Kuita Basa Renguva Yakazara Basa Roupenyu Hwose
YAKATAURWA NAMAX LARSON
MUNA 1910 amai vangu, vane vabereki vose vari vaviri vakanga vafa, vakabva Denmark ndokukwira ngarava yokuUnited States. Ivo vaingova namakore 18 bedzi, vaisataura chiNgezi, uye vaisaziva munhu mumwe zvake munyika macho.
Pakusvika muNew York City, ivo vakakwira chitima chokuSouth Dakota, rwendo rwamakiromita anopfuura 2 400. MuSouth Dakota, umo makanga mune musha wavagari veDenmark, ivo vakasangana nomurume uyo aizova baba vangu. Ivo vakaroorana pana September 20, 1911.
Pakuvamba muna 1913 Baba vakaenda vari voga nengoro ine denga kuMontana kuzowana pokugara papurazi yaiwanika. Ikoko ivo vakavaka imba yamatanda ine kamuri rimwe. Apo iyoyi yakapedzwa muzhezha, amai vangu vakauya nechitima kuzovakumbanira, pamwe chete namukoma vangu, Norman, uyo akanga ane mwedzi mishomanene chete yokukura.
Makore maviri gare gare mwana wechipiri akanga ari munzira. Sezvandakataura mujee, ini “ndakabetsera” Amai kupfirira denga, sezvo ikoko kwakanga kuri kwavakanga vachiita kuwedzero yeimba zuva rapamberi pokuberekwa kwangu. Zuva rakatevera racho, April 29, 1915, apo Baba vakauya vachibva kumunda nokuda kwezvokudya zvamasikati, Amai vakati: “Ndinofunga kuti ndichava nomwana.” Masikati iwayo ndakaberekwa. Bva pakasvika madekwana, apo Baba vakauya kumusha zvakare, Amai vakanga vakamuka uye chirairo chakanga chakavagadzirirwa!
Makore matatu gare gare hanzvadzi yangu Jean yakaberekerwa panzvimbo imwe cheteyo. Gore rakatevera racho mhuri yedu yakatamira kumabvazuva eMontana, uko Baba vakarenda purazi. Muna 1921 hanzvadzi yangu yechipiri, Laverna, yakaberekwa, uye isu vana vana takakurira mumahwene eMontana.
Kuumbwa Kwoupenyu Hwangu
Vabereki vangu vakanga vari vaLutheran, uye Svondo riri rose vatanhatu vedu taienda kuchechi. Asi nokukurumidza mumwe muvakidzani, muInternational Bible Student, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaidanwa panguva iyeyo, akavamba kushanyira Amai ndokufunda Bhaibheri navo. Pashure makore maviri, Amai vakagamuchira zvokwadi dzeBhaibheri dzavakanga vachifunda, uye muna 1925 vakabhapatidzirwa muchikwembe chamabhiza. Baba kana kuti isu vana hatina kugamuchira kutenda kwavo kwakanga kuchangobva kuwanwa, asi tose zvedu takafara kurega kuenda kuChechi yeLutheran. Amai nguva dzose vaitiudza kuti: “Imi hamudi kubatira Jehovha, asi musatongopunze mitemo yake.” Iri zano rakabetsera kutidzivisa kupinda munhamo.
Mhuri yedu yavatanhatu yakanga ichirima mahekita 320 emunda namabhiza 14 neturakita imwe. Takanga tisina magetsi kana kuti pombi dzemvura dzomukati, uye mvura yedu yose yaifanira kutakurwa ichibva kutsime kure namakiromita mana. Nokusanaya kwemvura mukuvamba kwama 1930 nekundikano yokucheka zvirimwa kwamakore mana, takasarudza kutamira kuNyika yeWashington. Mukugadzirira kutama kwacho, taifanira kutamisa zvinhu zvepurazi nemhuri kubva Montana kuenda kuWashington. Naizvozvo mugove wangu wakanga uri wokuperekedza chitima ndokuona kuti mabhiza edu aipiwa zvokudya nemvura munzira. Pashure pamazuva matanhatu, pakupedzisira ndakasvika pamhenderekedzo yegungwa yokumadokero yeWashington.
