Nhevedzano Refu Yamasimba Enyika Yoswedera Pedyo Nomugumo Wayo
Bhaibheri rinotaura nezvamasimba enyika makuru manomwe—umambo hune simba uhwo hwakatevedzana muzviuru zvamakore zvenhau yenyika. Nyaya dzapfuura munhevedzano ino dzakaratidza kuti tiri kurarama munguva yerokupedzisira rawo—Simba reNyika reEngland neAmerica rezuva redu.a—Zvakazarurwa 17:9, 10.
Simba reNyika rimwe cheteri reEngland neAmerica rinorondedzerwa pakuvamba kwebhuku raZvakazarurwa sechikara icho chine “nyanga mbiri.” Iri simba renyika rina mativi maviri “rinoudza avo vanogara pamusoro papasi kuitira mufananidzo” chikara chezvamatongerwe enyika icho chinomirira masimba ose enyika manomwe.—Zvakazarurwa 13:11, 14.
Uporofita ihwohwu hwakazadzikwa sei, uye hunorevei kwatiri nhasi? Mhinduro inofadza ndiyo nhau yenyaya inotevera.
SEZVO rutyo rwamakore mana rweHondo yeNyika I rwakasvika kumugumo, purezidhendi weAmerica Woodrow Wilson negurukota guru reBritain David Lloyd George vakakarakadza Chinzwano Chamarudzi. Nharidzano yacho yakanga iri yo“kuwana rugare rwamarudzi ose nechengeteko” uye nokudaro kudzivisa rutyo rwehondo yakadaro kusatongoitika zvakare.
Kunofadza kucherechedza vakatanga ikoku. Ava vatungamiriri vaviri vakanga vari misoro yeSimba reNyika, rechinomwe rina mativi maviri rinotaura chiNgezi reEngland neAmerica renhau yeBhaibheri. Ikoku namamwe maidi pamusoro pesangano rorugare rwamarudzi ose nechengeteko anokodzera, nenzira inoshamisa, izvo bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rakanga rataura pamusoro po“worusere” anovapo kwenguva pfupi uyo aizoita zvose zviri zviviri kumuka nokuwa muzuva redu. Ndedzipi dzaiva dzakati kuti dzeidzi wirirano dzinofadza?—Zvakazarurwa 17:11.
Uporofita huri muna Zvakazarurwa hwakazivisa kuti “chikara” chine “nyanga mbiri dzakafanana negwaiana” chaizoudza “avo vanogara pamusoro papasi kuitira mufananidzo” chikara, icho chakatungamirirwa namasimba enyika makuru manomwe enhau yeBhaibheri.
Izvi ndizvo chaizvoizvo izvo Simba reNyika reEngland neAmerica rakaita. Iro rakakurudzira “avo vanogara pamusoro papasi” kuita Chinzwano icho chakatarisika ndokuita nenzira inoita nayo hurumende huru. Asi chaizvoizvo chakanga chiri bedzi “mufananidzo wechikara.” Chakanga chisina simba racho choga, iro bedzi rakachipiwa namarudzi acho ari mitezo. Hausati uchirondedzerwa sounotonga kupfurikidza norukundo rwakati rukuru rwehondo, sezvakanga zvaita masimba enyika. Panzvimbo pezvo, iwo unobva kana kuti unobuda mumasimba enyika manomwe. Iwo uripo kwete bedzi nemhaka yowechinomwe wahwo asiwo nemhaka yamamwe marudzi ari mitezo ayo anobatanidza akasarira amatanhatu akapfuura. Ko uyu mufananidzo wezvamatongerwe enyika waizosvika nharidzano dzakakwirira idzo vavambi vawo vakanga vakarira here?—Zvakazarurwa 17:11, 14.
Kundikano yeChinzwano
Chinzwano chaMarudzi chakaita zvakawanda zvikuru mune zvefambidzano. Zvisinei, nharidzano yacho chaiyoiyo, seyakataurwa mu“Chibvumirano [chacho chapamutemo] cheChinzwano chaMarudzi,” yakanga iri “kukurudzira batira pamwe yamarudzi ose nokuwana rugare rwamarudzi ose nechengeteko.” Muna ikoku chakakundikana.
Chinzwano hachina kubudirira mukudzivisa Japan muManchuria muna 1931. Icho hachina kudzivisa Bolivia neParaguay kurwa muna 1933. Icho chakakundikana kudzivisa kukunda Ethiopia kwaMussolini kwa 1936. Zvisinei, rufu rweChinzwano rwakauya pana September 1, 1939, nokutanga kweHondo yeNyika II—nyongano yorudzi rworuparadziko rukuru nenhamo izvo Chinzwano chakanga chatangwa kuti chidzivise. Vanyajambwa vehondo iyoyo? Upenyu hwavarwi vane mamirioni 16 navasiri varwi vane mamirioni 39, hwerengedzo yavakafa vane mamirioni 55, kana kuti vanopfuura nekanodokusvika kana vakafa veHondo yeNyika I!
