Zivisa Umambo hwaJehovha Noushingi!
“Aigamuchira nomutsa vose avo vaipinda kwaari, achiparidzira umambo hwaMwari kwavari.”—MABASA 28:30, 31, “NW.”
1, 2. Ufakazii hwetsigiro youmwari hwaiva nomuapostora Pauro, uye muenzanisoi waakagadza?
JEHOVHA anotsigira nguva dzose vazivisi voUmambo. Ikoko kwakanga kuri kwechokwadi sei nezvomuapostora Pauro! Netsigiro youmwari, akaoneka pamberi pavatongi, akatsungirira chiito chenyongori, uye akazivisa Umambo hwaJehovha noushingi.
2 Kunyange somusungwa muRoma, Pauro “aigamuchira nomutsa vose avo vaipinda kwaari, achiparidzira umambo hwaMwari kwavari.” (Mabasa 28:30, 31, NW) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kweZvapupu zvaJehovha nhasi! Tinogona kudzidza zvizhinji muushumiri hwaPauro sezvakashumwa naRuka muganhuro dzokupedzisira dzebhuku reBhaibheri raMabasa.—Mabasa 20:1–28:31.
Vatendi Biyake Vanovakwa
3. Chii chakaitika paTroa, uye ifananoi ingaitwa nezuva redu?
3 Pashure pokunge nyongori muEfeso yaderera, Pauro akapfuuridzira rwendo rwake rwechitatu rwoufundisi. (20:1-12) Apo akanga odokuenda nechikepe kuSiria, zvisinei, akaziva kuti vaJudha vakanga vamurangana. Sezvo vangave vakaronga kukwira chikepe chimwe chetecho ndokuuraya Pauro, iye akaenda nomuMakedhonia. PaTroa, akapedza vhiki achivaka vatendi biyake sezvinoita vatariri vanofambira pakati peZvapupu zvaJehovha zvino. Pausiku hwapamberi pokuenda kwake, Pauro akarebesa hurukuro yake kutozosvikira pakati pousiku. Yutiko, agere pawindo, sezviri pachena akanga aneta nebasa rezuva racho. Akawa abatwa nehope achibva panhurikidzwa yechitatu achibva afa, asi Pauro akamudzorera kuupenyu. Ikoku kunofanira kuva kwakaparira mufaro wakadini! Funga, ipapoka, nezvomufaro uchavapo apo mamirioni mazhinji anomutswa munyika itsva iri kuuya.—Johane 5:28, 29.
4. Pamusoro poushumiri, Pauro akadzidzisei vakuru veEfeso?
4 Ari panzira kuenda kuJerusarema, paMireto, Pauro akasangana navakuru veEfeso. (20:13-21) Akavayeuchidza kuti akanga avadzidzisa “paimba neimba” uye kuti “akapupurira zvakakwana kuvose vari vaviri vaJudha navaGiriki pamusoro porupfidzo kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.” Avo pakupedzisira vakava vakuru vakanga vapfidza, uye vaiva nokutenda. Muapostora akanga avewo achivarovedza kuzivisa Umambo noushingi kuna vasingatendi muushumiri hwapaimba neimba kufanana nouhwo hunoitwa neZvapupu zvaJehovha nhasi.
5. (a) Pauro akava sei womuenzaniso pamusoro penhungamiro yakapiwa nomudzimu mutsvene? (b) Neiko vakuru vaida zano roku‘pa ngwariro kuboka rose’?
