Kuita Basa raMwari Nenzira yaMwari muNigeria
CHAKANGA chiri chiono chinoorora. Mirwi mihombe yezvitsigiso zvesimbi—inodokusvika hafu yemirioni yamakirogiramu yayo—yaiva panokwidzirwa zvinhu muzvikepe peHouston, Texas, ichibva pamugumo mumwe kusvikira kumumwe. Anotarisira kukwidzwa kwezvinhu mungarava aiva nebasa rokunyora kupinzwa kwouwandu hukuru hwezvinotakurwa. Sezvo aishanda, akashamiswa nokuona kuti zvose zvakanga zvakanyorwa kuti “Nharireyomurindi.” Pakupedzisira akasvika munhu aitarisira zvinhu zvinotumirwa ndokubvunza, kuti: “Iyi watchtower yakareba sei chaizvo, zvisinei hazvo?”
Anotarisira kukwidzwa kwezvinhu mungarava ipapo akaziva kuti simbi hadzisati dzaizogadziriswa nharireyomundi chaiyoiyo. Panzvimbo pezvo, dzaizotumirwa nengarava kuIgieduma, Nigeria, uko dzaizoshandiswa kuvaka mukuvaka zvivako zvitsva zvebazu zveWatch Tower Society—guta duku chairoiro pakati pesango reAfrica.
Makore matanhatu apfuura nzvimbo yapaIgieduma yakanga iri zvikurukuru sango rakabata nemiti yerabha. Zvino nzvimbo yacho inotarisirwa uye yakaisvonaka; pane maruva, mapindu, uye kunyange nzvimbo yepaka ine deer! Bva, panzvimbo yacho pamire chivako chokutsikiririra chikuru kupfuura nzvimbo yose yaiva nebazu rekare muLagos. Mukati mefekitari, michina mitatu yokutsikirira inoshanda, mumwe wayo unokwanisa kubudisa magazini 17 000 paawa. Zvivako zvokugara zvinogona kugara vanhu vanopfuura 400. Chivako chamabasa chine kamuri rokudyira hombe nekicheni pamwe chete nenzvimbo yavanorwara nehofisi yokugadzira mazino. Pane gadziriro yemvura yakazvimirira nepombi dzetsvina. Imba yamagetsi inodzorwa nekomupiyuta inobudisa magetsi. Pane Horo yoUmambo, chivako chehofisi, uye bato romwoto. Uchawanawo migwagwa namagetsi omumugwagwa. Hakushamisi kuti vanhu vanodana zvivako zveBheteri zvapaIgieduma kuti guta. Uye zvakavakwa chose chose navashandi vanozvipira vasingabhadharwi ndokugoverwa mari nemipiro isingakumbirwi.
Kukura Kunokurumidza
Nepo iyi Bheteri iri hurusa chigariro muNigeria, haisati iri yokutanga. Yokutanga yakatangwa naHama William R. Brown, uyo pamwe nomudzimai wake nomwanasikana vakatamira kuLagos muna 1930. Kamuri dzakarendwa dzinoverengeka umo ivo vaigara dzakabatira sedzimbahwe rebazu reSosaiti reWest Africa, iro panguva iyoyo raitarisira basa roUmambo muNigeria, Ghana, uye Sierra Leone. Panguva yacho, kwaingova bedzi navazivisi vanoshingaira vanomwe vamashoko akanaka muNigeria.
Bible Brown, sezvo aizivikanwa zvikuru, akanga ari muparidziri ane simba naane ushingi hwamashoko akanaka. Asingatongogutswi kwenguva refu ari pachigaro chomuhofisi, iye akafamba munyika yacho nemotokari nechitima, achipa hurukuro dzavose nokugovera zvitsama zvihombe zvamabhuku.
Sezvo shoko roUmambo rine simba rakasimba mundangariro dzinogamuchira nemwoyo, vanhu vazhinji zvikuru vakava vazivisi voUmambo vanoshingaira. Makore gumi akatevera akanga akafanana nenhambo muzana rokutanga ramakore muJerusarema apo “shoko raMwari rakapfuurira kukura, uye chiverengero chavadzidzi chakaramba chichiwedzera . . . zvikuru kwazvo.” (Mabasa 6:7, NW) Pakasvika 1940 chiverengero chavarumbidzi vanoshingaira vaJehovha muNigeria chakanga chawedzera zvikuru kubva pa 7 kusvika ku 1 051!
