Nzwisiso paNhau
Mafashamo Haana Kukatutsirwa
Nhauro yeBhaibheri yamafashamo apasi rose yanguve ichitsoropodzwa seyakavakirwa zvikuru pangano panzvimbo papaidi. New Catholic Encyclopedia inoti: “Kunowanzobvumwa zvino kuti chinoitika chaNoe neareka hausi mushumo wenhau asi rungano rwokufungidzira rwechimwe chimiro chose chose.” Vamwe vapanikiri vakaita nharo kuti mwando wose uri mumweya wakapoteredza pasi waizoparira bedzi mainji mashomanene emvura yapasi rose.
Asi mukuwirirana nenhauro yaGenesi, manyuko emvura dzamafashamo wakanga usati uchingova zvawo mwando waiva mumweya wakapoteredza pasi. Pana Genesi 1:6 tinoudzwa kuti Musiki akaraira, kuti: “Nzvimbo [yakapoteredza pasi] ngaivepo pakati pemvura, kuti iparadzanise mvura [dzamakungwa] nemvura [dzaiva pamusoro penzvimbo].” Mvura dzaiva pamusoro penzvimbo sezviri pachena dzakaramba dziripo kutozosvikira paMafashamo. Mukuwirirana nomuapostora Petro, “matenga” akapoteredza pasi uye mvura dzaiva pamusoro napasi pawo dzakanga dziri mutoo uyo kupfurikidza nawo “nyika yenguva [yaNoa] yakatambura ruparadziko apo yakafashamirwa nemvura.”—2 Petro 3:5, 6, NW; Genesi 1:7.
Miuyo inoparadzanya yeboporodzi remvura yakanzwiwa misi ichangobva kupfuura iyi muSouth Africa apo mafashamo akarova ruwa rweNatal ndokutora upenyu hunopfuura 300. Achitsinhira pamusoro pengwavaira yacho, mutsigiri wezvinhu zvine mwero K. H. Cooper akati: “Kazhinji kazhinji ndakashamisika kuti chii chaizoitika muzuva rino nezera kudai kukanaya kwamazuva 40 nousiku 40 pasina kumira. . . . Ko mvura yakadaro ingagona kuva yakaparadzanya hunodokuva upenyu hwose pasi pano here? Zvaakanga aona misi ichangobva kupfuura iyi chakaitika pashure pamazuva mana chete emvura muNatal,” Cooper akapfuurira kuti, “zvino ndinopwiswa nezvouchokwadi hwenhau yeTestamende Yekare.”
Kuitira Hanya Varombo Here?
Mukana unoparadzanisa varombo navapfumi unogona kuvharwa sei? Iyi ndiyo nhau yakakurukurwa naPapa John Paul II mutsamba yemisi ichangobva kupfuura iyi yaiva nomusoro unoti Sollicitudo rei socialis (The Social Concern). Papa akarangarira kuti chechi inofanira kunzwa ichisungirwa kuyamura nhamo yaavo vari kutambura. Seiko? “Atarisana nezvinoitika zvokushaiwa, munhu haagoni kuzvifuratira achida zvishongo zvechechi zvakanyanyisa nefanicha inodhura nokuda kwokunamata kwoumwari; mukupesana iyo ingagona kusungirwa kutengesa zvinhu izvozvi kuti igovere zvokudya, zvokunwa, zvokupfeka nepokurara nokuda kwaavo vanoshaiwa izvi zvinhu.”
Zvisinei, ichitsinhira pamusoro petsamba yapapa, nyanzvi yeVatican Domenico Del Rio yakati muLa Repubblica: “Kwakajeka kuti vanhu zvino vachave vachimirira kuti vaone . . . papa amene, uye avo vakamupoteredza, vachigadza muenzaniso. Basilica yeVatican namabasilica eRoma akazara ne‘fanicha inodhura,’ zvichidawo ‘zvishongo zvechechi zvokunyanyisa.’” Bva, mukuwirirana nemagazini yeFortune, “Vakuru vakuru veVatican vanoshatirirwa pfungwa yokuparadzana neketero yeGirisi kuti vawane mari.”
Apo Jesu akaraidza mutongi akapfuma ku‘tengesa zvinhu zvake zvose ndokuparadzira mari kuvarombo,’ munhu iyeyo akanga asingadi kuita saizvozvo. Iye “akaenda neshungu, nokuti wakanga ane pfuma zhinji.” Nenzira yakarurama, Jesu akanyevera, kuti: “Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.”—Marko 10:21, 22; Mateo 6:21.