Iva Nefariro Yomunhu Oga Muvamwe
“Muchingwarira, kwete fariro yomunhu oga pazvinhu zvenyu mumene chete, asiwo fariro yomunhu oga muizvo zvavamwe.”—VAFIRIPI 2:4, “NW.”
1, 2. Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero zvokuva nefariro yomunhu oga muvamwe?
ISU tine zvikonzero zvakanaka zvokuva nefariro yomunhu oga muvamwe. Somuenzaniso, vanhu biyedu vanofanira kutifadza nemhaka yokuti tinosiana nomumwe nomumwe. Zvinhu zvinogarwa nhaka zvamasero omuviri wedu zvine mufananidzo wokuitwa kwedu kunogarwa nhaka. Kwakajeka kwazvo zvokuti masangano anoongorora mhaka akawedzera “fingapirindi” inogarwa nhaka kumhatsa yawo younyanzvi hwokuziva.
2 Kune zvimwe zvikonzero nei tichisiana uye tichifadza savanhu vamwe navamwe. Kuvambira pakunambwa, tinotapurwa nepesvedzero yemhoteredzo yedu. Pane hufakazi hwakawanda hwokuti vacheche vasati vaberekwa vanoita chimwe chinhu nemhaka yechinoitika kunze kwedumbu. Ipapo, pashure pokunge tapinda munyika savafemi vakazvimirira, kana kuti mweya, zvimiro zvavabereki vedu nenzira zvinotitapura. Sezvatinokura, tingava mwana bedzi kana kuti kukumbanirwa navanun’una nehanzvadzi ndokuva negoverano yakati mukuvatarisira. Songaniro yakadaro kana kuti kushaikwa kwayo kune chokuita pamusoro penzira yatinokura nayo. Zvatinorava, zvatinodzidziswa muchikoro, uye zvatinotarira muterevhizheni zvinotapurawo kufunga kwedu nezviito.
3. Mutsinhirano naVaFiripi 2:4, ifariroi yatinofanira kuva nayo zvikuru muvamwe?
3 Naizvozvo, ipapoka, nzira yatinosiana nayo inosimudzira fariro yakati muno mumwe nomumwe. Asi muapostora Pauro airangarira chikonzero chikuru zvikuru chefariro muvamwe. Nokudaro, iye akakurudzira maKristu biyake kuva ‘anongwarira, kwete fariro yomunhu oga pazvinhu zvavo vamene chete, asiwo fariro yomunhu oga muizvo zvavamwe.’ (VaFiripi 2:4) Panzvimbo pokutsvaka betsero yedu timene, tinofanira kufarira zvikuru vamwe mumudzimu. Ndedzipi, ipapoka, dziri nzira umo tinogona kuva nefariro yakadaro yomunhu oga muvamwe?
Fariro Yomudzimu Nemisiano Yohunhu
4. Mukuwirirana naVaEfeso 4:22-24, ichinjoi dzinowedzera fariro yedu yomudzimu muvamwe?
4 Fariro yedu yomudzimu muvamwe inowedzerwa apo isu somunhu oga tinoshandisa zivo yezvokwadi yapaMagwaro ndokudzidza kuzviwiriranisa timene nomuenzaniso waJesu Kristu. (1 Petro 2:21) SamaKristu echokwadi, isu ‘tinobvisa hunhu hwekare hunowirirana neyaichimbova nzira yedu yomufambiro’ ndokushanda pakutsiva ihwohwu no“hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi noruvimbiko.” (VaEfeso 4:22-24, NW) Nokudaro, zvimiro zvoudyire zvinotsiviwa nenzira inofambira mberi neitiro hanya yomutsa, yokurangarira nokuda kwavamwe.—Isaya 65:25.
5. Neiko kune hunhu hwakasiana muungano yechiKristu, kuchisunda mubvunzoi?
5 Kunyange zvazvo chinjo dzinoshamisa muhunhu dzave dziri pakati pavanhu vaJehovha, kombamiro dzokutadza dzichiripo. Kunyange Pauro akabvuma, kuti: “Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.” (VaRoma 7:21) Chokwadika, mamwe mavara akagarwa nhaka naakawanwa aripo, uye iwaya anotizivisa. Vamwe vane unyanzvi hwokunyora mifananidzo, vamwe chimiro chokukamuranisa. Nepo vamwe vakanyarara uye vakativa, vamwe vanoda kugara mumapoka uye vane ushamwari. Ipapoka, chinzwano cheungano yechiKristu chinofanira kuchengetwa sei pakati pemisiano yakadaro yohunhu?