Ikoko ndakabetsera Baba kutanga ndokutarisira purazi remombe dzomukaka. Pashure perinenge gore rimwe, pazera ramakore 20, ndakashinga kuenda ndiri ndoga, ndichichaira rori dzinotakura matanda mumakomo uyewo kupedza mwedzi mitanhatu ndiri muAlaska sainjinia wengarava. Muna 1938 hanzvadzi yangu Jean neni takava namabasa muSeattle uye takanga tichigara muimba yegwa paLake Union. Zhezha iroro, Amai, avo vakanga vachigara kure namakiromita 80, vakapinda kokorodzano yegore negore yeZvapupu zvaJehovha muSeattle. Sezvo nzvimbo yekokorodzano yakanga iri pedyo zvokuenda netsoka kubva pamba yedu yegwa, takavakoka kugara nesu. Ivo vakadaro, uye takabvuma kupinda kokorodzano.
Kusarudza Basa Rangu Roupenyu Hwose
Chitanhatu madekwana, Joseph F. Rutherford, panguva iyeyo purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, akataura pamusoro pomusoro unoti “Vadi Vokururama.” Hurukuro yake yakabata noushumiri hwenguva yakazara, kana kuti basa roupiona. Pashure payo Bill Griffith, uyo akanga akagara pedyo neni, akati: “Max, hezvoka. Hendei kundopayona!”
“Zvakanaka,” ndakapindura. “Ngatihuite.”
“Uri kutamba, hausi here?” Bill akabvunza kudaro.
“Aiwa,” ndakapindura kudaro. “Pashure pokunzwa hurukuro iyoyo, ndinopwiswa kuti ndichinhu chakarurama chokuita.”
“Asi iwe hausati uchimbova muparidzi. Hausati wabhapatidzwa.”
“Chokwadi, asi ivo vangoita zvavo chiziviso chokuti kuchava norubhapatidzo mangwana. Ndichabhapatidzwa panguva iyeyo.”
Naizvozvo, namanyemwe, takaenda kuBato reBasa roMumunda kuzotora kumbiriso dzedu dzoupiona. Ikoko takasangana naHama Van Amburgh, munyori nomutarisiri wemari weSosaiti. Apo takamuudza zvatakanga tichiita, akatiendesa parutivi ndokutaura kwatiri sababa. “Zvino musaita ikoku sokunge kuedza kana kuti chinoitika chinofadza,” iye akadaro. “Muri kuita chinhu chakarurama, asi pindai muna ichochi sokunge ibasa renduramo yenyu.” Uye zano iroro nguva dzose rakandibetsera zvikuru kwazvo. Naizvozvo takapinza kumbiriso dzedu, uye zuva rakatevera racho, June 5, 1938, ndakabhapatidzwa.
Mugove Wokutanga Woupiona
Zuva rakatevera racho, Muvhuro, ndakazivisa mushandirwi wangu kuti ndakanga ndichirega basa rangu kuti ndive mushumiri. Ndakapedza vhiki iroro rokutanga mufundo yokungwarira yebhuku razvino uno zvikuru reSosaiti, raiva nomusoro unoti Enemies, uye ndakapinda misangano yose. Vhiki rechipiri, ndakafunda bhuku idzva zvikurusa rinotevera, Riches. Uye vhiki rechitatu, ndakagamuchira mugove wangu woupiona, uyo wakanga uri Raymond, Washington.
Ikoko, Bill neni takaona boka ravane 27 richiva nemisangano mumusha womumwe weZvapupu. Miraidzo yedu yaiva yokuitisa misangano yose nokubetsera vaparidzi ndokuvarovedza kuitisa fundo dzeBhaibheri, iro rakanga riri basa idzva panguva yacho.
PaMusangano weBasa wokutanga, paChina, ndakakumbira mubatiri weboka, seizvo mutariri anotungamirira aidanwa panguva iyeyo, kuenda neni madekwana anotevera kuzoedza kutanga fundo yeBhaibheri. Iye akataura kuti akanga akabatikana. Naizvozvo Bill neni takabuda tiri toga. Pakudzokera, takamiswa pamharadzano kubvumira paredhi yeAmerican Legion kupfuura. Kushamisiko yedu, mutungamiriri weparedhi yacho akanga ari mubatiri weboka.
