Pwere Dzinofara Mubasa raJehovha
“Kunyange mwana anozivikanwa nezviito zvake, nokuti mufambiro wake wakachena uye wakarurama here.”—ZVIREVO 20:11, “New International Version.”
1. Ndezvipi zviri zvimwe zvinhu zvakatanhamara Bhaibheri rinotaura pamusoro paSamueri?
MUDUKU Samueri angave aiva namakore matatu kusvikira kumashanu bedzi okukura apo akavamba “kushumira” patabhernakeri yaJehovha muShiro. Rimwe ramabasa ake rakanga riri rokuzarura “mikova yeimba yaJehovha.” Bhaibheri rinotaura kuti “Samueri akaramba achikura akadikanwa naJehovha uye navanhuwo.” Apo akanga akura, akadzorera Israeri kukunamata kwechokwadi. Iye akabatira Mwari “mazuva ose oupenyu hwake.” Kunyange apo iye akanga “akura uye achena musoro” akanga achiri kukurudzira vanhu “kutya Jehovha, uye . . . kumubatira muzvokwadi.” Hakusati kwaizova kunoshamisa here kudai vanhu vaikwanisa kutaura izvi zvinhu zvakaisvonaka pamusoro pako kungofanana neizvo Bhaibheri rinozvitaura pamusoro paSamueri?—1 Samueri 1:24; 2:18, 26; 3:15; 7:2-4, 15; 12:2, 24, NW.
2. Vaduku vanodzidzei pamisangano yavanhu vaJehovha nhasi?
2 Kana iwe uri mumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti uchipinda misangano yazvo yechiKristu, tarira-tarira muHoro yoUmambo umo ichi chidzidzo chiri kufundwa. Unoona vanhu vamazera ose. Zvimwe mune vanhu vakato“kwegura nokuchena musoro.” Munewo vabereki, vanhu vaduku, vana vaduku, uye kunyange vacheche vari mumaoko. Ko vadukusa vava kutodzidza here? Hungu. Imbobvunza zvako avo vamene vakaunzwa kumisangano yakadaro apo vakanga vari vaduku. Vachakuudza nokutendeseka kuti kuvambira pamakore avo apakuvamba, vakanga vachidzidza kuremekedza Mwari, kuda vanhu vake, uye kuonga nzvimbo uko iye anonamatwa. Sezvo nguva inopfuura, vaduku vanodzidza zvokwadi dzinoshamisa. Pwere zhinji, pashure pokukura muzivo nenzwisiso, dzinova rutivi rwa‘varume vaduku nemhandara, varume vakuru navakomana’ avo wezvamapisarema akakurudzira “kurumbidza zita raJehovha, nokuti zita rake roga rakakurumbira.”—Pisarema 148:12, 13.
3. Kunodaro sei kuti vanhu vaduku vanoziva Bhaibheri vanotarira paupenyu zvakasiana naavo vasingazivi?
3 Kana iwe uri munhu muduku ane vabereki vanokuunza nguva dzose kumisangano yakadaro, wakakomborerwa zvikuru. Vamwe vanhu vaduku vazhinji vanonetswa nezvinetso zvenyika. Vamwe vangava vachitya kuti vanhu vachaparadza pasi. Iwe unoziva kuti Mwari haasati achizorega ikoko kuchiitika, kuti iye haasati achizobvumira vanhu kupfuurira kuparadza iri pasi rakaisvonaka. Panzvimbo pokurega ikoko kuchiitika, Mwari, mukuwirirana neBhaibheri, acha“paradza avo vanoparadza pasi.” Iwe unoziva kuti Bhaibheri rinopikira kuti nguva yemberi yakajeka munyika itsva yakarurama yaMwari yava pedyo.—Zvakazarurwa 11:18, NW; Pisarema 37:29; 2 Petro 3:13.
Kutenda Kwako Umene
4. Kuziva nzira dzaMwari kunoisa mutoroi papwere, uye Samueri muduku akava sei muenzaniso wakaisvonaka waikoku?
4 Pakutanga, nzira yezvokwadi yechiKristu ingave yakanga iri chinorondwa chavabereki vako. Zvichida wakauya kumisangano yechiKristu nemhaka yokuti vakakuunza, uye ungave wakagoverana mubasa roumwari nemhaka yokuti ivo vakadaro. Bva, sezvo nguva inopfuura, kubatira nokuteerera Jehovha zvinogona kuva mufaro wako umene. Mai vaSamueri muduku vakamutangisa panzira yakarurama, asi iye somunhu oga aifanira kuitevera. Tinorava, kuti: “Kunyange mwana anozivikanwa nezviito zvake, nokuti mufambiro wake wakachena uye wakarurama here.”—Zvirevo 20:11, NIV.
