Vakuru—Chengetai Chamakaronzeswa
“Zvingwarirei imi mumene neboka rose, ramakagadzwa pakati paro nomudzimu mutsvene kuva vatariri, kufudza ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake amene.”—MABASA 20:28, “NW.”
1. Chii chinobatanidza chakaronzeswa chomuKristu?
JEHOVHA MWARI akapa avo vari musangano rake rapasi chakaronzeswa chinoshamisa. Asi chakaronzeswa chii? Icho ndichimwe chinhu choukoshi chinopiwa kumunhu uyo anofanira kuzvidavirira. Chakaronzeswa chechiKristu chinobatanidza “mutoo wamashoko akanaka,” zvokwadi inopiwa kupfurikidza naMagwaro ndokuparadzirwa no“muranda akatendeka nowakachenjera” se“zvokudya panguva yakafanira.” (2 Timotio 1:13, 14; Mateo 24:45-47, NW) Ichi chakaronzeswa chinobatanidza ushumiri hwakabatanidzwa nezvokwadi, iyo inofanira kuparidzirwa mukati nokunze kweungano. (2 Timotio 4:1-5) Vazivisi voUmambo, kubatanidza vakuru vakagadzwa nomudzimu, vanofanira kukoshesa ichi chakaronzeswa sechoukoshi hukurusa.
2. Vakuru vane chakaronzeswai chakawedzerwa, uye chii chakataura Petro pamusoro pacho?
2 Vakuru vechiKristu vane chakaronzeswa chakawedzerwa—mutoro wokufudza boka raMwari. Muna ikoku, muapostora Petro akanyora, achiti: “Ndinopa iri zano kuvarume vakuru vari pakati penyu, nokuti iniwo ndiri murume mukuru navo nechapupu chokutambura kwaKristu, mugoverani kunyange wembiri iyo ichaziviswa: Fudzai boka raMwari riri mutarisiro yenyu, musati muchiita negombedzerwo, asi nokudisa; uyewo musati muchiita nokuda kworudo rwemhindu yokusatendeseka, asi nomwoyo unodisa; uyewo musati muchiita savanodzvinyirira avo vari nhaka yaMwari, asi muchiva mienzaniso kuboka. Uye apo mufudzi mukuru anenge aratidzirwa, muchagamuchira korona isingasvavi yembiri.”—1 Petro 5:1-4, NW.
3. Vakuru vechiKristu vanofanira kuva manyuko echii?
3 Vakuru vechiKristu “[vanofanira kubvumikisa kuva, NW] soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura. Senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:1, 2) Ikoku kunoreva kuti vakuru vanofanira kuva manyuko echengeteko, rugare, uye gadzikano kuboka ravabatiri vaMwari vakafanana namakwai. “Zvinopfuura zvenguva dzose” zvinodikanwawo kuvakuru, kana kuti vafudzi vaduku, veboka nemhaka yokuti “vakaitwa kuti vatarisire zvakawanda.” (Ruka 12:48, NW) Uye ivo zvirokwazvo vane chakaronzeswa chinokosha chinofanira kuchengetwa.
Neiko Chakaronzeswa Kwamuri?
4. Neiko vakuru vakawanda kwazvo vachidikanwa?
4 Kuvapo kweungano dzinopfuura 60 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose kunoda zviuru zvavarume vakakwaniriswa mumudzimu zvokutarisira boka raMwari. Kune varume vakuru vari munyika imwe neimwe, uye ikoku chisakiso chomufaro. Munyika yose mune avhareji yavazivisi voUmambo vanenge 60 muungano imwe neimwe. Nokudaro, kune basa rakawanda rokuti vakuru vaite.—1 VaKorinte 15:58.