5 Pauro akanga ari womuenzaniso mukugamuchira nhungamiro inopiwa nomudzimu mutsvene waMwari. (20:22-30) “Asungwa mumudzimu,” kana kuti achinzwa achisungirwa kutevera nhungamiro yawo, muapostora aizoenda kuJerusarema, kunyange zvazvo zvisungo namatambudziko zvakanga zvakamumirira ikoko. Aikoshesa upenyu, asi kuchengeta perero kuna Mwari kwaiva chinhu chinokosha zvikurusa kwaari, sezvakunofanira kuva kwakaita kwatiri. Pauro akakurudzira vakuru vacho ‘kupa ngwariro kuboka rose ravakanga vagadzwa pakati paro savatariri varo nomudzimu mutsvene.’ Pashure po“kuenda” kwake (sezviri pachena murufu), “mapere anoparadza” aisazo“bata boka nounyoro.” Varume vakadaro vaizomuka pakati pavakuru vacho vamene, uye vadzidzi vanonzwisisa zvishoma vaizogamuchira dzidziso dzavo dzakamonyana.—2 VaTesaronika 2:6.
6. (a) Neiko Pauro aigona nechivimbo kupa vakuru kuna Mwari? (b) Pauro akatevera sei nheyo yaMabasa 20:35?
6 Vakuru vaifanira kuramba vakasvinura mumudzimu kuti vadzivise kuwa pakutenda. (20:31-38) Muapostora akanga avadzidzisa Magwaro echiHebheru nedzidziso dzaJesu, izvo zvine simba rinotsvenesa iro raigona kuvabetsera kugamuchira Umambo hwokudenga, “nhaka pakati pavose vakatsveneswa.” Kupfurikidza nokushanda kuti azvigovere amene navasonganiri vake, Pauro akakurudzirawo vakuru vacho kuva vashandi vane simba. (Mabasa 18:1-3; 1 VaTesaronika 2:9) Kana tikaronda nzira yakafanana ndokubetsera vamwe kuwana upenyu husingagumi, tichanzwisisa mashoko aJesu, okuti: “Kupa kuno mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” Mufungo wokutaura uku unowanikwa muEvhangeri asi unonokorwa mashoko bedzi naPauro, uyo angave akaugamuchira nokutaurirwa kana kuti nefuridziro. Tinogona kufarikanya mufarwa mukuru kana tichizvibaira timene sezvakanga zvakaita Pauro. Chokwadi, akanga azvipa amene zvikuru kwazvo zvokuti kuenda kwake kwakasuruvarisa vakuru veEfeso zvikuru!
Kuda kwaJehovha Ngakuitike
7. Pauro akagadza sei muenzaniso mukuzviisa pasi pokuda kwaMwari?
7 Sezvo rwendo rwechitatu rwoufundisi rwaPauro rwakaswedera pedyo nomugumo warwo (c. 56 N.V.), akagadza muenzaniso wakaisvonaka mukuzviisa pasi pokuda kwaMwari. (21:1-14) MuKesaria iye neshamwari dzake vakagara naFiripo, akanga ane vanasikana vana mhandara “vakaporofita,” vachideya kutaura zvinoitika kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Imomo muporofita wechiKristu Akabho akasunga maoko ake amene namakumbo nebhanhire raPauro uye akasundwa nomudzimu kutaura kuti vaJudha vaizosunga muridzi waro muJerusarema ndokupa mumaoko aVamarudzi. “Ndakagadzirira kwete bedzi kusungwa asiwo kufira kuJerusarema nokuda kwezita raShe Jesu,” akadaro Pauro. Vadzidzi vakabvumirana, vachiti: “Kuda kwaJehovha ngakuitike.”
8. Kana isu padzimwe nguva tichikuona kwakaoma kugamuchira zano rakanaka, chii chatingayeuka?
8 Pauro akaudza vakuru muJerusarema izvo Mwari akaita kupfurikidza noushumiri hwake pakati paVamarudzi. (21:15-26) Kana tichimbokuwana kwakaoma kugamuchira zano rakanaka, tinogona kuyeuka kuti Pauro akarigamuchira sei. Kubvumikisa kuti akanga asiri kudzidzisa vaJudha munyika dzaVamarudzi “kuti varambe Mosesi,” akateerera zano ravakuru rokucheneswa kwomuitiro ndokufukidza ndyiko nokuda kwake amene navamwe varume vana. Kunyange zvazvo rufu rwaJesu rwakabvisa Mutemo munzira, Pauro haana kuita chakaipa kupfurikidza nokuita mativi awo pamusoro pemhiko.—VaRoma 7:12-14.