‘Muduku akanga ava chiuru,’ asi aya akanga achingova zvawo mavambo. (Isaya 60:22) Muna 1947 Sosaiti yakatumira vafundisi vatatu vakarovedzwa neGilead kuLagos. Mumwe waivava, Anthony Attwood, achiri kushingaira mumugove wake. Iye anoyeuka Bheteri yenguva iyoyo: “Dzakanga dziri kamuri dziri pamusoro peshopu yeshangu. Pakanga pane kamuri dzokurara nhatu, kamuri rokutandarira/hofisi, uye kamuri rokudyira. Hama naHanzvadzi Brown nemhuri yavo vaigara mukamuri dzokurara mbiri, uye isu vafundisi vatatu takanga takatsvikinyidzirana mukamuri rokurara rechitatu. Makanga muchingova nenzvimbo yakakwana bedzi yemibhedha mitatu yomunhu mumwe newadhirobhu yakavakirwa pamadziro.”
Kudikanwa kwenzvimbo yakawanda kwakasunda kutamira kuchivako chine nhurikidzwa nhatu muna 1948. Panguva iyoyo chiverengero chavaparidzi muNigeria chakanga chasvika 6 825. Makore masere gare gare, ichi chiverengero chakanga chapetwa katatu, naizvozvo Bheteri rakatamiswa zvakare, kuenda kuShomolu, Lagos. Ikoko, kwenguva yokutanga muNigeria, Sosaiti yakavaka Musha weBheteri wayo imene, chivako chine kamuri dzokurara tsere panzvimbo ina mahekita 0,6. Hurumende yomunzvimbomo yakatumidza mugwagwa wacho kuti Watch Tower Avenue. Mubindu makakura miti yakawanda, kubatanidza mikokonati pamwe chete nemiti yemichero, mibreadfruit, miavocado, uye miti yemimango. Asi mumakore 33 akatevera, zvivako zvakawedzerwa nokukudzwa. Pakasvika pakati pama 1970, zvivako zvakafukidza inodokuva nzvimbo yacho yose. Kwakanga zvakare kuri madikanwa kutama.
Yeuko Dzokuvaka
Kutanga, nzvimbo ine mahekita 31 yakawanwa kuOtta, kuchamhembe kweLagos. Asi zvinetso zvakaramba zvichidzivisa fambiro mberi. Pakupedzisira, kwakava pachena kuti kwakanga kusiri kuda kwaJehovha kuti titamireko. Tevere kutsvakwa kwenzvimbo kwakatambanudzirwa kurutivi rwokumaodzanyemba rwose rwenyika, uye muna 1983 Sosaiti yakawana nzvimbo ina mahekita 57 kuIgieduma, muNyika yeBendel.
Mumakore matanhatu akatevera, shato nenyamafingu zvakabuda sezvo hama nemidziyo mikuru zvakapinda. Denho huru kubasa yaiva yokuti kwakanga kwakaoma, kana kuti kunodokuva kusingabviri, kutenga mazhinjisa amaturusi nezvokuvakisa munzvimbomo. Betsero yokunze yaidikanwa. Naizvozvo boka reZvapupu muUnited States rakakumbirwa kuwana, kutenga, uye kutumira zvokuvakisa nengarava. Terry Dean, mutsinhiranisi weiri basa guru, anorondedzera, kuti: “Chakaita kuti gadziriro yacho ive hombe chakanga chiri chokuti chinodokuva chinhu chiri chose chaifanira kupinzwa nechikepe. Hama dzomuNigeria dzakatiudza kuti zvokuvakisa bedzi zvadzaiva nazvo zvakanga zviri jecha, simende, uye mvura!”
Kwakanga kwakanaka kuti zvinhu zvikuru zvakanga zviripo, sezvo basa rokuvaka rakapedza matani 7 500 esimende, matani 55 000 ejecha, uye matani 35 000 evhu. Mapuranga akawanda akanga achiwanikwawo. Kunyanguvezvo, mumakore mashanu akatevera, makirogiramu ana mamirioni 4,5 ezvokuvakisa akatumirwa achibva kuUnited States, akakwana kuzadza zvokutakurisa 347, izvo kana zvikaiswa kumugumo wechimwe nechimwe zvaizosvika kumakiromita 3,5!
