Kuonga Hama Dzedu
“Nechidakadaka chehama chokusanyengera . . . , danai zvikuru nomwoyo wose.”—1 PETRO 1:22, NW.
1. Chii chakapwisa vanhu vazhinji kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa chiKristu chechokwadi?
RUDO chiratidzo chechiKristu chechokwadi. Mukati mezvokudya zvokupedzisira izvo Jesu akagoverana navaapostora vake, iye akasimbisa ikoku, achiti: “Ndinokupai murairo mutsva, kuti imi mudane; kungofanana neni ndakakudai, kuti imiwo mudane. Vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu kupfurikidza naizvozvi, kana muno rudo pakati penyu mumene.” (Johane 13:34, 35, NW) Vanhu vazhinji vakatanga kupwiswa kuti Zvapupu zvaJehovha zviri kushandisa chiKristu chechokwadi pavakapinda musangano paHoro yoUmambo kana kuti gungano guru. Ivo vakacherechedza rudo ruchishanda, uye kupfurikidza naikoku ivo vakaziva kuti vakanga vari pakati pavadzidzi vechokwadi vaKristu.
2. Chii chakataura muapostora Pauro pamusoro porudo, chiratidzo chakajeka chechiKristu?
2 Tose zvedu tinofara kuti ichi chiratidzo chakajeka chechiKristu chechokwadi chinocherechedzwa pakati pavanhu vaJehovha nhasi. Kunyanguvezvo, kufanana namaKristu apakuvamba, isu tinoziva kuti tinofanira kutsvaka nguva dzose dzimwe nzira dzokuratidzira nadzo kuonga hama dzedu. Pauro akanyorera ungano yaiva muTesaronika, kuti: “Ishe akukurisei, akuwanzisirei rudo pakati penyu nokuna vose.” (1 VaTesaronika 3:12) Tinogona sei kuwedzera murudo rwedu nokuda kwomumwe nomumwe?
Rudo uye Chidakadaka Chehama
3. Mukuwedzera kukurarama upenyu hwakachena, chii chakataura muapostora Petro kuti chakanga chiri madikanwa nokuda kwamaKristu?
3 Mutsamba yavose yakanyorerwa ungano dzechiKristu muAsia Minor, muapostora Petro akanyora, achiti: “Zvino izvo makachenesa mweya yenyu [kana kuti, upenyu] nokuteerera kwenyu zvokwadi nechidakadaka chehama chokusanyengera [phi·la·del·phiʹa] somuuyo, danai [chimiro chaa·ga·paʹo] zvikuru nomwoyo wose.” (1 Petro 1:22, NW) Petro anoratidza kuti hakuna kukwana kuchenesa upenyu hwedu. Kuteerera kwedu zvokwadi, kubatanidza murairo mutsva, zvinofanira kuguma nechidakadaka chehama chokusanyengera norudo rukuru nokuda kwomumwe nomumwe.
4. Mibvunzoi yatinofanira kubvunza, uye chii chakataura Jesu muna ikoku?
4 Ko rudo rwedu nokuonga hama dzedu zvinoratidzirwa bedzi kuavo tinoda here? Ko tinoda kuva vane rupo kuna ivava, tichitsinzinira meso edu kuzvikanganiso zvavo, nepo tichikurumidza kucherechedza mhaka nekundikano zvavamwe vatisinganzwiri rudo rwomuzvarirwo here? Jesu akati: “Kana muchida [chimiro chaa·ga·paʹo] vanokudai, muno mubairo weiko? Ko vateresi havaiti saizvozvowo here?”—Mateo 5:46.
