Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Neiko New World Translation ichishandura shoko rechiHebheru ‛a·rumʹ pana Genesi 3:1 so“kuchenjera” sezvo dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzichiti “mano” kana kuti “kungwara”?
Rugwaro irworwo runorava, kuti: “Zvino nyoka yakabvumikisa kuva yakachenjera zvikurusa pazvikara zvose zvesango izvo Jehovha Mwari akanga aita. Naizvozvo yakavamba kutaura kumukadzi kuti: ‘Ko ndizvo chaizvoizvo here kuti Mwari akati imi hamusati muchifanira kudya pamuti uri wose womubindu?’”
Pana Zvirevo 12:23 nedzimwe nzvimbo, New World Translation inoshandura shoko rechiHebheru ‛a·rumʹ so“kupangama,” iyo iri revo imwe huru yeshoko racho apo rinoshandiswa kuvanhu. Asi sezvakwakaita namashoko akawanda kwazvo, ‛a·rumʹ ane revo dzakasiana-siana. Somuenzaniso, Benjamin Davidson anotsanangura ‛a·rumʹ muThe Analytical Hebrew and Chaldee Lexicon sezvinotevera: “I. ujarijari, mano, matandi.—II. ngwara, chenjera.”
Neiko, ipapoka, New World Translation ichisarudza revo yechipiri ya“chenjera” pana Genesi 3:1? Chisarudzo ichocho chiri mutsinhirano nedzimwe shanduro. Somuenzaniso, apo Genesi 3:1 yakashandurwa muchiGiriki mushanduro yeSeptuagint yezana ramakore rechitatu P.N.V., shoko rokuti phroʹni·mos rakashandiswa—shoko rimwe chetero gare gare rakashandiswa pana Mateo 10:16: “Munofanira kuva vakachenjera senyoka uye vanyoro senjiva.”—Today’s English Version.
Nyanzvi yechiHebheru Ludwig Koehler yakatsinhira shure muna 1945, kuti: “Nyoka inonyara. Ikoku kunogona kusanotaurwa zvikuru muchiGiriki naphronimos, nokuti kupfurikidza nouku kunyara kana kuti kuchenjera nyoka inoratidzira kuva nomuitiro wephrenes.” Phreʹnes pano anoreva rudzi rwakati rwouchenjeri hwokuberekwa nahwo uhwo dzimwe mhuka dzinoratidzirawo.—Enzanisa naZvirevo 30:24.
Zvisinei, kune chikonzero chinokosha zvikuru chokushandiswa kweshoko rokuti “chenjera” panzvimbo pa“kupangama” kana kuti “kungwara” pana Genesi 3:1. Kudana nyoka kuti yakangwara pano, isati chaizvo yarondedzerwa seinonyengera Evha kupinda muchivi, kungatungamirira varavi vazhinji kugumisa kuti Bhaibheri rinoratidzira nyokawo zvayo seinoita iri zano kupfurikidza noungwaru hwayo imene hwechienzi. Kuturikira kwakadaro kwaizoderedza nhauro kumugariro wengano—uye ngano youpenzi pana ikoko.
Mukupesana, Bhaibheri rinodzidzisa kuti kwakanga kune zvakawanda zvikuru kupfuura nyoka yakangwara yaishanda mubindu reEdheni. Zvakazarurwa 12:9 inozivisa zvakajeka Satani Dhiabhorosi ne“nyoka yapakuvamba” iyoyo. Iye akanga ari simba risingaoneki, rinopfuura rohunhu raishandisa chinokwavawo zvacho nzira iyo nyanzvi inotaura ichiita sokunge handiyo inoshandisa nayo chifananidzo chayo. Uchenjeri hwomusikirwo hwenyoka hwakaita chisarudzo chakanaka nokuda kwezano racho. Apo isina kunyara ndokuenda nouchenjeri sezvakanga zvakaita musikirwo wayo asi panzvimbo pezvo yakazarura noushingi muromo wayo ndokuvamba kutaura kuna Evha, iyo yakabata ngwariro yaEvha nenzira inobudirira zvikuru.
Shoko rakafuridzirwa raMwari harina ngano, uye kupfurikidza neshanduro yakarurama, New World Translation inotibetsera kunzwisisa iri idi.—2 Timotio 3:16.
◼ Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichiziva kuti vakafa havana chavanoziva, neiko zvichingokurangarira kuva kunokosha kupinda mariro avatendi biyazvo?
Zivo yakarurama inobva muBhaibheri pamusoro pomugariro wavakafa inodzivirira Zvapupu zvaJehovha pazvimiro zvakaipa nomufambiro wokusachenjera unovapo pamariro. Inozvipawo chikonzero chokupinda mariro echiKristu.
