‘Vanofara Avo Vakatsungirira’
1. Chifo cha 1914, mugariroi pasi pano wakazadzika Mateo 24:3-8, uye kutaurai kweChinzwano chaMarudzi neChibatanwa chaMarudzi kwakakundikana?
MUBHUKU rake, The Present Age, Robert Nisbet anotaura nezve“Hondo yaMakore Ane Makumi Manomwe Namashanu iyo yakapfuurira, isingawanzodzongonyedzwi, chifo cha 1914.” Hungu, “hondo nemishumo yehondo,” kubatanidza hondo dzenyika—izvozvo ndizvo izvo Jesu Kristu akadeya kutaura nokuda kwenguva ino yomugumo. (Mateo 24:3-8, NW) Chinzwano chaMarudzi chakabudiswa muna 1920 “kuti chidzivise hondo nokusingaperi.” Chakakundikana zvinosuruvarisa sei! Chibatanwa chaMarudzi chakarongwa muna 1945 “kuti chiponese zvizvarwa zvinotevera munhamo yehondo.” Asi bhuku raMax Harrelson Fires All Around the Horizon rinorondedzera kuti: “Kwave kuchidokuva kusina zuva chifo chomugumo weHondo yeNyika II apo kwakanga kusina kurwa kune imwe nzvimbo.”
2. Chii chinobvunza vamwe vanhu pamusoro pemigariro yenyika, asi mibvunzoi yatinofanira kuva tichibvunza?
2 Ugandanga namasimba masimba, ushati nourombo, mirimo nenhenda—zvose izvozvi zvinowedzera kuchiono chinonzwisa urombo. Vamwe vanhu vangabvunza, kuti: ‘Rudzi rwomunhu runogona sei kupfuurira kutsungirira migariro inovhiringidza yakadaro?’ Zvinokosha zvikuru, kunyanguvezvo, tinofanira kubvunza, kuti: ‘Mwari anotsungirira sei kuparadzanywa kwechisiko chake chapasi? Iye achabvumira kwenguva yakareba sei vanhu vakaipa kuparadza pasi ndokututira ruzvidzo pazita rake rinokosha?’
3. (a) Mubvunzoi wakabvunza muporofita Isaya, uye nei? (b) Imhinduroi yakapa Jehovha, uye iyoyi inoratidzirei nokuda kwezuva redu?
3 Muporofita Isaya akamutsa mubvunzo wakafanana. Iye akagoverwa kuzivisa kuvanhu vomunyika biyake shoko rakabva kuna Jehovha. Asi iye akadeya kunyeverwa kuti havasati vaizoteerera kwaari kana kuti zvimwe kuna Mwari uyo akamutuma. Naizvozvo Isaya akabvunza, kuti: “[Jehovha, NW] kusvikira riniko?” Hungu, Isaya aizofanira kuparidzira kuava vanhu vane chisimbwa kwenguva yakareba sei, uye Jehovha aizoshivirira kuramba kwavo kunonyomba kuteerera shoko rake kusvikira rini? Jehovha akapindura, achiti: “Kusvikira maguta ava matongo, asina vanogaramo, nedzimba dzisino munhu, nenyika yaparadzwa chose.” (Isaya 6:8-11) Nenzira yakafanana nhasi, Mwari anotsungirira ruzvidzo rwakadaro kutozosvikira panguva yake yakagadzwa yokuita rutongeso panyika umo mutadzi mukuru ave ari chiKristudhomu chisina kutendeka.
4. Ndoupi wakanga uri muuyo wetsungiriro yaJobho, uye ivimbisoi inotipa ikoku nhasi?
4 Jehovha akatsungirira kwenguva refu kunyomba kwaSatani. Makore 3 600 apfuura, Jobho akatendeka akatsungirirawo, achiramba denho yaSatani yokuti aisagona kuchengeta perero mumuedzo. Haiwa ikoku kwakaparira sei mwoyo waJehovha kufara! (Jobho 2:6-10; 27:5; Zvirevo 27:11) Munun’una kuna mai waJesu Jakobho gare gare akati: “Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona [Jehovha, NW] zvaakavavarira naye, kuti [Jehovha, NW] uno mwoyo munyoro kwazvo une tsitsi.” Nenzira yakafanana, avo vanotsungirira naJehovha nhasi vanopikirwa muuyo unofadza.—Jakobho 5:11.
