‘Ndakabhururuka Namapapiro Samakondo’
Yakataurwa naIngeborg Berg
NDAKABEREKWA anopfuura makore zana rimwe apfuura, pana June 5, 1889, pedyo neFredensborg Castle, kuchamhembe kweCopenhagen. Apo mhuri youmambo yeDenmark yaiva navashanyi, kubatanidza madzimambo namadzishe vakabva kunyika dzeEurope, vakadzi vanobva mumisha yavapfumi muFredensborg vaikokwa kuzobetsera nezvokudya nokugovera. Somusikana muduku, ndaiwanzotorwa ndokubvumirwa kutamba nokumhanya-mhanya muimba yamambo.
Kwakajeka zvikurusa kuyeuka kwangu Czar Nicholas II weRussia nemhuri yake. Kunze kwekamuri rake rokurara kwaimira varindiri vake, murwi ane munondo wakavhomorwa. Varwi vaida vana, uye pane imwe nguva mumwe wavo akaedza kundimbundira. Ndatyiswa, zvikurukuru nendebvu dzake huru, ndakamhanya nomumikoto mirefu yeimba yamambo.
Pane imwe nhambo Czar Nicholas II, Mambo Wilhelm II weGermany, uye mwanakomana waMambokadzi Victoria, uyo gare gare akazova Mambo Edward VII weEngland, vakashanyira mambo weDenmark Christian IX. Apo vaifamba-famba mumigwagwa yeFredensborg, vachitaura nomutsa navanhu, Czar Nicholas akandibhabhadzira pamusoro pangu sezvo ndakamutyorera muzura. Yakanga iri nguva ine rugare panguva iyeyo, uye misoro yamarudzi yaisatyira chengeteko yayo sezvainoita nhasi.
Rugare Runotorwa
Muna 1912 ndakavamba kushanda somukoti muSouth Jutland, ndichibatira vanhu vanotsigira Denmark parutivi rweGermany rwomuganhu. South Jutland yakanga yave ichitongwa neGermany chibviro chehondo muna 1864 pakati peDenmark nePrussia. Ndakabetsera vanamai vaiva navana vachangobva kuberekwa ndokuva akasanorovedzana navazhinji veidzi mhuri duku.
Muna 1914 ndakaroorwa nomurindiri womuganhu weDenmark ndokusvika pakugara parutivi rweDenmark rwomuganhu. Nokukurumidza pashure pezvo hondo yakatanga. Gare gare yakanzi Hondo Huru uye, pakupedzisira, Hondo yeNyika I. Mamwe mangwanani, waya ine minzwa yakaiswa mumuganhu, ichidzivisa kufamba kwakasununguka kuiyambuka. Rugare nechengeteko zvataiva nazvo kusvikira panguva iyeyo zvakapera.
Rutyo nokusava nomufungo kwehondo zvakasvika pedyo zvikuru nesu apo takaziva kuti vanababa vaduku mumhuri dzose dzandakanga ndashanyira somukoti vakanga vachidanwa nokuda kwebasa rehondo. Uye vose kunze kwomumwe akava paMuganhu wokuMadokero paMarne! Kwakanga kuchityisa kufunga nezvechirikadzi duku, dzinotambura kurasikirwa navarume vadzo navana vaduku vanababa vavo. Ava vakadzi vaduku vaigona seiko kutarisira mapurazi avo? “Mwari ari kupiko?” ndakabvunza kudaro.
Mukati mehondo, mugariro pamuganhu waiwanzova wakakomba zvikuru sezvo vapoteri vaiedza kuyambuka. Ndakagoverwa kunzvera vakadzi vaifungidzirwa kuverevedza zvinhu. Kazhinji kazhinji, zvakanga zviri zvokudya zvavaitakura, uye ndaiwanzokufuratira ndokuvarega vachienda. Hondo yakaguma muna 1918, uye muna 1920 South Jutland yakabatanidzwazve neDenmark.
Kuwana Kutenda Muna Mwari
Kunyange zvazvo kutenda kwangu muna Mwari kwakanga kwaneta nemhaka yokusaruramisira kwose kwandakaona, ndakanga ndichinzvera revo kuupenyu. Alfred, murume wangu, uye ini taipinda chechi nguva dzose, asi mibvunzo yedu yakanga isingapindurwe.