Vakadenhwa Nenyongori Asi Havana Kutya
9. Pamusoro pamasimba masimba enyongori, ifananoi iripo pakati pezvinoitika zvaPauro neizvo zveZvapupu zvaJehovha nhasi?
9 Zvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji zvakachengeta perero kuna Mwari mukunangana namasimba masimba enyongori. (Somuenzaniso, ona 1975 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 180-90.) VaJudha vakabva Asia Minor nenzira yakafanana vakanyandura chiito chenyongori mukurwisana naPauro. (21:27-40) Vachiona Trofimo muEfeso anaye, vakapomera muapostora zvenhema kusvipisa tembere kupfurikidza nokupinza vaGiriki mairi. Pauro akanga odokuurawa apo Mutongi weRoma Kraudhio Risia navarume vake vakanyaradza nyongori! Sezvakadeya kutaurwa (asi zvakaparirwa navaJudha), Risia akaita kuti Pauro asungwe nengetani. (Mabasa 21:11) Muapostora akanga odokupinzwa muimba yavarwi yaiva pedyo nedare retembere apo Risia akaziva kuti Pauro akanga asiri mupandukiri asi muJudha aibvumirwa kupinda munharaunda yetembere. Achiwana mvumo yokutaura, Pauro akataura kuvanhu muchiHebheru.
10. Hurukuro yaPauro yakagamuchirwa sei navaJudha muJerusarema, uye nei asina kurohwa?
10 Pauro akapa uchapupu hwoushingi. (22:1-30) Akazvizivisa amene somuJudha akaraidzwa naGamarieri anoremekedzwa zvikuru. Muapostora akatsanangura kuti ari panzira kuenda kuDhamasko kundotambudza vateveri veNzira Iyo, akanga apofumadzwa pakuona Jesu Kristu akapiwa mbiri, asi Ananiasi akanga adzorera chiono chake. Gare gare Ishe akanga audza Pauro, kuti: “Enda, nemhaka yokuti ndichakutuma kumarudzi ari kure.” Mashoko iwawo akawira sepfarivari mudondo. Richidanidzira kuti Pauro akanga asingakodzeri kurarama, boka rakakanda-kanda nguvo dzavo dzokunze ndokukandira guruva mumhepo vakatsamwa. Naizvozvo Risia akaita kuti Pauro aendeswe kuimba yavarwi nokuda kwenzvero achirohwa kuti vazive chikonzero nei vaJudha vairwisana naye. Kurova (nechinhu chine tambo dzeganda dzine mapfundo kana kuti zvidimbu zvakadzimikwa zvesimbi kana kuti mafupa) kwakadziviswa apo Pauro akabvunza, kuti: ‘Kuri pamutemo here kurova muRoma asina mhaka?’ Achiziva kuti Pauro akanga ari mugari weRoma, Risia akatya ndokumuendesa pamberi paSanhedrini kundoziva chikonzero nei akanga achipomerwa mhaka navaJudha.
11. Pauro akanga ari muFarise muchii?
11 Apo Pauro akatanga dziviriro yake pamberi peSanhedrini kupfurikidza nokutaura kuti akanga “azvibata pamberi paMwari nehana yakachena zvakakwana,” Muprista Mukuru Ananiasi akaraira kuti arohwe. (23:1-10, NW) Pauro akati, “Mwari achakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa.” “Ko unotuka muprista mukuru here?” vamwe vakabvunza kudaro. Nemhaka yokusaona zvakanaka, Pauro angave asina kuziva Ananiasi. Asi achicherechedza kuti dare rakanga rakaumbwa navaFarise navaSadhuse, Pauro akati: ‘Ndiri muFarise ari kutongwa pamusoro petariro yorumuko.’ Ikoku kwakaparadzanisa Sanhedrini, nokuti vaFarise vaidavira murumuko uye vaSadhuse vaisadavira. Naizvozvo gakava guru kwazvo rakamuka zvokuti Risia aifanira kununura muapostora.