Svondo rokutanga iroro, ndakatanga fundo yangu yeBhaibheri yapamusha yokutanga nomumwe murume. Pashure pacho, ndakaitisa Fundo yangu yokutanga yeungano yeNharireyomurindi. Nenzira inoshamisa, makanga muri muchinyorwa chaJune 1, 1938, makasumwa udzori hwoubati ushe hwoumwari mukati meungano. Pavane 27 vaisonganirana, 3 bedzi vakagamuchira gadziriro itsva youbati ushe hwoumwari.
Mhuri Yamapiona
Nokukurumidza pashure pokunge ndatanga kupayona, hanzvadzi dzangu namukoma wangu, Norman, vakatangawo ushumiri hwenguva yakazara. Norman nomudzimai wake vakatengesa purazi ravo, vakatenga turera ina mamita 3,7, uye nomwanasikana wavo ane makore matatu okukura, Joan, vakaenda kundoparidzira. Sezvineiwo, apo ivo vakashanda muRaymond muna 1941, Norman akandinyorera kuti 24 vakanga varamba gadziriro youbati ushe hwoumwari vakanga vaenda ndokukumbanira boka ravawi pakutenda.
Zvisinei, fundo yeBhaibheri yokutanga iya yangu panguva iyeyo yakanga iri mubatiri weboka!
Mwanasikana waNorman Joan nomurume wake, Maurice O’Callaghan, zvino vava mugore ravo iri rechi 24 rokushanyira ungano mubasa redunhu. Hanzvadzi yangu duku, Laverna, akapinda kirasi yechi 12 yechikoro chavafundisi cheGilead muna 1949 uye akagoverwa kuItaly. Budiriro yapakuvamba yebasa roufundisi ikoko yakaguma nokuendeswa kwake kuSwitzerland, uko iye achiri kugara nomurume wake.
Chishuvo Chebasa Rakakura
Pashure pokubatira sapiona wenguva dzose kwemwedzi miviri, ndakagoverwa kubasa roupiona chaihwo. Akakumbanira Bill neni panguva iyoyo akanga ari Warren Henschel, mukoma waMilton Henschel. Milton zvino mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.
Makanga muri mumwedzi wokutanga wokuita upiona chaihwo apo ndakamira mamwe madekwana kuti ndichishanyire Albert Hoffman. Iye akanga ari mutariri wenharaunda, kana kuti anofambira, uye akanga achigara muturera nomudzimai wake, Zola, mhiri kwomugwagwa kubva kuHoro yoUmambo. Mukati mamakore iwayo oMugariro Wakashata Wokutengeserana, taiwanzotsinhanisa mabhuku nezvinhu zvokudya. Zuva iroro ndakanga ndatsinhanisa nedengu guru ramapeya, naizvozvo ndakashanyira Hama Hoffman ndokumubvunza kana aida kuva namamwe. Iye akafara zvikuru ndokundikoka kupinda.
Yaiva nguva inenge yechipfumbamwe apo iye akapfuurira kundiudza pamusoro peBible House (zvino inonzi Bheteri), dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Pakupedzisira, mudzimai wake akati: “Unoziva here kuti inguvai? I 4:30.” Takanga tataura usiku hwose! Ndisati ndaenda kundorara mukamuri riri pamusoro peHoro yoUmambo, ndakanyora tsamba ndichikumbira kumbiriso yeBheteri, uye ndakabuda nokukurumidza ndokuposita chikumbiro changu.
Zuva riri rose ndakachengeta nhau yacho iri pamberi paJehovha mumunyengetero, uye mwedzi mitatu gare gare ndakafara kugamuchira tsamba yangu yekokero kuBheteri yeBrooklyn. Mukugadzirira rwendo rwacho, ndakapa motokari yangu kuhanzvadzi yangu Jean, uyo panguva ino akanga avawo piona chaiye. Kwamazuva matanhatu nousiku hutanhatu, ndakakwira bhazi mumadutu maviri muMontana nomumaDakota uye pakupedzisira ndakasvika muNew York City, January 14, 1939.