5. Ropafadzo yokubatira somukuru inopiwa kumurume pahwaroi?
5 Kana iwe uri mukuru, neiko iyi ropafadzo yakakomborerwa yakapiwa kwauri? Imhaka yokuti wakaita zvinhu zvakati, uye une zvikwaniriso zvomudzimu. Somuenzaniso, unofanira kuva akafunda Shoko raMwari nokushingaira. (Joshua 1:7, 8) Unofanira kuva akagoverana nokushingaira muushumiri hwomumunda, uyewo kubetsera vamwe kuva vazivisi voUmambo. Zvawaka“edzwa pamusoro poukodzeri pakutanga,” wakabatira nokutendeka somubatiri anoshumira. Iwe ‘wakasvasvavira,’ kana kuti wakatsvaka kukwanirisa, kuva mukuru, uchinzwisisa kuti kuva mutariri i“basa rakaisvonaka.” (1 Timotio 3:1, 10, NW) Kufanana naTimotio, iwe waka“shumwa zvakanaka nehama.” (Mabasa 16:2, NW) Apo wakarumbidzwa somukuru, sezvingabvira wakanga wava mumakore ako 20 okupedzisira kana kuti wakura zvikuru uye wakanga une ruzivo rwokuzviwanira muupenyu. Ungano yakanga yasvika pakukuremekedza sehama yakakura mumudzimu, inosvikika inokwanisa kupa zano rapaMagwaro rinobudirira nokuchengeta zvakavanzika.—Zvirevo 25:9, 10.
Machengeterwe Echawakaronzeswa
6, 7. Timotio Wokutanga 4:13-15 inogovera zanoi rokubetsera murume kuchengeta chaakaronzeswa somukuru?
6 Hungu, kana iwe uri mukuru, kwakanga kuri nokuda kwezvikonzero zvakanaka kuti utariri hwechiKristu hwakaronzeswa kwauri. Uye wakanzwa wakaropafadzwa sei! Asi unogona seiko kuchengeta chawakaronzeswa?
7 Nzira imwe yokuchengeta nayo chawakaronzeswa somukuru kuva akananga naanoshingaira mukutarisira mabasa ako. Tose zvedu tine migove yomutoro wakasiana musangano raJehovha. Naizvozvo, chengeta nzvimbo yako, uye gutswa no‘kuzvibata umene somuduku.’ (Ruka 9:46-48; enzanisa naVatongi 7:21.) Tarisira maropafadzo ako, uye usatongo‘shande noruoko rune usimbe.’ (Zvirevo 10:4) Usamira, asi nebetsero yaJehovha, ita fambiro mberi mumativi ose oushumiri. Zvamazvirokwazvo, tevera iri zano rakapiwa naPauro kuna Timotio: “Pfuurira kuzvishandisa umene kukurava pachena, kukupa zano, kukudzidzisa. Usaregeredza chipo chiri mauri chawakapiwa kupfurikidza nokudeya kutaura uye apo mutumbi wavarume vakuru wakaisa maoko avo pauri. Fungisisa zvinhu izvozvi; nyura mazviri, kuti fambiro mberi yako igooneka kuvanhu vose.”—1 Timotio 4:13-15, NW.
8. Chii chichabetsera mukuru kupa zano rakanaka nokupa chimwe chinhu chinopfumisa mumudzimu pamisangano?
8 Iva nechokwadi chokuti unochengeta rudungwe rwakanaka, runobudirira rwefundo yomunhu oga. Somukuru, unokarirwa nenzira yakarurama kupa zano rakanaka rapaMagwaro. Kukushongedzera nokuda kwouyu mutoro, wakarava here Bhaibheri rose nenzira yokufungisisa, zvichida kakawanda? (Zvirevo 15:28) Zvakadiniko nemigove yako yapachikuva? Igadzirire zvakanaka, uchitsvaka nenzira yokunyengetera betsero yaJehovha kuti ugopa chimwe chinhu chinopfumisa mumudzimu kuavo varipo pamisangano yedu. Vakuru zvikurukuru vanofanira ‘kutaura chiri chakanaka nokuda kwokuvaka, kuti chigopa chiri chakanaka kuvanzwi.’—VaEfeso 4:29; VaRoma 1:11.
