‘Rwonzi Rwokuyera Rwakandiyerera Munzvimbo Dzakanaka’
Yakataurwa naD. H. MacLean
NDAKAGARA ipapo, awa pashure peawa, nomumwe weRoyal Canadian Mounted Police parutivi pangu. Ndakanga ndiri musungwa wake. Takanga takananga kumusasa wetorongo kuChalk River, Ontario, Canada, uye kwakaratidzika kuti rwendo rwechitima rwamakiromita 2 400 harusati rwaizotongoguma.
Akanga ari 1944, uye Hondo yeNyika II yakanga ichipisa. Asi chii chandakanga ndichiita pano ndakananga kutorongo? Eya, kwakanga kuri zvikurukuru nemhaka yeizvo Baba vakanga vandidzidzisa kubvira pahuduku zvichienda mberi. Ivo vaiwanzogumisa kurukurirano ipi neipi yakakomba neni nokushandisira kuupenyu hwavo vane mashoko owezvamapisarema, anoti: “Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka.” Ipapo vaindikurudzira kuvavarira nokuda kwechinoitika chimwe chetecho.—Pisarema 16:6.
Kurerwa Mumudzimu
Zvinhu izvo Baba vakanga vakaona vachibatira kwamakore mana sasajeni mukati meHondo yeNyika I, zvikurukuru izvo vakanga vaona nezvomufambiro wokunyengera wavakuru vorudzidziso, zvakavaodza mwoyo. Naizvozvo, muna 1920, apo Mudzidzi weBhaibheri ane mbavarira akatsanangura mushonga waMwari kuzvinetso zvenyika, zvokwadi dzeBhaibheri dzakasvika pamwoyo paBaba. Amai vakavawo nefariro ndokuva mubatiri akazvipira waJehovha. Nokudaro, hanzvadzi yangu Kay neni takava nebetsero yokurerwa mumudzimu.
Pashure penguva yakati, Baba vakatengesa bhizimisi ravo, uye ivo naAmai vakavamba kufamba pataundi netaundi mubasa rokuparidzira renguva yakazara. Nokudaro, mukati megore rechikoro ra 1928, pandakanga ndava namakore matanhatu uye Kay makore masere, takanyoreswa muzvikoro zvisere zvakasiana-siana! Takapfuuridzira uyu mutoo woupenyu hwokufamba kwemwedzi 18 yakatevera. Asi apo kwakava kwakaoma nenzira inowedzera kupa ngwariro yakafanira kudzidzo yedu, vabereki vangu vakatenga nzvimbo inotengeswa peturo namafuta negaraji yakanga yakabatanidzwa nechitoro chiduku chamakeke nezviwiti. Kunyanguvezvo, mwedzi 18 iyoyo yokupayona yakasiya munembo usingagumi pahanzvadzi yangu neni.
Musha wedu pedyo neHalifax, Nova Scotia, nguva dzose waiva imba yakazarukira mapiona navatariri vanofambira. Baba vaiva norupo uye vaibetsera kuavo vaida kugadzirirwa motokari kana kuti mapatsi, nepo Amai vaitarisira zvinodikanwa zvomumba zvavashanyi vedu vazhinji. Ndine yeuko dzakajeka dzezvinoitika zvinosimbisa kutenda zvaitaurwa navashandi ivavo vomunguva yakazara. Ndinogona kuyeukawo nguva apo ndakanga ndine makore 18 okukura uye imwe yehama dzinofambira yakandikoka kuikumbanira kwamavhiki matatu sezvayakafambira ungano dzaiva pedyo. Ropafadzo iyoyo yaisakarirwa yakaramba yakasimbiswa pandangariro yangu.
Manyemwe Mukati Mechirambidzo
Muna 1940, apo ndakanga ndine makore 17 bedzi, zviremera zvomuCanada zvakazivisa “Sangano reZvapupu zvaJehovha,” kuva risiri rapamutemo, uye basa reZvapupu rokuparidzira evhangeri rakarambidzwa. Nharireyomurindi yakatsikirirwa muchivande muimba yedu, uye yaiparadzirwa ichibva ipapo muruwa rwose rweNova Scotia. Ndinoyeuka manyemwe apo vatakuri vaisvika pakati pousiku vane masitenziro nemigove yepepa neingi.