6. Tinofanira kurangarira sei misiano yohunhu, uye iwe waizoenzanisira sei ikoku?
6 Kana tichizoratidza fariro yomudzimu muvamwe ndokuchengeta chinzwano chechiKristu, tinofanira kuva vapachokwadi navanonzwisisa. Sezvo Mwari asingadi kukwana kwatiri, hatifaniri kukuda kuvasonganiri vedu vechiKristu. Uyezve, Jehovha haakariri vose vavabatiri vake kuva vamwe chetevo chaizvoizvo. Muungano yechiKristu, tose zvedu tine nzvimbo uye tinogona kushandisa mavara edu akagarwa nhaka, akapiwa naMwari kufambisira mberi basa rake. (1 VaKorinte 12:12-26) Kana tikaramba takabatikana tichibishaira munhungamiro yoMusoro weungano, Jesu Kristu, hatisati tichizova nenguva yokutarirana nenzira yokutsoropodza. (1 VaKorinte 4:1-4) Sokuziva kunoita mhizha, turusi imwe neimwe inorongedzerwa kuita basa rakati. Ko sando inogona here kuita mwena wakaisvonaka unoita chibooreso? Ko pureni inoshandiswa kugadzira puranga inogona here kupinza nenzira inobudirira sikuru mariri? Aiwa, nokuti turusi rimwe nerimwe rine kushandiswa kwaro kwakafanira.
7. Sezvatinogoverana pamwe chete mubasa roUmambo, chii chatinofanira kuchengeta chiri chikurusa mundangariro?
7 Ndeechokwadi sei mashoko orwiyo rwoUmambo anoti “Basa Rinofadza”! Irwo rwunokurudzira, kuti: “Ngatibatire Mwari nomufaro, zvatounza zvipo namano edu.” Chokwadi, tingasava namano akatanhamara. Bva, tinochengeta zvikurusa mundangariro basa rakagoverwa kwatiri seZvapupu timene zvaJehovha ndokuzvipira kwariri nomwoyo wose. Rwiyo rwacho runowedzera, kuti: “Kunyange basa redu idukwane, mwoyo yedu yakazadzwa norudo.”—Imbirai Jehovha Rumbidzo, rwiyo 130.
Rangarira Vamwe Kuva Vakuru
8. Chinzwano chinosimudzirwa sei nokushandisa izvo Pauro akataura pana VaFiripi 2:1-3?
8 Chinzwano chinosimudzirwawo nokurangarira vamwe kuva vakuru kwauri umene. Pauro akanyora, kuti: “Zvino kana kuvaraidzwa kuripo kuna Kristu, kana kunyaradza kworudo, kana kuyanana kwo[mudzimu, NW], kana mwoyo munyoro nokunzwira tsitsi, zadzisai mufaro wangu, muve nokufunga kumwe, muchiva norudo rumwe, nomweya mumwe, nendangariro imwe.” Cherechedza kuti muapostora anowedzera, kuti: “Musingaiti chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaaite nomwoyo unozvininipisa, vamwe vanomupfuura iye pakunaka.”—VaFiripi 2:1-3.
9. Kuva negakava nokuzvitutumadza kunorevei, uye tinogona sei kudzivisa aya mavara?
9 Asingarangariri vamwe kuva vakuru, munhu ane gakava anoratidzira “kombamiro yakaipa kazhinji kazhinji neinonetesa kukupopotedzana negakava.” (Webster’s New Collegiate Dictionary) Iri vara ringazviratidzira rimene mu“nharo pamusoro pamashoko.” (1 Timotio 6:4, NW) Zvirokwazvo, mudzimu uri seri kwamashoko nemifungo izvo ivo vanopa zvinofanira kuva zveitiro hanya huru. Naizvozvo dzivisa kuva munhu anoomerera pachimwe chinhu nokuda kwamashoko akati akashandiswa nomuromo kana kuti mumashoko akanyorwa. Uye zvakadiniko kana murangariro wakasiana pamusoro pechitendero ukapiwa kwauri? Namatira nenzira yokuvimbika kumashoko apaMagwaro anogoverwa naMwari kupfurikidza no“muranda akatendeka nowakachenjera.” (Mateo 24:45-47, NW) Pashure pokurangarira chose, iyoyo ndiyo nzira yatakadzidza nayo zvokwadi pakutanga. Kuziva ikoku kunotibetsera kudzivisa kuva vanozvitutumadza, ndiko kuti, kuva nepfungwa yakakatutsirwa yokuzvikoshesa.
