Kusangana Nedenho Yendima Yekaresa Pasi Pano
MAMBO hwamatenga hwaswedera pedyo.” Kuvazivisi 370 va“mashoko akanaka” muHurumende yazvino uno yeIsrael, kuzivisa shoko iroro kune revo chaiyo. Neiko? Nemhaka yokuti makanga muri muno umo shoko roUmambo rakatanga kuziviswa naJesu Kristu makore 2 000 apfuura. (Mateo 4:17; 24:14, NW) Ikoko kunoita kuti Israel ive ndima yekaresa pasi pano umo mashoko akanaka ari kuparidzirwa.
Kuvambira pamavambo chaipo, zvisinei, iyi yave iri ndima inodenha. Kunyange zvazvo vazhinji vakaratidza fariro mushoko raJesu, vashomanene vakapfuura ipapo. (Johane 6:2, 66) Nhasi, denho yacho iri mumhatsa murudzidziso, shambidziko, uye mirangariro yezvamatongerwe enyika.
Pane rumwe rutivi, kune maArab ane mamirioni 2,2. Pakati pavo pane maKristu nezita, maMuslim anoshingaira kana kuti asingashingairi, mitezo yokutenda kwedu Druze, uye vanoti havadaviri kuvapo kwaMwari. Ivo vakarongwawo munzira dzakasiana-siana mune zvamatongerwe enyika, vamwe vachida kutangwa kwehurumende yePalestine yakazvimirira muWest Bank neGaza Strip.
Pane rumwezve rutivi, kune vaIsraeri vechiJudha vane mamirioni 3,5, vakakamuraniswawo munzira dzakawanda. Vamwe vakatama vachibva Morocco, Yemen, Iraq, uye Syria. Vamwe vakabva kuEurope neRussia. Vamwezve vakabva India, America, Ethiopia, South Africa, uye kune dzimwe nzvimbo. Ivo vanogara munzanga dzine shambidziko yadzo dzimene namagamuchidzanwa pamwe chete nedudziro yavo yechienzi yechiJudha nenzira yokuchishandisa nayo.
Kune, somuenzaniso, rabhi mukuru wavaJudha veAshkenazi (Europe) uye mumwe wavaJudha veSephardic (Middle East). Nepo voruzhinji vachiratidzira fariro huru munhau dzezvamatongerwe enyika, kune vaJudha vorudzidziso zvikuru vasingazivi kunyange kuvapo kweHurumende yeIsrael uye vanoramba kubhadhara mitero. Ipapo kune vapukunyuki voKuuraya kukuru, vazhinji vavo vachiri kutambudzwa nomuedzo wavo wakapfuura, mumwe nomumwe ane chinoitika chake amene chinotambudza chokutaura. Nenzira inowedzerawo vazhinji vari kutaura kuva vasingadaviri kuvapo kwaMwari, vachibatirira kuuzivi hukuru hwomunhu oga. Chinhu chimwe chakabatanidza pamwe chete vanhu vechiJudha kupukunyuka kwavo savanhu nesangano rezvamatongerwe enyika.
Kusangana Nedenho
Pashure pokumira kwamakore anopfuura 1 800, basa rokuparidzira Umambo rakatangwa zvakare muno pamwero muduku muna 1913. Panguva iyoyo, rimwe jaya raifarira Bhaibheri rakatanga kudyara mbeu yoUmambo muRamallah, anenge makiromita gumi namatanhatu kuchamhembe kweJerusarema. Kuvambira ipapo mashoko akanaka akapararira kuvagari vechiArab veBeit-Jala neHaifa. Nokukurumidza pashure peHondo yeNyika II, hanzvadzi mbiri dzeZvapupu zvechiJudha dzakaita kuti basa racho ritangwezve munharaunda yeTel Aviv/Jaffa. Nhasi, kune ungano nhanhatu namapoka maviri eZvapupu zvaJehovha zvinobatira muHaifa, Tel Aviv, Betlehem, Ramallah, Lod, uye munharaunda yeBeer-Sheba.
Sezvazvakanga zvakaita mazana amakore 19 apfuura, ushumiri hwapaimba neimba huchiri nzira inobudirira zvikurusa yokuwana nayo avo vanofarira mashoko akanaka. (Ruka 8:1; enzanisa naMabasa 5:42.) Kutaura idi, kuenzanisa nedzimwe nyika, mufarwa kupupurira nouyu mutoo muno. Kazhinji kazhinji, vanhu vanoda kuziva pamusoro peshoko redu uye vanokumbira vaparidziri voUmambo kupinda nokuda kwekurukurirano. Uku kunoda kuziva kazhinji kazhinji kunotungamirira kukugoverwa kwamagazini edu namamwe mabhuku eBhaibheri. Kazhinji kazhinji, zvinyorwa zvakadaro zvinopfuudzwa pamuvakidzani kuenda kumuvakidzani, kuchiguma nokudzidza zvokwadi yeBhaibheri kwavamwe vanhu.
