Kudza Jehovha Nepfuma Yako
‘HANDINA kupfuma; ndingori pwere zvangu uye ndine zvinhu zvishomanene zvikuru.’ ‘Handina kutongova nedzidzo yakawanda; chii chandingagona kupa Jehovha?’ ‘Ndine urema hwakakomba; Jehovha achafanira kundipfuura.’ ‘Ndakura zvikuru muzera; kwava kunyanyononoka kuti ndiwane pfuma.’
Ko mifungo yakafanana neiyi inopfuura nomundangariro yako here sezvaunorangarira musoro wenyaya ino? Bva, ungave akapfuma zvikuru kupfuura zvaunofunga. Yeuka mashoko aShe Jesu kuungano yomuSmirna: “Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako—asi uri mupfumi.” (Zvakazarurwa 2:9) Jesu akanga ataura pamberi pezvi muMharidzo yapaGomo, kuti: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika . . . Asi muzviunganidzire pfuma kudenga . . . Nokuti pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.” (Mateo 6:19-21) Ko aya mashoko aTenzi wedu anokukurudzira here? Hungu, mungave mune chimwe chinhu mauri icho Baba vedu vokudenga, Jehovha, uye Mwanakomana wavo vanorangarira kuva chinokosha zvikuru. Ngatinzverei.
Kuisvonaka Kwoupwere—Simba Neshingairo
Pwere inogona sei kuita basa rinokosha kuna Jehovha? Zvirevo 20:29 inotipikira kuti vanhu vaduku vane dura rakaisvonaka—simba romuviri. Kunozorodza sei kuona pwere ichipa simba rayo nougwinyi kubasa raMwari wedu!
Ngatipetenurei mapeji enhau tichidzokera kumavambo ama 1930 apo chiverengero chakati chepwere chakanzwa pamusoro pezvokwadi iri muBhaibheri. Imwe ina makore 16 okukura yakakumbira kushamwari yayo yamuro yefundo yeBhaibheri Creation, yakabudiswa neWatch Tower Society. Panguva yayakasvika ganhuro inoti “The New Creation” ndokurava pamusoro pokuzvitsaurira, yakaziva chayakanga ichida kuita noupenyu hwayo. Nokukurumidza, yakazvitsaurira imene kuno Musiki wamasimba ose. Gore rakatevera yakarava chimwe chinyorwa, Vindication (Bhuku Rokutanga), uye yakadzidza pamusoro pekariro yokugoverana mukurevererwa kwezita raMwari nouchangamire. Aya mashoko akanyandura chishuvo chikuru mairi chebasa renguva yakazara. Gore rimwe chete iroro yakakumbira maropafadzo oupiona, uye kusvikira kuzuva rino inopfuurira mubasa renguva yakazara. Nepo chiverengero chakati chamazera ayo akapedza zvino nzira yavo yapasi, vazhinji vaavo vasara vachiri kuratidzira mudzimu wokuzvipira kwomweya wose kuna Baba vedu vokudenga.
Ko pwere dzechiKristu nhasi dzinoratidzira vara rimwe cheteri rinokosha here? Dzinodaro zvamazvirokwazvo! Mishumo yeYearbook inoratidza kuti boka guru rakawanda samadonhwe edova vari kukumbanira zvino mapiona. (Pisarema 110:3) VaPhilippine vakashuma kuti 13 muzana yamapiona ose enguva dzose ari pasi pamakore 20 ezera. Ko ikoko ndokwechokwadi here kune dzimwe nzvimbo? Hungu, kwakadaro. Somuenzaniso, nzvero muzvitsuwa zviduku zveTrinidad neTobago inozivisa kuti mapiona matsva 282 akanyoreswa pakati paSeptember 1, 1986, uye September 30, 1988. Vechiverengero ichocho, 48 vakanga vari pasi pamakore 20 ezera. Ungada kunzwa kuno mumwe waivava here?
Sangana naCharmaine Francis. Iye anoti: “Kuvambira panguva yandakanga ndiri mucheche, vabereki vangu vaitaura kwandiri pamusoro pokubatira Jehovha nokuramba takatendeka kwaari. Apo vabereki vangu vaibvunza chandaizoita kana vakaiswa mutorongo nokuda kwokuparidzira mashoko akanaka, ndaiti, ‘Ndichabatira Jehovha.’ Ndakaita tsauriro yangu apo ndakanga ndava namakore 13, uye ndakabhapatidzwa apo ndakanga ndava namakore 14. Pashure chaipo paikoko, pazororo riri rose rechikoro, ndaipinda muupiona hwebetsero. Muna 1983 ndakapinda mubasa roupiona hwenguva dzose. Mugore rangu rokutanga rokupayona, ndakava nomufaro wokubetsera mumwe mudzimai anoshanda pamba kuva mubatiri waJehovha. Zvino ndiri kuitisa fundo dzeBhaibheri pfumbamwe. Imwe iri kugadzirira nokuda kworubhapatidzo, uye dzimwe nhatu dziri kupinda misangano.”