5. Jesu akaratidza sei kuti tsungiriro yaizodikanwa kuvanhu vaMwari nhasi, uye vaizofanira kutsungirira vachiita basai?
5 Jesu akaratidza nenzira yakajeka kuti tsungiriro yaizodikanwa kuvanhu vaMwari muzuva redu. Mukudeya kutaura chiratidzo che“mhedziso yetsika yezvinhu,” iye akati: “Iye akatsungirira kusvikira kumugumo ndiye uchaponeswa.” Kutsungirira tichiiteiko? Mashoko amene anotevera aJesu anopindura: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:3, 13, 14, NW) Panguva iyeyo bedzi ‘mugumo uchasvika.’—Onawo Marko 13:10, 13; Ruka 21:17-19.
Chikonzero Nei Jehovha Achitsungirira
6. Neiko Jehovha ari muenzaniso wakatanhamara wetsungiriro, uye ndechipi chiri chikonzero chimwe chaakatsungirira kwazvo?
6 Muapostora Pauro akatsanangura kuti “Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa.” (VaRoma 9:22) Neiko Jehovha akatsungirira kuvapo kunopfuuridzirwa kwavakaipa, iyi midziyo yokutsamwirwa? Chikonzero chimwe ndeichi: kuti aratidzire kuti kutonga kwomunhu, kusina Musiki womunhu, kwakashurikidzirwa kukundikano. (Jeremia 10:23) Nokukurumidza, uchangamire hwaMwari hucharevererwa sezvo anobvumikisa kuti oga anogona kuunza rugare, tsinhirano, uye mufarwa kumhuri yavanhu, kupfurikidza nokutonga kwoUmambo hwaJesu.—Pisarema 37:9-11; 45:1, 6, 7.
7. Jehovha akatsungirira nokuda kwechimwe chikonzeroi, uye ibetseroi yakaunza ikoku kumamirioni chifo chama 1930?
7 Uyezve, Jehovha akatsungirira “kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake pamusoro pemidziyo yengoni.” (VaRoma 9:23) Iyi midziyo yengoni ndivakazodzwa vanochengeta perero avo vano“tengwa pakati porudzi rwomunhu” kuti vatonge naKristu Jesu muUmambo hwake hwokudenga. Kuiswa chisimbiso kwavane 144 000 kwakapfuurira kuvambira munguva dzavaapostora. Zvino kunoswedera kumugumo. (Zvakazarurwa 7:3; 14:1, 4) Uye tarira! Chifo chama 1930 tsungiriro inopfuurira yaJehovha yakabvumidza kuunganidzwa kwamamirioni avamwe, “boka guru . . . rinobva mumarudzi ose;” avo vanofarira kariro yokupukunyuka dambudziko rokupedzisira kuti vagare nhaka youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. (Zvakazarurwa 7:4, 9, 10, 13-17, NW) Ko iwe uri mumwe weboka guru iroro here? Kana zvakadaro, haufare here kuti Jehovha akatsungirira kuvapo kwemidziyo yokutsamwirwa kutozosvikira zvino? Zvisinei, unofanira kupfuurira kutsungirira, sezvo Jehovha akatsungirira.
Tsungiriro Inotuswa
8. Neiko tose zvedu tichida tsungiriro, uye muenzanisoi wetsungiriro watinofanira kusanorangarira?
8 Tose zvedu tinoda tsungiriro kana tichizogamuchira zvipikirwa. Pashure pokutaura iyi zvokwadi huru pana VaHebheru 10:36, muapostora Pauro anorondedzera muudzame kutenda kwakaisvonaka netsungiriro zve“gore rezvapupu” guru renguva dzakare. Ipapo iye anotipangira kuti “ngatimhanye netsungiriro nhangemutange yatakaisirwa pamberi pedu, sezvatinotarisisa Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu. Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake,” Jesu akatsungirira mubasa romwoyo wose, asingatongorasikirwi nechiono chetuso. Haiwa muenzaniso wake unotisimbisawo sei kuti titsungirire!—VaHebheru 12:1, 2, NW.