Shoko raMwari rinoratidza zvakajeka kuti apo munhu anofa, haasati achipfuurira kurarama somweya usingafi. (Muparidzi 9:5) Pashure porufu, muviri unodzokera kuguruva, kupfurikidza nokuora kwomuzvarirwo kana kuti zvimwe kupfurikidza nokupisa. Nyakufa haasati achirizve mupenyu; iye achararamazve bedzi kana Mwari akamumutsa munguva yemberi.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.
Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha hazviteveri miitiro yamariro yakavakirwa pachitendero chokuti munhu akafa aiva nomweya usingafi, uyo unopfuurira kurarama kune imwe nzvimbo. Izvo hazvigoverani mukurara zvakamuka, nokuimba zvinonzwika kana kuti kurira kutyisidzira “midzimu,” kana kuti mukurinda usiku hwose kana kuti kuchema zvikuru kunoitirwa donzo rokunyaradza vakafa.
Ikoku hakurevi, zvisinei, kuti vanhu vaMwari havachemi. Rufu rwehama yokunyama kana kuti shamwari yapedyo ndichinoitika chinosuruvarisa, kunyange kuvanamati vechokwadi vane zivo yakarurama pamusoro pavakafa. Somuenzaniso, apo Jakobho akafunga kuti chikara chakanga chauraya Josefa, tateguru “akachema mwanakomana wake mazuva mazhinji.” Tinorava kuti “vanakomana vake vose navakunda vake vose vakasimuka vakamunyaradza.” (Genesi 37:33-35) Apo Jakobho akatendeka akafa, Josefa “akaraira varanda vake, dzakanga dziri n’anga, kuti dzisasike baba vake,” uye “vaEgipita vakamuchema mazuva makumi manomwe.” Nepo mhuri yaJakobho isina kunamatira kumirangariro yenhema yavaEgipita pamusoro pavakafa, ivo nenzira yakajeka vakatapurwa norufu rwaJakobho. “Mhuri yose yaJosefa navakoma vake” vaida kuti Jakobho avigwe zvakafanira, uye kunyange vokunze vaigona kucherechedza kuti vakanga vachichema.—Genesi 50:1-11.
Mimwe mienzaniso yakawanda yeBhaibheri inogona kududzwa umo vabatiri vaJehovha vakatapurwa zvirokwazvo norufu rwomunamati biyavo kana kuti hama yokunyama naizvozvo vakachema zvakafanira.a Apo Jesu akanga ane hama dzokunyama dzinochema dzaRazaro, Jesu haana kusundwa zvakanyarara kana kuti kufara nenzira isina kufanira. Kunyange zvazvo aiva nechivimbo musimba rorumuko, Jesu akachema. (Johane 11:33-35) Pashure pokunge Jesu amene afa, vadzidzi vake vakachema, kunyange zvazvo akanga avaudza kuti aizourawa ndokumutsirwazve kuupenyu.—Mateo 16:21, 28; Johane 16:17-20; 20:11.
Vabatiri vaMwari nhasi vanogona uye vanonzwa rusuruvaro runounza rufu. Bva, nzwisiso yavo yeBhaibheri inobetsera kuteramisa kana kuti kudzikamisa kuchema kwavo, mutsinhirano na 1 VaTesaronika 4:13, 14: “Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mushaiwe kuziva pamusoro pavavete, kuti murege kuchema savamwe vasina tariro. Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari uchavauyisa pamwe chete naye.”
Zvakadiniko, ipapoka, pamusoro pokupinda mariro echiKristu (kana kuti hurukuro yechirangaridzo pamusoro pomutendi)? Kune zvikonzero zveBhaibheri nei Zvapupu zvichinzwa kuchibetsera kuva nokupinda kwakadaro.
Yeuka kuti apo kwakaratidzika kuti Jakobho akanga arasikirwa nomwanakomana wake, “vanakomana vake vose navakunda vakasimuka vakamunyaradza.” (Genesi 37:35) Munyika dzakawanda muitiro kuti hama dzokunyama dziungane nokuda kwamariro. Ikoko kunogovera nguva yokuti vamwe, avo vangava vaisava pedyo uye naizvozvo vasingatapurwi mundangariro, vape mashoko etsitsi nenyaradzo. Pashure pokunge Razaro afa ‘vaJudha vazhinji vakauya kuna Marta naMaria kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.’ (Johane 11:19) Ikoku kunobatanidzawo maKristu anoda “kukwanisa kunyaradza avo vari murudzi rupi norupi rwedambudziko.”—2 VaKorinte 1:4, NW.
