uchirangarira Isaya 6:8, chii chaunofanira kuita?
20 Kunyange kana migariro yako yazvino isingabvumidzi chinjo huru dzakadaro, unogona kurangarira kuti, ‘Ndiri kuita zvose zvandinogona here pandiri ndichitevedzera kudisa kwaIsaya?’ Zvishandise umene mukuzivisa shoko raMwari, kunyange mumugariro wokunze wakashata kana kuti mukutarisana nokusakatara kwavanhu; zvamazvirokwazvo, Isaya akaita zvimwe chetezvo. Shingaira mukutaura kuvamwe pamsoro pa“mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!” Jehovha akati, “Ndiani wandichatuma?” Bvumikisa kuti, kufanana naIsaya wekare, mhinduro yako ndiyo, “Ndiri pano! Nditumei” kundozivisa shoko Rake.
Mapfundo Ehwirudzuro
◻ Isaya akagamuchira chiono cheganhuro 6 mumigariroi, uye chii chaakaona?
◻ Rudzii rwebasa urwo Isaya akagamuchira?
◻ Neiko Jesu achigona kunzi Isaya Mukuru, uye vadzidzi vake vanobatanidzwa sei mubasa rakafanana neraIsaya?
◻ Iwe unogona sei kuratidzira mudzimu wakafanana nouyo waIsaya?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Isaya akacheneswa ndokutumwa kundoparidzira
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vazhinji vakapindura, vachiti, “Ndiri pano! Nditumei”