Zvisinei, shure muna 1919, Chibvumirano cheChinzwano chisati chambotanga kushanda, Zvapupu zvaJehovha (panguva iyeyo zvaizivikanwa saVadzidzi veBhaibheri) zvakazivisa pachena kuti Chinzwano chinofanira kukundikana, nokuti rugare harusati rwaigona kuuya kupfurikidza nenhamburiko dzavanhu dzakadaro. Gare gare, pakokorodzano yazvo ya 1926 muLondon, England, kwakaoneswa kuti mukuwirirana naZvakazarurwa 17 (NW) “mambo wechisere” anooneka sowokupedzisira kumutsara wamasimba enyika. Sezvakaonesa mukurukuri, “Ishe akadeya kutaura kuberekwa kwake, kuvapo kwake kupfupi, uye mugumo wake usingagumi.”
Kudzokera Kwacho!
Pamusoro pouyu mambo wechisere, uporofita hwakafuridzirwa hwakati: “Chikara chawaona, chaivapo, hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzika-dzika kundoparadzwa.”—Zvakazarurwa 17:8.
Kuvambira mugore rapakati pehondo ra 1942, Zvapupu zvaJehovha zvakaziva kuti sangano rorugare nechengeteko rakanga risingashandi panguva iyeyo raizobuda mugomba rakadzika-dzika raro rokusashanda. Gore iroro Purezidhendi weWatch Tower Society akaudza vateereri mumaguta 52, kuti: “Kunyange zvazvo mitezo ine makumi mana ichiri kutaura kuva inonamatira kuChinzwano, Chinzwano chaizvoizvo chiri mumugariro wokuregedzeswa kushanda . . . Icho ‘hachipo.’” Asi ko icho chaizo“buda mugomba rakadzika-dzika” here? Achivakira mashoko ake pauhu uporofita hweBhaibheri, iye akazivisa, kuti: “Sangano ramarudzi enyika richamuka zvakare.”
Seizvo uporofita hwacho hwakanga hwataura, uyu mambo worusere “aivapo” kuvambira muna 1920 kutozosvikira muna 1939. Iye ‘akanga asipo’ kuvambira muna 1939 kutozosvikira Hondo yeNyika II yaguma muna 1945. Ipapo iye aka“buda mugomba rakadzika-dzika,” akamutsidzirwa somutsivi weChinzwano, Chibatanwa chaMarudzi.
Tariro Dzakakwirira Hadzina Kuzadzikwa
Nhume dzakabva kumarudzi 50 dzakasaina Chata yeChibatanwa chaMarudzi muSan Francisco pana June 26, 1945. Sumo yayo yakavamba, ichiti: “Isu marudzi eChibatanwa chaMarudzi takatsunga kuponesa zvizvarwa zvinotevera munhamo yehondo, iyo kaviri munduramo yedu yakaunza nhamo isingatauriki kurudzi rwomunhu . . . ”
Kariro dzakavakwa nokuda kweCM dzakapfuura kubvira kwose. Aichimbova munyori wenyika weU.S. Cordell Hull akati iyo yaiva nechinhu chikuru chokutungamirira ku“kupukunyuka kumene kwepepuko yedu.” Purezidhendi weU.S. Harry Truman akachidana kuti “banza gurusa . . . rokuvamba rugare rusingagumi munhungamiro yaMwari.” Chata yeCM yakanzi “sezvinobvira chinyorwa chinokosha zvikurusa chati chaitwa nomunhu” uye “nguva yechinjo munhau yepepuko.” Makore ane makumi mana gare gare, Gregory J. Newell weU.S. Department of State akati: “Chisakiso chakanyanyiswa: kuora mwoyo kwakanga kusingadzivisiki.”
Kufanana neChinzwano, CM yakaita zvakawanda zvikuru mune zvefambidzano. Asi hachina kupikira rugare kana kuti kumisa hondo. Aichimbova gurukota guru reBritain Harold Macmillan akaudza British House of Commons muna 1962 kuti “nheyo yose pakavakirwa Chibatanwa chaMarudzi yasekeswa.”
Pakuvamba vanhu vazhinji vakarangarira iri sangano neshingairo inodokuva yorudzidziso. Ivo vaidavira kuti uyu “mufananidzo” waizoita izvo Bhaibheri rinotaura kuti Umambo hwaMwari bedzi huchaita: kutanga rugare rusingagumi, ruramisiro, uye nyika yakabatana zvirokwazvo. Ivo havana kubvumirana zvakasimba namauporofita eBhaibheri ayo akaratidza kuti nhamburiko dzavanhu dzaisagona kuva manyuko echokwadi orugare. Zvisinei, sezvo CM yakasvika makore 40, wezvenhau Thomas M. Franck akataura kuti “iyo . . . haibudiriri zvikuru kupfuura zvatakanga takarira muna 1945.” Seizvo U.S. Secretary of State George P. Shultz akatsinhira: “Kutangwa kweChibatanwa chaMarudzi hakuna kushandura nyika kuva paradhiso.”