Mukati morutivi rwokutanga rwechirambidzo, takagoverana semhuri mukuparadzirwa kwapakati pousiku murudzi rwose kwekabhukwana chaiko kane musoro unoti End of Nazism. Asi ndinofanira kubvuma kuti mwoyo wangu wakanga uchirova sezvo ndakabuda mumotokari murima rousiku ihwohwo hunotonhora. Baba vakapa miraidzo yokukurumidza, yakajeka. Ipapo takaparadzana uye mumwe nomumwe akaenda nenzira yakasiana.
Unogona kufungidzira itiro hanya yedu apo Kay asina kudzokera kumotokari panguva yatakanga tabvumirana. Pashure pokumirira kweinopfuura awa imwe, pakanga pasina chinhu chataigona kuita kunze kwokuenda kumusha. Kukunyaradzwa kwedu kukuru, iye aivako, achitimirira achinetseka. Iye akanga atakurwa nomupurisa asi kwete nokuda kwokugovera mabhuku asiri apamutemo. Mumwe mupurisa akanga amuona ndokushamisika chikonzero nei musikana wechiduku akanaka akanga achifamba oga mumigwagwa yeHalifax mumaawa okutanga amangwanani anotonhora enguva yechando. Naizvoizvo apo akazvipira kumuendesa kumusha, Kay akabvuma—tubhukwana twake twose twakanga twagoverwa hatwo. Nhimbe yacho yaiva budiriro huru uye yakawana ziviso muCanada mose.
Kuva Kwandakaita Musungwa
Pashure pokupedza chikoro chapamusoro muna 1941, ndakashanda munyika kwaanodokusvika makore maviri. Ipapo ndakapinda kokorodzano yoruwa muUnited States, kwandakasangana naMilton Bartlett, piona anoshingaira wezera rangu ndimene. Mbavarira yake yezvokwadi nomufaro waiva pachena mukupayona zvakabetsera zvikuru muchisarudzo changu chokusiya basa rokunyika ndokupinda muushumiri hwenguva yakazara muna March 1943.
Sezvo chirambidzo chakanga chichiripo, kuparidzira Bhaibheri paimba neimba kwakadokuva mutambo wokutandaniswa namapurisa. Kumugove mutsva muCharlottetown, Prince Edward Island, ndaidisa kwazvo kubuda muushumiri kundoona kuita kwavanhu zvokuti ndakakanganwa kunyora kero yapandaigara.
Ndakanga ndangoshanyira bedzi misha mishomanene apo ndakabatwa namapurisa, ayo akaongorora bhegi rangu ndokundisunga. Sezvo ndaisagona kupa kero, ndakapinda mujeri, mandakachengetwa ndisingatauri navamwe kwamazuva mana. Sezvineiwo, mwanasikana wechimwe Chapupu chomuungano chakanzwa mukuru wamapurisa achitaura nezveChapupu chiduku chavakanga vachichengeta, uye ikoku kwakatungamirira kukubvisirwa kwangu nehama mari yokubuda kusvikira pakutongwa.
Kutongwa kwangu kwakasundirwa mberi kwemwedzi inoverengeka, uye naizvozvo ndakapfuuridzira ushumiri hwapasuo nesuo. Ipapo ndakapiwa mumwe mugove, kuGlace Bay, Nova Scotia. Mwedzi mishomanene gare gare, ndakagamuchira masamanisi okuoneka mudare shure muCharlottetown. Ndakagadzirira nokushingaira nokuda kwokutongwa kwangu, ndichikarira kupa chitendiso chakasimba choushumiri hwangu.
Mutongi akagutswa kuti ndakasvitsa zvikwaniriso zvose zvomushumiri worudzidziso. Iye akawedzera, zvisinei, kuti wakanga uri muitiro kutumira Zvapupu zvaJehovha kumisasa yetorongo mutsinhirano nemirau yebasa yorudzi. Uku ndiko kuva kwandakaita muchitima ichocho chaienda kumusasa wetorongo kuChalk River, Ontario. Mukati mamakore maviri akatevera, ndakatumirwa kumisasa mitatu yakasiana-siana.