9. Chii chakabva mumienzanisiro yomuzuva razvino uno yetsungiriro?
9 Mienzaniso yomuzuva razvino uno yetsungiriro yakawandawo. Iwe ungaziva, kana kuti wakaziva, hama nehanzvadzi vave vakatanhamara mutsungiriro yavo. Haiwa kutendeka kwavo kwakatinyandura sei! Uye gore rimwe nerimwe, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvinoshuma mubato wazvo wenyika yose kuWatch Tower Society, dzimwe nhauro dzinofadza dzetsungiriro nokuchengeta perero dzinogamuchirwa. Chati iri pamapeji mana anotevera inopeta basa guru rakaitwa mukati ma 1989 sezvo izvi Zvapupu zvaka‘wedzera kukutenda kwazvo tsungiriro.’—2 Petro 1:5, 6.
Gore Rakanakisisa
10. (a) Inyika ngani namapoka ezvitsuwa zvakagoverana mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo muna 1989, uye vangani vakatora rutivi muiri basa? (b) Mapiona mangani akashuma mumwedzi wechiverengero chapamusoro zvikuru, uye ndeipi yakanga iri hwerengedzo yamaawa akapedzerwa mubasa romumunda?
10 Sezvinoratidza chati iri pamusoro apa, nyika 212 namapoka ezvitsuwa zvakagoverana mukuparidzira Umambo huri kuuya hwaJehovha. Muravi anodiwa weNharireyomurindi, wakaropafadzwa here kuva mumwe wavane 3 787 188 vakatora rutivi muiri basa rakaisvonaka? Iwe wakanga uri here mumwe wavane 808 184 vakashuma samapiona mumwedzi wapamusoro zvikurusa nokuda kwebasa iroro? Chipi kana chipi chawakapa kuhwerengedzo yenyika yose muna 1989 yamaawa 835 426 538 akapedzerwa mubasa romumunda, une chikonzero chokufara.—Pisarema 104:33, 34; VaFiripi 4:4.
11. (a) Chiverengeroi chakapinda Chirangaridzo March 22 apfuura chiri chisakiso chokufara, uye nei? (b) Vangani vakabhapatidzwa, uye inyikai dziri muchati dzakanga dzakatanhamara muna ikoku?
11 Farirawo hwerengedzo iyoyo yakaisvonaka yavapindi 9 479 064, March 22 apfuura, pakuchengetwa munyika yose kweChirangaridzo chorufu rwaJesu! Ikoku kunoratidzira bviro yavazivisi voUmambo vokuwedzera vane 5 691 876, kana bedzi ava vakafanana namakwai vanofarira vakagona kufudzwa nenzira yorudo ndokupinda mudanga ramakwai, kuva norutivi rwenguva dzose mukubatira Jehovha. Tinogona kuvabetsera here muna ikoku? (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9, 15) Vazhinji vava kutogamuchira, sezvinoratidzirwa nehwerengedzo huru yeZvapupu zvitsva 263 855 zvakabhapatidzwa mukati megore rebasa ra 1989.
12. Ndaapi ari mativi ayo chati isingazivisi (a) pamusoro pamafekitari eWatch Tower Society? (b) pamusoro pokugoverwa kwamagazini nokuzvinyoresa?
12 Kune mativi ayo chati isingazivisi. Nyota yezvinyorwa—maBhaibheri, mabhuku, mabhurocha, magazini—yakanga isingapedzwi. Somuuyo, mafekitari eWatchtower muNew York akashandisa matani 25 999 amapepa mukutsikirira maBhaibheri, mabhuku, uye mabhurocha, 35 811 000, wedzero ye 101 muzana kupfuura 1988. Mamwe mafekitari makuru eWatch Tower Society, zvikurukuru muGermany, Italy, uye Japan, akashanda madzoro okuwedzera, achitsigira “muranda akatendeka nowakachenjera” mukupakura “zvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira.” (Mateo 24:45, NW) Mukati maApril naMay, kugoverwa kwakaisvonaka zvinoshamisa kwamagazini nokuzvinyoresa kwakashumwa muchiverengero chakati chenyika, nesimbiso chaiyo pakugoverwa kwezvinyorwa zveNharireyomurindi pamusoro pe“Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 17:5) Pasina panikiro, April uno anouya, mapiona ebetsero nezvimwe Zvapupu vachazara mumunda wenyika muiyi inofanira kubvumikisa zvakare kuva nhimbe yedu yakaisvonakisisa yokupupurira yegore rebasa ra 1990.—Enzanisa naIsaya 40:31; VaRoma 12:11, 12.