Kudziridza Fariro Yomunhu Oga Muvamwe
10. Kushandiswai kwaVaFiripi 2:4 kunofanira kuitwa muungano?
10 Yeuka kuti Pauro akatikurudzira ku‘ngwarira, kwete fariro yomunhu oga pazvinhu zvedu timene chete, asiwo fariro yomunhu oga muizvo zvavamwe.’ (VaFiripi 2:4) Ikoku kunorevei? Seizvo chaizvo kuva anocherechedza mhoteredzo dzedu kungatibetsera muushumiri hwomumunda, naizvozvo kuva nefariro mugarikano yavamwe vari muungano kuchatigovera mabanza okusimbisa chisungo chorudo chinotibatanidza. Zvikurukuru vakuru vane mutoro wokuratidzira itiro hanya nokuda kwavatendi biyavo, nokuti chirevo chinoti: “Shingaira uzive kuti makwai ako akadini.” (Zvirevo 27:23) Chokwadika, tose zvedu tinogona uye tinofanira kungwarira zvinodikanwa zvavatendi biyedu.—1 Petro 2:17.
11. Neiko tichifanira kuva vanopa ngwariro pakutaura kuhama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu?
11 Imwe nzira yokusimudzira nayo chinzwano ndokukudziridza fariro muvamwe kuwana nguva yokukurukura zvakanaka nehama nehanzvadzi dzako dzomudzimu. Wana chavari kufunga. Ikoku kunogona kuitwa apo unoshanyira misha yavo, pamberi napashure pemisangano paHoro yoUmambo, uye pakati pamarusando amagungano edu. Uye teerera nokungwarira apo vanotaura. Ikoku kungareva kuti tichanzwa pamusoro pezvitambudzo zvavanotarisana nazvo, asi ipapo tingakwanisa kubetsera kutakura mitoro yavo nokudaro ndokuzadzika mutemo waKristu. (VaGaratia 6:2) Bva, chimwe chinhu chinopfuura kutaura nehama dzedu chichataviridza chinzwano cheungano. Ichocho chii?
Ratidzira Tsitsi
12. Neiko tichifanira kuratidzira tsitsi?
12 Tsitsi dzinosimudzirawo chinzwano chechiKristu. Nedzvinyiriro dzinowedzera dzoupenyu, tose zvedu tinofanira kuratidzira iri vara. Tisatongova vakaomerera pachatinacho mundangariro zvokuti tinokundikana kurangarira mirangariro yavamwe. Somuenzaniso: “Apo mumwe mutori rutivi wapapurogiramu akasvika nokuda kwoMusangano weBasa, mumwe mukuru akataura kwaari nokukurumidza pamusoro penhau inofanira kuziviswa. Kukushamiswa namanyadzi zvomukuru wacho, mutori rutivi akatarira kwaari, akanyemwerera, uye akati: “Kutanga, Hama, manheru akanaka!” Nhau inofanira kuziviswa yakakurukurwa pashure pokunge vakwazisana noushamwari uye hama yacho yaitwa kuti inzwe yakasununguka. Chifundo chakadini chakafunda mukuru iyeyo! Usanyanyova anokurumidza, nokudaro uchifuratira tsika dzakanaka dzinoita kuti ushamwari hwako navamwe hufadze.
13. Tsitsi dzinosunda vakuru kuitei mukubata navasonganiri vavo vechiKristu?
13 Tsitsi dzinosunda vakuru kuratidzira ngoni namamwe mavara akaisvonaka. Padzimwe nguva, ava varume vanofanira kuva vanyoro, “somureri kana achivaraidza vana vake.” (1 VaTesaronika 2:7) Kubetsera vamwe vanhu kunoda shiviriro huru netsigiro yorudo. Avo ‘vakasiya rudo rwavaiva narwo pakutanga’ vangada kunyandurirwa kumubato mukuru zvikuru uye vangada betsero yokunzwisisa ukoshi hwenguva dzedu. (Zvakazarurwa 2:4; 2 Timotio 4:2; VaHebheru 6:11, 12) Kufanana naPauro, vakuru vane “chidakadaka chinyoro” nokuda kwavasonganiri vechiKristu, vachivapa zano nokuvanyaradza ‘kusvikira kumugumo wokuti ivo vanofanira kupfuurira kufamba zvakafanira Mwari.’—1 VaTesaronika 2:8, 11, 12.