9. Mukuwirirana na 2 Timotio 4:2, chii chinofanira kuita mukuru?
9 Somukuru, teerera zano raPauro: “Paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.” (2 Timotio 4:2) Pauro akanga achiitira hanya kuwa pakutenda nemhaka yokuti vamwe vaiva muungano ‘vakarwa pamusoro pamashoko,’ vakapinda mu‘mibvunzo youpenzi,’ uye ‘vakanga vasingadi zvokwadi.’ (2 Timotio 2:14-18, 23-25; 3:8-13; 4:3, 4) Kana ungano yakanga ichiwana nguva inotambudza kana kuti yakanaka, zvisinei, Timotio aifanira “kuparidza shoko.” Ikoku kwaizosimbisa vatendi biyake kudzivisa kuwa pakutenda. Nenzira yakafanana nhasi, vakuru vanofanira kuparidza Shoko rinopinza, kana kuti dama, raMwari, iro rinosvika mwoyo uye rinokurudzira namatiro kumipimo yaJehovha.—VaHebheru 4:12.
10. Neiko mukuru achifanira kushanda nguva dzose muushumiri hwomumunda nemitezo yemhuri yake navamwe?
10 Kuti ataure nechiremera, mukuru anofanira kurarama mutsinhirano neShoko raMwari. Asi iye haasati achichengeta zvizere chaakaronzeswa kana iye ‘achiparidzira shoko’ bedzi pachikuva mukati meungano. Mumashoko akapoteredza mamwe chetewo Pauro akakurudzira Timotio, kuti: “Ita basa romuevhangeri.” Kuti ‘uite basa rako zvizere’ somukuru, unofanira kuparidza Shoko raMwari “pachena uye paimba neimba.” (2 Timotio 4:5; Mabasa 20:20, 21, NW) Naizvozvo, shanda muushumiri hwomumunda nemitezo yemhuri yako. Ikoku kunogona kugovera kuchisungo chomudzimu pakati pako nomudzimai wako uye kuchabetsera zvikuru kwazvo vana vako. Pedzawo nguva uchigoverana mubasa rokuparidzira nemimwe mitezo yeungano. Ikoku kunosimbisa zvisungo zvomudzimu uye kunowedzera rudo rwehama. (Johane 13:34, 35) Chokwadika, mukuru anofanira kuvavarira nokuda kwedzikamo mukukamuranisa nguva inokosha pakati pemhuri yake neungano. Kushandiswa kwenzwisiso kuchamudzivisawo kupa nguva yakanyanyisa kuchimwe, kukuregeredzwa nekuvadziko yechimwe.
11. Neiko mukuru achifanira kushanda zvakaoma kuwedzera mano ake somudzidzisi?
11 Kuti uchengete chawakaronzeswa somukuru, shandawo zvakaoma kuwedzera mano ako somudzidzisi. “Iye anodzidzisa, ngaadzidzise,” akadaro Pauro, “kana kuti iye anopa zano, ngaape zano.” (VaRoma 12:7, 8, NW) Sezvo mudzidzisi achimira pamberi pavamwe somuraidzi, ivo vane maruramiro okukarira zvakawanda kwaari. Kana mukuru akafanira kuita mhosho zvakakomba mukudzidzisa kwake uye ikoku kuchiparira zvinetso vatendi biyake, iye anotongwa naMwari. Hungu, vadzidzisi “vachagamuchira rutongeso rukuru zvikuru.” (Jakobho 3:1, 2; Mateo 12:36, 37, NW) Naizvozvo vakuru vanofanira kuva vadzidzi vapachokwadi veShoko raMwari uye vanofanira kurishandisa muupenyu. Ipapo kudzidzisa kwavo kwapaMagwaro, kunotsigirwa nokushandisa somunhu oga, zvichaongwa zvikuru kwazvo navatendi biyavo. Kuchadzivirirawo ungano papesvedzero yakaipa, kubatanidza kuwa pakutenda.