13. Inyikai dzakarongwa muchati dzakanga dzisina kurongwa gore rapera? Tsanangura.
13 Tarira zvakare chati yacho. Unoona here dzimwe nyika dzakanga dzisina kurongwa nezita gore rapera? Chokwadi, hungu! . . . Hungary, Poland, umo basa redu rakaitwa rapamutemo misi ichangobva kupfuura iyi. Tinoonga kuzviremera zviri muidzi nyika kuti izvo zvino zvinoratidza rangariro yakadaro nokuda kweZvapupu zvaJehovha. Muna ikoku, minyengetero yesangano renyika yose yakapindurwa, “kuti tigare norugare nokunyarara [nokuzvipira kwoumwari kwakazara, NW] nomugariro unokudzwa.”—1 Timotio 2:1, 2.
14. Ipa mapfundo makuru e“Kuzvipira Kwoumwari” Kokorodzano Dzoruwa muPoland.
14 “Kuzvipira kwoumwari”! Chokwadi, “Kuzvipira Kwoumwari” Kokorodzano Dzoruwa dzakagona kuitwa kunyange muPoland, munzvimbo nhatu, mukati maAugust! Hama dzedu dzePoland dzine 91 024 dzakabvumikisa kuva vagamuchiri vanoshamisa zvakadini! (VaHebheru 13:1, 2, 16) Sokunge nenenji, makumi ezviuru ehama—vaCzechoslovakia, vaGermany, vaRussia, uye vamwe—vakawana mavhisa okuuya nebhazi, chitima, uye kunyange netsoka. Zvimwe zviuru zvakabhururuka zvichipinda zvichibva kumaAmerica, Western Europe, uye kure sezvitsuwa zvePacific neJapan. Nhandare hombe, dzakacheneswa chose nehama dzedu, dzakanga dzisina kukura zvakakwana kukwana 65 710 paChorzów, 40 442 paPoznan, uye 60 366 paWarsaw—hwerengedzo yavakapinda vane 166 518! Panzvimbo imwe neimwe, chiono chorubhapatidzo chakabudisa misodzi yomufungo wokufara. PaPoznan ane makore 9 okukura naane makore 90 okukura vakaombekwa, uye hwerengedzo yavane 6 093 yakaombekwa pakokorodzano nhatu vakabatanidza vechiduku vakawanda, vazhinji vaivava vakabva kunyika kwakanga kwataurwa kuti rudzidziso rwaizofa navakuru. Hakuna kudaro norudzidziso rwechokwadi rwakavakirwa paShoko raMwari. (Enzanisa nePisarema 148:12, 13; Mabasa 2:41; 4:4.) Tsungiriro yehama dzedu dzomuEastern Europe yakatuswa zvinoshamisa sei!
Kutendeka Kunopfuuridzirwa Mumuedzo
15. Zvapupu muLebanon zvakaratidza sei tsungiriro nokutsiga, uye nemiuyoi yakaisvonaka?
15 Kufanana nomuapostora Pauro, Zvapupu zvaJehovha zvinorairwa kuratidza tsungiriro mumigariro yakawanda neyakasiana-siana. (2 VaKorinte 11:24-27) MuLebanon hondo yavagari vemo iri kudya marasha. Hama dzedu dzinoita sei? Norutsigo uye norusimbiriro. Gore ra 1989 rakaona kupfurwa kwamabara kukuru zvikuru nokubhomba, asi kunyange uko izvozvi zviri zvikurusa, hama dzakatsunga kusaderera. Imwe ungano yomuBeirut inoshuma, ichiti: “Mapoka enguva dzose ebasa romumunda airongwa pamadekwana ose evhiki. Pasinei zvapo nemigariro yechengeteko yakaoma, hama hadzina kuodzwa mwoyo. Takafukidza ndima dzakawanda kubvira nakare kose. Muna April takava nechiverengero chapamusoro munhamba yamapiona. Fundo dzeBhaibheri itsva dzakatangwa, uye magazini akawanda namabhuku zvakagoverwa.”
16. Hama dzedu muColombia dzakaratidza sei tsungiriro kupfurikidza nokuendesa mashoko akanaka mumataundi makanga musina Zvapupu?