12. Pauro akanzvenga sei rangano paupenyu hwake muJerusarema?
12 Pauro akatevera kunzvenga rangano paupenyu hwake. (23:11-35) VaJudha vana makumi mana vakanga vapika kusadya kana kuti kunwa kusvikira vamuuraya. Muzukuru waPauro akashuma ikoku kwaari nokuna Risia. Akachengetwa namauto, muapostora akaendeswa kuna Gavhuna Antonio Feriksi paKesaria, dzimbahwe rinodzora reJudhea. Pashure pokupikira kuteerera Pauro, Feriksi akamuchengeta akarindwa muImba yavarindi vaMambo Herodhe Mukuru, dzimbahwe ragavhuna.
Ushingi Pamberi Pavatongi
13. Pauro akapupurira pamusoro pechii kuna Feriksi, uye nomuuyoi?
13 Nokukurumidza muapostora akazvidzivirira amene papomero dzenhema ndokupupurira noushingi kuna Feriksi. (24:1-27) Pamberi pavapomeri vechiJudha, Pauro akaratidza kuti akanga asina kunyandura nyongori. Akataura kuti iye aidavira zvinhu zvakaoneswa muMutemo naVaporofita uye aikarira “rumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasakarurama.” Pauro akanga aenda kuJerusarema ne“zvipo zvengoni” (mipiro yavateveri vaJesu avo vaiva nourombo hungave hwakabva muchitambudzo) uye akanga anatswa nomuitiro. Kunyange zvazvo Feriksi akasundira mberi rutongeso, Pauro gare gare akamuparidzira nomudzimai wake Drusira (mwanasikana waHerodhe Agripa I) pamusoro paKristu, kururama, kuzvidzora, uye rutongeso rwunouya. Atyiswa nehurukuro yakadaro, Feriksi akadzinga Pauro. Gare gare, zvisinei, akadana muapostora kazhinji kazhinji, achikarira pfumbamuromo pasina maturo. Feriksi aiziva kuti Pauro akanga asina mhaka asi akamusiya akasungwa, achikarira kuwana nyasha dzavaJudha. Makore maviri gare gare, Feriksi akatsiviwa naPorkio Festo.
14. Pauro akazviyamura amene negadziriroi yapamutemo apo akaoneka pamberi paFesto, uye ifananoi yaunowana muna ikoku?
14 Pauro akaitawo dziviriro youshingi pamberi paFesto. (25:1-12) Kana muapostora akanga akafanirwa norufu, aisazoramba, asi hapana munhu aigona kumupa kuvaJudha somutsa. “Ndinozviisa kuna Kesari!” akadaro Pauro, achizviyamura amene namaruramiro avagari veRoma okutongwa muRoma (panguva iyoyo pamberi paNero). Chikumbiro chabvumwa, Pauro aizo“pupurira muRoma,” sezvakadeya kutaurwa. (Mabasa 23:11) Zvapupu zvaJehovha zvinozviyamurawo zvimene negadziriro dzoku‘dzivirira ndokusimbisa pamutemo mashoko akanaka.’—VaFiripi 1:7.
15. (a) Uporofitai hwakazadzikwa apo Pauro akaoneka pamberi paMambo Agripa naKesari? (b) Pauro ‘akapfura sei zvibaiso’?
15 Mambo Herodhe Agripa II wokuchamhembe kweJudhea nehanzvadzi yake Bherinike (waakanga aita naye vatano nehama yokunyama) vakanzwa Pauro pakushanyira Festo paKesaria. (25:13–26:23) Kupfurikidza nokupupurira kuna Agripa naKesari, Pauro akazadzika uporofita hwokuti aizoendesa zita raShe kumadzimambo. (Mabasa 9:15) Achiudza Agripa chakanga chaitika achienda kuDhamasko, Pauro akatsinhira kuti Jesu akati: “Zvinokuremera kupfura zvibaiso.” Sezvo handira ine chisimbwa ichizvikuvadza nokudzivisa kubaya kwezvibaiso, Sauro akanga azvikuvadza amene nokurwisana navateveri vaKristu, avo vakanga vane tsigiro yaMwari.