Zvino, pwere, hamubvumi here kuti imiwo mune chimwe chinhu chinokosha chokukudza nacho Jehovha? Munacho chokwadika! Kunyange zvazvo ungave zvino usiri mubasa renguva yakazara, unogona kukudza Jehovha mukuwirirana nemigariro yako. Ungave uchine makore mazhinji okudzidza mberi kwako. Bva, une banza rinokosha rokurumbidza Jehovha kuvadzidzisi vako novomukirasi biyako. Kalloo wechiKristu, uyo ane makore gumi okukura, akaunza kuchikoro kopi yake yebhuku raLife—How Did It Get Here—By Evolution or by Creation? Muuyo wacho? Akagovera makopi manomwe kuavo vaifarira nhau iyoyo. Akagoverawo rimwe muushumiri hwapaimba neimba. Iwe unogona kuita zvakafanana.—Enzanisa naMateo 21:15, 16.
Muraidzi Wedu Mukuru Anotidzidzisa
Muporofita Isaya akati: “Changamire Ishe Jehovha amene akandipa rurimi rwavakadzidziswa.” Iye akapa mbiri kuna Jehovha yamano ake okutaura. Akanyorawo chipikirwa chaJehovha: “Mudzimu wangu uri pamusoro pako uye mashoko angu andakaisa mumuromo mako—hazvisati zvichizobviswa mumuromo mako kana kuti mumuromo wavana vako kana kuti mumiromo yavana vavana vako.” (Isaya 50:4; 59:21, NW) Sezvo vanhu vasina kudzidza navenhando vakava vaapostora vaJesu uye Mwari akavaita vachenjere munhau dzomudzimu, naizvozvo Jehovha akaita kuti vanhu venhando vachenjere nhasi.
Yearbook ya 1986 ine mashoko anokurudzira nokuda kwaavo vakava nedzidzo shomanene kana kuti vasina dzidzo yenguva dzose. Munyika zhinji Zvapupu zvaJehovha zvinoronga makirasi okudzidza kurava nokunyora kuti aitwe kudzidzisa vakura kurava. Jehovha akakomborera sei vanhu vakadaro! Pakati pa 1962 na 1984 muNigeria, vane 19 238 vakaita fambiro mberi yakaisvonaka mukudzidza kurava nokunyora uye zvino vanokwanisa zvomenemene kuzviravira vamene Bhaibheri uyewo avo ivo vanopupurira kwavari. Chikomborero chakapfuma zvakadini chavakava nacho! Imwe hama yakaita zvakanaka kwazvo zvokuti yakava muraidzi weboka rokurava muungano yayo.
Rangarirawo chinoitika chaEzekiel Ovbiagele. Iye akanga asingakwanisi kurava apo akabhapatidzwa muna 1940. Pashure pokudzidza kurava, akafambira mberi kusvikira kupfundo rokunyorwa sapiona, uye gare garezve, muna 1953, akagadzwa somutariri anofambira.
Hamuna zvinodzivisa zvezera mumuitiro wokudzidza. Vamwe vanganokora mashoko chirevo chakare, chinoti: “Haugoni kudzidzisa imbwa yekare maminimini matsva!” Ikoko kungava kwechokwadi nezvembwa, asi vanhu havasati vari mhuka. Kunyange vakwegura vanogona uye vanodzidza kana vachishuva chaizvoizvo kuziva ndokubatira Jehovha. Ungaziva nezvavamwe vakaita kudaro. Somuenzaniso, Alice Okon muNigeria akakurudzirwa kurava Bhaibheri ndokudzidza nezvetariro yarinogovera; akagamuchira ndokufarira tariro iri mberi. Pamakore 80 ezera, akanga asina kukwegura zvokusagona kudzidza. Ko haufungi here kuti akafadza mwoyo waJehovha? Iye akapfuma mukutenda. Zvirevo 3:14 inotipikira kuti kuva nouchenjeri “kunopfuura kuwana sirvheri uye kuva nahwo kunopfuura kupfuma ndarama.” Apo mumwe anogona kutaura zvokwadi nenzira yakarurama, mashoko ake anova akafanana “namatamba endarama mumidziyo yesirivha.”—Zvirevo 25:11; VaKorose 3:16.
Akapfuma Mukutenda Namabasa Akaisvonaka Kunyange Zvazvo Akaremara
Munhu anoberekwa akaremara munyama anganzwa akaodzwa mwoyo zvikuru sezvaanokura ndokuva anoziva mugariro wake. Uye hakufadzi apo mumwe munhu anova nyajambwa wokuremara akura. Ko mugariro wacho hauna tariro nokuda kwavakadaro here? Aiwa, ungatozarura nzira yokuupenyu husingaperi.