Muna 1923 takatamira kumusha muduku wokuredza paFlensburg Fjord, uye Alfred akavamba kushanda somuredzi. Nokukurumidza takava vakarovedzana nemhuri yavakanga vari vaBaptist. Kunyange zvazvo takanga tiri vaLutheran, rimwe zuva takagamuchira kokero yavo kuhurukuro yeBhaibheri kuFerry Inn muEgernsund. Tisati taenda, ndakapfugama ndokunyengetera, kuti: “Kana kuna Mwari, ndapota teererai munyengetero wangu!”
Hurukuro yacho yakanga ichireva nezvomukadzi wapatsime yeSikari, uye yakandipa chishuvo chokurava Bhaibheri. Somuuyo, ndakava, sokunge zvakadaro, munhu mutsva! Ndakanyorera amai vangu: “Imi nguva dzose maitaura kuti ndinofanira kutendeutsirwa kuna Mwari. Ndinofunga kuti ikoku kwaitika zvino; ndave ndichitya kukuudzai kutyira kuti mufaro wandakawana unganyangarika. Asi unopfuurira!”
Pane imwe nguva gare gare, muna 1927, ndakawana mukamuri redu rapadenga kabhukwana kane musoro unoti Freedom for the Peoples. Iko kakabata ngwariro yangu, uye ndakanyura kwazvo muzvomukati zvokuti ndakakanganwa nguva nenzvimbo. Handina kuzvibvisa ndimene pakukarava kutozosvikira vana vauya kumba vachibva kuchikoro uye vaida kudya.
Apo Alfred akauya kumba madekwana iwayo, ndakamuudza nembavarira huru zvandakanga ndarava. Ndakamuudza kuti kana izvo kabhukwana kacho kakataura zvakanga zviri zvechokwadi, ipapo chechi yakanga isiri imba yaMwari, uye tinofanira kurega ndokuisiya nokukurumidza. Alfred akafunga kuti ikoku kwaizova kuti kurumidzei, uye akataura saizvozvo. Asi takabvumirana kunyora tsamba kuhofisi yebazu yeWatch Tower Society muCopenhagen ndokukumbira mamwe mabhuku.
Mumhinduro kuchikumbiro chedu, mutariri anofambira, Christian Rømer, akatumwa kuzotishanyira. Takamupa kamuri ravana ndokuisa mibhedha yavo mukamuri rapadenga. Mumangwanani nomumasikati, Hama Rømer vaibuda kundoparidzira pasuo nesuo, uye madekwana mamwe namamwe aifunda nesu. Iye akagara kwamazuva mana, uye takava chaizvoizvo nenguva inoshamisa. Apo akaenda, ndakabvunzazve Alfred pamusoro pokubuda muchechi. Nguva ino akabvuma nembavarira.
Naizvozvo Alfred akaenda kumufundisi netsamba yedu yokurega. Mufundisi akafunga kuti Alfred akanga auya nemhaka yokuti kwakanga kune mumwe mwana wokubhapatidzwa. Zvisinei, apo iye akanzwisisa chikonzero nei Alfred akanga auya, aisagona kukudavira. “Chii chakaipa nechechi?” iye aida kuziva. Alfred akadudza dzidziso yoUtatu, kusafa kwomweya, uye kutambudzwa kusingagumi. “Bhaibheri haridzidzisi zvinhu izvozvi,” Alfred akadaro. Apo mufundisi akapindura zvisingagutsi kuti haasati aizotongotaura nezvezvinhu izvozvi kuvanhu vaigona kuzvifungira vamene, Alfred akati nesimba: “Tinoda kubuda muchechi!”
Kubata Kunoshamisa Norubhapatidzo
Kokorodzano yaizoitirwa muCopenhagen, asi takanga tisina mari yakakwana uye taisagona rwendo rwacho. Ndakanyengetera kuna Mwari kuti atiratidze nzira yokusvikako nayo, sezvo taida kubhapatidzwa. Chinguvana pamberi pekokorodzano yacho, Alfred akaenda neigwa kuchikamu chengarava chinopinda munyika kuzoredza hove. Iye akabata dzakawanda kwazvo zvokuti igwa rakazadzwa, uye takagona kubhadhara rwendo rwedu. Varedzi vomunzvimbomo vakakatyamadzwa, sezvo hove shomanene dzaibatwa gore iroro muchikamu chengarava chinopinda munyika. Kutaura idi, anopfuura makore 50 gare gare, varedzi vomunzvimbomo vakanga vachingotaura pamusoro pe“nenji racho.” Takakudana kuti kubata kwaPetro hove. Naizvozvo pana August 28, 1928, takabhapatidzwa.