16. Festo naAgripa vakaita sei kuuchapupu hwaPauro?
16 Fetso naAgripa vakaita sei? (26:24-32) Asingakwanisi kunzwisisa rumuko uye ashamiswa nechivimbo chaPauro, Festo akati: “Kudzidza kwako kukuru kunokupengesa!” Nenzira yakafanana, vamwe zvino vanopomera mhaka Zvapupu zvaJehovha yokupenga, kunyange zvazvo izvo chaizvoizvo zvakafanana naPauro mu“kutaura mashoko ezvokwadi nouchenjeri.” “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku,” akadaro Agripa, uyo akagumisa kutonga kwacho asi akabvuma kuti Pauro aigona kuva akasunungurwa kudai akanga asina kukwirira kuna Kesari.
Ngozi Mugungwa
17. Ungarondedzera sei ngozi dzakasanganwa nadzo mugungwa mukati merwendo rwaPauro kuRoma?
17 Rwendo rwokuRoma rwakaisa Pauro ku“ngozi mugungwa.” (2 VaKorinte 11:24-27) Mukuru wehondo ainzi Jurio akanga achitarisira vasungwa vakanga vachibva Kesaria vachienda Roma. (27:1-26) Apo chikepe chavo chakasvika paSidhoni, Pauro akabvumirwa kushanyira vatendi, avo vakamuzorodza mumudzimu. (Enzanisa na 3 Johane 14.) PaMira muAsia Minor, Jurio akaita kuti vasungwa vakwire chikepe chezviyo chaienda Itaria. Pasinei zvapo nemhepo dzaidzivisa dzakasimba, vakasvika pachiteshi chezvikepe cheZororo Rakanaka, pedyo neguta reKrete reRikia. Pashure pokubva ipapo vachienda kuFenika, mhepo yokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva yakabata chikepe. Vachitya kunyura nechikepe pa(jecha risina kusimba) reSirtisi kure kuchamhembe kweAfrica, vakwasvi “vakaderedza magiya,” zvichida maseiri namachira. Tambo dzakanga dzasungwa pamutumbi wose zvokuti miganhu yechikepe yaisazoparadzana. Chichingotambudzwa nedutu remhepo zuva rakatevera, chikepe chakabviswa zvinhu nokukandira zvinhu kunze. Zuva rechitatu, vakarasa zvinhu (maseiri kana kuti giya romuraudzo). Sezvo tariro yakaratidzika seyodokupera, ngirozi yakaoneka kuna Pauro ndokumuudza kuti arege kutya, nokuti aizomira pamberi paKesari. Yakava zorodzo yakadini apo muapostora akataura kuti vafambi vose vaizokandirwa pamhenderekedzo yegungwa pachiwi chakati!
18. Chii chakaitika pakupedzisira kuna Pauro navafambi biyake?
18 Vafambi vakapukunyuka. (27:27-44) Pakati pousiku pazuva rechi 14, vakwasvi vakaziva kuti nyika yakanga yava pedyo. Kuyera kwakasimbisa ikoku, uye zvimiso zvakaderedzwa kunzvenga ngozi pamatombo. Pakurudziro yaPauro, varume vose vane 276 vakadya zvokudya. Ipapo chikepe chakabviswa zvinhu kupfurikidza nokukandira zviyo mugungwa. Pamangwanani, vakwasvi vakagura zvimiso, vakasunungura zvikwasvo, uye vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo. Chikepe chakasvika pasina kudzama, uye rutivi rweshure rwakavamba kuvhunika. Asi munhu ari wose akasvika kunyika.