Basa reBheteri
Ndakanyorwa nomubatiri weBheteri, Grant Suiter, uye panguva iyeyo ndakatumirwa kufekitari kunoshuma kuna Nathan Knorr, mubatiri wefekitari. Mugove wangu wokutanga wakanga uri kusunga makatoni amabhuku muBato roKutumira Mabhuku. Vhiki rechipiri, ndakagoverwa kuuriri hwemichina yokutsikirira yerotari. Hama Knorr akati: “Kana ukagona kudzidza kushandisa uyu muchina mumwedzi mitanhatu, unogona kuva mushandisi, sezvo mushandisi wazvino achaiswa pamuchina mutsva.” Ndakadzidza uye ndakafarikanya chose kushandisa muchina wacho.
Pashure pegore nehafu ndiri mukamuri rokutsikirira, Hama Knorr akauya pamuchina rimwe zuva ndokuti: “Max, ungada sei kushanda muhofisi?”
“Haiwa, Hama Knorr, iroro ndiro basa rokupedzisira randaizosarudza. Asi kana uri mugove wangu, ndichauita fariro yangu yokutanga.”
“Shuma kwandiri muhofisi mangwanani oMuvhuro,” iye akapindura kudaro.
Ndave ndiriko chibviro chenguva iyeyo. Pakutanga, ndakashanda somubatsiri waHama Knorr, uye ipapo apo Hama Rutherford vakafa pana January 8, 1942, Hama Knorr vakava purezidhendi, uye Ini ndakagadzwa kuva mutariri wefekitari. Ndakanga ndine makore 26 okukura uye ndaingova namakore matatu bedzi oruzivo rwokuzviwanira rweBheteri. Naizvozvo ndakanzwa mutwaro unorema womutoro.
Zvisinei, vatariri vakazodzwa vamabato akasiana-siana efekitari vakanga vari vebetsero yorudo kwandiri. Chimiro chavo chokuzvininipisa, chokubetsera chakakudza zvikuru kwazvo rudo rwangu nokuonga vakadaro. Manyuko angu makuru ebetsero nerovedzo akanga ari Hama Knorr. Kwaanopfuura makore 35, kutozosvikira parufu rwake muna 1977, ndaiva neropafadzo yokushanda naye mumabasa ebhizimisi omubato wokutsikirira nokuvaka weSosaiti. Iye aiva namano okutarisira anoshamisa, uye iye akandibatsira zvikuru kwazvo mukuita mugove wangu.
Pamberi Pavakuru Vakuru Vehurumende
Mukati meHondo yeNyika II, makanga mune perevedzo huru yezvinhu zvisina kugadzirwa zvataida kupfuuridzira basa redu rokutsikirira. Naizvozvo, ndakaita nzendo dzinoverengeka pagore kuWashington, D.C., kuzosangana neWar Production Boards uye namatare eSenate. Ndakakumbira kwavari mapepa nemimwe migove, uye Jehovha akakomborera zvikuru kwazvo idzi nhamburiko.
Pane imwe nhambo ndakaita sumo yangu kupfurikidza nokuratidzira mapeji akasiana-siana akabva mumapepanhau akatanhamara ayo aizivisa zvinhu zvisingakoshi. Ndichinongedzera kuchiziviso chepeji imwe yakazara chebhachi ramakushe mupepanhau guru reNew York, ndakati: “Chitsama chepepa chakashandiswa nokuda kweichi chiziviso muchinyorwa chimwe cheSvondo chakaenzana nehwerengedzo yomuraudzo yamatani atiri kukumbira egore rose.”
“Wajekesa pfundo rako zvakanaka,” mumwe seneta akapindura kudaro. Somuuyo wechikomborero chaJehovha paidzi nzendo, hatina kutongofanira kumisa michina yedu mukati mehondo nemhaka yokupererwa namapepa kana kuti mimwe migove. Asi, sezvinooneka, takanga tisingadi migove mihombe yepepa yatinoda nhasi.