Uku kuda kuziva kumwe chete, zvisinei, kazhinji kazhinji kunova tyisidziro kumbeu isina kusimba yezvokwadi mumwoyo yavatsva. (Mateo 13:20, 21) Vavakidzani, shamwari, uye zvikurukuru vatungamiriri vorudzidziso vanoita unani hwavo kukudzvinyirira, kuseka, kutyisidzira, uye muzvimwe zvinoitika kurova avo vanoratidza fariro mushoko roUmambo. Somuuyo, vamwe vakarasikirwa nebasa, nepo vamwe vakagurwa chose chose neshamwari nemhuri. Avo vanomira vakasimba ndokuva Zvapupu zvaJehovha vanofanira kutsungirira mwoto yechishoro.—Enzanisa naJohane 9:22.
Chishoro chinouyawo mudzimwe nzira. Zvapupu zvechiJudha zvakadenhwa nechikwata. Hofisi yebazu neHoro yoUmambo muTel Aviv neHoro yoUmambo muHaifa zvakava zvipfuro zvavapisi. Zvino kune dzvinyiriro huru iri pazvose zviri zviviri Zvapupu zvechiArab nechiJudha yokutsigira mukakavadzano yezvamatongerwe enyika pamusoro pokutangwa kwehurumende yePalestine. Dzichichengeta chimiro chokusatora rutivi munhau dzakadaro, hama dzinotsanangura nokungwarira pakutaura kuti hakuna sangano ravanhu rinokwanisa kupedza zvinetso zvorudzi rwomunhu runorwara. Panzvimbo pezvo, mukutevedzerwa kwoMutungamiriri wavo, Jesu Kristu, Zvapupu zvinonongedzera kuUmambo hwaMwari somushonga bedzi.—Johane 17:16; 18:36.
Chibereko choUmambo Chinoberekwa
Pasinei zvapo nedenho dziri muiyi ndima yekaresa yokupupurira, avo “vanonzwa shoko ndokuwana mufungo waro” vanobereka chibereko choUmambo muuyu munda. (Mateo 13:23, NW) “Kune vanhu vane nyota yezvokwadi, vadi vokururama avo vari kuitsvaka chaizvoizvo,” akadaro mumwe mushumiri wenguva yakazara ane ruzivo rwokuzviwanira. “Ivo havapesvedzerwi nemifungo kana kuti dzvinyiriro zvinobva kuvamwe. Apo banza rokudzidza zvokwadi rinowanika, ivo vanokurumidza kuribata.” Zvinoitika zvakawanda zvinotsigira iri pfundo.
Zvaakarerwa mukonivhendi muGreece, Benvenida akaororwa zvikuru kwazvo neizvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pe“chimiro chokunamata chiri chakachena nechisina kusvibiswa,” ndiko kuti, “kutarisira nherera nechirikadzi mudambudziko ravo, uye kuzvichengeta umene usina ruvara runobva munyika.” (Jakobho 1:27, NW) Somusikana muduku wechiJudha, iye haana kuwana chinhu kunze kwe“ngwavaira pashure pengwavaira,” sezvaakadaro. Iye akatsungirira nhamo yokutapa kweNazi nehondo yavagari vemo, umo iye akarasikirwa nomurume wake. Asi tariro yake yokuwana vanhu vakatendeseka navasinganyengeri haina kutongopera.
Pashure pokuenda kuIsrael muna 1949, Benvenida akaronda basa somuberekesi kutozosvikira pakurega kwake kushanda muna 1974. “Mukati menguva iyoyo yose,” iye akadaro, “ndakaramba ndichizvibvunza ndimene, kuti: ‘Varipiko vanhu vaye vakanaka navakatendeseka avo Bhaibheri rinorondedzera? Iripiko ruramisiro munyika ino?’” Iye akatanga kushandisa chiJudha, achipinda musinagoge nokuchengeta Sabata namazororo. Asi makuhwa nokupopotedzana pakati pemitezo yeungano yake yomunzvimbomo zvakamuita kuti ave nenzara zvikuru kwazvo ye“chimiro chokunamata chiri chakachena nechisina kusvibiswa.”
Pakupedzisira, muna 1985, pane imwe yeshanyo dzegore negore dzaBenvenida kutsime routano muGreece, mumwe mukadzi Chapupu airapwa ipapo akatanga kurukurirano naye. Kurukurirano refu yakatevera. Usiku humwe chetehwo, Benvenida akapinda musangano wake wokutanga paHoro yoUmambo yomunzvimbomo uye akaororwa zvikuru kwazvo noushamwari nouchokwadi zvehama nehanzvadzi.
Benvenida akapfuuridzira fundo yake apo iye akadzokera kuIsrael, uye rinenge gore rimwe nehafu gare gare, iye akabhapatidzwa muratidziro yetsauriro yake kuna Mwari wezvokwadi, Jehovha. “Pakupedzisira,” iye akadaro, “pashure paaya makore ose uye pazera re 70, ndakawana vanhu vanyoro navanozvininipisa Bhaibheri rinotaura pamusoro pavo, avo vanondibata somunhu. Zvino, zuva rimwe nerimwe randinorarama izuva romufaro nedonzo!”