Rubhapatidzo rwacho rwakanga rwakasiana norubhapatidzo rwanhasi. Seri kwechifukidziro kwakanga kune dziva rorubhapatidzo. Apo chifukidziro chakavhurwa, kwakanga kuna Hama Christian Jensen akagadzirira kuombeka. Akanga akapfeka kanyanga, akamira pakati pedziva mvura ichisvika muchiuno chake. Isu vabhapatidzwi takanga takapfeka nguvo chena refu. Kutanga varume vakabhapatidzwa uye ipapo vakadzi.
Mukati mekokorodzano muCopenhagen, takagara navabereki vangu. Apo ndakauya kumba madekwana iwayo, baba vangu vakabvunza kwatakanga tave tiri.
“Tave tiri kumusangano,” ndakadaro.
“Chii chaitikako?”
“Tabhapatidzwa,” ndakapindura kudaro.
“Mabhapatidzwa?” iye akakuma. “Ko rubhapatidzo rwawakapiwa somwana rwakanga rwusina kunaka zvakakwana here?”
“Aiwa, Baba,” ndakapindura kudaro. Ipapo vakandirova nzeve zvinorwadza, vachishevedzera, kuti: “Ndichakubhapatidza!”
Ndakanga ndine makore 39 okukura uye amai wavana vashanu apo nokudaro ndakarohwa kwokupedzisira panzeve nababa vangu, avo nezvisizvo vakanga vakaisvonaka zvikuru uye vane mutsa. Ivo havana kuzotongodudza zvakare chinoitika chacho. Sezvineiwo, Alfred akanga achigere kuuya kumba, uye ndakamuudza chakanga chaitika makore gare gare.
Nguva Yokusefa
Apo takasvika kumusha, ndakashanyira mumwe munhu wandakanga ndarangarira sehanzvadzi uye ndakamuudza nembavarira pamusoro pekokorodzano norubhapatidzo rwedu. Iye akagara chinyararire zvikuru uye ipapo akati: “Ndino urombo, ndino urombo Hanzvadzi Berg. Hausati uchifanira kudavirazve ikoku. Rimwe raawa mazuva imwe hama yokuFlensburg ichauya, uye ichatsanangura zvokwadi kwatiri.”
Ndakakatyamadzwa. Handina kutongokwanisa kuchovha bhasikoro ndichienda kumusha. Bhero rechechi yapedyopo rakanga richirira zvikuru, uye nokuda kwokurova kumwe nokumwe kwakaita sokunge ndakanzwa kuti “rufu, rufu” munzeve dzangu. Nechomukati ndakadanidzira kuna Jehovha nokuda kwebetsero, uye ndakayeuka mashoko ePisarema 32:8, 9: “Ndichakuraidza nokukudzidzisa munzira yaunofanira kufamba: ndichakutungamirira neziso rangu. Usava sebhiza, kana kuti sehesera, zvisina nzwisiso: zvine muromo unofanira kubatwa norwauro netomu, kutyira kuti zvichasvika pedyo newe.”—King James Version.
Pandakasvika kumusha, ndakatora Bhaibheri rangu ndokurava Munyengetero waShe. Ndakakurudzirwa. Ndakayeuka mufananidzo weparera romutengo mukuru. (Mateo 13:45, 46) Umambo hwakanga hwakafanana neparera iroro. Ndakanga ndichida kupa zvose zvandaiva nazvo kuti ndiwane Umambo. Iyi mifungo yakanga iri yenyaradzo kwandiri. Uye kwakanga kune zvimwe zvikomborero.
Muna 1930 magazini inonzi The Golden Age (zvino Mukai!) yakavamba kubudiswa muchiDenmark pasi pezita rokuti The New World. Uye gore rakatevera racho, isu Vadzidzi veBhaibheri takafadzwa nokugamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Kwakanga kuchingova navashomanene bedzi vedu munharaunda yedu panguva yacho, uye panguva nenguva misangano yaiitirwa mumusha medu. Sezvo mugwagwa wataigara wainzi The Staircase, takanzi The Staircase Ungano.