Nzvimbo Huru Dzefekitari
Makore gumi namaviri ndisati ndauya kuBheteri, Sosaiti yakavaka fekitari yayo yokutanga ine nhurikidzwa tsere pa 117 Adams Street, inofukidza hafu yedzimba dziri pakati pemigwagwa miviri yomuguta. Asi pakasvika 1949 kwakava kuri madikanwa kuvaka fekitari ine nhurikidzwa pfumbamwe nechivako chehofisi pahafu yakasara yedzimba idzodzo dziri pakati pemigwagwa miviri yomuguta. Ikoku kwakazadza dzimba dziri pakati pemigwagwa miviri nefekitari imwe huru yamamita akaenzana kumativi mana ane 15 000 enzvimbo youriri.
Pakanga pari panguva iyoyo apo ndakagoverwa kutarisira basa rokuvaka reSosaiti pano padzimbahwe. MuBrooklyn panguva iyeyo taingova nechivako chimwe bedzi chezvinhu zviviri hofisi namabasa efekitari nechivako chimwe chokugara. Asi zvino, makore 40 gare gare, tine zvivako zvinopfuura 10 zvamabasa efekitari nehofisi nezvivako 20 zvokugara muno muBrooklyn moga!
Mukuvamba kwama 1950, takaedza kuwana nzvimbo iri pamhiri chaipo pomugwagwa kuchamhembe kwechivako chedu che 117 Adams Street, asi mwene haasati aizogamuchira chitsama chedu chemari. Kutaura idi, iye akanga asingadi kurukurirano ipi neipi, sezvo iye akarangarira kuti Sosaiti yaizobhadhara mutengo wake wakakwira. Naizvozvo takatendeudzira ngwariro yedu kudzimba dziri pakati pemigwagwa miviri kumaodzanyemba kwefekitari yedu yaAdams Street, pamhiri chaipo pePearl Street. Iyi yakanga iri nharaunda yakaumbwa nezvikamu zvisere zvakaparadzana zvenzvimbo. Mwene mumwe nomumwe aifanira kubatwa naye zvakaparadzana, asi Jehovha akazarura nzira yokuwana nzvimbo dzose dziri tsere munguva yegore rimwe pamutengo weavhareji we $194 bedzi pamita imwe yakaenzana kumativi mana!
Paiyi nzvimbo Sosaiti yakavaka chivako chayo chefekitari chine nhurikidzwa 13 pa 77 Sands Street muna 1955 na 1956. Iyi yakanga iri fekitari yedu yechipiri, uye yakapfuura nekakapetwa ruviri nzvimbo yedu youriri kusvikira kumamita akaenzana kumativi mana ane 33 000. Zvisinei, sezvo sangano rakanga richikura nokukurumidza, kwakazivikanwa kuti taizokurumidza kuda nzvimbo yakawanda. Naizvozvo muna 1958 takatenga fekitari yaivapo pakona raProspect naPearl ndokuvamba kuishandisa nokuda kwokuchengetera zvinhu.
Zvino nharaunda yakasara bedzi uko taigona kubatanidza nezvimwe zvivako zvedu namabhiriji pamusoro pemigwagwa yaiva yokuchamhembe iyo takanga taedza pakuvamba kutenga. Takaziva kuti mwene sezvingabvira aizomboedza kuwana mutengo wake wakakwirira zvikuru kwazvo kana Watchtower Society ikaedza kuitenga. Naizvozvo takakumbira mumwe munhuwo zvake ari mubhizimisi rokutengesa nzvimbo kuedza kuitenga. Iye akashanda mutengo wokutenga nawo uyo wakanga wakaderera zvikuru kupfuura watakanga takarakadza. Zvisiri madikanwa kutaura, mwene akadokuputika nehasha apo akaziva kuti maruramiro gare gare akapiwa kuWatchtower Society.