Dzivisa Mhinganidzo
12. Izanoi rakambobudiswa mumagazini ino richabetsera mukuru kudzivisa kushandiswa kusakafanira kworurimi?
12 Chengetawo chawakaronzeswa somukuru kupfurikidza nokudzivisa mhinganidzo. Imwe yaidzodzi kushandiswa kusakafanira kworurimi somudzidzisi. Kudikanwa kwengwariro muna ikoku kwanguve kuchisimbiswa nesangano raJehovha. Somuenzaniso, muchinyorwa chayo chechiNgezi chaMay 15, 1897, magazini ino yakakurukura Jakobho 3:1-13 ndokuti zvikurukuru nezvavakuru: “Kana ivo vane rurimi runotaura zvakanaka ungava mukoto wechikomborero chikuru, kuchiendesa zviverengero zvikuru kunaShe, zvokwadi nenzira yokururama; kana kuti, pano rumwe rutivi, kana rukashatiswa nechikanganiso, rurimi runogona kuita kuvadziko inodokuva isingatauriki—kuvadziko kukutenda, kutsika, kumabasa akanaka. Zvamazvirokwazvo ichokwadi, kuti munhu upi noupi anoshandisa chipo chokudzidzisa anozviisa amene pachena kumutoro wakawedzerwa pamberi paMwari navanhu. . . . Ani naani angava tsime mungabva Shoko roumwari, rinotakura chikomborero nezorodzo nesimba, anofanira kuva nechokwadi chokuti mvura dzinovava, dzidziso dzenhema idzo dzaizoparira tuko, kuvadziko—kuzvidza Mwari nokushatisa Shoko rake—haasati achifanira kuwana mazviri mukoto wokutaura. Muchisarudzo chavatungamiriri nokuda kwemisangano chikwaniriso cho‘rurimi,’ sechaiswa pano hachifaniri kufuratirwa. Vane rurimi runopisa havafaniri kusarudzwa, asi vanyoro, vane mwero, avo ‘vanodzora’ ndimi dzavo ndokuedza nokungwarira ku‘taura samashoko aMwari’ bedzi.” Kunokosha sei kuti mukuru ashandise rurimi rwake zvakarurama!
13. Vakuru vanofanira kushandisa ngwariroi pamusoro penhandaro?
13 Kunyanyisa nhandaro imhinganidzowo yokudzivisa. Nhandaro inofanira kuzorodza nokuvaka, kwete kunetesa nokutsausa muKristu. Kupfuurirazve, vatariri vanofanira kuva “vane mwero mutsika.” (1 Timotio 3:2, NW) Kana kuva nomwero kuchidzora chaunoita pamusoro penhandaro, ikoku kuchakudzivirira nemhuri yako uye kuchagovera muenzaniso wakaisvonaka nokuda kweungano. Hausati waizotongova uchigadza muenzaniso wakanaka kana, nguva nenguva, iwe ukaenda nokuda kwamadonzo enhandaro pakupera kwamavhiki apo vatendi biyako vanenge vachibatikana nokushingaira muushumiri hwomumunda. Mashoko akanaka anofanira kuparidzirwa, uye vakuru vanofanira kutungamirira muiri basa savazivisi vanoshingaira voUmambo.—Marko 13:10; Tito 2:14.
14. (a) Mienzanisoi yapaMagwaro inosimbisa kudikanwa kwokuti vakuru vadzivise utere hwevatano? (b) Vakuru havafaniri kufuratira zanoi rinodzokororwa pakubatsira hanzvadzi dzomudzimu?