5. (a) Bhaibheri nderoukoshii hukuru? (b) Pauro akaudzei Timotio pamusoro poukoshi hweShoko rakanyorwa raMwari?
5 Magwaro anotiudza izvo Mwari anoda kwatiri. Anotiratidza zvakajeka nzira yatingamufadza nayo, achigovera mashoko akawanda zvikuru ayo anogona kutibetsera zvikuru. Muapostora Pauro akaudza mubetseri wake muduku Timotio, kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.”—2 Timotio 3:16, 17.
6. Bhuku raZvirevo rinotii pamusoro poukoshi hwezivo nouchenjeri hwoumwari?
6 Bhaibheri rinotiudzawo ku“teerera kumurairo ndokuva vakachenjera.” Rinoti ku“chengeta” mirairo yaMwari, ku“chemera kunzwisisa,” uye ku“ramba uchitsvaka” (NW) nzwisiso sezvo waizotsvaka pfuma inokosha yakavanzwa. Kana ukatevera iri zano, ipapo “uchanzwisisa kutya Jehovha, uye uchawana zivo yaMwari.” Tinowanawo iri zano: “Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei; nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa. Inzwai muve vakachenjera, regai kukuramba. Munhu unondinzwa wakaropafadzwa . . . Nokuti wandiwana wawana upenyu, uchapiwa nyasha naJehovha.” Iwe unokoshesa Bhaibheri zvikuru kudaro ndokuisa rudzi irworwo rwenhamburiko mukudzidza zvinhu zvarinotaura here?—Zvirevo 2:1-5; 8:32-35.
Wana Zivo
7. Ndezvipi zviri zvinhu zvinokosha zvikurusa zvatinofanira kudzidza?
7 Vamwe vanhu vaduku vanoziva mashoko ose emitambo, kana kuti vanogona kukuudza chinhu chiri chose pamusoro peboka ravo ravanoda renziyo. Vanowana izvi zvinhu zviri nyore kudzidza uye kuyeuka nemhaka yokuti vanozvifarira. Asi mubvunzo unokosha zvikurusa ndouyu, Chii chavanoziva pamusoro paMwari? Imbofunga nezveizvo iye akaita. Mwari akaita chisiko chapose pose. Iye akadeya kutaura icho vanhu vaizoita nechaizoitika nguva refu zvinoitika zvisati zvaitika. Bhaibheri rinotiudza kwete bedzi nezvaMwari asiwo kuti tinogona sei kumufadza. Rinotiratidza nzira yatinogona kuva nayo noupenyu hunofadza zvino uye nzira yokuwana nayo upenyu husingaperi munyika yake itsva yakarurama. Ikoko hakukoshi zvikuru kwazvo here kupfuura kuziva kuti ndiani akakunda mutambo wenhabvu kana kuti kudzidza mazita avaimbi avo vanhu vachakanganwa nokukurumidza?—Isaya 42:5, 9; 46:9, 10; Amosi 3:7.
8. Muenzanisoi wakanaka wakagadzwa navose vari vaviri Josia naJesu?
8 Apo Mambo muduku Josia akanga ava namakore 15 okukura, iye aka“tanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake.” Apo Jesu akanga ava namakore 12, akawanikwa “agere pakati pavadzidzisi” mutembere yaJehovha, “achiteerera nokuvabvunza.”a Zera ripi kana ripi rauri, iwe, kufanana naJosia naJesu, wakatanga here fariro chaiyoiyo mukudzidza pamusoro pezvinhu izvo Mwari akaita uye achaita?—2 Makoronike 34:3; Ruka 2:46.
9. (a) Vanhu vaduku vazhinji vane chinetsoi? (b) Chii chinogona kuita kuti kurava nokufunda zvive nyore, uye iwe somunhu oga wakawana ikoku kuva kwechokwadi here?