Rusununguko—Asi Dzimwe Hondo
Ndakasunungurwa muna 1946 uye ndakatangazve kupayona paGlace Bay. Nechirambidzo paZvapupu zvaJehovha chakabviswa, takanga tasunungukazve kuita basa redu muCanada nedziviriro yapamutemo. Rwakasiiwa rumwe rwakanga rwuri ruwa rweKaturike rwunotaura chiFrench rweQuebec, umo chitambudzo chorudzidziso chakanga chiri chikuru. Nokudaro kwakavamba yakasvika pakunzi Hondo yeQuebec.
PaSvondo, November 3, 1946, musangano chaiwo wakarongwa muMontreal, wakapindwa napurezidhendi weWatch Tower Society navamwe vakabva kudzimbahwe reBrooklyn. Turakiti rinotyisa Quebec’s Burning Hate for God and Christ and Freedom Is the Shame of All Canada rakabudiswa, uye purogiramu yokuparadzira murudzi rwose yakaoneswa. Mapiona akakokwa kukumbira nokuda kwekirasi yakatevera yeGilead kuzogamuchira rovedzo yokuvashongedzera kuita iyi nhimbe chaiyo muQuebec. Ndakakumbira uye mukati memwedzi mishomanene ndakagamuchira kokero yokukirasi yechipfumbamwe yeGilead.
Upenyu Munyika Itsva
Sezvo ndakanzwa ndagadzirirwa nokuda kweQuebec, ndakashamiswa chose chose apo, pakupedza kufunda, ndakagoverwa somutariri wedunhu muOntario, Canada, kundoshanyira ungano dzoko dzinotaura chiNgezi. Bva ikoku kwakanga kusiri chinhu kukaenzaniswa nekatyamadzo yakauya mwedzi mitanhatu gare gare pandakapiwa tsamba yakabva kuSosaiti yaiva nomugove wokuAustralia.
Ikoko munyika itsva iyoyo, mugove wangu wokutanga wakanga uri wokubatira dunhu rinofukidza nyika yose yeWestern Australia, nharaunda hombe yamakiromita akaenzana kumativi mana ane 2 528 000! Rimwe dunhu rokutanga randakabatira murutivi rwepakati rweAustralia rwakabatanidza nzvimbo iri kure inonzi William Creek. Chapupu bedzi chaivako chaishandisa chitoro bedzi chezvinhu panomira chitima. Rimwe zuva ndakashamiswa nokuona karavhani yengamera yakatasviwa namaAborigine eAustralia ichisvika zvishoma nezvishoma pachitoro chacho. Ivo vakanga vauya kuzotenga zvinhu. Kurukurirano yakanga yakadai:
Kasitoma: Ndinoda majombo.
Mutengesi womuchitoro: Makuru kana kuti maduku here?
Kasitoma: Makuru.
Naikoko, kutengeserana kwakapedzwa, uye kasitoma yakabuda muchitoro kuzoisa majombo ake matsva pangamera yake. Imwe yakapinda.
Kasitoma: Ndinoda rokwe relubra (shoko reAborigine nokuda kwomudzimai).
Mutengesi womuchitoro: Guru kana kuti duku here?
Kasitoma: Duku.
Rokwe rakabudiswa, rakabhadharwa, uye rakapinzwa mubhegi kundoiswa pangamera yakamirira.
Nomukwanyina Weroorano
Makore matatu pashure pokusvika muAustralia, ndakaroora musikana akanaka weBrisbane, ainzi June Dobson. Pashure peroorano yedu, takapayona kwegore rimwe tisati takokwa kudzokera mubasa rokufambira, kutanga mubasa redunhu uye gare gare mubasa roruwa.
