Vabatiri Vaduku Munguva dzeBhaibheri
BHAIBHERI rinotaura nezvavanhu vaduku vazhinji vakaisvonaka vakakoshesa basa ravo kuna Mwari uye vakakomborerwa zvikuru nokuda kwokuita saizvozvo. Tingave tiri vaduku kana kuti vakura uye tachena vhudzi, iyi mienzaniso yakaisvonaka yeBhaibheri inogona kugovera kurudziro huru.
Josefa akanga ane makore 17 bedzi okukura apo akatengeswa muuranda muEgipita. Ikoko, ari kure nemhuri yake uye asingaonwi naavo vaimuziva, Josefa akabvumikisa perero yake. Apo mudzimai waPotifari akaedza kunyengedza Josefa, iye akati: “Ndingaita sei chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” Kunyange pamberi paFarao ane simba, mambo ane simba zvikurusa wezuva rake, Josefa akabata banza rokupa mbiri kuna Mwari nokuda kwedudziro yezviroto zvaFarao. Iye akakomborerwa zvikuru. Mwari akamushandisa kuponesa vose vari vaviri vaEgipita nemhuri yake murufu nenzara nokuunza baba vake, Jakobho, uye mhuri yake muEgipita.—Genesi 37:2; 39:7-9; 41:15, 16, 32.
Mosesi Navamwe Vakatendeka Muupwere
Mwanasikana waFarao akatora Mosesi somwana wake amene, asi amai nababa vaMosesi vakakwanisa kumudzidzisa pamusoro paMwari wechokwadi. Bhaibheri rinotaura kuti apo akanga akura, Mosesi “akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao, achisarudza kubatwa zvisina kufanira pamwe chete navanhu vaMwari panzvimbo pokuva nomufaro wechinguvana wechivi.” Mwari akashandisa Mosesi kubudisa vanhu vake muEgipita, kugamuchira Mutemo paSinai, uye kunyora rutivi rukuru rweBhaibheri. Pasinei zvapo nezera rako, uri kutanga chisarudzo chokubatira Mwari sezvakaita Mosesi here?—VaHebheru 11:23-29, NW; Eksodho 2:1-10.
Magwaro anotiudza nezva“vanhu vaduku” vakateerera pamwe chete norudzi rwose apo Mutemo waMwari wakaraviwa kuna Israeri. (Dheuteronomio 31:10-13) “Vose vakanga vachigona kunzwisisa” vakamira “kubva mangwanani kusvikira masikati” kuti vanzwe Mutemo mumazuva aNehemia. (Nehemia 8:1-8) Kunyange kana vaduku vasina kunzwisisa chinhu chiri chose, ivo vaigona kunzwisisa kuti vaifanira kuda, kunamata, uye kuteerera Jehovha Mwari. Pasinei zvapo nezera rako, wakateerera here pakokorodzano namagungano apo Shoko raMwari rakakurukurwa? Wakadzidza here ukoshi hwokumuteerera, sezvakaita vaIsraeri vaduku ivavo?
Dhavhidhi, Josia, uye Jeremia
Mwari akasarudza Dhavhidhi, mudukusa wavakoma vasere, nokuda kwebasa chairo ndokuti nezvake: “Ndawana Dhavhidhi mwanakomana waJese, munhu unotenderwa nomwoyo wangu, achaita zvinhu zvose zvandinoda.” Mwari akamusarudza kuva “mufudzi” wavanhu vake, uye Dhavhidhi akaita basa iroro, achibvumikisa rudo rwake nokuda kwaJehovha kwamakore akawanda. Iye akanyora anopfuura 70 aMapisarema uye akava tateguru waJesu Kristu. Ungave uri muduku kana kuti wakura, unonzwisisa here nzira dzaMwari, uye unoita here zvinhu zvaanoshuva, sezvakaita Dhavhidhi?—Mabasa 13:22; Pisarema 78:70, 71; 1 Samueri 16:10, 11; Ruka 3:23, 31.
Josia akava mambo apo akanga ane makore masere bedzi okukura. Paakanga ava naanenge makore 15, “apo akanga achiri mukomana, akavamba kutsvaka Mwari waDhavhidhi tateguru vake.” Asati ava namakore 20, Josia akatanga kurwisana nenamato yenhema. Gare gare, akaita kuti tembere igadzirwe, uye akadzorera namato yakachena munyika. Tinorava, kuti: “Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wamadzibaba avo.” Tose zvedu hatigoni kuva mambo saJosia, asi tinogona kubatira Mwari ndokumira takatsiga mukurwisana nenamato yenhema, pasinei zvapo nezera redu.—2 Makoronike 34:3, 8, 33.
Mwari wamasimba ose akaudza Jeremia, kuti: “Ndakakuziva ndisati ndakuumba, ndakakuita mutsvene usati wabuda muchizvaro. Ndakakuita muporofita wamarudzi.” Jeremia akaramba kuti akanga ari muduku zvokusagona kuva muporofita: “Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Jehovha akapindura kuti: “Usati ‘ndiri mwanana;’ nokuti kuna ani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikuraira, unofanira kuchitaura.” Kwamakore anopfuura 40 Jeremia akaita izvozvo chaizvo, uye kunyange apo iye akanga achida kurega, aisagona kurega. Shoko raMwari “rakaita somwoto unopfuta wakapfigirwa mumafupa [ake].” Iye aitofanira bedzi kutaura! Pasinei zvapo nezera rako, uri kutanga here rudzi rwokutenda urwo Jeremia akanga anarwo, uchifamba mberi mubasa raMwari nenzira yaakaita nayo?—Jeremia 1:4-8; 20:9.