9 Zvisinei, iwe ungataura, kuti: ‘Fundo ibasa rakaoma.’ Vanhu vazhinji, vaduku navakuru, havasati vatongorava zvakakwana kuti kurava kuve nyore. Kana ukarava zvikuru, kurava kuchava nyore zvikuru. Kana ukafunda zvikuru, kudzidza kuchava kuri nyore zvikuru. Unobatanidza mifungo mitsva nezvinhu zvaunotoziva, kuchikuita kuti kuve nyore kuzvinzwisisa nokuzviyeuka.
10. (a) Unogona sei kuwana zvakawanda mumisangano yechiKristu? (b) Chii chiri chinoitika chako umene muna ikoku?
10 Chii chinogona kukubetsera kudzidza zvizhinji pamusoro paMwari? Zvichida ungagona kuva wenguva dzose zvikuru mukupinda misangano yechiKristu. Ungagona here kugadzirira pachine nguva mberi ndokunotora rutivi chaizvoizvo? Somuenzaniso, waizowana mwero mukuru wezivo muichi chidzidzo kupfurikidza nokutarira Magwaro akarongwa asi asina kunokorwa mashoko here? Wakanyora shoko kana kuti maviri here mumucheto okukuyeuchidza nezveicho rumwe norumwe rwaaya Magwaro runowedzera kundima kana kuchidzidzo here? Ko une tsika yokubatanidza runenge rumwe rwamagwaro iwaya mutsinhiro uko kunoratidzira kunzwisisa kwako kurukurirano yapaMagwaro here? Mumwe mukuru weungano uyo akapinda misangano nguva dzose kwamakore akawanda anoti: “Ndinokuwana kwakaoma kuchengeta ndangariro yangu pachidzidzo chipi nechipi icho ndisina kugadzirira chaizvoizvo, asi mufaro wakazara kutevera icho ndakafunda zvakakwana.”
11. Unogona sei kuwana zvakawanda muhurukuro dzakavakirwa paBhaibheri, uye nei ikoku kuchikosha zvikuru?
11 Apo unoteerera hurukuro dzeBhaibheri, unonyora zvinonyorwa zvipfupi zvokukubetsera kukamuranisa kuti hurukuro yacho iri kukudziridzwa sei nokuchengeta ndangariro yako iri pane zviri kutaurwa here? Ko unoenzanisa zvaunonzwa nezvaunotoziva here kuti ugogona kuchinzwisisa zviri nyore zvikuru ndokuchiyeuka zviri nani? Jesu akanyengetera, kuti: “Upenyu husingaperi, ndihwo kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.” (Johane 17:3) Ko zivo inotungamirira kuupenyu haisati iri zivo yakanakisisa iyo sezvinobvira ungagona kuwana here? Cherechedza icho Bhaibheri rinotaura pamusoro paikoku: “Nokuti Jehovha ndiye unopa uchenjeri; mumuromo make munobuda zivo nenjere. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta.”—Zvirevo 2:6, 10, 11.
Kura Mukuonga
12. Ndezvipi zviri zvimwe zvezvinhu zvakatanhamara izvo Mwari akatiitira?
12 Ko tinoonga chaizvoizvo izvo Mwari akatiitira here? Iye akasika pasi rakaisvonaka ndokurigadzirira nokuda kwoupenyu. Iye akasika vabereki vedu vokutanga, nokudaro achikuita kuti kutibvirire kuberekwa. Iye akatigadzirira kuti tive netsigiro yemhuri uye yeungano ino rudo. (Genesi 1:27, 28; Johane 13:35; VaHebheru 10:25) Iye akatumira Mwanakomana wake amene wedangwe kupasi kuzotidzidzisa zvizhinji pamusoro Pake amene nokugovera chibairo chinoita kuti upenyu husingaperi hubvire. Ko unoonga chaizvoizvo here zvipo zvakadaro zvinoshamisa? Ko zvinokusunda kubvuma kokero yake yokudzidza pamusoro pake nokumubatira here?—Mateo 20:28; Johane 1:18; VaRoma 5:21.
13. Nei uchinzwa kuti Mwari anofarira vanhu vamwe navamwe?
13 Musiki wechisiko chapose pose anofarira vanhu. Iye akadana Abrahama kuti “shamwari yangu,” uye akati kuna Mosesi: “Ndinokuziva nezita rako.” (Isaya 41:8; Eksodho 33:12) Bhuku raZvakazarurwa rinoratidzira kuti Mwari ane bhuku rokufananidzira, kana kuti “mupumburu wamanyoro woupenyu,” une mazita avabatiri vake vakatendeka “kuvambira pakuvambwa kwenyika.” Ko zita rako richabatanidzwa imomo here?—Zvakazarurwa 3:5; 17:8, NW; 2 Timotio 2:19.