CM haina kubudirira nemhaka yokuti hurumende dzavanhu hadzina kubvisa mhinganidzo dzechokwadi dzokurugare: urudzi, udyire, urombo, dzinza, udzvinyiriri, uye pesvedzero yaSatani panyika. Vanhu vanobatirira kuidzi hurumende, kwete nemhaka yokuti murangariro wacho wakajeka asi nemhaka yokuti havana tariro iri nani.—Zvakazarurwa 12:12.
Kuvapo kweChibatanwa chaMarudzi, uye nhamburiko iyo vanhu vakawanda kwazvo vakaisa machiri, inoratidza kuti vanhu vapasi vanoziva zvikuru sei kudikanwa kwechinjo. Chinjo iyoyo ichasvika asi nenzira yakasiana uye inobudirira zvikuru. Nziraiko?
Umambo Hwechigarire
Yeuka kuti Bhaibheri rinotaura kuti kwaizongova bedzi na“madzimambo” manomwe anotevedzana, kana kuti masimba enyika. Hapana simba renyika guru rinodudzwa pashure pairoro. Bhaibheri rinototaura kuti “worusere [wechinguvana] . . . anopinda muruparadziko.”—Zvakazarurwa 17:10, 11, NW.
Asi Bhaibheri rinotaurawo kuti kune tariro iri nani. Iro rinopikira kuti chimwe chinhuwo zvacho chichaunza rugare, ruramisiro, uye nyika yakabatana iyo vanhu vanotsvaka zvikuru kwazvo. Iro rinoti: “Uye mumazuva amadzimambo iwawo Mwari wokudenga uchagadza umambo husingazotongoparadzwi. . . . Ihwo huchaputsanya nokuparadza maumambo iwawa ose [avanhu vanokundikana], uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.”—Dhanieri 2:44, NW.
Uhwu ndihwo umambo Jesu akataura pamusoro pahwo, uye uhwo vateveri vake vakanyengeterera pavakati: “Umambo hwenyu ngahuuye.” (Mateo 6:10, NW) Umambo ihwohwu hahusati huchingova zvahwo pesvedzero nokuda kwezvakanaka iri mumwoyo yavanhu. Panzvimbo pezvo, ihwo umambo chaihwoihwo hwokudenga, kutongwa kwapasi kunobva munzvimbo yemidzimu. Ihwo huchachinja nzira yatinorarama nayo pasi pano.—Zvakazarurwa 21:1-4.
Icho Bhaibheri rinotaura pamusoro poumambo hutsva ihwohwo hunofadza, kushanda kwahuchaita, uye rugare, ruramisiro, uye nyika yakabatana zvahuchaita zvichava nhau yenyaya inotevera neyokupedzisira munhevedzano ino.
[Mashoko Omuzasi]
a Iwaya masimba enyika akakurukurwa muzvinyorwa zvapfuura zvamagazini ino: (1) Egipita, February 1; (2) Asiria, February 15; (3) Bhabhironi, March 1; (4) Medhia nePersia, March 15; (5) Girisi, April 15; (6) Roma, May 1; (7) Simba reNyika reEngland neAmerica, May 15.
[Bhokisi riri papeji 28]
Ukuru hweHondo Yacho
Hondo yeNyika II, iyo yakaratidzira rufu rweChinzwano chaMarudzi, yakatora chiverengero chinokatyamadza choupenyu. Encyclopædia Britannica (chinyorwa cha 1954) yakaratidzira ukuru hwavakafa kupfurikidza nokupa reshiyo yenzufu dzehondo mukati mehondo kuchiverengero cha 1940 chavagari venyika dzakasiana-siana. Pakati pezviverengero zvacho pane izvi: United States yakarasikirwa muhondo nomunhu mumwe muhondo nokuda kwemitezo 500 iri yose yechiverengero chavagari vemo vayo va 1940; China, mumwe mu 200; United Kingdom, mumwe mu 150; France, mumwe mu 200; Japan, mumwe mu 46; Germany, mumwe mu 25; uye U.S.S.R., mumwe mu 22 vari vose. Patinorangarira kuti vanyajambwa vasiri varwi kazhinji kazhinji vakapfuura kurasikirwa navarwi, tinogona kuona nyore nyore kuti nhamburiko dzavanhu dzakanga dzakundikana zvamazvirokwazvo sei kuunza rugare rwechokwadi nechengeteko.
[Mufananidzo uri papeji 26]
‘Chibviro chokuumbwa kweCM, vanhu vane mamirioni makumi maviri vakafira muhondo, idi rinosuruvarisa rinopupurira kurasikirwa kwekundikano iyoyo.’—“Nation Against Nation,” rakanyorwa naThomas M. Franck