5. Musianoi unoita nyanzvi yeBhaibheri pakati peshoko rechiGiriki rinoreva “rudo” uye iro rinoreva “chidakadaka”?
5 Mubhuku rake New Testament Words, Purofesa William Barclay anoita tsinhiro dzinotevera pashoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “chidakadaka” uye iro rinoshandurwa kuti “rudo”: “Pane ushamwari hwakanaka pamusoro paaya mashoko [phi·liʹa, kureva kuti “chidakadaka,” uye chiito chinowirirana phi·leʹo]. Iwo anoreva kutarira mumwe munhu nerangariro yechidakadaka. . . . Nokure mashoko anozivikanwa navose zvikurusa eT[estamende] I[tsva] nokuda kworudo izita rokuti agapē nechiito chokuti agapan. . . . Philia rakanga riri shoko rakanaka, asi chaizvoizvo rakanga riri shoko roushamwari nokuva pedyo nechidakadaka. . . . Agapē ane chokuita nendangariro: hausati uchingova zvawo murangariro unomuka usina kumanikidzirwa mumwoyo yedu; inheyo yatinorarama nayo namaune. Agapē zvikurukuru ane chokuti nechido. Rukundo, ukundi, uye basa. Hakuna munhu akamboda nomuzvarirwo vavengi vake. Kuda vavengi vako rukundo rwekombamiro dzedu dzose dzomuzvarirwo nemirangariro. Uyu agapē . . . chaizvoizvo isimba rokuda vasingadiwi, kuda vanhu vatisingadi.”
6. (a) Mibvunzoi inonzvera yatinofanira kuzvibvunza timene? (b) Mukuwirirana naPetro, neiko tisingagoni kuganhurira chidakadaka chedu chehama kuavo vatinokweverwa kwavari nomuzvarirwo?
6 Papembedzo yokuti Magwaro anobvumira kuva kwedu nemirangariro youshamwari zvikuru nokuda kwehama dzakati kupfuura vamwe, ko isu tinoda here kururamisa mirangariro yedu? (Johane 19:26; 20:2) Ko isu tinofunga here kuti tinogona kuratidzira “rudo” rwakatonhora, rwakarangarirwa kuvamwe nemhaka yokuti tinofanira, nepo tichichengetera chidakadaka chehama choushamwari avo tinokwezverwa kwavari? Kana zvakadaro, tapotsa pfundo rezano raPetro. Hatina kuchenesa zvakakwana mweya yedu kupfurikidza nokuteerera kwedu zvokwadi, nokuti Petro anoti: “Zvino izvo kupfurikidza nokuteerera zvokwadi imi makachenesa mweya yenyu kutozosvikira imi manzwa chidakadaka chechokwadi kuhama dzenyu dzechiKristu, danai nomwoyo wose nesimba renyu rose.”—1 Petro 1:22, The New English Bible.
“Chidakadaka Chehama Chokusanyengera”
7, 8. Chii chiri mviromviro yeshoko rinoshandurwa kuti “nokusanyengera,” naizvozvo neiko Petro akashandisa iri shoko?
7 Muapostora Petro anotopfuura. Iye anotaura kuti chidakadaka chedu chehama chinofanira kuva chisinganyengeri. Shoko rinoshandurwa kuti “kusanyengera” rinobva muchimiro chokuramba cheshoko rechiGiriki iro raishandiswa nokuda kwavatambi vapachikuva avo vaitaura zviso zvavo zvakafukidzwa nezvifukidziro. Ikoku kwaivagonesa kunyepedzera kuva vatambi vanoverengeka vakasiana-siana mukati momutambo. Shoko racho ipapo rakava nepfungwa yokufananidzira younyengeri, unyengedzi, kana kuti kunyepedzera.
8 Tinonzwa sei pasi mumwoyo yedu kuvamwe vehama dzedu nehanzvadzi vari muungano? Ko tinovakwazisa here pamisangano nenyemwerero yokumanikidzirwa, tichikurumidza kutarisa kumwe kana kuti kupfuurira? Zvakatoipa zvikuru, ko isu tinoedza here kusambovakwazisa? Kana zvakadaro, chii chinogona kutaurwa nezvokwedu “kuteerera zvokwadi” uko kunofanira kuva kwakachenesa mweya yedu kusvikira papfundo rokunzwa kwedu chidakadaka chechokwadi kumaKristu biyedu? Kupfurikidza nokushandisa shoko rokuti “kusanyengera,” Petro ari kutaura kuti chidakadaka chedu chehama dzedu hachifaniri kuva chokunyengera. Chinofanira kuva chechokwadi, chomwoyo wose.
“Zvikuru Nomwoyo Wose”
9, 10. Chii chakareva Petro paakataura kuti tinofanira kudana “zvikuru,” kana kuti “zvakatambanudzwa”?