14 Utere hwevatano ndiimwe mhinganidzo yokudzivisa. Kuora kwetsika dzenyika kunogona kupesvedzera kunyange mukuru kana asingadzivisi miedzo inoshandiswa naSatani munhamburiko dzake dzokupunza perero yavanhu vaMwari. (Enzanisa naMateo 4:1-11; 6:9, 13.) Yeuka kuti muporofita Bharami, asingabudiriri mukuedza kwake kutuka vaIsraeri, akarangarira kuti Jehovha amene aizovatuka kana ivo vakagona kunyengedzwa kupinda mukunamata vatano. Naizvozvo Bharami akadzidzisa mambo waMoabhi Bharaki kuti “aise chigumbuso pamberi pavanakomana vaIsraeri, kuti vadye zvinhu zvakabairwa zvidhori nokuita ufeve.” Ko ivo vakadzivisa here mhinganidzo iyoyo? Aiwa, nokuti vaIsraeri 24 000 vakafira mudenda rakabva kuna Jehovha nemhaka yokuti vakavatana navakadzi vaMoabhi ndokukotamira vamwari vavo. (Zvakazarurwa 2:14; Numeri 25:1-9, NW) Yeukawo kuti kunyange Dhavhidhi, ‘murume anofadza mwoyo waMwari,’ akawira mumhinganidzo youtere hwevatano. (1 Samueri 13:14; 2 Samueri 11:2-4) Somukuru, ipapoka, teerera zano rinodzokororwa ro“mutariri akatendeka” rokusatongobatsira hanzvadzi yomudzimu pachivande asi kuita kuti mumwe mukuru avepo pakutarisira uyu mutoro.—Ruka 12:42.
15. Mhuri yomukuru inogona sei kubetsera kudzivisa hunza dzokudisa zvenyika?
15 Kudisa zvenyika ndiimwe mhinganidzo yokuti mukuru adzivise. Gutswa nezvinodikanwa, uchiziva kuti Jehovha achaita gadziriro yakakwana. (Mateo 6:25-33; VaHebheru 13:5) Rovedza mhuri yako kuva norutsuta, nokuti kupambadza imbavha yenguva nepfuma izvo zvingagona kushandiswa kubetsera mhuri, pamwe chete nokupinda muushumiri hwomumunda, kusimbisa ungano, uye kusimudzira fariro dzoUmambo. Mukuru anobetserwa nebatira pamwe yemhuri yake muna ikoku uye anoonga kuti ivo havamudzvinyiriri nokuda kwezvinhu zvisingadikanwi zvomenemene. Kutaura idi, “zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, pakuti ave nepfuma yakawanda, achinyunyuta.”—Zvirevo 15:16.
“Zvingwarirei Mumene”
16. Izanoi rakapa Pauro kuvatariri veEfeso?
16 Kana vakuru vachizochengeta chavakaronzeswa, vanofanira kushandisa zano raPauro kuvatariri veEfeso. Iye akavaudza, kuti: “Zvingwarirei imi mumene neboka rose, ramakagadzwa pakati paro nomudzimu mutsvene kuva vatariri, kufudza ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake. Ini ndinoziva kuti pashure pokuenda kwangu mapere anodzvinyirira achapinda pakati penyu uye haasati achizobata boka nounyoro, uye pakati penyu mumene pachamuka varume vachitaura zvinhu zvakamonyaniswa kuti vagotsausa vadzidzisi vavatevere ivo. Naizvozvo svinurai, uye rangarirai kuti kwamakore matatu, usiku namasikati, handina kurega kupa zano mumwe nomumwe wenyu nemisodzi.”—Mabasa 20:28-31, NW.
17, 18. Izanoi rakabudiswa mumagazini ino makore 80 apfuura richiri kushanda kuvakuru vechiKristu?