Mukati meHondo yeNyika I, Edward Stead akanga ane chitevere chamabhiza muguta duku reArvada, Wyoming, U.S.A., uye mudzimai wake aiva nehotera duku. Kuratidzirwa kufuruwenza inotyisa yeSpain kwakaderedza dziviriro yake, uye akava nyajambwa werheumatoid arthritis, iyo yakasunga zvifundo zvake zvokuti muviri wake wakagonyeswa kuva muchimiro chewheelchair yake. Kunyange zvazvo neimwe nzira akanga asingabetseri, akanga achiri kugona kutaura, uye aitenheka zvishoma mumaoko ake. Kwenguva yakati akarangarira kuzviuraya. Ipapo akawana zvokwadi, uye akaigamuchira nokudisa.
Pakutanga akagara panzira inopinda muhotera ndokutaura kuvashanyi pamusoro pokutenda kwake kuchangobva kuwanwa. Akanga achikwanisa kufambisa maoko ake zvakaringanira kuzarura chinyorwa cheBhaibheri kuratidza avo vaimira kuti vateerere. Vamwe vakaonga nhamburiko dzake vakamudana kuti mufundisi akaremara. Tevere, akasarudza kuti aigona kupupurira mumamwe mataundi kana nzvimbo chaiyo ikamuvakirwa mumotokari inotakura vanhu. Ikoku kwakaitwa, uye kwamakore mazhinji akapayona ari muuyu mutoo usiri wenguva dzose, achifamba zviuru zvamamaira pakati peWyoming neTexas, pamwe chete namapiona maduku maviri kana kuti matatu ayo aimutarisira. Kwenguva yose yaakararama, akanga ari kurudziro huru kuna vose vaimuziva.
Kana uchinzwa uchiodzwa mwoyo nemhaka yokuremara munyama, tapota rava nhauro iri pamapeji 22-5 eNharireyomurindi yaNovember 15, 1986. Varume vose vanodudzwa imomo vakuru, vapi vezano vomudzimu, vanokwaniriswa kunyaradza hama dzavo idzo dzingave dzakagwinya mumuviri asi dzinoda kuvakwa mumudzimu. Vakapfuma sei pamberi paMwari!—1 Timotio 6:18.
Esterleta Dick, ane makore 63 ezera, ave ari Chapupu chakabhapatidzwa kwamakore 16. Muna 1978 akava bofu, asi ave achibatira sapiona wenguva dzose kwamakore maviri apfuura. Ikoku kunobvira sei? Eya, regai apindure.
“Rimwe zuva,” anodaro, “imwe hanzvadzi duku piona yakandibvunza, kuti: ‘Hanzvadzi Dick, munowanzosvitsa nharidzano dzenyu sapiona webetsero. Huregerereiko kuedza kuva piona wenguva dzose?’”
Esterleta akatya kuti aizova mhinganidzo kuhama, asi akayeuka kuti mutariri wedunhu akanga akurudzira basa roupiona. Iye anoti: “Ndakatanga, uye zvino ndakapedzera makore maviri mubasa roupiona. Ndinopupurira mumugwagwa uye ndine shanyo dzedzokerero dzakawanda zvikuru. Uyezve, ndinoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha nhanhatu. Seiko? Pamberi pokushanyira saimba, ndinoravirwa mashoko efundo kumusha pamwe chete namagwaro akarongwa, zvokuti ndinokwanisa kutsinhira pafundo. Vatatu vefundo dzangu dzeBhaibheri vanopinda misangano neni, uye mumwe akabhapatidzwa.”
Munhu Upi Noupi Anogona ‘Kuzadza Ruoko Rwake’ Nechipo
Ko kupa kwakaganhurirwa kunzvimbo yomudzimu here? Aiwa. Apo Mambo Dhavhidhi wekare akanga achiita gadziriro dzokuvaka tembere, akabvunza, kuti: “Ndiani aripo anozvipira kuzadza ruoko rwake nhasi nechipo chaJehovha?” (1 Makoronike 29:5, NW) Munhu upi noupi aigona kuita saizvozvo. Nenzira yakafanana nhasi, vaduku kana kuti vakuru, vano ugwinyi hwakanaka kana kuti vasina, vazhinji vanoshuva kuita mupiro wokunyama wokuzvipira kufambisira mberi fariro dzoUmambo. Kungaitwa kupfurikidza nehofisi yebazu yomunyika yako kana kuti kupfurikidza neungano yomunzvimbomo. Neiyi nzira munhu upi noupi, mukuwirirana namano ake, angabetsera kutakura ndyiko yokuona kuti mashoko akanaka ari kuparidzirwa mupasi rose rinogarwa. Iropafadzo.—2 VaKorinte 9:8-12.
Chinokosha zvikuru, une pfuma yomudzimu yokukudza nayo Jehovha. Vaduku vane simba nougwinyi zvoupwere. Vasina kudzidza vanogona kudzidza kupa Jehovha chibairo chemiromo yavo. Vakaremara vanogona uye vakafambira mberi muzivo, uchenjeri, uye nzwisiso, zvokuti vazhinji havasati vari bedzi varumbidzi venguva yakazara vaJehovha asiwo vapi vezano navafudzi muungano yechiKristu. Hauna kupfuma zvikuru kupfuura zvawaifunga here? Naizvozvo, kudza Jehovha nepfuma yako.—VaHebheru 13:15, 16.