9 Petro anowedzera, kuti: “Danai zvikuru [chaizvoizvo, “zvakatambanudzwa”] nomwoyo wose.” Hakudi kutambanudzwa kwomwoyo kuti tiratidze rudo kuavo vatine rudo rwavo rwomuzvarirwo uye vanodzorera. Asi Petro anotiudza kudana “zvakatambanudzwa.” Parunoratidzirwa pakati pamaKristu, rudo rwaa·gaʹpe harusati ruchingova harwo rudo rwoungwaru, rwunorangarirwa, rwakadai serwatinofanira kuva narwo nokuda kwavavengi vedu. (Mateo 5:44) Irwo rudo rukuru uye rwunoda nhamburiko. Rwunobatanidza kutambanudza mwoyo yedu, kuikudza kuti igogona kubatanidza vanhu vataisazokwezverwa kwavari nomuzvarirwo.
10 Muyake Linguistic Key to the Greek New Testament, Fritz Rienecker anotsinhira pamusoro peshoko rakashandurwa kuti “zvikuru,” kana kuti “zvakatambanudzwa,” muna 1 Petro 1:22. Iye anonyora, achiti: “Pfungwa huru ndeiya youchokwadi, ushingairi (kuita chinhu kwete zvakareruka . . . asi sokunge [no]kuedza nesimba) (Hort).” Kuedza nesimba kunoreva, pakati pezvimwe zvinhu, “kutambanudzira kukuru hukurusa.” Kudana zvikuru nomwoyo wose naizvozvo kunoreva kuzvishandisa timene zvikurusa munhamburiko dzedu dzokuva nechidakadaka cheshamwari dzedu dzose dzechiKristu. Ko vamwe vehama dzedu nehanzvadzi havana nzvimbo muzvidakadaka zvedu zvetsitsi here? Kana zvakadaro, tinofanira kukurisa.
“Mukuriswe”
11, 12. (a) Izanoi rakapa muapostora Pauro kumaKristu omuKorinte? (b) Pauro akagadza sei muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku?
11 Muapostora Pauro sezviri pachena akanzwa kudikanwa kwaikoku muungano yaiva muKorinte. Iye akanyorera maKristu eko achiti: “Imi, vaKorinte, muromo wedu wakashama kwamuri, mumwoyo wedu wakuriswa. Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumwoyo menyu. Zvino, mondidzosera saizvozvo (ndinotaura sokuna vana vangu), imiwo mukuriswe mwoyo.”—2 VaKorinte 6:11-13.
12 Tinogona sei kukurisa mwoyo yedu kuti ibatanidze hama dzedu dzose nehanzvadzi? Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku. Iye sezviri pachena aitsvaka zvakanakisisa muhama dzake, uye aidziyeuka kwete nokuda kwekundikano dzadzo asi nokuda kwamavara adzo akanaka. Ganhuro yokupedzisira yetsamba yake kumaKristu aiva muRoma inoratidzira ikoku. Ngatinzverei VaRoma ganhuro 16 uye tione kuti inoratidzira sei chimiro chakanaka chaPauro kuhama dzake nehanzvadzi.
Kuonga Kwoushamwari
13. Pauro akaratidzira sei kuonga kwake Fibhi, uye nei?
13 Pauro akanyora tsamba yake kuvaRoma ari muKorinte munenge mugore ra 56 N.V., mukati merwendo rwake rwechitatu rwoufundisi. Iye sezviri pachena akapa manyoro kumukadzi wechiKristu ainzi Fibhi, mumwe mutezo weungano yaiva pedyo yeKenkrea, uyo akanga achienda kuRoma. (Rava VaR. 16 ndima 1, 2.) Cherechedza kuti anomurumbidza noushamwari sei kuhama dzomuRoma. Nenzira yakati, iye akanga adzivirira maKristu akawanda, kubatanidza Pauro, zvichida mukati mokufamba kwavo vachipfuura napanomira ngarava pane basa rakawanda peKenkrea. Zvaakanga ari mutadzi asina kukwana, kufanana navamwe vanhu vose, Fibhi pasina panikiro aiva noutera hwake. Asi panzvimbo pokunyevera ungano yeRoma pamusoro pezvikanganiso zvaFibhi, Pauro akavaraidza kuti “mumugamuchire munaShe, sezvinofanira vatsvene.” Chimiro chakananga, chakaisvonaka zvakadini!