17 Anopfuura makore 80 apfuura, The Watch Tower (March 1, 1909) yakanokora mashoko zano richangobva kududzwa naPauro kuvakuru biyake ndokutsinhira, kuti: “Vakuru munzvimbo iri yose vanofanira kuteerera zvikuru; nemhaka yokuti mumuedzo uri wose vanodiwa zvikurusa navakatanhamara zvikurusa vane nhamo dzakakomba zvikurusa nemiedzo. Nokudaro [Jakobho] anopa zano kuti, ‘Vazhinji venyu musava vadzidzisi, hama, muchiziva kuti munhu achagamuchira kuedza kwakakomba zvikuru.’ Isu, nenzira yakafanana, tinopa zano Vakuru vose avo mumwoyo vari vakachena, vasina udyire, kuti vasave nechinhu kunze kworudo nezvishuvo zvakanaka nokuda kworudzi rwose rwomunhu, uye kuti ivo vave vakazadzwa zvikuru nezvibereko nenyasha zvoMudzimu mutsvene, vachiteererawo boka. Yeukai, kuti boka nderaIshe uye kuti imi muno mutoro kunaIshe, pamwe chete nokwavari. Yeukai, kuti munofanira kurinda mweya (fariro) yavo saavo vanofanira kuzvidavirira kuMufudzi Mukuru Zvikuru. Yeukai, kuti chinhu chikuru ndirwo Rudo, muzvose; uye, musingaregeredzi dzidziso, ipai ngwariro chaiyo kukukura kwoMudzimu waShe pakati pemitezo yakasiana-siana yoMuviri wake, kuti nokudaro ivo vagova ‘vanyoro nokuda kwenhaka yavatsvene inooneka,’ uye, mukuwirirana nokuda kwoUmwari, musatambura kugumbuka muzuva rino rakaipa, asi, muchinge maita zvose, kumira makakwana muna Kristu, Muviri wake, Mitezo yake, Vapi vezvibairo Pamwe vake, Vadyi venhaka Pamwe.”
18 Mashoko iwayo akanangidzirwa kuvakuru vakazodzwa nomudzimu navatendi biyavo mutsinhirano nenzwisiso nemigariro zvesangano raJehovha mumazuva iwayo apakuvamba. Bva, zano iroro rinosanoshanda sei nhasi! Kana tariro dzavo dziri dzokudenga kana kuti dzapasi, vakuru vechiKristu vanofanira kupa ngwariro kwavari vamene, kuchengeta chavakaronzeswa, uye kutarisira norudo fariro dzeboka raMwari.
Mufaro Unobva Mukuchengeta Chawakaronzeswa
19, 20. Neiko kuchigona kutaurwa kuti mufaro unovapo apo vakuru vanochengeta chavakaronzeswa?
19 Mufarwa—kutaura idi, mufaro wechokwadi—unobva mukuchengeta chawakaronzeswa somukuru wechiKristu. Kune mufarwa uri mukuita mutoro wakakomba zvakanaka. Naizvozvo ngwarira, nyengetera, shingaira. Chengeta chawakaronzeswa somukuru uye tarira mberi kunguva apo unogona kuti, sezvakaita murume aiva norunyanga rweingi rwomunyori: “Ndaita sezvamakandiraira.”—Ezekieri 9:3, 4, 11.
20 Hungu, shanda nokuvimbika somukuru kuti kugogona kunzi nezvako sezvakwakanga kwakaita naNoa: “Akaita saizvozvo.” (Genesi 6:22) Kubva mubasa rokushingaira rakadaro, ungano inobetserwa munzira dzakawanda. Zvikurusa, Jehovha anokudzwa neungano yakasimba, inoshingaira inobatirwa navakuru vakatendeka vanochengeta chavakaronzeswa. Asi zvakawanda zvinodikanwa kana, chaizvoizvo, uchizoudzwa, kuti: “Zvakanaka, muranda wakanaka!” (Ruka 19:17) Somukuru, unofanira kubatawo boka raMwari nounyoro.
Waizotii?
◻ Ndichakaronzeswai chakawedzerwa china vakuru vechiKristu?
◻ Mukuru anogona kuita nhanhoi dzakananga kuchengeta chaakaronzeswa?
◻ Kuti achengete chaakaronzeswa, imhinganidzoi mukuru anofanira kudzivisa?
◻ Neiko mufaro uchivapo apo vakuru vanochengeta chavakaronzeswa?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Vakuru vechiKristu vanofanira kuva vakafanana no“utiziro pamhepo”
[Mufananidzo uri papeji 12]
Somukuru, goverana nguva dzose muushumiri hwomumunda nemitezo yemhuri yako navamwe
[Mufananidzo uri papeji 13]
Kana ukachengeta chawakaronzeswa somukuru, ungano ichabetsereka munzira dzakawanda