Mamwe mapazu akagoverawo migove norupo. England yakagovera zvamagetsi zvose, kubatanidza majenareta mahombe matanhatu okuzvifambisa. Sweden yakapa kireni yokusimudzisa, maturakita, chokucheresa, rori, maturusi, zvomukicheni, uye ekisichenji yorunhare. Apo chitoro chezvinhu zvesimbi chakanga chichitengeswa, hama dzeSweden dzakachitenga ndokuendesa nengarava zvaivamo zvose kuNigeria. Zvinenge zvinhu bedzi zvomuchitoro macho vasina kutumira zvakanga zviri foshoro dzesinou—sezvakasarudzwa zvaibetsera zvikuru muSweden kupfuura muAfrica!
Chokwadika, Zvapupu zvomunzvimbomo zvakagoverawo mukuwirirana namano azvo. Vanopfuura 125 000 vakaratidza tsigiro yavo nokuda kwegadziriro yacho kupfurikidza nokuuya kunzvimbo yacho mukati mokuvaka. Vazhinji vakabetsera mune zvemari. Mupiro mumwe wamasendi 60 wakabva kumukomana ana makore manomwe okukura. Akawana sei mari yacho? Baba vake vakamupa mufarinya kuti abike ndokudya; panzvimbo pezvo mukomana akauchengeta ndokuudyara mukati momwaka wakafanira. Gare gare iye akakohwa mufarinya wake, akautengesa, uye akapa mari yacho nokuda kwebasa rokuIgieduma.
Zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvakapa unyanzvi hwazvo, kunyange kurovedza vamwe kubata unyanzvi hwokuvaka. Vazhinji, kusvikira ku 500 panguva, vakapa basa rakaoma, kushanda nesimba muzuva rinopisa nomumvura dzomurutivi rwapasi runopisa kuti vapedze basa. Rangarira, somuenzaniso, basa chete rinobatanidzwa mukuvaka rusvingo runopoteredza nzvimbo yacho. Mumwedzi minomwe iyo kwakatora kupedza rusvingo urwu rwakareba anodokusvika makiromita matatu, hama dzakaita uye mumwe nomumwe akaisa munzvimbo mabhuroko ekongiri anopfuura 57 000! Imwe hama yakaita musere, ichiti: “Chakandichengeta ndichipfuurira chakanga chiri chiono chamagora anotenderera pamusoro akandimirira kuti ndidonhe!” Chaizvoizvo, kufanana nezviuru zvavamwe zvakagovera kubudiriro yeIgieduma, iye akasundwa ndokutsigirwa nomudzimu mutsvene waJehovha.
Kuzivikanwa Nehurumende
Vakuru vakuru vehurumende vakabatira pamwe mukutsigirwa kwebasa. Hofisi yaPurezidhendi yakabvuma kuti migove yose yokuvaka yakapinzwa munyika iyi ihesvurwe pamari inobhadharwa pazvinhu zvinopinda munyika. Vakuru vakuru vomunzvimbomo vakabvisa mari inobhadhariswa kuvaka nokusaina mapurani. Mutero wokuvaka muduku bedzi wakadikanwa. Pane imwe nguva, apo kwakanga kune kakavadzano pamusoro penzvimbo, Omo N’oba, kana kuti mambo, wenharaunda yacho yose akapindira ndokuraira, kuti: “Basa harifaniri kumiswa nemhaka yokuti iri ibasa raMwari.”
Kuti basa iri raiva netsigiro youmwari kwakazivikanwa navamwe vakanga vasiri Zvapupu zvaJehovha. Apo kambani yeAmerica yakagovera simbi dzokuvaka garaji, vakatumira mumwe wavarume vavo, muKaturike, kuzobetsera kurivaka. Mukati mokugara kwake kwamavhiki maviri paIgieduma, iye akakurumidza kunzwa akasununguka, kunyange kudana vavaki biyake kuti hama uye hanzvadzi. Pashure pokudzokera kumusha, akanyorera hofisi yedu yeNigeria, kuti: “Handina kutongofarikanya basa zvikuru kwazvo saapo ndakanga ndiriko ndichiita basa raMwari munzira yaMwari.”
