Kuita Zvinodikanwa Zvavakura Vedu—Denho yechiKristu
MWEDZI mitatu yapfuura. Bva hapana nomumwe wavana vomukadzi akwegura akaitira hanya kumushanyira. Iye mugari anogara ari oga womusha wechembere muCape Town, South Africa. Vana vake vanogara pedyopo.
Mumusha wechembere muJohannesburg, mumwe mukadzi akwegura anopedza zhinjisa yenguva yake ari paberere rekamuri rake. Iye anowanzoonwa achichema.
Zviono zvinosiririsa zvakafanana neizvi zvava kuva zvinozivikanwa navose zvikuru, kunyange munyika umo vakweguru vaisanotarisirwa mumagamuchidzanwa. MuSoweto, nzvimbo huru inogara vatema iri pedyo neJohannesburg, “vanhu vakwegura [varasikirwa] noruremekedzo rwamagamuchidzanwa, chiremera uye tarisiro zvinobva kumhuri dzavo,” mukuwirirana nomumwe mushumo werimwe pepanhau. Mugariro wakafanana wakaitika pakati pavagari vemo vakawanda vechiIndia vomuSouth Africa. Kunyange zvazvo maIndia mumagamuchidzanwa vave vachiitira hanya vakweguru vavo, mumwe mukuru mukuru misi ichangobva kupfuura iyi akatsanangura kuti varoorani vaduku vechiIndia ‘havadi kuremedzwa navabereki vavo.’
MaKristu echokwadi, zvisinei, anoteerera murairo weBhaibheri, unoti: “Kudza baba vako namai vako.” (Eksodho 20:12; VaEfeso 6:2) Uyu musengwa haugumi apo vabereki vavo vanokwegura. Inoti 1 Timotio 5:8: “Asi kana munhu asingachengeti wokwake, zvikuru weimba yake warasha kutenda, wakaipa kukunda usingatendi.” Vabereki vakwegura vari pakati paavo muKristu aizofanira kugovera, kunyange kana ikoku kukabatanidza kurega zvinhu zvakati—mundangariro nomune zvemari.
Tichirangarira chinhu chiri chose, mitezo yeungano yechiKristu nhasi yakaita basa rakaisvonaka rokutarisira zvinodikanwa zvemirangariro nokunyama zvavabereki vavo. Chii chinoitika, kunyanguvezvo, apo maKristu akwegura anenge asina vana vanotya Mwari kana kuti vazukuru vokuvatarisira? Zvinodikanwa zvavo zvinoitwa sei?
Mutoro Weungano
Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Kunamata, kwakarurama, kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo.” Jakobho akatiwo: “Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, mumwe wenyu akati kwavari: ‘Endai henyu nomufaro, mudziirwe, mugute,’ musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei? Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.”—Jakobho 1:27; 2:15-17.
Naizvozvo kana muKristu akwegura achida betsero, iyi inhau yeitiro hanya yeungano yose. Vakuru vanogona kutungamirira muna ikoku. Seizvo Pauro akaraira pana 1 Timotio 5:4, ivo vanofanira kutanga kuwana kana akwegura ane vana kana kuti vazukuru avo vanodisa “kuramba vachibhadhara muripo wakafanira kuvabereki vavo navanasekuru, nokuti ikoku kunofadza kuna Mwari.” Kana asina, vakuru vanganzvera kuona kuti igadziriroi dzeinishuwarenzi kana kuti dzinotsigirwa nehurumende dzinowanika. Kungatova kuti vamwe vari muungano vanokwanisa kubetsera mune zvemari pahwaro hwomunhu oga.
Zvisinei, kana pasina gadziriro dzakadaro dzinogona kuitwa, vakuru vanogona kurangarira kana munhu wacho achikwanirisa kugamuchira betsero inobva kuungano imene. Akati Pauro: “Chirikadzi ngairege kunyorwa zita, asi kana yasvika makore makumi matanhatu, yaiva mukadzi womurume mumwe chete, inorumbidzwa pamusoro pamabasa akanaka.”—1 Timotio 5:9, 10.
Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyanguvezvo, haisi mari inodikanwa. Vakuru vangawana chinodikanwa chaizvo. Ko mukweguru anoda betsero yokunoshopa here? Ko iye ari oga kana kuti anoda kurudziro here? Ko iye anoda chokufambisa kuenda kumisangano here? Ko iye anoda mumwe munhu wokurava Bhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu kwaari here? Kana munhu akwegura asingakwanisi mumuviri kusvika kumisangano, ko matepi angagona kuitwa here kuitira kuti iye agogona kuanzwa ari pamusha? Kungatora shanyo dzinoverengeka nokutaura chiono chakazara chisati chaoneka. Asi savafudzi, vakuru ‘vanofanira kuziva chitarisiko cheboka.’—Zvirevo 27:23.
Kubetsera Kwakaita Ungano
Apo bedzi zvinodikanwa zvomunhu akwegura zvinozivikanwa, gadziriro chaidzo dzinogona kuitwa. Uko kune mudzimu woushamwari, wokutarisira, uye usina udyire muungano, hakuna kuoma kuwana chiverengero chakati chehama nehanzvadzi vanodisa kuva vebetsero. Nokudaro mutoro usina kunaka hauiswi pavanhu vashomanene. Somuenzaniso, imwe ungano yakaita rudungwe rwokuti vaparidzi vashanyire vakwegura. Hama nehanzvadzi dzinofadzwa nokuva negoverano mukuita ikoku, uye hakuna nomumwe wavakweguru anofuratirwa.
Mune imwe ungano, Chapupu chakwegura chakafuratirwa navana vacho vasingatendi. Zvapupu zvomunzvimbomo zviduku, zvisinei, zvakamusukira zvose, kuchisa, uye kuchenesa, uyewo kutarisira nhandare yake. Hama dzakabetsera kumubhadharira rendi nezvokudya. Ivo vakamuendesa kumagungano nemisangano. Uye apo akafa, vakatarisira gadziriro dzose dzamariro nendyiko.
Muimwe ungano duku yeSouth Africa, imwe hama yakwegura yechikaradhi (ina vakare vedzinza vakavhengana) yakaomeswa muviri chose chose nesitiroko. Sezvo kwakanga kusina munhu wemhuri yake wokumutarisira, imwe hanzvadzi yomuungano—iyo imene chirikadzi—nomwanakomana wayo vakamutora. Varume vomuungano vakaita majana okumushambidza. Mukuwedzera, imwe hama piona yomuchena yaifambisa iyi hama yakwegura iri muwheelchair nokuda kwokuvhakacha. Ichi chiono, chechienzi muSouth Africa, chakaparira nyanduko huru. Ungano yakapa hama yakwegura tarisiro yorudo kutozosvikira yafa.
Uku hakusi kutaura, kunyanguvezvo, kuti kuita zvinodikanwa zvehama nehanzvadzi vakwegura kuri nyore. Kunogona kuda kutanga kuita zvinhu chaikoiko nokutsunga kukurira zvinetso zvinogona kumuka.
Kuendesa Vakweguru Kumisangano
Imwe hanzvadzi yakwegura, chirikadzi nomurwere womwoyo, yakashanyirwa rimwe zuva nomukuru. Paakanga aripo, muvakidzani akashanya ndokunyunyuta, achiti: “Ndinopinda muno kazhinji kazhinji uye ndinomuona achichema nemhaka yokuti hakuna munhu akauya kuzomuendesa kuHoro yoUmambo.” Chinetso chacho chakanga chisina kukomba seizvo muvakidzani akachiita kuti chiratidzike, nokuti imwe mhuri yomuungano yaigovera chokufambisa chenguva dzose. Zvisinei, panhambo shomanene baba vakanga vashanda nguva yomuraudzo ndokukundikana kuuya nokuda kwehanzvadzi yacho. Zvirokwazvo, dzimwe gadziriro dzechokufambisa dzingadai dzaigona kuva dzakaitwa.