14. Hufakazii hwakapa Pauro hwokuti iye aiva netsitsi?
14 Pauro akasiira vakuru muenzaniso wakaisvonaka wenzira yokuratidza nayo itiro hanya yorudo nokuda kwegarikano yehama nehanzvadzi dzomudzimu. Iye akanyora, kuti: “Kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.” Nemhaka yokuti Pauro aiva neitiro hanya yakadaro, aigona kubvunza, kuti: “Ndianiko usine simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatsva?” Kana iwe uri mukuru, une tsitsi dzakadaro here?—2 VaKorinte 11:28, 29.
Kuwana Hama Yako
15. Apo zvitambudzo zvakakomba zvinomuka pakati pehama, izanoi raJesu riri pana Mateo 18:15 rinofanira kuteverwa, uye chii chinofanira kuva donzo?
15 Kuratidza tsitsi kunosimudzira chinzwano pakati pavabatiri vaJehovha. Panhambo dzisingawanzoitiki, zvisinei, misiano yomunhu oga ingamuka. Apo nhau dzorudzi rwakakomba dzinobatanidzwa, maKristu anofanira kutevera zano raJesu rakanyorwa pana Mateo 18:15-17. Cherechedza nhano yokutanga. Ndeyokutaura nehama yako muri moga kuti “umuudze mhosva yake.” Chii chinofanira kuva donzo rako? Chokwadi, ‘kuwana hama yako’! Jesu akati: “Kana akakunzwa, [wawana, NW] hama yako.” Nomufaro, kutaura pamwe chete muri moga kazhinji kazhinji ndiko bedzi kunodikanwa kudzorera ukama hune rugare pakati pako nomunamati biyako waJehovha.
16. Chii chinofanira kuitwa kana ukacherechedza kuti hama yako ine chimwe chinhu chokurwisana newe?
16 Kana ukacherechedza kuti hama yako ine chimwe chinhu newe, tevera zano raJesu roku“yanana nehama yako.” (Mateo 5:24) Taurai chinetso chacho nomutoo wakadzikama, womutsa, muchiedza kunzwisisa murangariro womumwe nomumwe. Neiyi nzira, nhau yacho inogona kazhinji kazhinji kupedzwa uye rugare rweungano runogona kuchengetwa.
Kuwana Vasingatendi
17, 18. Izanoi rakapa Petro kuvadzimai vechiKristu vanogara mumhuri dzakakamuraniswa mune zvorudzidziso?
17 Mumwe wemigariro yakaoma zvikurusa mokushandisa nheyo dzapaMagwaro mukati memhuri yakakamuraniswa mune zvorudzidziso. MaKristu akawanda anobishaira nenzira yokutendeka achigonana nekangaidziko nezvitambudzo zvinoparirwa nokushaikwa kwechinzwano chomudzimu muroorano yavo. Ivo vanogona sei kubetserwa?
18 Nemhaka yokuva nefariro yomunhu oga muvamwe, vakuru vanogovera nenzira yomufaro betsero yomudzimu nokuda kwaavo vanogara mumhuri dzakakamuraniswa mune zvorudzidziso. Somuenzaniso, ngwariro inganangidzirwa kuzano raPetro pamusoro pomufambiro wavadzimai vechiKristu vari muuyu mugariro. Iye anovaudza kuzviisa pasi pavarume vavo, kunyange kana ivava vasingatendi uye “vasingateereri shoko.” Kuzviisirei pasi? “Kuti ivo . . . vagowanwa [kana kuti, kuwanikwa] pasina shoko kupfurikidza nomufambiro wavadzimai vavo.” (1 Petro 3:1, Kingdom Interlinear) Asi kushandisa iri zano kunobudirira sei?
19. Ipa muenzaniso kuratidzira betsero yokushandisa 1 Petro 3:1.
19 Mumwe mukadzi anonzi Vera anobvuma kuti apo iye akatanga kuva muKristu, nguva dzose aitaura kumurume wake pamusoro pezvokwadi yeBhaibheri, uye iye akagumburwa nako. “Pashure pezano rapaMagwaro rakagamuchirwa kumukuru,” iye anowedzera kudaro, “ndakasarudza kuti kwakanga kuri nani kuva anongwarira pakutaura ndokumirira mabanza akanaka kuti azvipe amene.” Zvikurukuru, Vera akashandisa 1 Petro 3:1, kunyange zvazvo iye akatanga kunyandura murume wake, Barry, kukurukura nheyo dzeBhaibheri. Iye gare gare akatsanangura, kuti: “Mumakore apfuura, ndakacherechedza kuti Mukai! [magazini biyayo yeNharireyomurindi] akaoneka munzvimbo dzechienzi muimba. Iye aiva nenyaya dzakanga dzichishanda uye pane dzimwe nguva pamberi pamashoko.” Somuuyo, pashure pamakore 20 okusanzwana, Barry naVera vanofara kubatanidzwa mubasa raJehovha.
