Upenyu hwaJesu Noushumiri
Ushumiri Patembere Hunopedzwa
JESU ari kuita kuoneka kwake kwokupedzisira patembere. Kutaura idi, iye ari kupedzisa ushumiri hwake hwapachena pasi pano kunze kwezvinoitika zvokutongwa kwake nokuurawa mazuva matatu gare gare. Zvino iye anopfuuridzira kutsiura kwake vanyori navaFarise.
Kamwe katatu iye anoti: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri!” Kutanga, iye anozivisa nhamo pavari nemhaka yokuti ivo vanochenesa “kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusazvidzora.” Naizvozvo iye anopa zano, achiti: “Tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.”
Tevere iye anozivisa nhamo pavanyori navaFarise nokuda kwokuora kwomukati nokushata izvo ivo vanoedza kuvanza kupfurikidza noutsvene hwokunze. “Makafanana namarinda akacheneswa,” iye anodaro, “anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa avakafa netsvina yose.”
Pakupedzisira, unyengeri hwavo hunooneka mukudisa kwavo kuvaka makuva avaporofita ndokuashongedza kukwevera ngwariro kumabasa avo omutsa. Bva, sezvinozivisa Jesu, ivo “vanakomana vavakauraya vaporofita.” Zvamazvirokwazvo, munhu upi noupi anoshinga kuratidzira unyengeri hwavo ari mungozi!
Achipfuurira, Jesu anotaura mashoko ake akasimba zvikurusa eshurikidzo. “Imi nyoka, imi vana venyoka,” iye anodaro, “muchatiza seiko kutonga kweGehena?” Gehena mupata unoshandiswa sedurunhuru reJerusarema. Naizvozvo Jesu ari kutaura kuti nokuda kwokuronda nzira yavo yakaipa, vanyori navaFarise vachatambura ruparadziko rusingaperi.
Pamusoro paavo anotuma savamiriri vake, Jesu anoti: “Muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera [padanda, NW]; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose. Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri wakanga akarurama, kusvikira paropa raZekaria, mwanakomana waBharakia, anonzi [Jehoyadha muna 2 Makoronike], wamakauraya patembere neatari. Pamusoro paizvozvo ndinoti kwamuri, Izvi zvose zvichauya pamusoro porudzi urwu.”
Nemhaka yokuti Zekaria akatsiura noushingi vatungamiriri vaIsraeri, “vakarangana, vakamutaka namabwe paruvazhe rweimba yaJehovha, varairwa namambo.” Asi, sezvinodeya kutaura Jesu, Israeri achabhadhara nokuda kweropa rose rakadaro rakarurama rakadeurwa. Ivo vanobhadhara makore 37 gare gare, muna 70 N.V., apo hondo dzeRoma dzakaparadza Jerusarema uye vaJudha vanopfuura mirioni vakaparara.
Sezvo Jesu anorangarira uyu mugariro unotyisa, anotambudzika. “Jerusarema, Jerusarema,” iye anozivisa zvakare, “ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiirwa imba yenyu yava dongo.”
Jesu ipapo anowedzera, kuti: “Kubva zvino hamuchazondioni kusvikira mati ‘Ngaarumbidzwe iye unouya nezita [raJehovha, NW]!’” Zuva iroro richava pakuvapo kwaKristu apo anouya muUmambo hwake hwokudenga uye vanhu vachimuona nameso okutenda.
Jesu zvino anoenda kunzvimbo uko anogona kutarira zvivigiro zvemari mutembere uye mapoka anodonhedza mari mazviri. Vapfumi vanodonhedza mari yakawanda. Asi ipapo chirikadzi murombo inouya uye inodonhedza mari duku mbiri dzoukoshi huduku zvikuru.
Achidana vadzidzi vake, Jesu anoti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kuna avo vose vakaisa muchivigiro.” Ivo vanofanira kushamisika kuti ikoku kunogona kuva kwakadaro sei. Naizvozvo Jesu anotsanangura achiti: “Nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.” Pashure pokutaura zvinhu izvozvi, Jesu anobva patembere kwenguva yokupedzisira.
Vachishamiswa noukuru norunako zvetembere, vadzidzi vake vanoti: “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka!” Zvamazvirokwazvo, mabwe acho anoshumwa kuva akareba kupfuura mamita 11, kufara kupfuura mamita 5, uye kureba kupfuura mamita 3!
“Unoona dzimba idzi huru?” Jesu anopindura kudaro. “Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe risingazowisirwi pasi.”
Pashure pokutaura izvi zvinhu, Jesu navaapostora vake vanoyambuka Mupata waKidroni uye vanokwira Gomo reMiorivhi. Vari ipapo ivo vanogona kutarira pasi patembere yakaisvonaka. Mateo 23:25–24:3; Marko 12:41–13:3; Ruka 21:1-6; 2 Makoronike 24:20-22.
◆ Chii chinoita Jesu mukati meshanyo yake yokupedzisira kutembere?
◆ Unyengeri hwavanyori navaFarise hunoratidzirwa sei?
◆ Chii chinorehwa no“rutongeso rweGehena”?
◆ Neiko Jesu achitaura kuti chirikadzi yakapa kupfuura vapfumi?