Dhanieri, Jesu, uye Timotio
Hauna kunzwa nezvaDhanieri here? Iye angave aiva pasi zvikuru pamakore 20 apo akatorwa pamwe chete navamwe “vana” senhapwa kuimba yaNebhukadnezari ane simba, mambo weBhabhironi. Pasinei zvapo noupwere hwaDhanieri, akanga akatsunga kuteerera Mwari. Dhanieri neshamwari dzake vakaramba kuzvishatsa vamene nezvokudya izvo zvingave zvakapunza Mutemo waMwari kana kuti zvakasvibiswa nemiitiro yechihedheni. Kwaanopfuura makore 80, Dhanieri haana kutongozununguka, achichengeta perero yake kupfundo rokuramba kurega kunyengetera kuna Mwari, kunyange zvazvo ikoku kwaizoguma nokukandirwa kwake kushumba. Unorangarira basa rako kuna Mwari neminyengetero yako kuva zvakakomba zvakadaro here? Unofanira.—Dhanieri 1:3, 4, 8; 6:10, 22.
Pazera ramakore 12, Jesu akawanwa akagara pakati pavadzidzisi vorudzidziso patembere muJerusarema, “achivateerera nokuvabvunza. Asi vose avo vaiteerera [Jesu muduku] vakakatyamadzwa nguva dzose nenzwisiso yake nemhinduro dzake.” Ko kurukurirano yaMagwaro yaiitwa navarume vakuru patembere ingadai yakakufadza sezvayakaita Jesu here? Vamwe vangadai vakakatyamadzwa nenzwisiso yako nemhinduro dzako? Nhasi, Zvapupu zviduku zvakawanda zvinofunda, zvinosanoteerera, uye zvinotora rutivi mumisangano yeungano zvine zivo yaMagwaro iyo inoshamisa vanhu vakuru.—Ruka 2:42, 46, 47, NW.
Wakafanana naTimotio here, uyo somwana akadzidziswa “manyoro matsvene”? Paakanga ari murume muduku, Timotio “akashumwa zvakanaka pamusoro pake nehama” mudzinenge ungano mbiri. Muapostora Pauro akasarudza Timotio kufamba naye, kwete kuva mutakuriwo zvake wezvinhu, asi kubetsera Pauro mukudzidzisa vamwe. Iwe ungasarudzwa nokuda kwamaropafadzo akadaro here? Ko mubato wako “unoshumwa zvakanaka pamusoro pawo,” kwete bedzi muungano yako umene asiwo mune dzavamwe here?—2 Timotio 3:15; Mabasa 16:1-4, NW.
Rudzii Rwenguva Yemberi Rwaunoda?
Kunobvirira here vanhu vaduku nhasi kuti vave vakatendeka sezvakanga zvakaita Josefa, Mosesi, Dhavhidhi, uye vamwe? Hungu, kunobvira. Chokwadi, pwere dzakawanda dzinofadzwa bedzi nokuva nenguva yakanaka. Asi dzimwe dziri kushandisa upwere hwadzo nokuchenjera, dzichisvika pakuziva Jehovha nokuda kwake nokuda kwadzo. Idzodzi dzinozadzika uporofita hweBhaibheri, hunoti: “Vanhu vako vachazviisa nomwoyo wose pazuva rehondo yako. . . . Ndipo pane dova roujaya hwako.”—Pisarema 110:3.
Vanhu vaduku vakaisvonaka vakadaro vanoratidza uchenjeri hunopfuura makore avo, sezvo Mwari achigona kuvabetsera kuita kuti muupenyu hwavo hwazvino hubudirire pamwe chete nokuvapa nguva yemberi ine mbiri munyika itsva inouya. (1 Timotio 4:8) Kunyanguvezvo, pwere yazvino uno inogona sei kutanga kutenda kwakafanana navaduku ivavo vanodudzwa muBhaibheri? Kana uchida kuziva, tinokukumbira kurava nyaya inoti “Pwere Dzinofara Mubasa raJehovha,” inovambira papeji 10 yamagazini ino.
[Mifananidzo iri papeji 5]
Mosesi muduku haana kunyengedzwa noupfumi hweEgipita
Pwere Dhavhidhi yaifadza kumwoyo waJehovha
[Mifananidzo iri papeji 6]
Kunyange zvazvo Jeremia akanzwa kuti “aiva mwanana,” iye akaparidza noushingi shoko rechienzi
Pamakore 12 ezera, Jesu akakatyamadza vakuru vake nenzwisiso yake yeShoko raMwari
[Mufananidzo uri papeji 7]
Muna Israeri kunyange vaduku vakateerera apo Mutemo waMwari wakaraviwa. Unodaro here?