Zuva Retsauriro
Pana January 20, 1990, izvi zvivako zvakaisvonaka zveBheteri zvakatsaurirwa kuna Jehovha Mwari, ane mudzimu waiva nomutoro wokupera kwazvo. Vashanyi vakauya vachibva mumativi ose eNigeria, kunyange zvazvo kokero dzaifanira kuganhurirwa kuavo vakanga vabhapatidzwa kwaanenge makore 35 kana kuti vakanga vapedzera makore 20 mubasa renguva yakazara. Hanzvadzi dzakanga dzakapfeka marokwe marefu, akaisvonaka namadhuku anokodzera, uye dzakawanda dzehama dzakapfeka nguvo dzakaisvonaka dzeAfrica. Pamwe chete, vane 4 209 vakabva kunyika 29 vakapinda tsauriro. Pakati pavo pakanga pane vafundisi vanenge 80, vazhinjisa vavo vakanga vabva kudzimwe nyika dzeWest Africa. Yakabatanidzwa mupurogiramu yakanga iri mishumo yakapiwa navamiriri vashanu vanoshanyira vamabazu, avo vakasimbisa chinzwano chedonzo nokunzwirana tsitsi uko kuripo pakati pavanhu vaJehovha. Kwaziso dzakanyorwa namateregiramu zvakabva kuhama munyika 21, kubatanidza shoko rinonyandura mwoyo rakabva ku“hama 400 nehanzvadzi muMoscow, Soviet Union.”
Mitezo miviri yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, yakanga iripowo. Albert Schroeder akataura pamusoro unoti “Chinotsvakwa Kuwanikwa Wakatendeka,” achisimbisa kudikanwa kwokutendeka kunopfuuridzirwa kuvanhu vaMwari. (1 VaKorinte 4:2) Hurukuro yetsauriro yakapiwa naLyman Swingle, uyo akakurukura kuvakwa kwetembere ine mbiri yomuzuva raSoromoni. Kunyange zvazvo tembere yaiva netsigiro yaMwari netendero, Jehovha akajekesa kuti rwoukoshi hukuru zvikuru kupfuura chivako rwaiva ruvimbiko neteerero zvavanhu vake vakazvitsaurira. Neiyi nzira Hama Swingle akaratidza kuti zvivako zvebazu zvakaisvonaka paIgieduma zvakanga zvisiri mugumo mazviri zvimene asi mutoo wokufambisira mberi kunamatwa kwechokwadi.
Pazuva rakatevera racho, misangano chaiyo pamusoro petsauriro yakaitika mumaguta matatu eNigeria. Vanopfuura 60 000 vakapinda aya marusando.
Munguva dzakare, apo vanhu vanotaura chiEdo veNigeria vakauya kuzokudza mambo mukuru, kwakanga kune kuchengetwa kukuru nokufara. Igieduma (pakuvamba ugie dunai) rakanga riri shoko raishandiswa kurondedzera mhedziso inobudirira yokuungana kwokufara kwakadaro. Kuvanhu vaJehovha avo vakauya pazuva iroro retsauriro kuzokudza Mukuru weChisiko, Jehovha Mwari, mashoko mashomanene aigona kuva akafanana zvikuru. Kuvaparidzi voUmambo 139 150 muNigeria, shoko “Igieduma” rinoyeuchidza panobva nhungamiro youbati ushe hwaMwari nezano, pamwe chete namashoko akatsikirirwa achavabetsera kupfuurira kuita basa raMwari nenzira yaMwari muNigeria.
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
1. Zvivako zvokugara
2. Horo yoUmambo
3. Chivako chamabasa
4. Hofisi
5. Fekitari
6. Garaji
7. Imba yejenareta
[Mifananidzo iri papeji 26]
Hama naHanzvadzi Brown pamberi pehofisi yebazu muma 1940
Panogamuchirwa vanhu pefekitari pabazu idzva
Kamuri reBheteri
[Mifananidzo iri papeji 27]
Muchina wamavara maviri
Kukwidza mabhuku
Horo yoUmambo
Bato reBasa