Muna 1966 na 1967, takavakira panzvimbo iyoyo fekitari ine nhurikidzwa gumi ine mamita akaenzana kumativi mana ane 21 000 enzvimbo youriri. Zvino takava nenzvimbo ina dziri pakati pemigwagwa miviri yeguta dzezvivako zvefekitari—dzose dzakabatanidzwa namabhiriji apamusoro pemigwagwa. Gare gare, muna 1983 na 1986, takatenga zvivako zviviri zvefekitari mhiri kwemigwagwa kumaodzanyemba, apo takakwanisa kuvaka bhiriji rina mamita 49 iro rinobatanidza izvi zvivako nedzimwe fekitari dzedu ina. Idzi fekitari nhanhatu dzakabatanidzwa dzine mamita akaenzana kumativi mana 95 000 enzvimbo youriri, kana kuti mahekita 9. Muna 1983 takatengawo chivako chihombe china mamita akaenzana kumativi mana 93 000 muna Furman Street, pamberi porwizi kure nenzvimbo shomanene dziri pakati pemigwagwa miviri yeguta, uko kune zvino nzvimbo dzedu dzokutumira mabhuku.
Kuwana Zvivako Zvehofisi
Chimwe chinoitika chinofadza mukubata kwangu nokutenga nzvimbo chakanga chiri chivako cheSquibb Pharmaceuticals chezvivako gumi zvakabatanidzwa. Pashure pokutenga kwedu, zvina zvaizvozvi zvakapunzwa, uye chivako chitsva chakabatanidzwa nechaivapo kuumba 25 Columbia Heights, dzimbahwe renyika razvino reWatch Tower Society. Aya ndiwo matengerwe enzvimbo iyi.
Pakasvika 1969 takanga tichitsvaka kukudzazve nzvimbo dzedu dzokutsikirira. Asi mugariro wemari webhizimisi wakanga wakanaka, naizvozvo, sezvo ndakashanyira mwene ari wose wenzvimbo munharaunda macho, hakuna nomumwe akanga achifarira kutengesa.
Mukati meiyi nguva, ndakaita rwendo kuNorth Carolina, kune nzvimbo inogadzira mapepa iyo inogovera mapepa edu eBhaibheri. Ikoko zvakaitika kuti ndakadudza kumumwe wavanhu vapanzvimbo yacho kuda kwedu nzvimbo muBrooklyn. Sezvineiwo mukoma wouyu murume akanga ari shamwari chaiyo yomumwe wevene vezvivako zveSquibb. Iye akaita onano dziri madikanwa uye ipapo akandizivisa kuti pakudzokera kuBrooklyn, ndinofanira kushanyira uyu murume.
Pandakadaro, murume wacho akasimbisa kuti Squibb yakanga ichirangarira, munguva yakafanira, kutengesa nzvimbo dzayo muBrooklyn ndokubuda kunze kweguta. Iye akataura kuti apo vaizenge vagadzirira, aizotishevedza, uye taigona kukurukurirana mutengo. Pashure pemwedzi inoverengeka danidzo yakauya, uye ndakaudzwa kuti vakanga vagadzirira kutengesa uye kuti tinofanira kuuya kuhofisi yavo zuva rinotevera racho.
Hama Knorr neni takaungana ndokusarudza mutengo wataifunga kuti taizobhadhara. Pamusangano zuva rakatevera racho, takaudzwa kuti mutengo wacho wakanga usingatauriranwi. “Tinoda madhora ane mamirioni matatu mukeshi,” ivo vakadaro. Takaedza kusatarisika savashamiswa, sezvo iwoyo wakanga wakaderera zvikuru kupfuura watakanga takagadzirira kupa. Pasina dikanwo yokutaura, takakurumidza kutenga. Panguva yacho, takanga tichangobva kupedza kuvakwa kwefekitari yedu itsva yamadhora ane mamirioni mana, asi apo vanhu vaShe vakaziva nezvezvimwe zvinodikanwa zvedu zvemari, mari yakakurumidza kuwanika.
Zvimwe Zvivako Zvokugara
Mukati mama 1950, takawana nzvimbo pamhiri pomugwagwa kubva ku 124 Columbia Heights uye muna 1959 na 1960 takavaka chivako chihombe chitsva chokugara. Asi chibviro 1965 kwave kuri kwakaoma zvikuru kuvaka zvivako zvitsva zvokugara. Gore iroro hurumende yakadudza nharaunda mune Bheteri senharaunda yenhau yakatanhamara. Ikoku kwakaguma neganhuriro huru mubasa rokuvaka nokuvandudza. Zvisinei, nebetsero yaJehovha nguva dzose tave tichikwanisa kugovera zvinodikanwa zvedu.