14. Kutevera nheyo dzaMwari kunogona sei kuvandudza upenyu hwako?
14 Nheyo dzaMwari dzinoshanda. Kuita zvinhu nenzira yake kunobvisa zvinetso zvizhinji—utere, kupindwa muropa nemirimo, udhakwa, mimba dzisingadikanwi, runyoka, masimba masimba, kuponda, uye ndaza refu yezvimwe zvirwere. Kutevera nzira dzake kuchakubetserawo kuwana shamwari chaidzoidzo nokurarama upenyu hunofadza zvikuru. Ikoko hakuna kufanira kuita here? (1 VaKorinte 6:9-11) Kunyange munhu muduku akatotsunga chaizvoizvo kuita zvinhu nenzira yaMwari anogona kuwana simba rakawanda rokuita chakarurama. Bhaibheri rinoti: “Nomumwe munhu akavimbika [Jehovha] achaita noruvimbiko.” Rinotipikirawo kuti haasati achizosiya “vakavimbika vake” kana kuti “kurasha vanhu vake.”—Pisarema 18:25, NW; 37:28; 94:14; Isaya 40:29-31.
Pfuurira Mberi Mukubatira Mwari
15. Izanoi roumwari iro Soromoni akapa pwere?
15 Ko nharidzano dzako dzakanangidzirwa munyika yekare iri kufa kana kuti muitsva yakarurama here? Ko unoteerera Mwari here, kana kuti ko unoteerera vanhu vakachenjera mune zvenyika vanomupokanidza here? Ko nhandaro, dzidzo yapamusoro, kana kuti basa rokunyika rinopedza nguva zvinouya pamberi paMwari nebasa rake here? Mambo akachenjera Soromoni akanyora bhuku rose reBhaibheri raMuparidzi kuratidza chinofanira kuuya pakutanga muupenyu hwedu. Iye akapedzisa, achiti: “Rangarirawo Musiki wako mumazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: ‘Handifariri izvozvo.’ Zvino shoko guru pane zvose zvatanzwa heri: Itya Mwari uchengete mirairo yake. Nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:1, 13.
16. Vanhu vaduku vanogona sei kusvasvavirira mabanza okuwedzera?
16 Hama dzose dzakura dzechiKristu dzaunoziva—vakuru, mapiona, uye vatariri vako vedunhu neveruwa—pane imwe nguva vaimbova vana. Chii chakatungamirira kuzvikomborero izvo vanofarikanya nhasi? Vaida Mwari uye vaida kumubatira. Vazhinji vavo muupwere vakashandisa nguva yomuraudzo yavakanga vanayo kuwana zivo noruzivo rwokuzviwanira. Vakafunda ndokutora rutivi mumisangano. Vakagoverana mukudzidzisa, uye vakasvasvavirira maropafadzo okuwedzera—kupayona, basa reBheteri, kana kuti mumwe mubato unotusa. Vakanga vasiri ‘pwere dzakaisvonaka’; vakanga vane fariro dzenguva dzose neitiro hanya zvakadai sezvaunazvo. Bva, vakazvishandisa vamene mukuwirirana nezano, rinoti: “Zvose zvamunoita, muzviitei nomwoyo wose sokuna [Jehovha, NW], musingaitiri vanhu.”—VaKorose 3:23; enzanisa naRuka 10:27; 2 Timotio 2:15.
17. Chii chinogona kubetsera vanhu vaduku kufambira mberi mubasa raMwari?
17 Zvakadiniko newe? Ko unoonga chaizvoizvo zvinhu zvoumwari here? Ko unosarudza shamwari pakati paavo vanoisa nhau dzomudzimu pakutanga here? Ko unokurudzira vamwe kugoverana newe mumubato wechiKristu here? Ko unopinda mubasa rechiKristu navakura, vano ruzivo rwokuzviwanira rukuru kuti udzidze kwavari, kuti uravire mufaro wavo, uye kuti ukurudzirwe namabasa avo akaisvonaka here? Chimwe Chapupu chinoyeuka zuva, anodokusvika makore 20 apfuura, apo kwenguva yokutanga munhu akura akamukoka nenzira youshamwari kuenda naye muushumiri hwomumunda. Ikoku, iye anodaro, kwakanga kuri nhambo yechinjo muupenyu hwake: “Kwenguva yokutanga ndakanga ndichienda nemhaka yokuti ndakanga ndichida kuenda, kwete nemhaka yokuti vabereki vangu vakanga vachienda neni.”