Vatariri vechiKristu, kunyange zvazvo vangava vakabatikana zvikuru, vanofanira kutungamirira mukugovera nyaradzo kuboka. Ivo vanorangarira kuti muenzaniso wavo Jesu, Mufudzi Akaisvonaka, akatumwa ‘kuzosunga vane mwoyo yakapunzika nokunyaradza vose vanochema.’ (Isaya 61:1, 2; Johane 10:14) Jesu haana kupa nyaradzo yakadaro bedzi apo kwakanga kwakakodzera. Iye akanga achidisa kuita zvose zvaaigona kuva nehama dzakafirwa dzaRazaro—kugoverana rusuruvaro rwavo.—Johane 11:11, 17, 33.
Kunyange maKristu angasakwanisa kutaura zvakawanda kuna nyakufirwa pamariro anogona kuita zvakanaka nokungovapo kwawo. Mitezo yemhuri inochema ingawana nyaradzo yakati mukuvapo kwetsitsi kwavazhinji—vaduku navakuru—vanobva muungano yechiKristu. Yeuka kuita kwavamwe vaJudha apo Jesu akauya kuhanzvadzi dzinochema dzaRazaro: “Tarirai, waimuda sei!” (Johane 11:36) Hama dzokunyama dzisingatendi, vavakidzani, kana kuti vasonganiri vebhizimisi vanopinda mariro omuKristu vakaororwa zvakanaka nechiverengero chikuru cheZvapupu zviripo uye nokudaro vakagamuchira zvikuru zvokwadi dzeBhaibheri dzinopiwa.
Mufambiro weZvapupu zvinopinda unofanira kukodzera mugariro wacho. Kunyange zvazvo zvichiziva kuti nyakufa haasi kutambura, uye zvine chivimbo chokuti rumuko rwakamirira vakavimbika vose, vanorangarira zvakakomba zano, rinoti: ‘Pane nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokusvetuka.’ (Muparidzi 3:4) Mariro kana kuti chirangaridzo haisi nguva yokutaurisa, yokuita majee. Inguva yokunzwira tsitsi, mukuwirirana nezano, rinoti: “Farai navanhu vanofara; chemai navanhu vanochema.”—VaRoma 12:15, NW.
Pane chimwe chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichipinda mariro. Shoko raMwari rinoti: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu uchazvirangarira pamwoyo pake. . . . Mwoyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri paimba yokufara.”—Muparidzi 7:2-4.
Nepo Zvapupu zvaJehovha zvine chikonzero chetariro, mashoko iwayo akafuridzirwa ndokuiswa muBhaibheri nokuda kwebetserwo yedu. Mariro angaenzaniswa ne“imba yokuchema.” Sezvatinopinda, mifungo yedu inogona kubva paitiro hanya dzedu dzenguva dzose kana kuti mibato ndokunanga pahupfupi hwoupenyu. Kungava kupfurikidza nechirwere kana kuti “chinoitika chisingadeyi kuonwa” chakati, rufu runogona kurova upi noupi wedu ndokukurumidza kutisvitsa pakusava chinhu, nokuti “munhu haasati achiziva munguva yake.” (Muparidzi 9:11, 12, NW) Vabereki vanova navana vavo pamariro echiKristu vangawana kuti ikoku kunogona kutungamirira kukukurukura zvomene yorufu, kuda kwedu rudzikinuro, uye uchenjeri hwokubatira “Mwari anomutsa vakafa.”—2 VaKorinte 1:9; Muparidzi 12:1, 13.
Zvapupu zvaJehovha hazvirangariri mariro samasakaramende, asi izvo zvinoziva kuti izvi zvinoitika zvinosuruvarisa zvinopa nguva yokupa nyaradzo. Kupfurikidza nokuzvipinda, maKristu anogona kupa ufakazi hworudo noruremekedzo izvo vaiva nazvo nokuda kwomuKristu biyavo. Uye angasundwa kufunga zvakakomba zvikuru parevo youpenyu, pamusoro pokuti anofanira kuva achishandisa sei upenyu hwawo amene pamberi paMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Genesi 23:2, 19; Numeri 20:29; Dheuteronomio 34:7, 8; 2 Samueri 1:11, 12; 3:31-34; 13:32-37; 18:33; 2 Makoronike 35:24, 25; Jobho 1:18-20; Pisarema 35:14; Jeremia 9:1; Ruka 7:12, 13; 8:49-52; Mabasa 8:2; 9:39.