20. Ibetseroi inogona kupa vakuru kuvarume vechiKristu vari mumhuri dzakakamuraniswa mune zvorudzidziso?
20 Murume anotenda anotarisana nezvitambudzo zvikuru kana mudzimai wake achishora chiKristu chechokwadi uye achipesvedzera vana vavo kurwisana naye. Vachiva nefariro yomunhu oga mumurume akadaro, vakuru vanogona kukwevera ngwariro kunheyo dzeBhaibheri dzinoshanda. Somuenzaniso, kunogona kuoneswa kuti pasinei zvapo nechishoro chomudzimai wake, iye ndiye musoro wemhuri uye anofanira kupa vana vake muraidzo wapaMagwaro. (VaEfeso 6:4) Iye anogona kukurudzirwa kugara nomudzimai wake “mukuwirirana nezivo,” achiratidza fariro muizvo anoita nokumubetsera namabasa emhuri nokutarisirwa kwavana. (1 Petro 3:7, NW) Pamusoro pazvose, murume anotenda nababa anofanira kukurudzirwa kuchengeta mikoto yekurukurirano yakazaruka kuitira kuti agoziva chiri mumwoyo momutezo mumwe nomumwe wemhuri. Vakuru vangamukurudzirawo kuramba achiedza kubetsera mudzimai wake namashoko “akarungwa nomunyu,” achipa zvokwadi yeBhaibheri nenzira yokungwarira pakutaura kwaari panhambo dzakafanira.—VaKorose 4:6.
21. Mudzimai asingatendi angabetserwa sei kuva nefariro muzvokwadi?
21 Kuratidza fariro muhama dzokunyama dzamaKristu ari mumhuri dzakakamuraniswa mune zvorudzidziso pane dzimwe nguva kunotanga kugamuchirwa kweshoko roUmambo. Kuenzanisira: Mumwe murume wechiKristu akaodzwa mwoyo nemhaka yokuti mudzimai wake akanga amushora zvakakasharara kwazvo kwamakore anoverengeka. Mumwe mukuru akazvipira kushanyira ndokubetsera nekurukurirano yeBhaibheri. Achisvika pamusha pacho, mukuru wacho akakwazisa mudzimai zvinofadza ndokubvunza, kuti: “Mungada here kugara nesu?” Kokero iyoyo youshamwari yakaorora kwazvo mukadzi wacho zvokuti iye akakumbanira nomufaro mukurukurirano yacho. Nokukurumidza akagamuchira zvokwadi ndokuvamba kuparidzira kuvamwe.
22. Kuvirei nefariro yomunhu oga muno mumwe nomumwe?
22 SeZvapupu zvaJehovha, ipapoka, ngati“ite zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka.” (1 VaKorinte 9:23, NW) Zvamazvirokwazvo, “chero bedzi tine nguva yakanaka nokuda kwako, ngatiite chiri chakanaka kuvose, asi zvikurukuru kuavo vane ukama nesu mukutenda.” (VaGaratia 6:10, NW) Ngativei nefariro yomunhu oga muno mumwe nomumwe kuitira kuti rudo rugotekeshera muuhama hwedu hwenyika yose.
Waizopindura Sei?
◻ Neiko, zvikurukuru, tichifanira kufarira vamwe?
◻ Tinogona sei kukudziridza fariro yomunhu oga muvatendi biyedu?
◻ Vakuru vangaratidzira sei tsitsi?
◻ Chii chingabva mukuva kwedu nefariro yomunhu oga muvasingatendi?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Sezvo turusi imwe neimwe ichirongedzerwa kuita basa rakati, vose vari muungano yechiKristu vanogona kushandisa mano akapiwa naMwari kufambisira mberi basa raMwari
Kuti usimudzire chinzwano chechiKristu, iva nefariro yomunhu oga muvamwe
[Mufananidzo uri papeji 18]
Pauro akasiira vakuru muenzaniso wakaisvonaka wenzira yokuratidza nayo itiro hanya nokuda kwavatendi biyake