Muna 1967, somuenzaniso, takakumbira nokuda kwechivako chokugara chine nhurikidzwa nhanhatu chiri pa 119 Columbia Heights. Nemhaka yomutemo wenzvimbo dzakatanhamara, takanga tatoderedza nhurikidzwa dzedu 12 dzakakarakadzwa pakuvamba kusvikira ku 6. Zviremera zvomunzvimbomo, zvisinei, zvino zvakanga zvichiedza kutiita kuti tigure hunenge humwe huriri.
Muna June, ndakaonana napurezidhendi wetaundi reBrooklyn, uyo akataura kuti kana tikagona kuisa nheyo pamberi pomusangano waSeptember weBoard of Estimate, mutumbi wehurumende yeguta wapamusoro, iye aizoedza kuchengeta chivako chedu chiri pauriri hutanhatu. Gadziriro yedu yokuvaka yakafambira mberi zvikuru, uye takakwanisa kudira uriri pakasvika September.
Purezidhendi wetaundi akandishevedza zuva rapamberi peapo nhau yedu yaizonzwiwa pachena. Iye akatikumbira kuva paCity Hall maawa maviri Board of Estimate isati yatanga musangano wayo wapachena nokusangana naye kuseri kwechikuva. Naizvozvo Hama Knorr naHama Suiter, munyori wedu nomutarisiri wemari, uye ini takaoneka paCity Hall mangwanani-mangwanani amangwanani akatevera acho. Apo taikurukura nzira yakanakisisa yokupa nayo nhau yedu pamberi peBoard of Estimate, chimwe chinhu chakaoneka icho chakabatanidza City Planning Commission. Runhare rwakaridzwa rwokujekesa nhau yacho. Nokukurumidza, murongi weguta akataura kuti aizodzika kuzotarisira mugariro wacho iye amene. “Sezvo kuchava nechirambidzo chapachena chikuru zvikuru kumhaka yedu,” iye akadaro, “ndichazvipira kumirira Watchtower Society pamberi peBoard.”
Nomuzvarirwo takafadzwa nechikarakadzo chake. Zvino, muitiro pamberi peBoard of Estimate ndowokuti ivo vanobvisa mhaka dziri pakarenda yavo dzezuva racho, uye kana kune zvirambidzo zvipi nezvipi zvinofanira kunzwiwa, ipapo mhaka yacho inosundirwa mberi kutozosvikira masikati. Kana kusina zvirambidzo, ivo vanosarudza pamusoro penhau yacho pakare pakarepo. Mhaka yedu yakadanidzwa nokukurumidza mumangwanani, uye murongi weguta akasimuka ndokuti kuna meya: “Ndingada kutaura nokuda kweWatchtower Society.”
“Munoziva kuti hauzi muitiro wedu kubvumira kurukurirano apo nhau inotangwa kumutswa [kazhinji kazhinji kurukurirano inosundirwa mberi nokuda kwamasikati],” meya akapindura kudaro. “Zvisinei, ndinoziva kuti makabatikana zvikuru, Commissioner, naizvozvo ndichaita chinhu chechienzi ndokubvuma chikumbiro chenyu.” Mukuru mukuru akapfuurira kupa mhaka yedu, uye Board of Estimate yakabvuma ichitendera chikumbiro chedu. Sezvo takanga tichibva mukamuri rokutongera, gweta rinoramba rakakwira nehoro richishevedzera, kuti: “Ndine nharo dzeawa pamusoro peiyi mhaka.” Asi akanyanyononoka! Takangopfuura zvedu, tichionga Jehovha nokuda kworukundo.
Ndinofanira kutaura kuti yave iri ropafadzo inotusa zvikuru kwamakore ose apfuura kumirira Sosaiti mukutarisira idzi nhau dzebhizimisi. Uye wave uri mufaro mukuru kupupurira wedzero hombe mubasa rokuparidzira munyika yose iyo yakaita kuti kutengwa kweizvi zvivako zvose kuve kuri madikanwa. Betsero huru mukutarisira idzi nhau dzebhizimisi kwakanga kuri kuitwa kwangu mutevedzeri wapurezidhendi weWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., pana January 1, 1977.