Moshe akanga ari mumwe mutsvaki wezvokwadi aingomirira zvake ku‘nzwa inzwi romufudzi akaisvonaka.’ (Enzanisa naJohane 10:14-16.) Kunyange zvazvo Moshe nguva dzose aida Magwaro, makanga muri mukopi ye“Testamende Itsva” mukoma wake akanga odokurasa umo iye akadzidza pamusoro paJesu Kristu, uye iye akaororwa zvikuru kwazvo. Nguva yakati gare gare, Moshe akakumbanira mushandi biyake mufundo yake yeBhaibheri nechimwe Chapupu uye akapinda hurukuro yakakurukurwa nomukurukuri anoshanyira. “Izvi ndizvo izvo ndaida kunzwa nguva dzose!” iye akadaro pashure pomusangano iwoyo wokutanga.
Pashure pemhinganidzo yokutanga, fambiro mberi Moshe yakakurumidza. Mukati memwedzi mitanhatu, iye akabhapatidzwa. Zvisinei, fambiro mberi yake yakaunza chishoro chakabva kumhuri yake, zvikurukuru kumudzimai wake. Iyoyi yakasvika pamugumo apo iye, somwanakomana mukurusa mumhuri, akaramba kutora rutivi muminyengetero yomuitiro pamariro ababa vake. Mukuwedzera, shamwari nehama dzokunyama vakaudza mudzimai wake kuti aifanira ‘kuita chimwe chinhu nokukurumidza’ asati apa chinhu chiri chose kuungano. “Ndakanyaradza rutyo rwake nokuisa furati muzita rake,” Moshe akatsinhira kudaro. Uye kupfurikidza nokuronga zvakafanira nguva yake, akakwanisa kuchengeta dzikamo inofadza pakati pemhuri yake nemitoro yeungano.
Zvisinei, hadzisi hama dzokunyama dzose dzinoshora zvokwadi. Nehai akagoverana izvo akanga adzidza muBhaibheri nomurume wake, Hanna, uyo panguva iyeyo aishingaira zvikuru mune zvamatongerwe enyika. Nokukurumidza, vose vari vaviri vakasvika pakuziva kuti Umambo hwaMwari ndiyo tariro bedzi yorudzi rwomunhu runodzvinyirirwa. Naizvozvo ivo vakava vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha uye vakatanga kupupurira pakati pemhuri dzechiArab muHaifa nemisha yakapoteredza. Zvikurukuru ivo vakapupurira pakati pemhuri yavo vamene huru, vanhu vane 252 pamwe chete.
Ikoku kwave kuri denho here? Hungu, nokuti kunze kwokufanira kuchaira awa nehafu kuenda bedzi kumisha yechiArab kunoita shanyo, shiviriro huru netsungiriro zvaidikanwa. “Pane dzimwe nguva vakasiana-siana vanokuudza kuti havadi kunzwazve. Apo ikoko kunoitika, uchafanira kurega kutaura. Gare gare, zvichida unogona nenzira yokungwarira pakutaura kupinda munhau yacho zvakare. Kwakafanana nokubanirwa kunze napasuo rapamberi pokukwira uchidzokera napawindo,” Hanna akadaro. Kwose ikoku kwakabhadhara. Kusvikira panguva ino, 24 vehama dzake dzokunyama dzapedyo 36 vakaratidzira fariro yakakomba muMagwaro, uye 13 vavo vari kufunda Bhaibheri naHanna kana kuti zvimwe Zvapupu. Kusvikira pamusi uno, vashanu vehama dzake dzapedyo dzokunyama pamwe chete nomwana wake amene vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha, uye vamwe vatatu vari kufambira mberi kupfundo iroro.
Zviverengero Zvapamusoro Zvitsva Mundima Yekaresa
Zvinoitika zvinofadza zvakafanana neizvi zviri kuwedzera muno muIsrael, uye kariro dzokukura dzinokurudzira zvikurusa. Muna 1988 chiverengero chavazivisi voUmambo chakasvika chiverengero chapamusoro chavane 370. Chiverengero cheavhareji chefundo dzeBhaibheri dzinoitiswa mwedzi mumwe nomumwe mumisha yavanhu vanofarira chakasvetuka kubva pa 89 muna 1979 kusvikira ku 301 muna 1988—wedzero ye 240 muzana!
Kwose ikoku kunounza mufaro mukuru kuZvapupu zvaJehovha zviri muiyi nyika yakare. Tinokarira zvikomborero zvinotova zvikuru zvinobva kuna Mwari wedu, Jehovha, sezvatinofambira mberi nebasa rokuita vadzidzi mundima yekaresa pasi pano.
[Mifananidzo iri papeji 26, 27]
Pamusoro: Garden Tomb, Jerusalem
Pakatarisana: Zviono zvomusika nomugwagwa muIsrael
Pasi: Hofisi yebazu muTel Aviv