14. Ndizvinhui zvomutsa izvo Pauro akataura pamusoro paPriska naAkwira?
14 Kuvambira VaR. 16 pandima 3 kusvikira kundima 15, Pauro anotumira kwaziso kumaKristu anopfuura 20 anodudzwa nezita uye kuvamwe vazhinji vanodudzwa somunhu mumwe nomumwe kana kuti savazhinji. (Rava ndima 3, 4.) Ko iwe unogona here kunzwa chidakadaka chehama icho Pauro akanzwa nokuda kwaPriska (kana kuti, Prisira; enzanisa naMabasa 18:2) naAkwira? Ava vaviri vakanga vazviratidzira vamene kungozi nokuda kwaPauro. Zvino iye akakwazisa ava vashandi biyake nokuonga uye akavatumira kuratidzirwa kwokutenda nokuda kweungano dzaVamarudzi. Akwira naPrisira vanofanira kuva vakakurudzirwa sei neidzi kwaziso dzomwoyo wose!
15. Pauro akaratidzidza sei rudo rwake nokuzvininipisa pakukwazisa Androniko naJunia?
15 Pauro akava muKristu akazvipira sezviri pachena mukati megore rimwe kana kuti maviri orufu rwaKristu. Pakasvika nguva yaakanyora tsamba yake kuvaRoma, iye akanga ashandiswa naKristu somuapostora akatanhamara kumarudzi kwamakore akawanda. (Mabasa 9:15; VaRoma 1:1; 11:13) Bva, cherechedza rudo rwake nokuzvininipisa. (Rava VaR. 16 ndima 7.) Iye akakwazisa Androniko naJunia sa“vakakurumbira pakati pavaapostora [vakatumwa]” uye akabvuma kuti ivo vakanga vave vachibatira Kristu kwenguva refu kupfuura yaakanga aita. Hapana kurondwa kweshanje duku!
16. (a) Pauro akataura nezvamamwe maKristu aigara muRoma namashokoi orudo? (b) Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti idzi kwaziso dzakanga dziri mienzaniso ye“chidakadaka chehama chokusanyengera”?
16 Tinoziva zvishomanene kana kuti kusaziva chinhu nezvamaKristu apakuvamba akadaro akadai saEpeneto, Ampriato, uye Stako. (Rava VaR. 16 ndima 5, 8, 9.) Asi kupfurikidza chete nenzira iyo Pauro akakwazisa nayo vatatu vose, tinogona kuva nechokwadi chokuti ivo vakanga vari varume vakatendeka. Ivo vakanga vazviita vamene vanodiwa kwazvo kuna Pauro zvokuti iye akadana mumwe nomumwe wavo “mudikanwa wangu.” Pauro aivawo namashoko omutsa nokuda kwaApere naRufosi, achinongedzera kwavari mumwe nomumwe so“wakatendwa muna Kristu,” uye “musanangurwa munaShe.” (Rava VaR. 16 ndima 10, 13.) Kuonga kwakaisvonaka zvakadini kwokupa aya maKristu maviri! Uye tichiziva kunanga kwaPauro, tinogona kuva nechokwadi chokuti iko kwakanga kusiri muitiro zvawo. (Enzanisa na 2 VaKorinte 10:18.) Sezvineiwo, Pauro haana kukanganwa kukwazisa amai vaRufosi.
17. Pauro akaratidzira sei kuonga kukuru hanzvadzi dzake?
17 Ikoko kunotisvitsa kukuonga kwaPauro hanzvadzi dzake. Mukuwedzera kuna amai vaRufosi, Pauro akadudza vamwe vakadzi vechiKristu vasiri pasi pavatanhatu. Tatoona kuti iye akataura nomutsa sei nezvaFibhi naPriska. Asi cherechedza kuti iye akakwazisa Maria, Trifaina, Trifosa, naPersisi nechidakadaka chehama choushamwari zvakadini. (Rava VaR. 16 ndima 6, 12.) Munhu anogona kunzwa kuti mwoyo wake wakaenda kuidzi hanzvadzi dzinoshanda nesimba idzo dzakanga dza“bata zvikuru” nokuda kwehama dzadzo. Kunovaka sei kuona kuonga kwomwoyo wose kwaPauro nokuda kwehama dzake nehanzvadzi, pasinei zvapo nokusakwana kwavo!