Kufara Mubasa reBheteri
Chifo chaapo ndakatanga kusvika paBheteri muna 1939, mhuri yeBheteri yakakura kubva pamitezo yenguva dzose 185 kusvikira kuinopfuura 2 800 muBrooklyn uye inopfuura 900 kuWatchtower Farms! Kazhinji kazhinji ndakabvunzwa, kuti: “Chii chakakubetserai kugara paBheteri aya makore 50?” Mhinduro yangu nguva dzose yave iri: “Handina kutongofunga nezvechinhu chipi nechipi zvacho kunze kwebasa reBheteri.”
Uyewo, kumbiriso yebasa reBheteri yandakazadza ndokusaina yakabvunza: “Iwe unobvuma here kugara paBheteri kutozosvikira Ishe akutora?” Iye haasati anditora, naizvozvo ndichiri pano uye ndichifarikanya basa rangu kuna Jehovha. Kuvambira pazuva retsauriro yangu, ndave ndakatsunga kuita basa renguva yakazara basa renduramo yangu.
Mukati mamakore angu apakuvamba paBheteri, gadziriro hadzina kubvumira roorano, naizvozvo, kufanana navamwe vazhinji, ndakazvigutsa ndimene nokusaroora nebasa reBheteri. Zvisinei, apo muitiro wemhuri yeBheteri wakachinja, uchibvumidza roorano, ndakaroora Helen Lapshanski pana April 7, 1956. Iye akanga auya kuBheteri muna 1951. Takakoshesa zvikuru kwazvo ushamwari hunobetsera hwatakagoverana.
Pakuvamba muroorano yedu, Helen akabatwa nemultiple sclerosis, uye mumakore achangobva kupfuura aya hosha yacho yakafambira mberi zvikuru. Asi neyamuro yechekufambisa nengoro inofambiswa nebhatiri, iye anokwanisa kufamba-famba zvakanaka. Iye akapfuurira kuchengeta mudzimu unoshamisa, wokufara uye anogoverana mubasa rapaBheteri zuva rimwe nerimwe, achibatira muhofisi yoMusha weBheteri.
Mukati mamakore edu apakuvamba, okukura, hanzvadzi yangu Jean neni taiva pedyo zvikuru uye taiitira zvinhu pamwe chete. Nokudaro, iye nguva dzose akanga akatsunga kunditevera, uye muna 1943 akakokerwa kuBheteri. Muna 1952 iye naRussell Mock vakaroorana, uye vose vari vaviri vanobatira pano parutivi norutivi nesu semitezo yemhuri yeBheteri.
Ndinodavira zvakasimba kuti Bheteri inzvimbo yakanakisisa pasi pano rutivi rwuno rweParadhiso yapasi iri kuuya. Handina kutongodemba kwechinguvana kuva ndakaita basa renguva yakazara basa renduramo yangu. Wave uri mufaro wakadini kupupurira nokuve ndakagoverana mukukura kukuru kwesangano rapasi raJehovha! Kutsunga kwangu, nebetsero yaJehovha, kupfuurira kuita Bheteri musha wangu ndokuzvishandisa ndimene nomweya wose kukufambisirwa mberi kwefariro dzoUmambo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
“Ndinodavira zvakasimba kwazvo kuti Bheteri inzvimbo yakanakisisa pasi pano rutivi rwuno rweParadhiso yapasi iri kuuya”
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
Pamusoro: Nzvimbo yapa 360 Furman Street, yakatengwa muna 1983
Pasi: Nzvimbo yapaColumbia Heights yatakatenga kuSquibb Pharmaceuticals muna 1969
Kuruboshwe: Manyuko angu makuru ebetsero nerovedzo akanga ari Hama Knorr
Pasi: Pakasvika 1986 isu taiva nezvivako zvefekitari zvitanhatu zvakabatanidzwa namabhiriji apamusoro pemigwagwa
[Mufananidzo uri papeji 27]
Fekitari pashure pokunge yakudzwa muna 1949
[Mufananidzo uri papeji 30]
Zuva romuchato wedu