16 Colombia yave iri munhau nemhaka yokutengesa mirimo namasimba masimba. Asi tsungiriro yokutendeka yamaKristu imomo inoitawo nhau. Misi ichangobva kupfuura iyi, mapiona chaiwo echinguvana akatumirwa kumataundi 31 avagari vemo vane zviuru gumi kana kuti kupfuura uko kwakanga kusina Zvapupu. Mutaundi rimwe, apo vanhu vachangobva kufarira vakawana kuti mapiona aizovamo kwemwedzi mishomanene bedzi, vakateterera kuti mapiona agare. Murimwe, vanhu vanofarira 18 vakasaina tsamba yokuonga betsero yomudzimu yakapiwa mukati mokugara kwemwedzi mitatu kwamapiona ndokukumbira betsero yokuwedzera. “Iri ibasa rakakomba,” ivo vakadaro. Zvisiri madikanwa kutaura, muzvinoitika zvose zviri zviviri gadziriro dzakaitwa dzokupfuurira kusakurira fariro yacho. Kutarisira ndima iri kure yakadaro kunoda tsungiriro, asi basa rakawanda ramapiona anoita saizvozvo rinokomborerwa zvikuru.
17, 18. (a) Zvapupu zvaJehovha zvakatsungirira muItaly mumigariroi? (b) Ko Zvapupu zvakararama sei pasinei zvapo nokupararira kwenhema pamusoro pazvo?
17 MuItaly, Zvapupu zvaJehovha zvinotarisana nechishoro chakasimba chavakuru vorudzidziso, asi musimba raJehovha ivo vakatsungirira. Mumaruwa akasiana-siana, vakuru vorudzidziso vakaparadzira mapepa anonamirwa kuti anamirwe pamasuo edzimba dzavomuruwa rwavo anoudza Zvapupu zvaJehovha kusaridza bhero rapasuo. Vaprista vakawanda vakaunganidza vakomana vaduku kuti vaise aya mapepa anonamirwa pamasuo ose munharaunda yakati—kunyange pamisha yemhuri dzeZvapupu! Zvapupu, zvisinei, hazvityisidzirwi nyore nyore, uye kazhinji kazhinji zvinoshandisa mapepa anonamirwa kutanga kurukurirano. Uyezve, mapepanhau neterevhizheni yorudzi zvakafukidza zvikuru nhau yacho, zvichishurikidza kusashivirira kworudzidziso kwakaratidzwa nokusimbisa kuti unyanzvi hwakadai saihwohwu chiratidzo chaizvoizvo choutera hwechechi. Mumwe purofesa weyunivhesiti akagumburwa kwazvo namapepa anonamirwa anomutsa nharo anorwisana neZvapupu zvokuti iye akazvinyoresa kuNharireyomurindi neAwake!
18 Chechi yeKaturike muItaly inotoshandisa vawi pakutenda kuparadzira nhema pamusoro pavanhu vaJehovha, asi ikoku hakushandiwo nemhaka yokuti vaparidzi 170 000 vanosanozivikanwa uye vanoremekedzwa. Mumwe murume akaudza Zvapupu zvinoshanyira kuti akanga arava zvinhu zvakashata pamusoro pedu mumabhuku akanyorwa nevaichimbova Zvapupu. Iye aishora zvikuru, naizvozvo, apo mukoma wake akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, iye akacherechedza kuti chinjo yamukoma wake yorudzidziso yakanga yava nomuuyo wakanaka sei paari. Iye akashamisika: ‘Kunobvirira sei chimwe chinhu chakashata kwazvo kuparira miuyo yakanaka yakadaro?’ Nokudaro, iye akakumbira fundo yeBhaibheri neZvapupu zvinoshanyira.—Enzanisa naVaKorose 3:8-10.
Kugonana Nokusakendenga
19, 20. (a) Mugariroi wakada tsungiriro kuZvapupu muFinland, uye chii chinokosha chaizvoizvo pamusoro penzvero yechechi? (b) Ndichinoitikai chinoratidzira ukoshi hwetsungiriro mukuparidzira mashoko akanaka?