19. Chii chakaitika kuna Pauro paMerita, uye chii chaakaita nokuda kwavamwe ipapo?
19 Vanyorova uye vaneta, vanyajambwa vokupunzikirwa nechikepe vakazviwana vamene vari paMerita, apo vagari vechiwi chacho vakavaratidza “unyoro kwazvo.” (28:1-16) Sezvo Pauro akaisa tsotso pamwoto, zvisinei, kudziya kwakamutsa nyoka yakarara iyo yakazvisunga imene paruoko rwake. (Zvino hakuna nyoka dzine uturu paMerita, asi ichi chakanga chiri “chikara chine uturu.”) VaMerita vakafunga kuti Pauro akanga ari muurayi zvokuti “kururama” kwaisatendera kurarama, asi apo asina kudonha ndokufa kana kuti kuzvimba, vakati akanga ari mwari. Pauro gare gare akaporesa vazhinji, kubatanidza baba vaPubrio, mukuru weMerita. Mwedzi mitatu pashure paikoko, Pauro, Ruka, uye Aristarko vakaenda nechikepe chakanga chine chiratidzo chokuti “Vanakomana vaZeus” (Castor naPollux, vamwari vaviri vaifungidzirwa kuva vanoda vanofamba mugungwa). Vasvika paPuteori, Jurio akapfuurira nomutarisiri wake. Pauro akaonga Mwari ndokushinga apo maKristu akabva kudzimbahwe reRoma akasangana navo paMusika waApio Foro napaTabherne Nhatu muNzira yavaApio. Pakupedzisira, muRoma, Pauro akabvumirwa kugara oga, kunyange zvazvo akarindwa nomurwi.
Ramba Uchizivisa Umambo hwaJehovha!
20. Pauro akaramba akabatikana nomubatoi muimba yake muRoma?
20 Muimba yake muRoma, Pauro akazivisa Umambo hwaJehovha noushingi. (28:17-31) Iye akaudza varume vakuru vechiJudha, kuti: “Nokuti ndakasungwa neketani iri nokuda kwetariro yavaIsraeri.” Tariro iyoyo yaibatanidza kugamuchira Mesia, chimwe chinhu chatinofanirawo kudisa kutamburira. (VaFiripi 1:29) Kunyange zvazvo vazhinjisa vavaJudha ivavo vasina kutenda, Vamarudzi vazhinji navakasarira vechiJudha vakanga vane mugariro wakarurama womwoyo. (Isaya 6:9, 10) Kwamakore maviri (c. 59-61 N.V.) Pauro akagamuchira vose avo vaipinda kwaari, “achiparidzira umambo hwaMwari kwavari nokudzidza zvinhu pamusoro paShe Jesu Kristu nokusununguka kukurusa kwokutaura, pasina dziviso.”
21. Kusvikira kumugumo woupenyu hwake hwapasi, Pauro akagadza muenzanisoi?
21 Nero sezviri pachena akati Pauro akanga asina mhaka ndokumusunungura. Muapostora ipapo akamutsiridza basa rake musonganirano naTimotio naTito. Zvisinei, akapinzwazve mutorongo muRoma (c. 65 N.V.) uye sezvingabvira akatambura rufu rwokutendeka pamaoko aNero. (2 Timotio 4:6-8) Asi kusvikira kumugumo, Pauro akagadza muenzaniso wakaisvonaka somuzivisi woUmambo ano ushingi. Nomudzimu wakafanana muano mazuva okupedzisira, vose avo vakazvitsaurira kuna Mwari ngavazivise Umambo hwaJehovha noushingi!
Waizopindura Sei?
◻ Irovedzoi youshumiri iyo Pauro akapa vakuru veEfeso?
◻ Pauro akagadza sei muenzaniso wokuzviisa pasi pokuda kwaMwari?
◻ Pamusoro pamasimba masimba enyongori, ifananoi iripo pakati pezvinoitika zvaPauro neizvo zveZvapupu zvaJehovha nhasi?
◻ Pauro akazviyamura amene negadziriroi yapamutemo paakanga ari pamberi paGavhuna Festo, uye ikoku kune wiriranoi yomuzuva razvino uno?
◻ Pauro akaramba akabatikana nomubatoi muimba yake muRoma, achigadza muenzanisoi?