Kutsungirira Mimwe Miedzo
Muna 1934 ndakava nokuvhiiwa kukuru uye somuuyo, ndakaoma mitezo. Ndakanga ndiri pamubhedha kwamakore maviri nehafu, uye vanachiremba vakadeya kutaura kuti ndaizoganhurirwa kuwheelchair kworutivi rwose rwasara rwoupenyu hwangu. Yakanga iri nguva yakaoma zvikuru nokuda kwangu, asi mhuri yangu yakanga iri betsero inoshamisa.
Alfred akanditengera Bhaibheri rine mabhii makuru, uye mwanakomana wedu mudukusa akariitira pokuriisa zvokuti ndaigona kurara pamubhedha ndokurirava. Asi ndaidawo kuparidzira, naizvozvo Alfred akaisa chikwangwani pamugwagwa icho chaizivisa magazini matsva. Avo vaifarira vaipinda kuzondiona, uye ndaitaura kwavari. Muuyo weichi chikwangwani wakanga uri wokuti vanhu vomunharaunda macho vakadana musha wedu kuti Nyika Itsva.
Vatariri vanofambira vaisvinurira kundishanyira. Nokudaro ndakava akasanorovedzana neidzi hama dzakakura mumudzimu nedzine ruzivo rwokuzviwanira, uye ndakakurudzirwa zvikuru nadzo. Uyewo, ndaishandisa nguva yacho kufunda Bhaibheri, uye zivo yacho yakanditsigira. Ndakanzwa sokunge ‘ndakabhururuka namapapiro segondo.’—Isaya 40:31.
Apo, muna 1935, kuzivikanwa kwe“boka guru” kwakajeka, hama zhinjisa nehanzvadzi munharaunda medu, kubatanidza mwanakomana wedu mukurusa nomwanasikana, vakarega kudya chingwa newaini paChirangaridzo. Zvisinei, vashomanene vedu hatina kutongopanikira kudanwa kwedu kwokudenga. Bva, takafarawo pamusoro penzwisiso yedu itsva yedonzo rakaisvonaka raJehovha pamusoro peboka guru netuso yavo youpenyu husingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 7:9, NW; Pisarema 37:29.
Pashoma napashoma ugwinyi hwangu hwakavandudzika, mukupesana neizvo vanachiremba vakanga vakarira, uye ndakakwanisazve kuva negoverano yakazara mubasa rinokosha rokuparidzira nokudzidzisa.
Hondo yeNyika II Napashure
Mhiri kwechikamu chegungwa chinopinda munyika taigona kuona Germany, uye takavamba kunzwa pesvedzero yechiNazi. Vamwe vavavakidzani vedu vakava vaNazi, uye ivo vakatityisidzira: “Mirai kusvika Hitler auya. Ipapo muchaguma mava mumusasa wechibharo kana kuti pachitsuwa chiri choga!”
Takarangarira kuva kwakanakisisa kutama. Vanhu vane ushamwari vakatibetsera kuwana furati muSønderborg, taundi guru zvikuru risiri kure zvikuru. Hondo yeNyika II yakavamba muna September 1939; takatama muna March 1940; uye pana April 9, mauto eGermany akatapa Denmark. Nenzira yechienzi, zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvomuDenmark hazvina kuva vanyajambwa vengwariro yeGermany.
Apo chiroto chaHitler chorukundo pakupedzisira chakaparadzika, ndaiva nefundo dzeBhaibheri navaGermany vazhinji vakaora mwoyo vaigara muSønderborg. Mufaro wakadini kwete bedzi kuona vazhinji vaava vadzidzi veBhaibheri vachitsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha asiwo kuva navazhinjisa vavana vangu navazukuru vanoshingaira mubasa rechiKristu!
Ndakarasikirwa nomurume wangu muna 1962, muzukuru muna 1981, uye mwanasikana wangu mukurusa muna 1984. Kuramba ndichishingaira mubasa raJehovha ndiko kwakandibetsera muidzi nguva dzose dzorusuruvaro.
Kwave kuchishamisa kuona fambiro mberi yebasa roUmambo muDenmark kuvambira panguva yandakavamba muna 1928. Ipapo taingova bedzi navanenge vaparidzi 300, asi zvino mune vanopfuura 16 000! Ndinoonga kuti ndichiri kungogona, pamakore ane zana ezera, kuva anoshingaira mubasa. Zvirokwazvo ndakawana zadziko yamashoko ari pana Isaya 40:31: “Vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.”