19 Munyika umo Zvapupu zvinoshanyira kazhinji kazhinji, munowanzova nokusakendenga kwakapararira kumashoko akanaka. Ikoku zvamazvirokwazvo ndozvakwakaita muFinland. Chechi munyika iyoyo yakaitisa nzvero ndokuwana kuti 70 muzana yechiverengero chavagari vemo haidi kushanyira kweZvapupu misha yavo. Zvisinei, 30 muzana hairambi zvakasimba, uye vaivava, 4 muzana vakati vanoda zvomenemene Zvapupu zvaJehovha. Iyi inhamba inokosha. Vana muzana vechiverengero chavagari vemo veFinland vanomirira vanhu 200 000. Enzanisa ivavo nenhamba yavaparidzi yazvino ye 17 303!
20 Mumwe muparidzi aiva mubasa akakweverwa ngwariro yake kuiyi nzvero uye akabvunzwa, kuti: “Hauzivi here kuti 70 muzana yedu inokurangarirai imi vanhu kuva musingadikanwi? Neiko muchiramba muchiuya kumasuo edu?” Muparidzi akapindura, achiti: “Hungu, asi fundo imwe cheteyo yakaratidza kuti 4 muzana yenyu inotida. Tiri kuedza kuwana vanhu ivavo. Kunyange kudai vaingova bedzi 1 muzana, taizongoenda paimba neimba tichiedza kuvawana.” Saimba akafunga kwenguva yakati ndokuti: “Ko shoko renyu rinokosha kudaro kwavari here?” Muparidzi akapindura kupfurikidza nokubvunza, kuti: “Mungada kurinzwa here?” Nokukurumidza uyu saimba akaratidzira fariro mumashoko akanaka.
Chine Nguva Yemberi
21. (a) Rudzii rwokurwa rwatinofanira kurwa mutsika ino, uye nei? (b) Chii chatingafanira kutsungirira, uye uporofita hwaHabhakuki hunotipikira chii?
21 Zvakadiniko nesu tose nhasi? Takatsunga here kutsungirira naJehovha naKristu Jesu kusvikira kumugumo? Ingasava nguva refu zvikuru, asi tinofanira kutsungirira! Mutsika yaSatani, tinofanira kurwa zvakaoma nokuda kwokutenda, sezvoutere hwenyika, ushati, uye ruvengo zvakatipoteredza pamativi ose. (Judhasi 3, 20, 21) Tingafanira kutsungirira chitambudzo chorudzi rwakati. Kunyange zvino, zviuru zvehama dzedu zviri kutambura mumatorongo, uye vamwe vari kurohwa noutsinye. Ivava vanoonga nokuda kweminyengetero yedu. (2 VaTesaronika 3:1, 2) Nokukurumidza zvikuru, tsika yazvino haisati ichizovapozve! Habhakuki anoti: “Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.”—Habhakuki 2:3.
22. Muuyoi watingakarira nechivimbo kana tikashandisa shiviriro yavaporofita netsungiriro yaJobho?
22 Mudzidzi Jakobho anotiudza norudo, kuti: “Hama dzangu, pakutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita ra[Jehovha, NW].” Isu nhasi tinotaura muzita raJehovha tinogona kuva vachengeti veperero mukati memiedzo yakakasharara, sezvakanga zvakaita Isaya, Jeremia, Dhanieri, uye vamwe. Kufanana naJobho, tinogona kutsungirira. Iye akatuswa zvinoshamisa sei nokuda kwetsungiriro yake! Ngoni dzaJehovha nomutsa worudo zvichatiunzira tuso dzakaenzana—kana tikatsungirira kusvikira kumugumo. Uye mashoko aJakobho ngaazadzike kuno mumwe nomumwe wedu: “Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa.”—Jakobho 5:10, 11; Jobho 42:10-13.
Ungapindura Sei?
◻ Kudikanwai kwetsungiriro kwakasimbisa Jesu?
◻ Jehovha akatsungirira nokuda kwezvikonzeroi?
◻ Ndaapi ari mapfundo makuru ebasa rakaisvonaka rakaitwa mukati ma 1989?
◻ Tsungiriro yehama dzedu muPoland yakatuswa sei?
◻ Zvapupu zvomuLebanon, Colombia, uye Italy zvakaratidza sei kutendeka mumuedzo?
[Chati iri papeji 20-23]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA 1989 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(ona bhaundi vhoriyamu)