Pandakanga ndisina kuroora, ndakabatira nharaunda dzakawanda dziri kure ndiri pamudhudhudhu. Zvisinei, zvino mudzimai wangu neni takafamba nemotokari. Mugwagwa unogura Nullarbor Plain yakashata, umo tembiricha dzinowanzokukwira kupfuura 46° C, wakanga usina kugadzirwa kwamakiromita 1 200 uye une guruva rakatsetseka. Raimbumuka, zvokuti motokari yakafanana neigwa rinomhanya zvikuru rinopfuura nomumvura. Taisanovhara masuo ose namawindo netepi kudzivisa guruva rinopinda. Ikoku kwakaparira tembiricha yomukati memotokari kukwira zvikuru, asi kwakatidzivisira kufukidzwa neguruva.
Mukati mamakore edu mubasa roruwa, takafamba-famba munyika yeAustralia nguva nenguva, tichishanyira mataundi akawanda namaguta nokubatira magungano edunhu mumugariro uri wose unobvira. Patakavamba mubasa roruwa muna 1953, muAustralia maigova noruwa rumwe bedzi. Zvino mune mashanu.
Muna 1960 kokero isingakarirwi yakauya yokuti—tibatire paBheteri yeSydney muStrathfield. Musiano nebasa rokufambira wakanga uri mukuru, asi pakupedzisira ndakajaira basa rapadhesiki. Nokukurumidza, zvisinei, takashamiswazve. Pashure pokubatira paBheteri kwemwedzi 18, June neni takagamuchira kokero yokupinda kosi itsva yemwedzi 10 yeChikoro cheGilead.
Mukusiana nokudzidza kwangu kwekare paGilead paSouth Lansing, New York, nguva ino taiva muBrooklyn chaimo dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha. Pakupedza kufunda, takagoverwa kudzoka kuAustralia, zvakare kubasa rokufambira. Takabatira tiri munzvimbo iyoyo kutozosvikira muna 1981, apo takakokwa kudzoka kuBheteri yeSydney. Ikoko takakwanisa kugoverana mubasa guru rokutamisa hofisi yeBazu yose, fekitari, uye mhuri yeBheteri kubva paStrathfield kuenda kunzvimbo yakanga ichangobva kuvakwa paIngleburn, anenge makiromita 48 kubva pakati peSydney.
“Munzvimbo Dzinofadza”
Pano basa rangu padhesiki rebasa mufaro wezuva nezuva. Kuziva somunhu oga hama dzakawanda kwazvo nehanzvadzi dzinobva munyika yose nemhaka yamakore omubasa roruwa, ndine murangariro wokuvapo navatariri vamatunhu sezvo mishumo yavo inopinda vhiki rimwe nerimwe. Mishumo yavatariri veruwa inondipinza munhandare chaimo neHoro dzaMagungano nomugariro wose wegungano redunhu. Nemhuri yeBheteri yavanopfuura 110, iri munharaunda yakati ivei yomuruwa iri kure nemheremhere nokushatisa kweguta, mudzimai wangu neni tinonzwa kuti upenyu hwapaBheteri ndiwo mugumo we“nzvimbo dzinofadza.”
Pakupera kwerimwe zuva mumunakamwe muna May 1984, mutsinhiranisi weDare reBazu, H. V. Mouritz, akandiudza chinyararire kuti ndakanga ndagamuchira gadzo yakabva kuMutumbi Unodzora yokubatira somutezo weDare reBazu reAustralia. Kunzwa kwangu masikati iwayo kwakanga kwakafanana zvikuru nokwomuna 1947 pandakarava tsamba yokundigovera kubatira munyika ino inofadza.
Kuhwirudzura makore angu 65 oupenyu musangano raJehovha kunzwa zadziko yomunhu oga yePisarema 16:6. Zvamazvirokwazvo, “rwonzi rwokuyera” rwakandiwirira mu“nzvimbo dzinofadza” zvikuru. Kudai ndaifanira kurongazve upenyu hwangu, pasina panikiro ndaizosarudza chaizvoizvo nzira yandakatora. Hakungagoni kuva nomumwe muuyo unofadza zvikuru—nechimwe chinoitika chinotusa zvikuru.