Iwe Unoyeuka Here?
Wakafarikanya here kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi? Eya, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:
◻ Sezvo ngirozi dzisingateereri dzakaiswa kuTartaro, ikoku kwakarevei nokuda kwadzo? (2 Petro 2:4)
Idzo hadzichina nzvimbo musangano dzvene raJehovha uye zvino dzakagurwa muvhenekero youmwari. Zvisinei, dzichiri kushanda munhungamiro yaSatani uye dzinopfuurira kuchengeta onano yapedyo navanhu, dzichiedza kudzora varume, vakadzi, uye kunyange vana. (Zvakazarurwa 12:12, 17)—4/15, peji 14.
◻ Neiko kuchikosha “kuvenga chiri chakaipa” mumeso aJehovha? (Pisarema 97:10, NW)
Avo vanovenga chiri chakaipa havasati vachizotsvaka nzira dzokupinda machiri. Pane rumwe rutivi, vanhu vasingachivengi vangachirega mumuviri nepo mundangariro vachishuva kuti vangagona kugoverana muzvinhu zvakashata.—4/15, peji 21.
◻ Mumuenzanisiro waJesu wamatarenda, chifundoi chakakomba chinooneswa nokuda kwavose vanotaura kuva vateveri vaKristu? (Mateo 25:14-30)
Vanofanira kushanda kuwedzera zvinhu zvaTenzi wavo wokudenga kupfurikidza nokuva negoverano yakazara mubasa rokuparidzira. Ipapo bedzi vanogona kuvimbiswa kuva nerumbidzo yaJesu ndokutuswa. Ivo nokudaro vanodzivisa kukandirwa murima riri kunze noruparadziko pakupedzisira.—5/1, peji 9.
◻ Chii chakareva Jesu apo akaudza vadzidzi vake kunyengetera, kuti: “Musatipinza mumuedzo”? (Mateo 6:13, NW)
Aya mashoko haafaniri kutsanangurwa kureva kuti Jehovha anotiedza kuti titadze. Panzvimbo pezvo, isu, chaizvoizvo, tinogona kukumbira Jehovha kusatibvumira kutera apo tinoedzwa kana kuti tinodzvinyirirwa kusamuteerera. Tinogona kukumbira Baba vedu kutungamirira nhano dzedu zvokuti hakuna muedzo unotisvikira wakanyanyotikombera zvokusagona kutsungirira. (1 VaKorinte 10:13)—5/15, peji 19.
◻ Kwakafanira here kuti muKristu abaiwe jekiseni rechikamu chiduku cheropa, zvakadai seimmune globulin kana kuti albumin?
Achibvuma mutemo waMwari, maKristu haagamuchiri kuisirwa ropa kwamativi makuru eropa—plasma, masero matsvuku, masero machena, kana kuti maplatelets. Vamwe veZvapupu zvaJehovha, zvisinei, vakarangarira nenzira yokutungamirirwa nehana kuva vanokwanisa kugamuchira jekiseni rechimwe chezvikamu zviduku zvamaprotein eplasma. Nenzira inofadza, mamwe aawa maprotein nenzira yomuzvarirwo anobva muropa romukadzi ane pamuviri achienda kugadziriro yeropa yakasiana yomwana wake achangobva kunambwa.—6/1, peji 30, 31.
◻ Idonzoi rakabatirwa nokushambidza kwaJesu tsoka dzavadzidzi vake paPaseka yokupedzisira yapamutemo?
Jesu akanga achidzidzisa vadzidzi vake chifundo mukuzvininipisa. Hakuna munhu anombofanira kutsvaka nzvimbo yokutanga, achifunga kuti iye anokosha. Panzvimbo pezvo, vose vanofanira kutevera muenzaniso waJesu ndokuva vanodisa kubatirana pasina rusaruro, pasinei zvapo nokuti basa racho ringava risingafadzi kana kuti rakaderera sei. (Johane 13:12-17)—6/15, peji 9.
◻ VaJudha vomuBherea ‘vakasanonzvera’ Magwaro mupfungwai? (Mabasa 17:11)
Kwakanga kusiri kuti vaBherea vakapanikira Pauro neshoko iro iye akavaunzira, asi vakaita nzvero kubvumikisa kuti Jesu akanga ari Mesia. Kuti vazhinji vavo vakava vatendi kunoratidza kuti vavariro yavo yaiva yechokwadi. (Mabasa 17:12)—6/15, peji 18.
◻ Chii chakanga chiri “bhuku reHondo dzaJehovha”? (Numeri 21:14)
Iyi yakanga iri nhau yakavimbika yehondo dzaMwari nokuda kwavanhu vake. Zvimwe rakava namavambo aro norukundo rwaAbrahama pavavhozhokeri vakashongedzerwa nezvombo veNyika Yakapikirwa sezvakanyorwa muna Genesi ganhuro 14. Mugumo mukuru webhuku racho uchava “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” paHar–Magedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16)—7/1, mapeji 20, 22.
◻ Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotibetsera sei kutsungirira marwadzo?
Bhaibheri rinotiudza nei Jehovha akabvumidza marwadzo, uye rinotipikirawo kuti marwadzo achakurumidza kupera. (VaRoma 5:12; Zvakazarurwa 21:1-5)—7/15, mapeji 4, 5.
◻ Vanhu vaMwari nhasi vanogona sei “kuratidzira sezvionioni mbiri yaJehovha”? (2 VaKorinte 3:18, NW)
Mbiri yaMwari inopenya kupfurikidza na“mashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari.” Zvapupu zvaJehovha zvinoratidzira iyi mbiri kupfurikidza nokutaura nezvembiri yaJehovha uye Umambo hwake hunodzorwa noMwanakomana wake. (2 VaKorinte 4:4-6)—7/15, peji 15, 16.
◻ Munhu anofanira kubhapatidzwa rini?
Rubhapatidzo inhano yokuita apo munhu anenge aita tsauriro yakakwana, yachose chose, uye isina migariro kuna Jehovha kupfurikidza naKristu Jesu yokuita kuda kwaMwari.—8/1, peji 14.