Kusanyumwira Vavariro Dzehama Dzedu
18. Tinogona sei kuvavarira kutevedzera Pauro, asi chii chingava chiri madikanwa?
18 Kuregerereiko kutevedzera Pauro ndokuedza kuwana chimwe chinhu chakaisvonaka chokutaura pamusoro pehama iri yose nehanzvadzi iri muungano? Nokuda kwavamwe, hausati uchizotongova nechinetso. Nokuda kwavamwezve, kungada kunzvera kushomanene. Kuregerereiko kuedza kupedza nguva yakati unavo kuti usvike pakuvaziva zviri nani? Iwe zvirokwazvo uchawana mavara akanaka mavari, uye, ndiani anoziva, ivo vangasvika pakukuonga kupfuura munguva yakapfuura.
19. Neiko tisingafaniri kunyumwira vavariro dzehama dzedu, uye Jehovha anotigadzira sei muenzaniso wakaisvonaka worudo?
19 Hatifaniri kunyumwira vavariro dzehama dzedu. Vose zvavo vanoda Jehovha; nezvisizvo vangadai vasina kutsaurira upenyu hwavo kwavari. Uye chiiko chinovadzivisa kudzokera munyika, vachitevera nzira dzayo dziri nyore? Rudo rwavo nokuda kwaJehovha, kururama kwake, uye Umambo hwake pasi paKristu. (Mateo 6:33) Asi ivo vose, munzira dzakasiana-siana, vari kufanira kurwa nesimba kuti varambe vakatendeka. Jehovha anovada nokuda kwaikoku. (Zvirevo 27:11) Iye anovagamuchira savabatiri vake pasinei zvapo nezvikanganiso zvavo nokukundikana. Ikoku zvakwakadaro, ndisu vanaani tinoramba kuvapinza muchidakadaka chedu chetsitsi?—VaRoma 12:9, 10; 14:4.
20. (a) Mukuwirirana netsamba yaPauro kuvaRoma, tinofanira kunyumwira vanaani bedzi, uye inhungamiro yaani yatinogona kutevera zvakakotsekana muna ikoku? (b) Kukasadaro, tinofanira kurangarira sei hama dzedu dzose?
20 Avo bedzi nezvavo Pauro anotinyevera kunyumwira “vanopesanisa, navanogumbusa,” uye avo vanoita “zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imi.” Pauro anotiudza kutarisisa vanhu vakadaro ndokuvadzivisa. (VaRoma 16:17) Vakuru veungano vachave vaedza kubetsera ivava. (Judhasi 22, 23) Naizvozvo tinogona kuvimba navakuru kutizivisa kana vakati vachifanira kudziviswa. Kukasadaro, tinofanira kurangarira hama dzedu dzose sedzakafanirwa nechidakadaka chehama chokusanyengera, uye tinofanira kudzidza kudzida zvikuru nomwoyo wose.
21, 22. (a) Chii chiri mberi kwedu? (b) Migariroi ingamuka, naizvozvo inguva, yokuitei? (c) Chii chicharangarirwa munyaya inotevera?
21 Satani, madhemoni ake, uye tsika yake yose yenyika yezvinhu zvinorwisana nesu. Har–Magedhoni iri pamberi pedu. Iyo ichatangwa nedenho yaGogi waMagogi. (Ezekieri, ganhuro 38, 39) Panguva iyoyo, tichada hama dzedu kupfuura nakare kwose. Tingazviwana timene tichida betsero inopiwa navanhu vamene vatisingaongi zvikuru. Kana kuti ivava vamene vangada betsero huru yedu. Ino ndiyo nguva yokukura ndokuwedzera kuonga kwedu hama dzedu dzose.
22 Kuonga hama dzedu kunobatanidza, chokwadika, rurumekedzo rwakafanira nokuda kwavakuru veungano. Muna ikoku, vakuru vamene vanofanira kuva mienzaniso yakaisvonaka kupfurikidza nokuratidza kuonga kwakafanira kwete bedzi hama dzose asiwo vakuru biyavo. Rutivi urwu rwenhau rwucharangarirwa munyaya inotevera.
Mapfundo Ehwirudzuro
□ Ndechipi chiri chiratidzo chakajeka chechiKristu chechokwadi?
□ Neiko zvose zviri zviviri rudo nechidakadaka chehama zviri madikanwa?
□ Tinogona sei kudana “zvikuru,” kana kuti “zvakatambanudzwa”?
□ Muna VaRoma ganhuro 16, Pauro akaratidza sei kuonga hama dzake nehanzvadzi?
□ Neiko tisingafaniri kunyumwira vavariro dzehama dzedu?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Edza kuwana mavara akanaka muavo usingakweveri kwavari nenzira yomuzvarirwo