Naizvozvo, kwakanaka kuyeuka kuti kupinda misangano kunokosha nokuda kwavakweguru. (VaHebheru 10:24, 25) Mumwe mukuru nguva dzose anonzvera kuona kana Chapupu chakati chakwegura chiripo. Kana chisipo nemhaka yokuti gadziriro yechokufambisa yakundikana, mukuru anomhanyira kumotokari yake uye anonomutora. Nyemwerero yorudo pachiso chake inomutusa zvikuru nokuda kwenhamburiko yomuraudzo.
Vanongwarira Pakutaura Bva Vanopfuurira
Pane dzimwe nguva, zvisinei, vanhu vakura vanogona kuva vanoti zvimirirei. Ivo vangada betsero asi vanodzivisa kuigamuchira. Uye kutoti vakuru, kana kuti avo vakagoverwa kubetsera, vakasvinurira, vakura vakadaro vangadisa kuedza ‘kuzviitira vamene.’
Imwe chirikadzi yakwegura yaitambura nekenza asi yakanga yazvinyararira nechirwere chayo. Iyo yaida betsero yokuendesa zvinhu zvayo imene kunzvimbo iri kure nekiromi imwe nehafu. Panzvimbo pokuzivisa vamwe kuda kwake betsero, iye akakumbira betsero yeshamwari ine makore 84 okukura. Pamwe chete ivo vakaisa zvimwe zvinhu mungoro ndokuedza kuisaidzira vamene. Nokukurumidza, zvisinei, ivo vakaziva kuti basa racho vaisarigona, uye shamwari yechirikadzi yakaenda kumukweguru ari pedyo nokuda kwebetsero.
Naizvozvo, kungada kubvunza kwedu kwokungwarira pakutaura bva kwokupfuurira kuti tiwane chatinogona kuita chaizvo kubetsera vanhu vakadaro. Kana tikangoita zvedu chikarakadzo chisina kujeka, zvakadai sokuti: ‘Kana pane chinhu chipi nechipi chamunoda, ndizivisei,’ kungava nemhinduro yokukurumidza, yokuti: ‘Mazviita, asi handidi chinhu chipi nechipi.’ Yeuka, kunyanguvezvo, kuti apo Ridhia akapa mutsa kumuapostora Pauro navamwe, haana kudziviswa nokuramba kwavo kwapakutanga kwaiva pachena. Panzvimbo pezvo, ‘iye akangovaita chete kuti vauye.’ (Mabasa 16:15) Naizvozvo iva anopfuurira. Wana zvinodikanwa zvinodiwa zvavakwegura vasati vafanira kukumbira betsero.
Chokwadika, vakura vanofanira kuva vanoonga nhamburiko dzavamwe ndokusava vanotapurika, vanonyanyoraira, kana kuti vanotsoropodza. Kana chokufambisa chichigoverwa, somuenzaniso, chikarakadzo chokubetsera kubhadhara ndyiko dzokufamba chingava chakafanira chose. Imwe hanzvadzi yakwegura inobika chingwa uye inoruka zvinhu zviduku uye inopa izvozvi sezvipo kuavo vanoiendesa kumisangano. Muzvinoitika zvakawanda, kunyanguvezvo, shoko rokutenda ndiro bedzi rinodikanwa.
MaKristu nhasi anoedza kuteerera murairo uri pana Revhitiko 19:32, unoti: “Unofanira kusimukira vachena vhudzi, nokukudza mutana.” Vabatiri vaJehovha havateveri kombamiro yenyika yokuzvidza vanhu vakura nokufuratira mutoro wavana. Panzvimbo pezvo, nenguva, shiviriro, uye betsero yaJehovha, maKristu anoshanda kuita nenzira inobudirira denho yokutarisira vakura vedu.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vaduku vari muungano vanogona kazhinji kazhinji kuita zvakawanda kubetsera vanhu vakura