18. Ndezvipi zviri zvinhu zvokufunga pamusoro pazvo pamberi pokuzvipa umene nokuda kworubhapatidzo?
18 Kana uri kuita fambiro mberi mukuita zvinhu nenzira yaMwari, nokukurumidza ungavamba kufunga pamusoro porubhapatidzo. Kunokosha kuyeuka kuti rubhapatidzo harusati rwuri muitiro wokupinda nawo muukuru huduku. Haruratidzi kuti uri kukura, uyewo harusati ruri chimwe chinhu chaunofanira kuita nemhaka yokuti shamwari dzako dzakaita nhano iyoyi. Usati wakumbira kubhapatidzwa, unofanira kuva nezivo yokutanga yezvokwadi ndokuva ari kurarama mutsinhirano neShoko raMwari. Unofanira kuva noruzivo rwokuzviwanira rwune mufungo mukugoverana zivo iyoyo navamwe ndokuziva kuti ikoku rutivi rwunokosha rwokunamata kwechokwadi. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Unofanira kuzivawo kuti pashure pokuita iyi nhano inokosha yechiKristu uchakarirwa kurarama mutsinhirano nenheyo dzetsika dzakarurama dzeBhaibheri.b Mumwoyo mako, unofanira kuva wakatsaurira upenyu hwako kuna Baba vako vano rudo vokudenga.—Enzanisa nePisarema 40:8, 9.
19. Munhu anofanira kubhapatidzwa rini?
19 Rubhapatidzo inhano yaunoita apo unenge wasarudza zvakasimba kuti pasinei hapo nechinoitika murutivi rwose rwasara rwoupenyu hwako, uchabatira Mwari. Chiratidzo chapachena chokuti wakaita tsauriro yakakwana, yachose chose, uye isina kuganhurirwa nemigariro kuna Jehovha kupfurikidza naJesu Kristu kuti uite kuda kwaMwari. Mumwe mukuru wechiKristu anoyeuka zuva, inenge hafu yezana ramakore yapfuura, apo akaziva, kuti: “Ndinofanira kuita chimwe chinhu pamusoro pako!” Michelle, Chapupu chiduku chakabhapatidzwa muNewcastle, England, makore mashomanene apfuura, anoti: “Pazera ramakore 13, ndakaziva kuti ndaifanira kutsaurira upenyu hwangu ndokubhapatidzwa; hapana chinhu chandingaisva ndaita kupfuura kubatira Mwari.”
20. (a) Muenzanisoi wakaisvonaka wakatogadzwa namakumi ezviuru avanhu vaduku? (b) Iyi nhano inofanira kurangarirwa sei?
20 Makumi ezviuru avanhu vaduku akabhapatidzwa misi ichangobva kupfuura iyi. Vakanga vafunda Shoko raMwari ndokudzidza nzira dzake, uye ipapo, kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, vakakumbanira nomufaro vanhu vakura vazhinji mukuratidzira pachena tsauriro yawo kuna Mwari. Ivo vanoziva kuti rubhapatidzo harusati rwuri mugumo asi runongova mavambo bedzi enzira yakatsaurirwa zvechokwadi youpenyu iyo vakatsunga kupedzera mubasa raJehovha nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vabatiri Vaduku Munguva dzeBhaibheri” papeji 4.
b Ikoku hakusati kuchireva kuti kutaura kuti ‘Handisati ndabhapatidzwa’ ipembedzo yokuita chakaipa. Nokukurumidza patinoziva chinoda Mwari, sezvinooneka tine mutoro wokumuteerera.—Jakobho 4:17.
Waizopindura Sei?
◻ Nei zivo yeShoko raMwari ichikosha zvikuru?
◻ Unogona sei kuwana zvakawanda mumisangano yechiKristu?
◻ Zvikomboreroi zvinobva kuna Mwari zvinofanira kutisunda kumuteerera?
◻ Unogona sei kufambira mberi mubasa raMwari?
◻ Ndirini apo munhu anofanira kubhapatidzwa?